Nei Uchifanira Kuverengera Vana Vako Zvinonzwika?
“Akauya kwandiri, ndokukambaira achigara pamakumbo pangu achidhonza bhuku rake raiva nemapeji akaunyana, akazara . . . dovi, ndokubva ati . . . , ‘Ndibatsirei kuriverenga, Baba; ndibatsirei kuriverenga.’”—Dr. Clifford Schimmels, purofesa wezvedzidzo.
VANA—vanodzidza nokukurumidza zvikuru. Ongororo inoratidza kuti kukura kwouropi kunoitika nokukurumidza muvana vane makore matatu zvichidzika. Zvinhu zvinoitwa nevabereki zuva nezuva zvakadai sokuverenga, kuimba, uye kuratidza rudo zvinogona kuita basa rinokosha pakukura zvakanaka kwomwana. Zvisinei, maererano neimwe ongororo, inenge hafu chete yevabereki vane vana vari pakati pemakore maviri nemakore masere vanoverengera vana vavo zuva nezuva. Ungabvunza kuti, ‘Kuverengera mwana wangu kune zvakunobatsira here?’
Kuita Kuti Vade Zvokuverenga
Vanamazvikokota vanoti kuverengera mwana kune zvakunobatsira. “Kuverengera mwana zvinonzwika ndicho chinhu chimwe chete chinokosha pakuvaka zivo inozoita kuti abudirire pakuverenga. Izvi zvinonyanya kukosha mumakore aanenge asati aenda kuchikoro,” unodaro mushumo unoti Becoming a Nation of Readers.
Pavanenge vachiteerera nyaya dzinoverengwa kubva mubhuku, vana vanodzidza pazera duku kuti mabhii ari papepa anoenderana nemashoko atinoita zvokutaura. Vanozivawo manyorerwo anoitwa mutauro mumabhuku. “Nguva yose yatinoverengera mwana, tiri kuudza mashoko ‘anofadza’ kupfungwa dzomwana wacho. Unogona kutaura kuti kushambadzira, kunobatsira mwana kuona kuenderana kunoita mabhuku nezvakadhindwa nenzira inofadza,” rinodaro rimwe bhuku rinotaura nezvokuverenga zvinonzwika. Vabereki vanoita kuti vana vavo vade mabhuku vanokudziridza mavari chido choupenyu hwose chokuva vaverengi.
Kuvabatsira Kunzwisisa Zviri Kuitika
Vabereki vanoverengera vana vavo zvinonzwika vanogona kupa chipo chinokosha—kuziva vanhu, nzvimbo, uye zvinhu. Nenzira isinganyanyi kudhura, vanogona “kushanyira” nyika dzakawanda nomumapeji emabhuku. Ona muenzaniso waAnthony ane makore maviri, aiverengerwa naamai vake kubvira paakazvarwa. Amai vacho vanoti: “Musi waakatanga kushanyira nzvimbo inochengeterwa mhuka rwaiva rwendo rwokunoona zvinhu zvaaiziva nechekare.” Zvaaiziva nechekare? Hongu, kunyange zvazvo Anthony akanga achiona mbizi, shumba, twiza, nedzimwe mhuka sezvadziri chaizvo kokutanga, akanga atomboona mhuka idzi.
Amai vake vanopfuurira kutsanangura kuti: “Anthony akanga ava kutoziva vanhu vasingaverengeki, mhuka, zvinhu uye pfungwa dzakasiyana-siyana, mumakore ake maviri okutanga oupenyu, akaziva zvose izvi nokuverenga mabhuku.” Hungu, kuverengera vana zvinonzwika pavanenge vachiri vaduku kunogona kuwedzera kunzwisisa kwavo zviri kuitika munyika yavanogara.
Kuvaka Ushamwari Hwepedyo
Mumakore okukura, vana vaduku vanokudziridza mafungiro anozopesvedzera zvavanoita mumakore achazouya. Saka vabereki vanofanira kuvaka hwaro hwokuti pave noushamwari hwepedyo hune kuvimbana, kuremekedzana, uye kunzwisisana. Kuverenga kunogona kuita basa guru pakuita izvi.
Vabereki pavanova nenguva yokumbobata vana vavo mumaoko avo uye kuvaverengera, mashoko avanenge vachitaura akajeka okuti: “Ndinokuda.” Phoebe, vamwe amai vomuCanada, achitaura nezvokuverengera kwaaiita mwanakomana wake, zvino ava nemakore masere, akati: “Ini nomurume wangu tinofunga kuti izvi zvakaita basa guru pakuita kuti Nathan ave pedyo nesu. Anotaura nesu akasununguka uye anowanzotiudza manzwiro aanenge achiita. Zvakaumba ushamwari hwakasimba.”
Cindy ane muitiro wokuverengera mwanasikana wake zvinonzwika kubvira paaiva negore rimwe chete uye akanga achitokwanisa kugara uye kuteerera kweminiti imwe chete kana maviri. Izvozvo zvakabatsira here? Cindy anoti: “Pakuverenga pamwe chete mamiriro ezvinhu oushamwari, pasina kutyisidzirana ndiwo anongodiwa kuti tikurudzire Abigail kutaura pamusoro pechimwe chinhu chaitika kuchikoro kana kuti chinetso neshamwari. Mubereki upi asingadi kuudzwa zvinhu zvakadaro?” Zvechokwadi, kuverenga zvinonzwika kunogona kuita kuti pave noushamwari hwepedyo pakati pomubereki nomwana.
