RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 3/8 pp. 27-29
  • Kuona Basa Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuona Basa Zvakanaka
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Zvisarudzo Zvokuchenjera
  • Kutsvaka Basa Riri Nani
  • Nzira Yokuona Nayo Basa Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Farira Basa Rako
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Fadzwa Nekushanda Nesimba
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • “Zvakafanira Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 3/8 pp. 27-29

Kuona Basa Zvakanaka

MURWI akazvipira akashanda panguva yake yezvokudya zvemasikati kuitira kuti apedze basa raidiwa nomukuru wake wepabasa. Apo vamwe vake vakadzoka kubva kuzvokudya zvemasikati, vakamuona akadonhera pamapepa ebasa raiva padhesiki rake—afa.

Pasina kumbopera maawa maviri, vamwe vake vakashamiswa pavakanzwa mukuru wavo avaridzira runhare ndokuti: “Ndine urombo nezvaitika kuna———, asi ndinoda mumwe wokumutsiva mangwana mangwanani!” Zvakaita kuti vacherechedzi vashamisike kuti, Basa raiitwa nomurwi uyu ndiro raingokosha chete kumukuru wake kupfuura iye here?

Zvakaitika izvi zvinoratidza chokwadi chiri kuitika—chokwadi chokuti kukosha kwomunhu kunowanzoyerwa bedzi nokugona kushandira mushandirwi wake kwaanoita. Izvi zvinogona kuita kuti mumwe abvunze kuti: Ndinorarama kuti ndishande here kana kuti ndinoshanda kuti ndirarame? Ndezvipi zvinhu zvoupenyu hwangu zvandiri kuisa pangozi nokuda kwebasa rangu?

Kuita Zvisarudzo Zvokuchenjera

Zvisarudzo zviviri zvinoonekwa nevamwe sezvinokosha zvikuru muupenyu kakawanda zvinongoitwa pasina kufunga—kusarudza wokuroorana naye uye kusarudza basa. Zvose basa nokuroora zvaimboonekwa sezvinhu zvechigarire. Saka chimwe nechimwe chaizvozvi chainyatsosarudzwa. Kakawanda, mazano aitsvakwa kushamwari dzakura nevabereki.

Zvisinei, mazuva ano vakawanda vanoita sevanosarudza vokuroorana navo nemhaka bedzi yokuti vanokwezvwa norunako, vachiti kana zvinhu zvikasafamba zvakanaka, vanotsvaka mumwe. Kufanana naizvozvo, vakawanda vanosarudza basa nokungoti chete rinoita serakanaka, pasina kufunga zvimwe zvakaipa zvinogona kuvapo. Kana kuti zvinhu zvakaipa zvinogona kuvapo zvinoregwa kufungwa nezvazvo, vachifunga kuti, ‘Ndichazvipedza.’

Zvinosuruvarisa kuti vakadzi vomunyika dzine urombo vanowanzonyorera mabasa anokwezva anovimbisa upenyu hwoumbozha kune dzimwe nyika. Pakusvika kwavo mune imwe nyika, zvisinei, kakawanda vanoendeswa kudzimba dzepfambi, uko magariro avo sezvifeve akaipa kupfuura upenyu hwavaimborarama. Maererano nenyaya yeWorld Press Review urwu rudzi rwouranda hwamazuva ano hunotyisa “idambudziko risingaperi.”

Vanhu vangakwezvwawo kubvuma basa rinozopedzisira ravaita kuti vave mumamiriro ezvinhu avanonzwa vava varanda here? Izvi zvakatoitika! Somuenzaniso, mamwe makambani anopa zvinhu zvoumbozha kuti vashandi vawo vabatsirwe. Izvi zvinogona kusanganisira dzimba dzokudyira dzokushandisa nemhuri neshamwari, kugadzirirwa motokari pachena uye kuwachirwa mbatya mahara, vanachiremba vemazino vari pedyo, kushandisa dzimba dzokurovedza muviri pasina kubhadhara, kubhadharirwa imwe mari yezvinhu zvinodyiwa mumaresitorendi anodhura.

“Imwe kambani yakatobhadhara imwe inotsvakira vanhu vokudanana navo ichiitira vashandi vayo vanoshandiswa zvakanyanya,” anoshuma kudaro mutori wenhau Richard Reeves. Asi ngwarira! Anotsanangura kuti: “Makambani aya anounza zvirongwa zvinoita kuti upenyu hwako huve nyore, kana uchingoita chinhu chimwe—chokuti vadzore upenyu hwako; vachiita kuti ushande maawa 18 pazuva roga roga uye pakupera kwevhiki, udye, urovedze muviri, utambe, kunyange kurara muhofisi kuti ungowedzera purofiti yavo.”

Kutsvaka Basa Riri Nani

Chirevo chekare chinoti: “Imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.” (Muparidzi 9:4) Chirevo chakadaro chinomutsa mubvunzo wokuti, Basa rangu rinokosha kupfuura upenyu hwangu here kana kuti kugara zvakanaka kwangu? Mukupindura, vamwe vakaedza kufunga nezvazvo uye vakawana nzira yokurarama nayo inovakwanira—kusanganisira neyemhuri yavo kana vanayo—uyewo kurarama upenyu hunofadza, hune chinangwa.

Chokwadi, kuita izvi kunowanzoda mwero uye kungada kusarudza zvakakosha, pane kusarudza zvinhu zvisingakoshi zvaunoda. Vaya vari kutsvaka chinzvimbo nomukurumbira vangaramba mabasa akaderera uye vangatoona vaya vanoasarudza semapenzi. Asi chaizvoizvo chii chinokosha muupenyu? Wati wambozvifunga here?

Mambo Soromoni akachenjera, akanyora chirevo chanyorwa pamusoro apa, akanga akabudirira chaizvo pakuwana zvinhu zvichida kupfuura munhu upi noupi. Asi achipfupikisa zvinonyatsokosha, akanyora achifuridzirwa naMwari kuti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.

Asi kunyange akadaro, Soromoni aikoshesa basa. “Hakuna chinhu chinopfuura ichi,” akanyora kudaro, “kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake.” (Muparidzi 2:24) Jesu Kristu, Soromoni Mukuru, anokoshesawo basa, sezvinoita Baba vake vokudenga. “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ndinoramba ndichishanda,” akatsanangura kudaro Jesu.—Johani 5:17; Mateu 12:42.

Asi, pari zvino nduramo youpenyu hwomunhu ipfupi. (Pisarema 90:10) Asi Kristu aiziva kuti upenyu husingaperi pasi pano huchavapo mukutonga kwoUmambo, hwaakadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere. Ndokusaka akakurudzira pamharidzo yake yakakurumbira yepagomo kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari], uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:9, 10, 33.

Nezvoupenyu mukutonga kwoUmambo ihwohwo, Bhaibheri rinopikira kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; . . . vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”—Isaya 65:21, 22.

Itarisiro inofadza chaizvo—kunakidzwa nokusingaperi noupenyu hunosanganisira basa rine chinangwa rinopa mubayiro! Kunyatsoongorora mamiriro edu ezvinhu kunogona kuratidza kuti tinoda kufunga nezvemamwe mativi ebasa redu nhasi kuti tidzivise ngozi dzinogona kuuya dzinogona kukanganisa zvikuru mukana wedu wokunakidzwa no“upenyu chaihwo”—upenyu hwomunguva yemberi muUmambo hwaMwari. (1 Timoti 6:19) Saka ngatiratidze mubasa redu, kana kunyange zvipi zvatiri kuita, kuti tinoremekedza Munhu akatipa upenyu.—VaKorose 3:23.

[Mifananidzo iri papeji 28, 29]

Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, vanhu vachanakidzwa nebasa rakachengeteka uye rinopa mubayiro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe