Zvinotaura Bhaibheri
Tinofanira Kuenda Kumisangano yechiKristu Here?
“NDAISIMBOENDA kuchechi, asi ndakarega.” “Ndinofunga kuti unogona kunamata Mwari pose pose, kwete muchechi chete.” “Ndinodavira muna Mwari neBhaibheri, asi handidaviri zvokuenda kuchechi.” Wati wambonzwa kutaura kwakaita saikoku here? Vanhu vanotaura zvinhu zvakadaro, zvikurukuru munyika dzokuMadokero, vari kuramba vachiwedzera. Vanhu vaiwanzoenda kuchechi havachafungi kuti zvine basa. Bhaibheri rinotii nezvokuenda kuchechi?
Mashoko okuti “chechi” uye “machechi” anooneka kanodarika ka110 muKing James Version. Dzimwe shanduro dzinoshandisawo mashoko iwaya. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “chechi” rinonyatsoreva “kudaidzwa” kana kuti, nemamwe mashoko, kuunganidzwa kwevanhu. Somuenzaniso, Mabasa 7:38, muKing James Version, inotaura nezvaMosesi ari “muchechi murenje,” ndiko kuti, pakati porudzi rwaIsraeri rwakaunganidzwa. Mune chimwe chiitiko Magwaro anoti “kutambudzwa kukuru kwakatanga pachechi,” ichitaura nezvenzanga yechiKristu yaiva muJerusarema. (Mabasa 8:1, The Jerusalem Bible) Muimwe yetsamba dzake, Pauro anokwazisa “chechi iri mumba [maFirimoni],” ungano yomunzvimbo iyoyo yaipindira ipapo.—Firimoni 2, Revised Standard Version.
Zviri pachena kuti shoko rokuti “chechi” semashandisirwo arakaitwa muBhaibheri harirevi nzvimbo yokunamatira, asi boka revanamati. Achibvuma izvozvo, Clement wokuAlexandria, mudzidzisi wezvechitendero womuzana remakore rechipiri, akanyora kuti: “Kwete nzvimbo yacho, asi ungano yevakasarudzwa, ndiyo yandinoti chechi.” Kunyange zvakadaro, vaKristu vanofanira kuva pane imwe nzvimbo kana kuti chivako kuti kunamata kwavo kubvumwe naMwari here?
Kunamata Murudzi rwaIsraeri
Mutemo waMosesi waida kuti varume vose vechiJudha vave pane imwe nzvimbo yakati pamitambo mitatu yegore negore. Vakadzi vazhinji nevaduku vaipindawo. (Dheuteronomio 16:16; Ruka 2:41-44) Pazvimwe zviitiko vapristi nevaRevhi vaidzidzisa vanhu vacho vakaungana, vachiverenga kubva muMutemo waMwari. Vaka‘ududzira, vakanzwisisa zvairaviwa.’ (Nehemia 8:8) Nokuda kwemakore eSabata, murayiridzo waMwari waiti: “Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu.”—Dheuteronomio 31:12.
Munhu aigona kupa zvibayiro kuna Mwari nokuwana murayiridzo kubva kuvapristi patemberi chete muJerusarema. (Dheuteronomio 12:5-7; 2 Makoronike 7:12) Nokufamba kwenguva dzimwe dzimba dzokunamatira dzakatangwa muna Israeri—masinagogi. Idzi dzaive nzvimbo dzokuverengera Magwaro nokunyengetera. Kunyange zvakadaro, temberi muJerusarema yakanga iri nzvimbo huru yokunamatira. Izvi zvinoratidzwa nezvakataurwa nomunyori weBhaibheri Ruka. Anotaura nezvomukadzi akanga achembera ainzi Ana, uyo “akanga asingamboshayiki patemberi, achiita basa dzvene usiku nemasikati nokutsanya nokuteterera.” (Ruka 2:36, 37) Kunamata kwechokwadi nevamwe vakazvipira ndicho chaiva chinhu chinokosha muupenyu hwaAna. Vamwe vaJudha vaitya Mwari vaiita saizvozvowo.
Kunamata Kwechokwadi Pashure Porufu rwaKristu
Pashure porufu rwaJesu vateveri vake vakanga vasisiri pasi poMutemo waMosesi, kana kuti vasisadiwi kuti vanamate patemberi. (VaGaratiya 3:23-25) Kunyange zvakadaro, vakaramba vachisangana kuti vanyengetere nokudzidza Shoko raMwari. Vakanga vasina zvivako zvaishamisira, panzvimbo paizvozvo vaishandisa misha yevanhu nenzvimbo dzevoruzhinji. (Mabasa 2:1, 2; 12:12; 19:9; VaRoma 16:4, 5) Misangano iyoyo yomuzana remakore rokutanga yaiva yakapfava zvakaisvonaka, isina tsika dzokungotevedzera uye miitiro yokushamisira.
Pakati petsika dzakashata dzoUmambo hweRoma, nheyo dzeBhaibheri dzaidzidziswa pamisangano iyoyo dzaipenya semadhaimani. Vamwe vaisatenda vakapinda kwenguva yokutanga vaingokanuka vachiti: “Chaizvoizvo Mwari ari pakati penyu.” (1 VaKorinde 14:24, 25) Hungu, Mwari aive pakati pavo chaizvoizvo. “Naizvozvo, zvechokwadi, ungano [“machechi,” RS, JB] dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera pakuwanda zuva nezuva.”—Mabasa 16:5.
MuKristu panguva iyoyo aigona kutenderwa naMwari achinamata mumatemberi evahedheni kana kuti ari oga here? Bhaibheri rinopa nhungamiro yakajeka panhau iyi: Vanamati vanotenderwa vaifanira kuva vomuchechi yechokwadi bedzi, kana kuti ungano, “muviri mumwe” wevanamati vechokwadi. Ava vaiva vadzidzi vaJesu, vaizivikanwa sevaKristu.—VaEfeso 4:4, 5; Mabasa 11:26.
Zvakadini Nanhasi?
Pane kutikurudzira kunamata muchechi, Bhaibheri rinotikurudzira kunamata nechechi, “ungano yaMwari mupenyu,” vanhu vano“namata nomudzimu nechokwadi.” (1 Timoti 3:15; Johani 4:24) Misangano yechitendero yakatenderwa naMwari inofanira kurayiridza “pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari.” (2 Petro 3:11) Inofanira kubatsira varipo kuti vave vaKristu vakakura mumudzimu, vanogona “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:14.
Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevera muenzaniso wevaKristu vomuzana remakore rokutanga. Ungano dzinopfuura 91 400 munyika yose dzinosangana nguva dzose kuti dzidzidze Bhaibheri nokukurudzirana, vanozviitira muHoro dzoUmambo, misha yevanhu, nomudzimwe nzvimbo. Izvi zvinoenderana nemashoko omuapostora Pauro okuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.”—VaHebheru 10:24, 25.