Kudzidzisa Unyanzvi Hunokosha Hunodiwa Muupenyu
“Zvisina kumboitika kare, mazuva ano vana vedu vanopinza marara akawanda mupfungwa dzavo, kubva paterevhizheni uye mune zvimwewo, zvinovaka pfungwa, uzivi, uchenjeri, zvinotsigisa pfungwa zvichavabatsira kurarama maererano nezvavanonyanya kuda uye kuona upenyu hwavo nenzira yakakodzera,” rinodaro bhuku rinonzi 3 Steps to a Strong Family. Vabereki ndivo vangatokwanisa kupa pesvedzero yakanaka uye inovaka.
Kuita kuti mwana aone mitsetse yakaoma kunzwisisa uye yakaumbwa zvakanaka inowanikwa mumabhuku kunogona kuva chishandiso chakanaka chokudzidzisa mwana kujekesa zvinhu pakutaura uye pakunyora. Dorothy Butler, munyori webhuku rinonzi Babies Need Books, anoti: “Kunaka kwezvinofungwa nomunhu kuchatsamira pakunaka kwomutauro wake. Zvechokwadi, mutauro unokosha kana toreva nezvokudzidza uye kungwara.” Kukwanisa kukurukura zvakanaka ndiko kunoita kuti pave noukama hwakanaka.
Kuverenga mabhuku akakodzera kunogona kusimbisa kuzvibata kwakanaka uye tsika. Vabereki vanoverengera vana vavo uye vanovabatsira kufunga vanogona kuvabatsira kukudziridza unyanzvi hwokugadzirisa zvinetso. Cindy paaiverenga nomwanasikana wake Abigail, ainyatsoona zvaiitwa naAbigail kumamiriro ezvinhu aitaurwa munyaya. “Sevabereki, tinogona kuziva nezvemamwe maitiro ake asiri pachena uye kumubatsira kubvisa kufunga kusina kukodzera pakuvamba.” Zvechokwadi, kuverenga nevana zvinonzwika kunogona kudzidzisa zvose pfungwa nomwoyo.
Ita Kuti Kuverenga Kunakidze
Verenga “usingaiti zvokumumanikidza,” uchiita kuti mamiriro ezvinhu arambe akasununguka, uye achifadza. Vabereki vanofunga vanoziva nguva yokumira kuverenga. Lena anoti: “Dzimwe nguva Andrew, ane makore maviri, anenge akaneta zvikuru uye haagari akati twasu kwenguva refu. Tinoita kuti purogiramu yedu yokuverenga ive pfupi tichifungawo nezvemanzwiro ake. Hatidi kuti Andrew aone sokuti kuverenga hakufadzi, saka hatimumanikidzi kwenguva refu kupfuura yaanokwanisa.”
Kuverenga zvinonzwika kunosanganisira zvakawanda kwazvo zvinopfuura kungodaidzira zvakadhindwa. Ziva nguva yokuvhura imwe peji yebhuku rine mifananidzo kuti arambe achida. Verenga zvakatsetseka. Kusiyanisa inzwi uye kusimbisa pfungwa zvinogonawo kuwedzera kunakidza kwenyaya yacho. Ushamwari huri muinzwi rako hunogona kuita kuti mwana wako anzwe akachengeteka.
Kubatsirwa kwacho kunova kwakakura kwazvo kana mwana wako achivawo nezvakawanda zvaanoita. Mira nguva nenguva, uye bvunza mibvunzo yokuti apindure zvaanofunga. Wedzera pamhinduro dzomwana wako nokupa dzimwe mhinduro dzakakodzera dzingaita.
Sarudza Mabhuku Okuverenga
Zvisinei, zvimwe chinhu chinokosha zvikuru kusarudza mabhuku akanaka. Kuita kudaro kunoda kumboti ongororei. Nyatsosarudza mabhuku, uye ramba uchitsvaka aya ane mashoko akanaka kana kuti anorayiridza uye ane nyaya dzinokurudzira tsika dzakanaka. Nyatsoongorora butiro racho, mifananidzo yacho, uye manyorerwo aro ose. Sarudza mabhuku anofadza zvose mubereki nomwana. Kazhinji, vana vachakumbira kuti nyaya imwe chete iverengwe yaverengwazve.
Vabereki vakawanda munyika yose vanonyanya kufadzwa neBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.a Rakagadzirirwa vabereki kuti vaverenge nevana vavo vaduku, uye haringobatsiri vana kuti vave vaverengi vakanaka asi rinowedzerawo kufarira kwavanoita Bhaibheri.
Vabereki vanoverengera vana vavo zvinonzwika vanogona kuvaita kuti vave netsika dzakanaka dzokuverenga, zvingaunza migumisiro ine zvainoreva kwoupenyu hwose. JoAnne achitaura nezvomwanasikana wake akati: “Jennifer haana kudzidza kuverenga nokunyora chete asati aenda kuchikoro uye kuva nechido chokuverenga, asi zvinotokosha zvikuru, akakudziridza kuda Musiki wedu Mukuru, Jehovha. Jennifer akadzidza kutsamira paShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri, kuti rimutungamirire pazvisarudzo zvake zvose.” Zvechokwadi, zvaunobatsira mwana kuda zvinogona kuva zvinokosha zvikuru pane zvaunomubatsira kudzidza.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]
Paunenge Uchiverengera Mwana Wako
• Tanga paanenge achiri mucheche.
• Bvumira mwana wako kugadzikana usati waverenga.
• Verenga nyaya dzamunoda mose.
• Verenga kakawanda sekaunogona uye zvine upenyu.
• Ita kuti mwana wako ave nechaanoita nokubvunza mibvunzo.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]
Mufananidzo wakatorwa paWildlife Conservation Society’s Bronx Zoo