RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 8/8 p. 3
  • Ruvengo Rwakapararira Munyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ruvengo Rwakapararira Munyika Yose
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Ruvengo Rwapararira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nzira Chete Yokupedza Nayo Ruvengo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Zvinokonzera Ruvengo
    Mukai!—2001
  • Nei Panyika Pakazara Ruvengo?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 8/8 p. 3

Ruvengo Rwakapararira Munyika Yose

KUNE chikara chinotyisa chisina anodzora—chikara chinonzi ruvengo. Uye chiri kuoneka munyika yose.

Rimwe dunhu romuBalkans riri kutambura nemigumisiro yemhirizhonga yokuparadza dzinza yakaitika munguva ichangopfuura. Ruvengo rwagara kwemazana emakore rwakaita kuti pave nokuurayiwa kwevanhu vakawanda, kubatwa chibharo, kudzingwa, kupiswa uye kupazwa kwedzimba nemisha, kuparadzwa kwezvirimwa nezvipfuwo, uye kuziya nenzara. Kuchine zvimbambaira zvakawanda kwazvo.

MuEast Timor, Kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia, vanhu 700 000 vaitya vaifanira kutiza kuurayiwa kunotyisa, kurohwa, uye kupfura kwachero, uye kudzingwa mumisha nechisimba. Vakasiya nzvimbo yavo yaitwa dongo nemagandanga anopamba. “Ndinonzwa semhuka iri kuvhimwa,” akadaro mumwe wevaitiza.

MuMoscow imwe furati yakaparadzwa nokuputika kukuru kwebhomba remagandanga. Zvitunha 94 zvevanhu vasina mhaka—vamwe vacho vari vana—zvakaitwa ukatakata nokuputika kwacho. Vanopfuura 150 vakakuvadzwa. Pashure pezvinhu zvinotyisa zvakadaro, vanhu vanobvunza kuti, ‘Ndiani achatevera?’

MuLos Angeles, kuCalifornia, mumwe ane urudzi akapfura boka revana vechiJudha vanoenda kukireshi uye gare gare akapfura mumwe positimeni akaberekerwa kuFilipino.

Zvinogona kunyatsonzi ruvengo rwakapararira munyika yose. Rinenge zuva roga roga, nhau dzinoratidza zvinoitika apo urudzi, ruvengo rwedzinza kana chitendero zvinoitika pamwe chete nokusateerera mutemo. Tinoona marudzi nenzanga, uye mhuri zvichikamukana. Tinoona nyika dzichibatanidzwa mukuparadza kukuru. Tinoona zviito zvoutsinye zvakaoma kutaura zvichiitwa nemhaka chete yokuti vamwe vanhu “vakasiyana.”

Kana chikara chinotyisa chinonzi ruvengo chichizoitwa kuti chisavepo, tinofanira kunzwisisa kunobva mhirizhonga yakadaro ine ruvengo. Ruvengo ruri muropa revanhu here? Muitiro unodzidzwa here? Zvinobvira here kuita kuti ruvengo rusavepo?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Kemal Jufri/Sipa Press

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe