RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 8/8 pp. 8-11
  • Kuita Kuti Ruvengo Rusavepo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Kuti Ruvengo Rusavepo
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoreva ‘Rudo’
  • Kudzidza Kuda
  • Kubvisa Zvipingamupinyi Zvemadzinza
  • Kusaramba Uchifunga Zvakaitika Kare
  • Nyika Isina Ruvengo!
  • Nzira Chete Yokupedza Nayo Ruvengo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nei Panyika Pakazara Ruvengo?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Mugumo Woruvengo Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 8/8 pp. 8-11

Kuita Kuti Ruvengo Rusavepo

“Ida[i] vavengi venyu.”—MATEU 5:44.

KWEMAZUVA akati kuti vatungamiriri venyika mbiri dzinovengana vakaita hurukuro dzorunyararo dzakasimba. Purezidhendi wenyika huru yakabudirira aivapowo pahurukuro dzacho, achipesvedzera nounyanzvi kuti vatungamiriri vaviri vacho vawirirane. Asi kuedza kwakaoma uku kwakaguma nokutambura kwakawedzerwa. Muvhiki shomanana nyika dzacho dzakatanga yakarondedzerwa nemagazini inonzi Newsweek se“mhirizhonga yakaipisisa pakati padzo mumakore makumi maviri.”

Munyika yose, ruvengo pakati pemapoka akasiyana-siyana emadzinza uye emarudzi ruri kuramba kupera, pasinei nezvakanakisisa zvingaedzwa nevatungamiriri venyika. Ruvengo runowedzera nokukurumidza, ruchisimudzirwa nokusaziva, kufungira mamwe marudzi zvakaipa, uye kuparadzirwa kwemashoko. Nepo vatungamiriri vemazuva ano vachiparapatika kutsvaka zvinhu zvitsva uye zvemazuva ano zvokupedza nazvo chinetso ichi, vanotadza kuona kuti chokupedza nacho chinetso ichi ndechekare zvikuru—chimwe chinhu chekare zvikuru seMharidzo yepaGomo. Paaipa mharidzo yacho Jesu Kristu akakurudzira vateereri vake kuzviisa pasi penzira dzaMwari. Paaitaura izvozvo akataura mashoko ari pamusoro apa, okuti, “Ida[i] vavengi venyu.” Kurudziro iyoyo haingopedzi chinetso choruvengo nokufungira vamwe zvakaipa asi ndiyo chete inoshanda!

Vasina chokwadi vanoramba pfungwa yokuda vavengi serondedzero yomunhu asisisina tariro uye seisingashandi. Zvisinei, kana ruvengo ruchidzidzwa, saka hazvina musoro here kufunga kuti vanhu vanogona kurega kudzidza kuvenga? Nokudaro mashoko aJesu anopa vanhu tariro chaiyo. Anoratidza kuti zvinobvira kuita kuti kunyange ruvengo rwagara kwenguva refu rupere.

Funga nezvemamiriro ezvinhu muzuva raJesu pakati pevateereri vake vechiJudha. Vaisafanira kuenda kure kuti vawane vavengi. Mauto eRoma airamba achitonga nharaunda yacho, achiita kuti vaJudha vabhadhare mitero inorema, achivanyengedza mune zvematongerwe enyika, achivabata noutsinye, uye achivadzvinyirira. (Mateu 5:39-42) Zvisinei, vamwe vaikwanisa kutoona vamwe vaJudha sevavengi nemhaka yokusawirirana kuduku kwakanga kusina kugadziriswa uye kwaibvumirwa kukura. (Mateu 5:21-24) Chaizvoizvo Jesu aizotarisira vateereri vake kuda vanhu vakanga vavakuvadza uye kuvarwadzisa here?

Zvinoreva ‘Rudo’

Kutanga, ziva kuti paakati “ida,” Jesu akanga asiri kufunga nezvokudanana kungavapo pakati peshamwari dzepedyo. Shoko rechiGiriki rinoreva rudo rakashandiswa pana Mateu 5:44 rinobva pashoko rokuti a·gaʹpe. Shoko iri rinoreva rudo runotungamirirwa kana kuti kudzorwa nenheyo. Harusanganisiri kudanana kwoushamwari chaizvoizvo. Nokuti runotungamirirwa nenheyo yakarurama, rudo rwakadaro runoita kuti munhu atsvake zvakanakisisa zvinodiwa nevamwe, pasinei nemaitiro avo. Saka, rudo runonzi a·gaʹpe runogona kukunda kuvengana kwevanhu. Jesu pachake akaratidza rudo rwakadaro paakarega kukumbira kuti varwi vechiRoma vakanga vamuroverera vaitirwe zvakaipa, akanyengetera kuti: “Baba, vakanganwirei, nokuti havazivi zvavari kuita.”—Ruka 23:34.

Kuona zvinhu sezvazviri here kutarisira kuti nyika yose ichabvuma ndokutevera dzidziso dzaJesu uye kuti vanhu vachatanga kudanana? Aiwa, nokuti Bhaibheri rinoratidza kuti nyika ino icharamba ichinyura munjodzi. “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa,” inofanotaura kudaro 2 Timoti 3:13. Asi, vanhu vamwe nevamwe vanogona kuita kuti ruvengo rusavepo nokunyatsodzidziswa nheyo dzakarurama nokudzidza Bhaibheri. Zvakaitika zvinoratidza zvakajeka kuti vakawanda vakadzidza kudzivisa ruvengo rwakawanda kwazvo rwakavakomberedza. Ona mienzaniso chaiyo.

Kudzidza Kuda

José akabatanidzwa muhondo yechimurenga ari nhengo yeboka remagandanga paaiva nemakore 13.a Akadzidziswa kuvenga vanhu vainzi ndivo vaikonzera kusaruramisira kwaaiona makamupoteredza. Chinangwa chake chaiva chokuvauraya, kana zvichibvira. Paaiona vakawanda kwazvo veshamwari dzake vachifa, José akazadzwa noruvengo uye kuda kutsiva. Paaigadzira magirinedhi, aizvibvunza kuti, ‘Nei kuine kutambura kwakawanda zvakadai? Kana kuna Mwari, haatombozvioni here?’ Nguva zhinji aichema, avhiringidzwa uye aora mwoyo.

Pakupedzisira José akaonana neungano yomunharaunda iyoyo yeZvapupu zvaJehovha. Pamusangano weungano waakatanga kupinda, akakurumidza kuona kudanana kwaivapo. Munhu wose akamukwazisa noushamwari. Gare gare, kukurukurirana nyaya inoti “Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?” kwakapa mhinduro dzemibvunzo chaiyo yaaive nayo.b

Nokufamba kwenguva, zivo yakawedzerwa inobva muBhaibheri yakaita kuti José achinje upenyu hwake nemafungiro ake. Akasvika pakuziva kuti “Uyo asingadi anoramba ari murufu. Munhu wose anovenga . . . muurayi, uye . . . hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.”—1 Johani 3:14, 15.

Zvisinei, kurega kufambidzana neshamwari dzake dzaiva magandanga kwakanga kwakaoma. Nguva yose yaaienda kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, aiteverwa. Dzimwe nguva vamwe vaaimbosonganirana navo vakatombopinda misangano mishomanana kuitira kuti vanzwisise zvakanga zvaita kuti José achinje zvakadaro. Vangogutsikana chete kuti aisava mutengesi uye kuti aisava nengozi kwavari, vakamusiya akadaro. Ava nemakore 17, José akabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Munguva pfupi akatanga kuparidza nguva yakazara. Pane kuronga kuuraya vanhu, iye zvino anovaendesera shoko rorudo uye retariro!

Kubvisa Zvipingamupinyi Zvemadzinza

Nhengo dzemadzinza dzinogona kubvisa zvipingamupinyi zvoruvengo runovaparadzanisa here? Funga nezveboka reZvapupu zvaJehovha rinotaura chiAmharic muLondon, kuEngland. Boka iroro rinoumbwa nevanhu 35—20 vacho vari vokuEthiopia uye 15 vari vokuEritrea. Vanonamata pamwe chete murunyararo uye vakabatana, pasinei nokuti muAfrica vanhu vokuEritrea nevokuEthiopia vakarwa hondo yakaipisisa munguva ichangopfuura.

Mumwe weZvapupu wokuEthiopia akaudzwa nemhuri yake kuti: ‘Usambofa wakavimba nomunhu wokuEritrea!’ Asi zvino, haangovimbi vaKristu vokuEritrea vaanonamata navo chete asi anovadana kuti hama uye hanzvadzi! Kunyange zvazvo vanhu vokuEritrea ava vachitaura rurimi runonzi Tigrinya, vakasarudza kudzidza chiAmharic—mutauro wehama dzavo dzokuEthiopia—kuitira kuti vadzidze Bhaibheri pamwe chete. Kuratidzwa kwakaisvonaka kwazvo kwesimba rorudo rwaMwari se“chisungo chakakwana chokubatana”!—VaKorose 3:14.

