Ruvengo Rwakapararira Munyika Yose
KUNE chikara chinotyisa chisina anodzora—chikara chinonzi ruvengo. Uye chiri kuoneka munyika yose.
Rimwe dunhu romuBalkans riri kutambura nemigumisiro yemhirizhonga yokuparadza dzinza yakaitika munguva ichangopfuura. Ruvengo rwagara kwemazana emakore rwakaita kuti pave nokuurayiwa kwevanhu vakawanda, kubatwa chibharo, kudzingwa, kupiswa uye kupazwa kwedzimba nemisha, kuparadzwa kwezvirimwa nezvipfuwo, uye kuziya nenzara. Kuchine zvimbambaira zvakawanda kwazvo.
MuEast Timor, Kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia, vanhu 700 000 vaitya vaifanira kutiza kuurayiwa kunotyisa, kurohwa, uye kupfura kwachero, uye kudzingwa mumisha nechisimba. Vakasiya nzvimbo yavo yaitwa dongo nemagandanga anopamba. “Ndinonzwa semhuka iri kuvhimwa,” akadaro mumwe wevaitiza.
MuMoscow imwe furati yakaparadzwa nokuputika kukuru kwebhomba remagandanga. Zvitunha 94 zvevanhu vasina mhaka—vamwe vacho vari vana—zvakaitwa ukatakata nokuputika kwacho. Vanopfuura 150 vakakuvadzwa. Pashure pezvinhu zvinotyisa zvakadaro, vanhu vanobvunza kuti, ‘Ndiani achatevera?’
MuLos Angeles, kuCalifornia, mumwe ane urudzi akapfura boka revana vechiJudha vanoenda kukireshi uye gare gare akapfura mumwe positimeni akaberekerwa kuFilipino.
Zvinogona kunyatsonzi ruvengo rwakapararira munyika yose. Rinenge zuva roga roga, nhau dzinoratidza zvinoitika apo urudzi, ruvengo rwedzinza kana chitendero zvinoitika pamwe chete nokusateerera mutemo. Tinoona marudzi nenzanga, uye mhuri zvichikamukana. Tinoona nyika dzichibatanidzwa mukuparadza kukuru. Tinoona zviito zvoutsinye zvakaoma kutaura zvichiitwa nemhaka chete yokuti vamwe vanhu “vakasiyana.”
Kana chikara chinotyisa chinonzi ruvengo chichizoitwa kuti chisavepo, tinofanira kunzwisisa kunobva mhirizhonga yakadaro ine ruvengo. Ruvengo ruri muropa revanhu here? Muitiro unodzidzwa here? Zvinobvira here kuita kuti ruvengo rusavepo?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Kemal Jufri/Sipa Press