RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 1/8 pp. 30-31
  • Kurapwa Kwaunosarudza—Kune Basa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurapwa Kwaunosarudza—Kune Basa Here?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhungamiro yeMagwaro
  • Ngwarira Mafambiro Ako
  • Ona Zvinhu Sezvazviri uye Nzwisisa
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinobvuma Kurapwa Kuchipatara Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • MuKristu Anogona Here Kuenda Kuchipatara Kuti Anorapwa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoenda Here Kuchipatara?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Gadzirira Iye Zvino Kuitira Kana Ukazongoerekana Wamhanyiswa Kuchipatara
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 1/8 pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Kurapwa Kwaunosarudza—Kune Basa Here?

KURWARA, hosha, uye kukuvara, zvose zvakajairika zvikuru kuvanhu. Pavanotarisana nevavengi ava voutano hwakanaka, vakawanda vanotsvaka kubatsirwa nokurapwa. Jesu akaziva kubatsira kungaita kuedza kwakadaro, achibvuma kuti “vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.”—Ruka 5:31

Munyori weBhaibheri akanyora mashoko iwayo, Ruka, iye pachake aiva chiremba. (VaKorose 4:14) Zvichida munzendo dzavo vose, muapostora Pauro akabatsirwa nounyanzvi hwaRuka mune zvokurapa. Asi Magwaro anopa nhungamiro nezvokuti marudzi api okurapwa anogamuchirwa nevaKristu here? Kurapwa kwaunosarudza kune basa here?

Nhungamiro yeMagwaro

Bhaibheri rinogona kutungamirira munhu kuita zvisarudzo zvokuchenjera mune zvokurapa. Somuenzaniso, Dheuteronomio 18:10-12 inojekesa kuti zvinhu zvakadai sokushopera nemashiripiti “zvinonyangadza” Jehovha. “Kuita zvemidzimu,” uko Pauro akanyevera nezvakwo, kwaizosanganisira aya mabasa anorambidzwa. (VaGaratiya 5:19-21) Nokudaro, vaKristu vechokwadi vanodzivisa mitoo yokuongorora kana kuti yokurapa inosanganisira zvemidzimu.

Bhaibheri rinoratidzawo kukoshesa kukuru uko Musiki anoita utsvene hwoupenyu neropa. (Genesi 9:3, 4) Zvakatsunga kuteerera murayiro wo‘kuramba zvichirega ropa,’ Zvapupu zvaJehovha zvinoramba mitoo yokurapa inopesana nomurayiro weBhaibheri wokurega ropa. (Mabasa 15:28, 29) Izvi hazvirevi kuti zvinoramba kurapa kwose. Asi, zvinotsvaka kutarisirwa kwakanakisisa kunobvira nokuda kwazvo nevana vazvo. Zvisinei, zvinokumbira nyanzvi dzezvokurapa kuzvirapa zvinoenderana nezvezvazvinodavira muchitendero chazvo.

Ngwarira Mafambiro Ako

Mambo Soromoni akanyevera kuti “usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Kunyange apo chisarudzo chokurapwa chinenge chisingapesani zvakananga nenheyo dzeBhaibheri, munhu anofanira ‘kungwarira mafambiro ake.’ Haasi marudzi ose okurapa anobatsira. Apo Jesu akati ‘vanorwara vanoda chiremba,’ akanga asingabvumirani nemitoo yose yokurapa yakanga iripo muzuva rake. Aiziva kuti mamwe marudzi okurapa akanga akanaka uye mamwe akanga achinyengera.a

Saizvozvowo nhasi, kumwe kurapa kungava kusingabatsiri, kunyange kwokunyepedzera. Kutadza kusarudza zvakanaka kungaita kuti munhu azvipinze mungozi dzisina kufanira. Zvinofanirawo kubvumwa kuti kurapa kunobatsira mumwe munhu kunokwanisa kusabatsira—kana kutokuvadza—kune mumwe. Pakutarisana nechisarudzo chokurapwa, munhu akangwara anonyatsoyera zvisarudzo zvake panzvimbo po‘kutenda shoko rose rose,’ kunyange kana achiwana mazano kubva kushamwari dzine vavariro dzakanaka. Anoratidza “kunaka kwepfungwa” nokutsvaka mashoko akavimbika kuitira kuti akwanise kuita chisarudzo achiziva zvinobatanidzwa.—Tito 2:12

Ona Zvinhu Sezvazviri uye Nzwisisa

Chinhu chakanaka kuva nehanya noutano hwako. Kutarisira zvine mwero utano hwomuviri kunoratidza kuonga chipo choupenyu naMwari akaita kuti huvepo. (Pisarema 36:9) Kunyange kana vachitsvaka kurapa kwakakodzera, vaKristu vanofanira kuva nomwero panhau dzoutano. Somuenzaniso, kana munhu ane utano hwakanaka zvinonzwisisika akanyanya kubatikana nezvoutano nokugwinya, izvi zvingaita kuti atadze kuona “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.”—VaFiripi 1:10; 2:3, 4.

Mumwe mukadzi airwara zvikuru muzuva raJesu “akanga apedza pfuma yake” achitsvaka kubatsirwa nevanachiremba kuti arapwe chirwere chake chisingaperi. Ndoupi waiva mugumisiro wacho? Panzvimbo pokurapwa, chirwere chacho chakatonyanyisa, izvo zvinofanira kuva zvakamuita kuti akangaidzike kwazvo. (Mako 5:25, 26) Akaita zvose zvaaigona nesimba rake kuti abatsirwe, asi hapana zvakashanda. Chiitiko chake chinoratidza paigumira sayenzi yezvokurapa yomunguva yake. Kunyange nanhasi, pasinei nokufambira mberi mukuongorora kwezvokurapa nokugadzira zvinhu, vanhu vakawanda vanozviwana vari mumamiriro ezvinhu akadaro. Saka zvinokosha kuona zvinogona kuitwa nesayenzi yezvokurapa sezvazviri. Utano hwakakwana hahungawanikwi iye zvino. VaKristu vanoziva kuti nguva yaMwari “yokurapa marudzi” ichiri mberi. (Zvakazarurwa 22:1, 2) Naizvozvo, tinofanira kukudziridza maonero ane mwero ezvokurapa.—VaFiripi 4:5.

Zvakajeka kuti zvisarudzo zvatinoita zvine basa. Nechikonzero ichocho, pakutarisana nezvisarudzo zvine chokuita nokurapwa, zvatinosarudza zvinofanira kuratidza kuda kwedu utano hwakanaka uye kuda kwedu kuramba tiine ukama hwakanaka naMwari. Sezvatinodaro, tinogona kuramba tichitarisira nechivimbo kuzadzika kwechipikirwa chaJehovha chokuti munyika itsva ine mbiri iri kuuya, “hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24.

[Mashoko Omuzasi]

a Somuenzaniso, muenisaikoropidhiya yezvokurapa yomuzana remakore rokutanga yaDioscorides, mushonga unofungidzirwa wejaundice waiva kunwa musanganiswa wezvinhu zvakaita mvura zvaisanganisira waini nenhoko dzembudzi! Chokwadi, zvino tinoziva kuti mushonga wakadaro zvichida ungadaro wakawedzera nhamo dzeairwara wacho.

[Mufananidzo uri papeji 30]

“The Doctor,” 1891, naVaLuke Fildes

[Kwazvakatorwa]

Tate Gallery, London/Art Resource, NY

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe