Kukunda Nomufaro Munyika Inomhanya-mhanya
Vazhinji Vanokunda Dzvinyiriro Dzoupenyu, Asi Vashoma Vanokunda Nomufaro. Izvozvo Zvinoda Uchenjeri Hworumwe Rudzi.
RICHIBVUMA izvi, bhuku rinonzi The 24-Hour Society rinoti: “Tinofanira kukudziridza uchenjeri hwokudzivirira zvinodiwa nevanhu uye zvavari muunyanzvi hwokugadzira zvinhu hwatakatanga.”
Zvinofadza kuti uchenjeri hunoshandisika hunowanika zviri nyore mubhuku rinoparadzirwa kupinda mamwe munyika—Shoko raMwari, Bhaibheri. Zvarakafuridzirwa noUyo anonzwisisa zvakakwana zvinodiwa nevanhu uye zvavari, Bhaibheri rine nheyo dzakaedzwa kunaka kwadzo. Kushandisa nheyo idzi kunogona kukubatsira kunyatsodzora upenyu hwako, kuchikupa mufaro wakati kuti sezvaunobata nenyika yanhasi inomhanya-mhanya.—Isaya 48:18; 2 Timoti 3:16.
Nheyo idzi dzinobata nezvinhu zvitatu zvinokosha. Chokutanga, dzinoratidza zvisinganyanyokosha zvaungasarudza kusaita. Chechipiri, dzinogona kukubatsira kuziva zvinokosha zvokuisa pakutanga. Chechitatu, dzinopa maonero okumudzimu oupenyu akakwirira zvikuru kupfuura evasingatombonamati. Ngatichifungai zvino nezvezvinhu zvitatu izvi.
Chengeta Upenyu Huri Nyore uye Hwakarongeka
Fungidzira kuti uri kuenda kunobvakacha kwemazuva mashomanana. Unoda kuva pamutambarakede, saka unotakura tende guru nezvimwe zvose zvaungafungidzira kuti ungashandisa. Unotorawo turera yakazara nefanicha, zvokubikisa, firiji, gwenya remagetsi rinotakurika, magirobhu, TV, nezvimwe zvinhu zvakawanda, kusanganisira zvokudya. Zvisinei, kuronga zvinhu izvi zvose kunokutorera maawa akawanda! Zvino, pashure pezororo rako pfupi, unozotora imwe nguva yakareba uchirongedzazve—tisingatauri kuzozviisa pazvinogara kana wasvika kumba. Uchitarira shure, unozoona kuti wanga usina nguva yakakwana yokunakidzwa nokubvakacha kwako! Unozvibvunza kana wanakidzwa zvakakodzerana nebasa rawaita.
Kumamiriyoni akawanda evanhu nhasi, upenyu pachahwo hwakada kuita serwendo irworwo rwokubvakacha. Vanopedzera nguva yakawandisa mukuwana nokuchengetedza zvinhu zvakawanda kwazvo izvo nyika ino inoita kuti tidavire kuti tinozvida kuitira kuti tifare. Kusiyana naizvozvo, Jesu Kristu akati: “Kunyange kana munhu ane zvakawanda upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Hungu, kunaka kwoupenyu hakupimwi maererano nepfuma. Chaizvoizvo, pfuma inotowedzera zvinetso nefunganyo dzoupenyu. “Kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata,” inodaro Muparidzi 5:12.
Saka fungisisa nezvechimwe nechimwe chezvaunazvo, wozvibvunza kuti, ‘Chinhu ichi chinodiwa chaizvoizvo here, kana kuti chinongowanziridza zvinhu nokuvhiringidza? Chinowedzera kunatsa upenyu hwangu here, kana kuti chiri kunditorera nguva inokosha?’ Sumo yebhuku rinonzi Why Am I So Tired?, rakanyorwa naLeonie McMahon, inoti: “Kugadzirwa kwezvishandiso zvakasiyana-siyana, uko kwakaitirwa kurerutsa basa rinonetesa romumba, kwazoita kuti amai vemba vatsvake basa rokunze, kuti vazvitenge nokubhadhara mari yokuzvigadzirisa.”
Paunoita kuti upenyu hwako huve nyore, unowana nguva yakawanda yokuva nemhuri, shamwari, uye yokuva woga. Nguva yakadaro inokosha nokuda kwomufaro wako. Usava sevaya vanozoziva pava paya muupenyu kuti shamwari nemhuri zvinokosha zvikuru—uye zvinofadza—kupfuura mari nezvinhu. Vanhu chete ndivo vanogona kukuda. Maakaundi okubhengi, kuva nemigove mumabhizimisi, makombiyuta, materevhizheni, nemimwe midziyo, kunyange zvingava nenzvimbo yazvo, zvinhu zviduku-duku muupenyu, handizvo zvinokosha. Vaya vanopa zvinhu zvakadaro nzvimbo yokutanga muupenyu vanoderedza kukosha kwoupenyu hwavo uye vanopedzisira vasina kugutsikana kana kuti vatogumbuka.—1 Timoti 6:6-10.
Ronga Nguva Wova Nezvaunoisa Pakutanga
Mune zvimwe zvinhu kuronga nguva kwakafanana nokuronga mashandisirwo emari. Ukaedza kutsvikinyidza zvinhu zvakawandisa mumaawa mashomanana aunowana, hausi kurarama maererano nenguva yaunowana. Mararamiro akadaro haangatadzi kukonzera kuvhiringidzika, kushushikana, uye kuneta. Saka dzidza kuva nezvaunoisa pakutanga.
Chokutanga, ona kuti zvinhu zvinonyanya kukosha ndezvipi, worongera izvozvo nguva yakakwana. KuvaKristu, kuronda zvinhu zvokunamata kunogaroiswa pakutanga. (Mateo 6:31-34) Kana zvinhu zvinokosha zvikaitwa zvechimbi-chimbi kana kungoitwa zvachero, zvinowanzokonzera zvinetso zvikuru. Nokudaro, ungada kubvisa chinhu chipi nechipi chinodya nguva asi chisina zvachinokubatsira.
Pakuronga zvokuisa pakutanga, fungawo nezvokuti unoda nguva shoma yokuva woga—nguva yokufungisisa kunovaka uye yokumutsiridza pfungwa dzako. “Nguva yokuva woga ine chinangwa,” rinodaro pepanhau rinonzi Psychology Today, “inobatsira pakuzorodza munyika ino iri kumhanya-mhanya. . . . Nguva yokuva woga inokuchidzira upenyu.” Vanhu vakanyanyobatikana zvokusagona kufungisisa vangatora upenyu zvachero.
Kuva Nomwero uye Kunamata
Kuva nomwero uye kunamata zvinhu zvakanakisisa zvaungakwanisa kuva nazvo pakurarama upenyu hune mufaro uye hwakadzikama. Kuva nomwero kunokosha nokuti kunokubatsira kudzivisa kutanga basa nemitoro zvausingakwanisi. Kana uine mwero, uchaziva paunofanira kuramba basa rokuwedzera kana mamwe mabasa anozopinda panzvimbo pechimwe chinhu chinokosha zvikuru. Vanhu vane mwero havachivi zvine vamwe uye zvavanoita; nokudaro, vanowanzogutsikana zvikuru. Kuvawo nomwero kwechokwadi, chimwe chinhu chinodiwa pakunamata, uko kuri chimwe chinhu chinokoshawo pakudzora upenyu hwedu.—Mika 6:8; 1 Johani 2:15-17.
Kunamata kwakavakirwa pazivo yakarurama yeBhaibheri kunokuita kuti uve munhu anoona uye anonzwisisa zvikuru—uya asinganyengerwi netsanangudzo dzebudiriro dzenhando, dzisina chokuita nokunamata. Unoteerera zano rokuchenjera riri pana 1 VaKorinde 7:31 rinoti: “[Regai] vari kushandisa nyika [vaite] sevasiri kuishandisa zvizere; nokuti mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” VaKristu vari “kushandisa nyika” pavanozviriritira nemhuri dzavo, asi havaregi nyika ino ichivamedza. Vanoziva kuti haikwanisi kunyatsovachengeta, kuti nenguva isipi ichange yaparadzwa zvachose, uye kuti budiriro chaiyoiyo—kuchengeteka uye upenyu husingaperi muparadhiso yepasi—inobva paukama hwomunhu naMwari. (Pisarema 1:1-3; 37:11, 29) Saka teerera zano raJesu, uye chengeta nokuchenjera nokuunganidza “pfuma kudenga, uko chipfukuto kana ngura zvisingadyi, uye uko mbavha dzisingapazi dzoba.”—Mateu 6:20.
Dzivisa Kufunganya uye Wana Rugare Rwechokwadi
Sezvo gadziriro iripo iyi inoswedera kumugumo wayo, hapana mubvunzo kuti zvinonetsa nezvinoda nguva yako zvichawedzera. Saka, zvinokosha zvakadini kuti uvavarire kushandisa zano reBhaibheri rokuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” Rugare rwakadaro harwuwanikwi nomunhu upi noupi anongofarira zvenyika uyo asingaoni kukosha kwomunyengetero.—VaFiripi 4:6, 7.
Asi, Jehovha achaita zvinotopfuura kukupa rugare rwepfungwa. Achakubatsira kutakura mutoro wezvaunotarisira mazuva ose kana uka‘kandira kufunganya kwako kwose paari.’ (1 Petro 5:7; Pisarema 68:19) Saka kuchenjera kuteerera Mwari zuva nezuva nokuverenga chikamu cheShoko rake. Ndiani angakwanisa kukupa zano riri nani kupfuura Musiki wako? (Pisarema 119:99, 100, 105) Hungu, zvakaitika zvinoratidza kuti avo vanoita kuti Mwari ave musimboti woupenyu hwavo vanobatsirwa zvikuru kukunda nomufaro munyika yanhasi iri kumhanya-mhanya.—Zvirevo 1:33; 3:5, 6.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
Iva nezvaunoisa pakutanga, kusanganisira kushandisa nguva yokuva woga uye yokunamata
[Mufananidzo uri papeji 21]
Unogona kuita kuti upenyu hwako huve nyore uye hurongeke here?
[Mufananidzo uri papeji 22]
Unoisa zvinhu kana kuti vanhu pakutanga here?