Kuparadza Kukuru Kungaitikazve Here?
NOMUNYORI WEMUKAI! MUSWEDEN
MISI yaJanuary 26-28, 2000, vatungamiriri veNyika nevamwe vamiririri vehurumende 48 vaibva munyika yose vakaungana muguta guru reSweden kuti vapinde Stockholm International Forum yaitaura zvoKuparadza Kukuru. Mamwe mashoko akataurwa pachikuva akaratidza kuti vatungamiriri venyika vanotya kuti chiNazi chichatangazve. Aimbova Mutungamiriri weIsrael Ehud Barak akati: “Musangano uno unoendesa shoko munyika yose rokuti: Kupi nokupi pasi pano kusambofa kwakava nokuregerera hurumende inounza ushati noumhondi uye udzvinyiriri pakati pevanhu nemhaka yechitendero chavo, rudzi kana kuti ruvara.”
Havasi vaJudha Chete Vanonetseka
Vanhu vakawanda mupasi rose vanofunga kuti vaJudha chete ndivo vakakanganiswa nezvakaitika panguva yevaNazi. Zvisinei, vamwe vakakanganiswawo. Pamusangano wakanyatsoziviswa wokuyeuka Kuparadzwa Kukuru kwevaJudha wakaitirwa paGreat Synagogue yomuStockholm panguva yomusangano wacho, mutungamiriri weSweden akakumbira kuti chisarudzo chiitwe chokuti maraibhurari ose pasi pose atange kujekesera voruzhinji nezvoKuparadza Kukuru. “Ngatizive,” akadaro, “nezvokupondwa kwevaIndia vokuEurope, kupondwa kwezvirema zvakawanda uye kutambudzwa nokupondwa kwengochani, vapanduki neZvapupu zvaJehovha.”
Hurumende yeSweden yakabudisa bhuku rinotaura nezvoKuparadza Kukuru rine musoro unoti Tell Ye Your Children, rave richiparadzirwa munyika yacho yose pasina mubhadharo kumhuri dzose dzine vana. Bhuku iri rinoti Zvapupu zvaJehovha “zvakaramba kupika mhiko yokuvimbika kuna Hitler neNazi Germany. Kuramba kwakadaro kunoshamisa nokuti kungosaina gwaro vachizivisa kuvimbika kwavo kwaizogumisa kutambudzwa kwavo—asi vashoma vakasarudza izvozvo.”
Kuparadza Kukuru uye Zvapupu zvaJehovha
Muna 1933, kwaiva neZvapupu zvaJehovha zvinenge 25 000 muGermany. Zviuru zvazvo zvaiva pakati pevanhu vakatanga kukandirwa mumisasa yeNazi nemajeri. SevaKristu, zvakazivisa kusava kwazvo nekwazvakarerekera pamabasa ose ezvematongerwo enyika neechiuto. Hazvina kurumbidza Hitler. Zvakaramba kubvuma dzidziso yechiNazi uye kuva nechokuita muhondo yaidzorwa naHitler. Zvinenge 2 000 zvakafa, zvinodarika 250 zvazvo zvichiitwa zvokuurayiwa.
Uyezve, vasungwa vari Zvapupu vakabatsira vamwe vasungwa kuti vatsungirire, kusanganisira vaJudha nevamwe. Vaiita kudaro nokupinza mavari tariro yakavakirwa paBhaibheri zvishoma nezvishoma uye nokugoverana chero chavaiva nacho nevairwara uye vasina simba, kakawanda kacho vachigoverana chidimbu chavo chokupedzisira chechingwa. Mumakore okutanga okutambudza kwevaNazi, zvaitsvakawo mashoko nezvokuvapo kwemisasa yevasungwa uye nezvezvakanga zvichiitika mairi. Kubvira ipapo, mumagazini azvo anoparadzirwa munyika yose, Nharireyomirindi neMukai!, zvakabudisa nyaya dzakawanda dzinotaura nezvoutsinye hwevaNazi pamwe nenyaya dzoupenyu dzevakapona.
Kutya kuti chiNazi chichatangazve kwaiva pachena panhume dzakapinda Stockholm International Forum yaitaura zvoKuparadza Kukuru. Purofesa Yehuda Bauer, mukuru mukuru weInternational Center for Holocaust Studies paInstitute of Contemporary Jewry, kuIsrael, akazvitaura nenzira iyi: “Nokuti zvakaitika kamwe chete, zvinogona kuitikazve, kwete nenzira yakafanana, kwete kuvanhu vamwe chete ivavo, kwete nevanhu vamwe chete ivavo, asi kumunhu chero upi zvichiitwa nomunhu upi noupi. Zvakanga zvisina muenzaniso, asi zvino muenzaniso wacho uriko.”
[Mufananidzo uri papeji 28]
“Triangle” yepepuru yairatidza vaiva Zvapupu zvaJehovha mumisasa
[Mifananidzo iri papeji 28, 29]
1. Julius Engelhardt, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akaurayiwa nevaNazi paBrandenburg musi waAugust 14, 1944
2. Zvapupu zvaJehovha zvitatu zvinoenda kumusha zvasunungurwa muSachsenhausen, muna 1945
3. Elsa Abt, Chapupu chakaparadzaniswa nomwanasikana wacho muduku ndokuzogara mujeri kweanenge makore matatu
[Kwazvakatorwa]
Nordrhein-Westfälisches Hauptstaatsarchiv, Düsseldorf
[Mifananidzo iri papeji 29]
Zvapupu zvakapukunyuka zvinotaura zvakaitika kwazviri mumavhidhiyo aya