Kusaramba Uchifunga Zvakaitika Kare

Asi zvakadini kana mumwe munhu ave achibatwa zvoutsinye? Ndezvomuzvarirwo here kuvenga vanenge vakamutambudza? Funga nezvaManfred, Chapupu chinobva kuGermany. Akapedza makore matanhatu oupenyu hwake ari mujeri rechiKomonisiti nemhaka chete yokuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akambovenga vadzvinyiriri vake here kana kunzwa achida kuvadzorera? “Aiwa,” akapindura kudaro. Maererano nepepanhau rokuGermany rinonzi Saarbrücker Zeitung, Manfred akatsanangura kuti: “Kusaruramisira kana kuti kutsiva zvakaipa nezvakaipa . . . kunokonzera kumwe kusaruramisira.” Zvakajeka kuti Manfred akashandisa mashoko eBhaibheri anoti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi. . . . Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.”—VaRoma 12:17, 18.

Nyika Isina Ruvengo!

Zvapupu zvaJehovha hazvitauri kuti zvakakwana munhau iyi. Zvinowanzoona kuti kusiya ruvengo rwekare hakusi nyore. Zvinoda kuti munhu arambe achiedza kushandisa nheyo dzeBhaibheri nokushingaira muupenyu. Asi Zvapupu zvaJehovha muenzaniso mupenyu wesimba reBhaibheri rinoita kuti ruvengo rusavepo. Zvapupu zviri kubatsira zviuru zvevanhu gore roga roga kusununguka pangetani dzourudzi nokufungira mamwe marudzi zvakaipa, zvichishandisa purogiramu yezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.c (Ona bhokisi rakanzi “Zano reBhaibheri Rinobatsira Kubvisa Ruvengo.”) Kubudirira ikoko kufanoratidzwa kwemigumisiro yepurogiramu yedzidzo yomunyika yose ichabatsira kubvisa zvachose ruvengo nezvinorukonzera munguva pfupi iri kutevera. Purogiramu iyi yedzidzo yomunguva yemberi ichaitwa pasi pokudzora kwoUmambo hwaMwari, kana kuti hurumende yomunyika yose. Jesu akatidzidzisa kunyengeterera Umambo ihwohwo muMunyengetero waShe, paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye.”—Mateu 6:9, 10.

Bhaibheri rinopikira kuti pasi pokudzora kwehurumende iyi yokudenga, “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha.” (Isaya 11:9; 54:13) Mashoko omuprofita Isaya anotaurwa kakawanda achazadzika munyika yose anoti: “[Mwari] uchatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Nokudaro Mwari pachake, achaita kuti ruvengo rusavepo zvachose uye nokusingaperi.

[Mashoko Omuzasi]

a Harisi zita rake chairo.

b Ona chitsauko 8, “Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?” mubhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena chinogona kurongwa nokuonana neZvapupu zvaJehovha munharaunda yako kana kunyorera vabudisi vemagazini ino.

[Bhokisi riri papeji 11]

Zano Rebhaibheri Rinobatsira Kubvisa Ruvengo

● “Hondo dzinobvepi nokurwa kunobvepi kuri pakati penyu? Hazvibvi pazvinhu izvi here, zvinoti, kuchiva kwenyu kufadza nyama kunorwisana nemitezo yenyu?” (Jakobho 4:1) Kakawanda kacho kusanzwisisana nevamwe kunogona kubviswa kana tikadzidza kudzora zvido zvoudyire.

● “Musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvenyu zvomunhu oga, asi muchiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.” (VaFiripi 2:4) Kuisa zvinodiwa nevamwe pamberi pezvedu imwe nzira yokubvisa nayo kusanzwisisana kusina kufanira.

● “Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) Tinogona uye tinofanira kudzora mafungiro anoparadza.

● “Mwari . . . akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe, kuti agare pamusoro pepasi rose.” (Mabasa 17:24, 26) Hazvina musoro kunzwa setiri nani kupfuura vanhu vorumwe rudzi, sezvo tose tiri nhengo dzemhuri imwe chete yevanhu.

● ‘Musaita chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.’ (VaFiripi 2:3) Upenzi kutarisira vamwe pasi—nokuti kakawanda kacho vamwe vanhu vane unhu nemano zvatisina isu. Hapana rudzi rumwe kana kuti tsika ine zvinhu zvose zvakanaka.

● “Saka, chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka.” (VaGaratiya 6:10) Kungotanga kuva noushamwari uye kubatsira vamwe, pasinei nedzinza ravo kana kuti tsika, kunogona kuita zvakawanda kuti pave nokukurukurirana uye kubvisa kusanzwisisana.

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Zvapupu zvokuEthiopia nezvokuEritrea zvinonamata pamwe chete murunyararo

[Mufananidzo uri papeji 10]

Manfred, akapona mujeri rechiKomonisiti, akaramba kuvenga

[Mufananidzo uri papeji 10]

Bhaibheri rinogona kubatsira kubvisa zvipingamupinyi zvinoparadzanisa vanhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe