Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingarega sei Kunyanyonetseka?
“Remangwana chimwe chezvinhu zvinoshungurudza vechiduku zvikuru. Unonetseka nezvichaitika kwauri. Ndinofanira kubva pamba here? Ndinofanira kuenda kuchikoro here? Ndinofanira kuita ushumiri hwenguva yakazara here? Ndinofanira kuroora here? Une zvakawanda zvaunogona kuita zvokuti hauzivi pokutangira.”—Shane, ane makore 20.
UNONYANYONETSEKA here? Vechiduku vakawanda vanodaro, uye nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Rimwe gwaronhau rakabudiswa kuti ripe mazano kuvabereki rakati: “Kuongorora kwepasi pose kuchangobva kuitwa kwevachiri kuyaruka vane makore 15 kusvika ku18 munyika 41 kwakaratidza kuti kuwana basa rakanaka ndicho chinhu icho vachiri kuyaruka vanhasi vanonyanya kuva nehanya nacho.” Chaitevera ipapo kwakanga kuri kunetseka nezvoutano hwevabereki vavo. Kutya kurasikirwa nomumwe wavanoda kwakanga kwakawandawo pazvimwe zvacho.
Kunzvera kweU.S. Department of Education kwakaratidza kuti “kumanikidzirwa kuwana mamakisi epamusoro” chakanga chiri chinhu icho vechiduku vakawanda vainetseka nezvacho muUnited States. Kunzvera kumwe chete ikoko kwakaratidza kuti vechiduku vakawanda vanonzwa saShane (ane mashoko ari kwokutanga). Mumwe wechiduku, anonzi Ashley, anoti: “Ndiri kunetseka nezveremangwana rangu.”
Asiwo vamwe vechiduku vanonetseka nezvokuchengeteka kwavo. Maererano nokunzvera kwa1996, vechiduku vanenge 50 kubva muzana muUnited States vaiona kuti muzvikoro mavo maiwedzera kuitwa mhirizhonga. Vachiri kuyaruka vanopfuura mamiriyoni masere (37 kubva muzana) vakashuma kuti vaiziva mumwe munhu akanga apfurwa nepfuti!
Zvisinei, zvimwe zvinonetsa vechiduku hazvityisi zvakanyanya. Vechiduku vakawanda vanonyanyonetseka nezvemararamiro avo. Imwe magazini yepainternet inonyorerwa vabereki inoti: “Vechiduku vanonetseka nezvokuda kuwana musikana kana mukomana, asi vanowanzonetseka nezvokusawana shamwari zvachose.” Mumwe musikana achiri kuyaruka anonzi Meagan anochemachema kuti: “Unoita sei kuti uratidzike uye kuita zvechizvino-zvino? Ndinoda shamwari.” Saizvozvo, mumwe muKristu wechiduku ane makore 15 anonzi Natanael anoti: “Vechiduku kuchikoro vanonetseka nezvemaitiro. Vanonetseka nezvemafambiro avo, matauriro, uye chitarisiko chavo kune vamwe. Vanotya kuratidzika semapenzi.”
Zvinetso—Ndomararamiro Acho
Zvaizova zvakanaka kudai tairarama upenyu husina zvinonetsa. Zvisinei, Bhaibheri rinoti: “Munhu wakazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma, azere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) Zvinetso—nokunetseka kunovapo—ndomararamiro acho. Asi kana ukaita kuti kunetseka kana kufunganya kugare mupfungwa dzako, unogona kuzvikuvadza zvikuru. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza.”—Zvirevo 12:25.
Imwe nzira yokurega kunetseka nezvinhu zvisina basa kudzora maitiro ako pachako. Ana ane makore gumi nematanhatu anoti: “Vakawanda vandinodzidza navo vanonetseka nezvokuti vachaita pamuviri kana kubatwa nechirwere chounzenza.” Asi unogona kusanetseka zvakadaro nokuomerera patsika dzomufambiro dziri muBhaibheri. (VaGaratiya 6:7) Kunyange zvakadaro, zvinetso zvako zvose hazvizongoperi pakarepo kana kugadzirisika nyore nyore. Ungaita sei kuti usanyanyonetseka?
“Netseka Zvine Ungwaru”
Vanhu vakawanda vanobvumira kuti kunetseka kuvakanganise. Asi nyaya yakabuda mumagazini yevachiri kuyaruka yakati munhu anogona ku“netseka zvine ungwaru” nokuchinja kunetseka kuva zviito zvinobatsira! Bhaibheri rine mashoko akawanda okukubatsira kuita kudaro. Funga nezvaZvirevo 21:5 inoti: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji.” Somuenzaniso, ngatitii unoda kuungana neshamwari dzomuungano. Kuronga zvakanaka kunogona kukuita kuti usanyanyonetseka. Zvibvunze kuti, ‘Ndivanaani chaizvoizvo vanenge varipo? Ndinoda kuti vasvike nguvai? Ndinoda kuti vabve nguvai? Ndingada zvokudyira-dyira zvakawanda zvakadini? Ndezvipi zvimwe zvokuita zvinonakidza zvichafadza munhu wose?’ Kufunga kwaunoita nezvazvo kakawanda kuti zvichafamba sei kuchaita kuti kuungana kwenyu kufambe zvakanaka.
Zvisinei, unogona kunetseka nokuita kuti zvinhu zvive zvakaoma. Jesu Kristu akapa zano iri kumukadzi akazvinetsa kupfuura zvaaifanira kunge akaita mukugovera zvokudya kumuenzi wake: “Zvisinei, zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete.” (Ruka 10:42) Saka zvibvunze kuti, ‘Chii chaizvo chinokosha kuti kuungana uku kubudirire?’ Kuita kuti zvinhu zvive nyore kungaita kuti kufunganya kwako kuve kushoma.
Chimwe chingakunetsa kuchengeteka kwako kuchikoro. Pangasava nezvaunogona kuita kuti uchinje mamiriro ezvinhu ikoko. Asi unogona kutora matanho anoshanda kuti uzvidzivirire. “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda,” inodaro Zvirevo 22:3. Kungorega kuenda kunzvimbo dzine ngozi—kwete chete nzvimbo dziri dzoga asiwo nzvimbo dzisina vanodzora uko nhubu dzinowanzoungana—kunogona kuderedza mikana yako yokupinda muna taisireva.
Basa rokuchikoro rinogona kukuita kuti unetsekewo. Zvichida une basa rinokosha rokuitira kumba rakawanda uye unonetseka nokuti hauzokwanisi kuriita rose nenguva yarinodiwa. Mashoko ari pana VaFiripi 1:10 anobatsira anoti: “Muve nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” Hungu, dzidza kuisa zvinokosha pokutanga! Ona kuti ibasa ripi rinodiwa nokukurumidza, wobva watanga kuita iroro. Ipapo, ita rinotevera racho. Zvishoma nezvishoma uchatanga kuona uchigona kudzora mamiriro acho ezvinhu.
Wana Mazano
Aaron paakanga ari wechiduku, ainetseka zvikuru nezvokubudirira pabvunzo dzokupedzisira zvokuti akatanga kurwadziwa muchipfuva. Anoyeuka kuti: “Ndakataura nevabereki vangu, uye vakandiendesa kwachiremba. Akakurumidza kuona kuti hapana chakanga chakaipa pamwoyo wangu uye akatsanangura kuti kufunganya kunogona sei kukanganisa muviri. Gare gare vabereki vangu vakandibatsira kuona kuti ndakanga ndaita zvose zvandaigona mukugadzirira bvunzo uye kuti zvino ndaifanira kunetseka nezvokuzvitarisira pachangu. Kufunganya kwangu kwakapera, marwadzo omuchipfuva akapera, uye ndakabudirira pabvunzo dzangu.”
Kana ukanzwa kuremerwa nokunetseka, usatambura usina waunoudza. Zvirevo 12:25, yambotaurwa mashoko ayo mashoma kwokutanga, inoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” Paunotaura nezvo“kutambudzika” kwako ndipo chete paunogona kuwana “shoko nyoro” rekurudziro!
Kutanga ungada kukurukura nhau yacho nevabereki vako; vangatokutaurira mamwe mazano okuti uite. Vakakura mumudzimu muungano yenyu yechiKristu ndevamwe vanogona kukubatsira. Janelle ane makore gumi nemashanu anorondedzera kuti: “Ndainetseka nezvokuenda kuchikoro chesekondari, ndaitya kusangana nezvose—zvinodhaka, kurara nomunhu, mhirizhonga—kuzosvikira ndataura nomukuru womuungano. Akandipa mazano akawanda anoshanda. Ndakakurumidza kunzwa zvakanaka nokuti ndakaona kuti ndaizogona kubata nemamiriro acho ezvinhu.”
Usaverengera
Pane dzimwe nguva panenge pane chimwe chinhu chatinenge tichida kuita, asi tinoverengera nokuti tinoona kuti hachifadzi. Somuenzaniso, Shevone ane makore gumi nemapfumbamwe akanga asingawirirani nomumwe muKristu. Aiziva kuti aifanira kugadzirisa nhau yacho, asi aiverengera. “Pandairamba ndichiverengera, ndopazvairamba zvichindinetsa,” anodaro. Shevone akabva ayeuka mashoko aJesu ari pana Mateu 5:23, 24, anokurudzira vaKristu kuti vagadzirise zvinetso izvozvo nokukurumidza. “Pandakazodaro,” anoyeuka kudaro Shevone, “ndakanzwa kunyevenuka.”
Uri kuverengera chimwe chinhu—basa risingafadzi kana kuti kutaura nomumwe munhu kunoita kuti usanzwa zvakanaka here? Gadzirisa iye zvino, uye uchave wabvisa chimwe chinhu chokunetseka nezvacho.
Mamiriro Ezvinhu Akaoma
Haasi mamiriro ezvinhu ose anogadziriswa zviri nyore kudaro. Funga nezverimwe jaya rinonzi Abdur. Amai vake vane kenza, uye iye anotofanira kuvachengeta pamwe nomunun’a wake. Nenzira yomuzvarirwo, Abdur anonetseka nokurwara kwaamai vake. Asi anoti: “Ndinotora zano kubva mumashoko aJesu okuti, ‘Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubiti rimwe paurefu hwoupenyu hwake nokufunganya?’ Pane kuswerozvinetsa, ndinoedza kufunga nezvemamiriro acho ezvinhu ndoona kuti chii chingaita kuti zvinhu zvinake.”—Mateu 6:27.
Kuterama mukuvhiringidzika kwezvinhu hakusi nyore. Vamwe vanorwadziwa zvokuti vanozviregeredza, vachiramba kudya. Zvisinei, bhuku rinonzi Helping Your Teenager Deal With Stress rinonyevera kuti paunozvinyima kudya kunokosha, “haugoni kushivirira zvinhu zvakaipa zvinokonzerwa nokukurirwa mupfungwa uye unenge uri mungozi yokukuvara muutano zvikuru.” Saka chengetedza utano hwako. Zorora uye idya zvakakwana.
Unogona kuzorodzwa zvikuru nokutevera zano reBhaibheri rinoti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Shane, ane mashoko ataurwa kwokutanga, aifunganya nezveremangwana rake. “Ndakatanga kunyanyofunga nezveShoko raMwari nechinangwa chake,” anoyeuka kudaro. Akabva aona kuti remangwana rake raizova rinofadza kana akashandisa upenyu hwake kushumira Mwari. (Zvakazarurwa 4:11) “Ndakarega kunetseka nezvezvichaitika kwandiri,” anodaro Shane. “Ndaiva nechimwe chinhu chikuru chokufunga nezvacho.”
Saka kana ukaona kuti uri kunyanyonetseka, tsvaka nzira dzinovaka dzokugadzirisa chinetso chako. Wana zano revakuru. Kupfuura zvose, taura zvinokunetsa kuna Jehovha ‘nokuti ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Nokubatsira kwake, zvichida ucharega kunyanyonetseka.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Taura zvinokunetsa nevabereki vako
[Mufananidzo uri papeji 14]
Ukakurumidza kugadzirisa zvinetso, uchakurumidzawo kuregera kunetseka