Zvivezwa Zvinofamba zvomuNamibia
NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA
MAVEZERO omuvezi wacho anogara achichinja, asi, mugumisiro wacho unofadza. Chinoshandiswa chacho ijecha. Muvezi wacho ndiani? Imhepo, iyo inoumba mirwi yejecha inofamba kuita zviumbwa zvakasiyana-siyana. Zvimwe mirwi inonyanyozivikanwa yakaita somwedzi. Divi re“chivezwa” chacho rakatarira kunobva mhepo, rinoenda richiita materu. Materu ari kudivi risingasviki mhepo akatenuka uye mapfupi. Muchinjiziri uri pamusoro pomurwi wejecha wacho unoratidzika sewakapinza zvikuru, kunyange zvazvo kupinza kwacho kuchigona kubviswa nyore nyore nokungotsika nemakumbo.
Gwenga reNamib riri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAfrica inzvimbo yakanaka yokuonera zvivezwa izvi zvinofamba. Rine mimwe yemirwi yejecha yakareba zvikuru pasi pose, yakareba anopfuura mamita 400. Zvisinei, Namib iduku pane mamwe magwenga makuru epasi. Rinotangira paNyanza yeAtlantic kusvika makiromita 160 kupinda mukati munyika uye rakareba makiromita 1 900.
Vamwe Vavezi Vari Pabasa
Mhepo haisiriyo yoga muvezi anoshanda ‘muimba yokuvezera’ iri kwayo yoga iyi. Kunyatsonzvera mirwi yejecha yacho kunoratidza uchapupu hwokugadzira kwakasiyana nokumwe kwevamwe vavezi. Somuenzaniso, ungaona chinoratidzika secheni yakareba, yakaisvonaka inomonyoroka-monyoroka nomujecha. Kana ukamirira kwenguva yakareba zvakakwana, ungatoona vavezi vacho vari pabasa. “Cheni” yacho inogadzirwa netsoka dzinosiyiwa nezvipukanana zvakaita sezvinyamututa sezvazvinofamba pajecha racho usiku. Kusiri kure ne‘cheni’ yacho pane mutsetse wakaenzana wezvinoratidzika semakomba maduku ari mujecha. Idzodziwo itsoka, dzakasiyiwa nomutswiri unenge uchizvifambirawo zvawo. Pakarepo unobva waziva kuti imba yokuvezera zvinhu iyi inoita seisina chinhu, yakazara noupenyu.
Nechokumusoro, uchitevedza Skeleton Coast, ungaona basa revamwe vavezi vomugwenga racho. Havabati jecha racho zvakanaka, uye chinozoguma chabuda chacho mahumbwe chaiwo. Chenjera! Hevo vari kuuya, vachisvetuka-svetuka pamurwi wejecha. Chinhu chimwe ndechechokwadi, vanonakidzwa nebasa ravo rokuveza zvinhu. Zvisikwa zvikuru izvi zvinomhanya pamurwi wejecha zvinoshamisa, zvichirasira jecha kumativi ose. Zvisina kugutsikana nokumhanya zvinogweshawo, zvichikweva makumbo azvo okumashure zvichisiya migero mujecha. Zvinomhanyira kuchisipiti chemvura chiri pedyo, zvinosvetukira mukati, uye zvinonakidzwa sevana vanofara. Vavezi ava, inzou dzomuAfrica, dzinorema anenge matani matanhatu!
Mumwe muvezi akasiyana nevamwe vose ane nzira dzinoti shamisei, kunyange zvazvo asinganyanyi kuveza zvakaipa, chiva chinonzi Péringuey. Kunyora kwacho pajecha kunoita sezvimiti zvakamonyoroka-monyoroka zvakatevedzana. Nyoka yacho inosiya mihwezva iyi sezvainozvongonyoka nenzira yakasiyana nezvinoita dzimwe. Kamwe kamwe mihwezva yacho inoguma, uye hapachina chiratidzo chenyoka. Yaendepi? Kana ukanyatsotarisa, unogona kuona maziso maviri achikutarira nomujecha. Muviri wacho wose wakanyura mujecha. Yakavharwa kudaro, inomirira zvokudya nokushivirira—zvinowanzova dzvinyu rinenge richipfuura.
Chimwe chigadzirwa chiri pajecha racho zvimwe hachina kunyanya kuvezwa zvinofadza. Mihwezva yakafara yematayi iri kuoneka, yakasiyiwa nemabhasikoro ane mavhiri matatu akagadzirirwa zvikurukuru kuti afambe zvinobudirira munzvimbo iyi. Munhu asiyawo chiratidzo chake.
Muvezi Anochinja-chinja
Pane zvakawanda kwazvo zvatingataura nezvavo, zvinosiya zviratidzo zvazvo pajecha iri. Zvinosanganisira chipembere, shumba, twiza, uye makava, izvo zvingaonekwa panzvimbo yokuchengetera mhuka paSkeleton Coast uye kune dzimwe nzvimbo.
Asi mhepo ndiyo muvezi mukuru. Inoziva chitarisiko cheimba yokuvezera yacho uye inorongazve mamiriro ayo sezvainoda. Inoramba ichichinja-chinja kusvikira nokusingaperi. Ukadzokera kuimba yokuvezera iyi gore rimwe kubva zvino, ungaona mimwe yemirwi yacho yatofamba mamita 30 pawakanga usipo! Izvi ndizvo zvinogona kuitwa nemhepo yomuNamibia.
[Mepu iri papeji 17]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
AFRICA
NAMIBIA
[Mufananidzo uri papeji 16]
Mutswiri
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Des and Jen Bartlett