RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 2/8 pp. 27-29
  • Muchato Unofanira Kuva Chisungo Chechigarire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muchato Unofanira Kuva Chisungo Chechigarire
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chisungo Chechigarire
  • Pashure Pezuva Romuchato
  • Kuratidza Rudo Noruremekedzo
  • Ziva Kuti Vanhu Tinokanganisa
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Kana Roorano Yava Kudokupunzika
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 2/8 pp. 27-29

Muchato Unofanira Kuva Chisungo Chechigarire

TICHITAURA kubva mune zvinobuda pakupera kwemafirimu akawanda, kuroorana chinhu chinodiwa. Kakawanda, pakupedzisira murume nomudzimai vanogara pamwe chete, vanoroorana, vorarama “vachifara kubva ipapo kusvika narini.” Mumafirimu, kazhinji apa ndipo panoperera nyaya yacho.

Asi chaizvoizvo, muchato hapasipo panoperera nyaya yacho asi iwo mavambo oupenyu hutsva hwokugara pamwe chete. Uye zvinotarisirwa kuti sezvinotaurwa naMuparidzi 7:8, “kuguma kwechinhu kuri nani pane kutanga kwacho.”

Chisungo Chechigarire

Kuona zviri mberi kunodiwa. Muchato unofanira kuva pahwaro hwakasimba kana uchizogara kwenguva refu uye vanhu vachifara. Kana zvisina kudaro, kunetseka kunoitika pashure pomuchato kunogona kuva kwakanyanya zvikuru kukunda kwomuchato. MuKristu haakwanisi kuroora kana kuroorwa achifunga kuti: ‘Kana zvikasashanda, ndinogona kumuramba.’ Kuroorana kunofanira kuonekwa sechisungo chechigarire.

Jesu akajekesa kuti kuroorana kwakanga kuchifanira kuva kwechigarire paakapindura mubvunzo maererano nokurambana. Akati: “Hamuna kurava here kuti iye wakavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi uye akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira kumudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havachisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe pajoko naMwari.”—Mateu 19:4-6.

Pashure Pezuva Romuchato

Zvakataurwa nomazvo kuti muupenyu hwomuKristu, kuroora kana kuroorwa kunokundwa kukosha bedzi nokuzvitsaurira kwaanoita kuna Mwari. Kuzvitsaurira kunosunganidza munhu noMusiki nokusingaperi, uye kubhabhatidzwa kunoita kuti ruzhinji ruone izvi. Kuchata kuratidzwa kwepachena kwokuzvipira kune mumwe munhu—kusvika narini. Zvakaipa chaizvo kuti munhu azvitsaurire kuna Mwari kana kuroorana nomumwe munhu iye asina chokwadi chakakwana nazvo. Naizvozvo, vaya vari kufunga kuroorana vanofanira kunyatsoongorora zvinodavirwa nomunhu wavari kuda kuroorana naye, vavariro dzake, mafungiro ake uye unhu hwake.

Pakugadzirira muchato panofanira kuva netsitsi, kufunga zvakanaka uye kushandira pamwe chete. Izvi zvinotonyanya kukosha pashure pacho kuti muchato ubudirire. Vachangobva kuchata vari kudanana zvokufa, asi pashure pomuchato zvinofanira kuyeukwa kuti zuva nezuva, rudo “haruzvitsvakiri zvarwo.” Kana izvi zvikaitwa gore negore, “rudo harumboperi.” (1 VaKorinde 13:5, 8) Paine rudo runogara, zvinhu zvakadai somwoyo murefu, tsitsi, kunaka, uye kuzvidzora—zvibereko zvomudzimu waMwari—zvichava nyore kuratidza. Zvinhu izvi zvakakosha kuti muchato ubudirire.—VaGaratiya 5:22, 23.

Chinhu chakaoma kuramba uchiratidza zvinhu izvi pashure pezuva romuchato. Zvisinei, chinoita kuti ubudirire kuratidza zvinhu izvi ndeichi: Ida munhu wawakaroorana naye, uye ida kuzvipira.

Jesu akati murayiro mukuru pane yose kuvanhu ndewokuda Jehovha, uye akati wechipiri ndouyu, “Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Muvakidzani wepedyo chaizvo kumunhu akaroora kana kuroorwa mudzimai kana murume wake, nokuti hapana chimwe chinhu pasi pano chinokwanisa kuunza vanhu vaviri pedyo napedyo zvakadaro sezvinoita kuroorana.

Zvisinei, kungova pamwe chete munyama hakurevi kuti pachava nokupindirana mupfungwa. Kuva pamwe chete kwevanhu vaviri hakurevi kuti pfungwa dzavo dzichava pamwe chete. Kuti kuva pamwe chete pabonde kufadze zvikuru, mwoyo nevavariro zvinofanirawo kuva pamwe chete. Kazhinji kacho, kuzvipira kumumwe munhu ndizvo zvinodiwa kuti imba ibudirire. Ndiani anofanira kuzvipira? Murume here? Mudzimai here?

Kuratidza Rudo Noruremekedzo

Shoko raMwari rinorayira kuti: “Pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Kana uchikwanisa, zvipire kune mumwe wako asati atombokukumbira. Handizvo here kuti chinhu chinowanikwa munhu apera inzwi nokukumbira chinobva chashaya basa? Pane kudaro, mumwe nomumwe akaroora kana kuroorwa anofanira kudzidza kuva netsika yokutanga iye kukudza mumwe wake.

Somuenzaniso, varume vanorayirwa ‘kukudza mudzimai sezvavanoita mudziyo une simba shoma pavari, iye mukadzi, kuti minyengetero yavo irege kudziviswa.’ (1 Petro 3:7) Kana murume asingakudzi mudzimai wake, kunyange minyengetero yake kuna Mwari inogona kudziviswa. Zvisinei, kukudza mudzimai wako zvinorevei? Zvinoreva kufunga nezvake nguva dzose, kuteerera pfungwa dzake, kuita zvaanenge achida iye pazvinhu zvakasiyana-siyana kakawanda. Uye mudzimai anokwanisa kukudza murume wake saizvozvowo, achishanda zvakaoma kuti ave mubatsiri anoshandira pamwe chete nomurume wake.—Genesi 21:12; Zvirevo 31:10-31.

Shoko raMwari rinoti: “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoidyisa uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.” Kristu aida vateveri vake zvakadini? Akanga achida kuvafira nomwoyo wose. Bhaibheri rinotiwo: “Mumwe nomumwe wenyu [imi varume] ngaadewo mukadzi wake sezvaanozviita.” (VaEfeso 5:28-33) Uye Shoko raMwari rinoudza madzimai ‘kuda varume vavo vachizviisa pasi pevarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kutaurwa zvakaipa nezvaro.’—Tito 2:4, 5.

Ziva Kuti Vanhu Tinokanganisa

Sezvo vanhu vose vachiberekwa vasina kukwana, vose vanokanganisa. (VaRoma 3:23; 5:12; 1 Johani 1:8-10) Asi pane kukudziridza zvikanganiso, teerera zano reBhaibheri rinoti: “Kupfuura zvinhu zvose, dananai zvikuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8) Zvinganaka chaizvo kana tikafuratira zvikanganiso zviduku, torega kuzvifunga. Tinogona kudaro zvekare kuzvikanganiso zvakati kurei. VaKorose 3:12-14 inoti: “Pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.”

Tinofanira kukanganwira zvikanganiso zvinongoitika zvomurume kana mudzimai wedu kangani? Petro akabvunza Jesu kuti: “‘Ishe, hama yangu inofanira kunditadzira kangani ini ndichiikanganwira? Kusvikira kanomwe here?’ Jesu akati kwaari: ‘Ndinoti kwauri, kwete, Kusvikira kanomwe, asi, Kusvikira kane makumi manomwe nekanomwe.’” (Mateu 18:21, 22) Sezvo Jesu akanga achitaura nezvevanhu vasina kuroorana, tinotofanira kunyanya kukanganwira vatakaroorana navo!

Kunyange zvazvo michato yave iri pamutenure mumakore achangobva kupfuura aya, pakupedzisira, michato icharamba iripo nokuti yakatangwa naMwari uye chinhu chose chaanoita “chakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Haisi kuzova yechinyakare. Uye inogona kubudirira, kunyanya kune vaya vanoremekedza uye vanochengeta mirayiro yaMwari. Asi chinetso chiripo ndeichi: Ko vaviri vacharamba vakavimbika kumhiko yavakaita musi womuchato yokudanana uye kuremekedzana here? Zvechokwadi izvi zvinogona kuva zvakaoma zvikuru uye ungatofanira kurwa zvakasimba kuti ukunde. Asi mubayiro wacho uchange uri mukuru!

[Bhokisi riri papeji 28]

KURAMBANA UYE KUPARADZANA

Mwari, Muvambi womuchato, akauita kuti uve chisungo chisingagumi. Asi pane chikonzero chipi nechipi chiri muMagwaro chokuti munhu arambe mudzimai kana murume wake here—uye zvichiita kuti akwanise kuroorazve kana kuroorwazve? Jesu akapindura mubvunzo uyu paakati: “Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba mukadzi wake, kunze kwechikonzero choufeve, akaroora mumwe anoita upombwe.” (Mateu 19:9) Kusavimbika pabonde kunoitwa nomumwe ndicho chikonzero chete chokurambana chinobvumira munhu asina kukanganisa kuti aroorezve kana kuroorwazve.

Uyezve, mashoko eBhaibheri ari pana 1 VaKorinde 7:10-16, nepo achikurudzira murume nomudzimai kugara pamwe chete, anobvumira kuparadzana. Vamwe, pashure pokunge vaedza chose kuti muchato wavo usaparara, vanofunga kuti hapana zvimwe zvavangaita kunze kwokuparadzana. Zvikonzero zvipi zviri muMagwaro zvokutora danho iroro?

Chimwe ndechokusada kuriritira mhuri nemaune. Pakuroorana, murume anotora mutoro wokugovera mudzimai wake nevana zvokudya nezvokupfeka. Murume anotadza nemaune kugovera zvinhu zvokunyama zvinodiwa noupenyu “aramba kutenda uye akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.” (1 Timoti 5:8) Saka kuparadzana kunogona kuitika.

Chimwe kurova kwakanyanya. Saka, kana murume achigara achirova mudzimai wake, ari kurohwa wacho anokwanisa kuparadzana naye. (VaGaratiya 5:19-21; Tito 1:7) ‘Mwari anovenga ani naani anoda zvechisimba.’—Pisarema 11:5.

Chimwe chikonzero chokuparadzana kumanikidzwa zvachose kwomutendi kuti arege kunamata—ukama hwomumwe munhu naMwari. Kana kushora kwomurume kana mudzimai, zvichida nokurova, kuchiita kuti zvive zvakaoma kunamata uye zvichiita kuti kunamata kwomutendi kuve pangozi, vamwe vatendi vakaona zvakakodzera kuparadzana.a—Mateu 22:37; Mabasa 5:27-32.

Zvisinei, kana kurambana kukaitika mumamiriro ezvinhu akadaro, hapana anenge akasununguka kuroorazve kana kuroorwazve. Maererano neBhaibheri, chikonzero chete chakanaka chokuti vanhu varambane vachizobvumirwa kuroorwazve kana kuroorazve upombwe kana kuti “ufeve.”—Mateu 5:32.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1988, mapeji 22-3, panokurukurwa nezvokuparadzana.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Muchato unofanira kuonekwa sechinhu chechigarire

[Mufananidzo uri papeji 28]

Jesu akati tinofanira kukanganwira “kane makumi manomwe nekanomwe”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe