RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 5/8 pp. 13-15
  • Chirwere cheBP—Madzivirirwe Nemaderedzerwe Acho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chirwere cheBP—Madzivirirwe Nemaderedzerwe Acho
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvausingakwanisi Kudzora
  • Zvaunokwanisa Kudzora
  • Mararamiro Ane Utano
  • Ropa—Rinokosha Nokuda Kwoupenyu
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 5/8 pp. 13-15

Chirwere cheBP—Madzivirirwe Nemaderedzerwe Acho

NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRAZIL

MARIAN akatya! Asina kuziva chakonzera, akatanga kubuda mututu wakawanda. “Ndakafunga kuti ndave kufa,” anoyeuka kudaro. Chiremba akaudza Marian kuti mututu wake wakanga wakonzerwa nechirwere cheBP. “Asi ndiri kunzwa zvakanaka,” anodaro Marian. “Vanhu vakawanda havazivi kuti vane chirwere cheBP nokuti havana zvinoratidza kuti vanacho,” akapindura achidaro.

Zvakadini neBP yako? Mararamiro auri kuita zvino angakonzera chirwere cheBP munguva yemberi here? Ungaitei kuti BP yako irambe yakaderera?a

BP isimba rokufamba kweropa mutsinga. Inogona kuongororwa nekamuchini kanomonererwa muruoko uye kaine chinoratidza simba rayo. Nhamba mbiri dzinotorwa ipapa. Somuenzaniso: 120/80. Nhamba yokutanga inonzi systolic blood pressure nokuti inoratidza BP inenge iripo panguva yokurova kwemwoyo zvikuru, uye nhamba yechipiri inonzi diastolic blood pressure nokuti inoratidza BP inenge iripo mwoyo usingarovi zvikuru. BP inoyerwa mumamirimita emercury, uye varapi vanoti varwere vanenge vava neBP yakakwira kana yadarika 140/90.

BP inokwidzwa nei? Fungidzira kuti uri kudiridza mubindu rako. Nokuvhura pombi kana kuti kuvhura zvishoma buri rehosipaipi, unowedzera simba rokufamba kwemvura. Ropa rinofambawo saizvozvo: Kuwedzera kumhanya kweropa kana kuderedza upamhi hwetsinga kunokwidza BP. Chirwere cheBP chinombovapo sei? Zvakawanda zvinobatanidzwa.

Zvinhu Zvausingakwanisi Kudzora

Vaongorori vakawana kuti kana munhu aine hama dzine chirwere cheBP, pane mikana mikuru yokuti arwarewo nechirwere ichi. Nhamba dzinoratidza kuti chirwere cheBP chinowanzowanika pamapatya akafanana kupfuura pamapatya akasiyana. Kumwe kuongorora kunotaura nezve“nzvimbo ine majini anokonzera chirwere cheBP,” zvose izvi zvichipupurira kuvapo kwemajini okuzvarwa uinawo anokonzera chirwere cheBP. Dambudziko rokuva nechirwere cheBP yakadarikidza rinozivikanwa serinowedzerawo nezera uye kuti rakanyanya pavarume vechitema.

Zvaunokwanisa Kudzora

Ngwarira zvaunodya! Kune vamwe vanhu munyu ungawedzera BP, kunyanya vanhu vane chirwere cheshuga, vaya vane BP yakakwirira zvikuru, vechikuru, uye vamwe vatema. Mafuta akawanda mutsinga dzinofambisa ropa anogona kuungana mutsinga dzeropa, zvobva zvadukupisa upamhi hwadzo BP yowedzera. Vanhu vane uremu hunopfuura hwomuviri wavo chaiwo ne30 kubva muzana vangangobatwa nechirwere cheBP. Zvakawanwa zvinoratidza kuti kudya potassium uye calcium yakawanda kungaderedza BP.

Kusvuta ndiko kunowanzokonzera kuungana kwemafuta mutsinga dzeropa, chirwere cheshuga, hosha yemwoyo, uye sitiroko. Nokudaro, kusvuta nechirwere cheBP zvingakonzera zvirwere zvemwoyo. Kunyange zvazvo uchapupu hwacho huchipesana, caffeine—iri mukofi, tii, nomuzvinwiwa zvecola—uye kuneta mupfungwa nomumuviri zvingakonzera chirwere cheBP. Uyezve, masayendisiti anoziva kuti kunwisa kana kuti kuramba uchinwa zvinwiwa zvinodhaka uye kusarovedza muviri kungawedzera BP.

Mararamiro Ane Utano

Kungava kukanganisa kumirira kuti BP ikwire uye kwava kuedza kutora matanho anovaka. Mararamiro anopa utano anofanira kukosheswa kubvira pazera duku. Kuzvitarisira iko zvino kuchaguma noupenyu huri nani mberi.

Third Brazilian Consensus on Arterial Hypertension yakarondedzera kuchinja mumararamiro kunoderedza chirwere cheBP mutsinga dzeropa. Zvinobatsira vanhu vaya vane BP yakakwirira kana kuti vane yakafanira.

Kumunhu mukobvu, vaongorori vanoti zviri nani kudya zvokudya zvinovaka zvine mafuta mashoma, kurega zvokudya zviya zvinoderedza uremu nokukurumidza, ukuwo kwava kuchengeta purogiramu ine mwero yokurovedza muviri. Kana uri munyu, vanoti zviri nani kushandisa magiramu asingapfuuri matanhatu kana kuti chipunu chiduku chimwe chete pazuva.b Izvi zvinoreva kushandisa munyu mushoma pakugadzira zvokudya, uyewo kudya zvokudya zvomumagaba zvishoma, porona, (salami, ham, masoseji, nezvimwe,) uye zvokudya zvakasasikwa. Munyu watinodya unogonawo kuderedzwa nokurega kuwedzera mumwe munyu pakudya uye nokuongorora pakiti rezvokudya zvakabikwa kare kuti zvine munyu wakawanda sei.

Brazilian Consensus inotiwo kudya potassium yakawanda kunga“rwisa BP yakakwirira.” Kana zvakadaro, kudya kunovaka kunofanira kusanganisira “zvokudya zvine munyu mushoma uye zvine potassium yakawanda,” zvakadai sebhinzi, miriwo mitema, mabhanana, manwiwa, makarotsi, bhitiruti, madomasi, uye maranjisi. Zvinokoshawo kuti usanwe doro rakawanda. Vamwe vaongorori vanoratidza kuti varume vane chirwere cheBP havafaniri kunwa zvinodhaka zvinopfuura mamiririta 30 pazuva; uye vakadzi kana kuti vaya vanorema zvishoma havafaniri kunwa zvinopfuura mamiririta 15.c

Brazilian Consensus yakagumisa kuti kurovedza muviri nguva dzose kunoderedza BP uye kunoita kuti pasakurumidze kuva nechirwere cheBP. Kurovedza muviri kune mwero, kwakadai sokufamba, kuchovha, uye kushambira, kwemaminitsi 30 kusvika ku45 katatu kana kuti kashanu pavhiki kunobatsira.d Zvimwe zvinoita kuti pave nemararamiro ane utano zvinosanganisira kurega kusvuta, kuderedza uwandu hwemafuta muropa uye chirwere cheshuga, kudya calcium yakakodzera nemagnesium, uye kudzivisa kuneta mupfungwa nomuviri. Mimwe mishonga ingawedzera BP, yakadai seinovhura mhino, iya inobvisa kufufutirwa, iya inoita kuti unzwe uchida kudya chaizvo, neine caffeine inonyaradza marwadzo omusoro.

Zvechokwadi, kana uine chirwere cheBP, chiremba wako ndiye angakupa mazano akanyatsokodzera pane zvaunofanira kudya uye kuita, zvichienderana nezvauri. Zvisinei, pasinei nemamiriro ako ezvinhu, kuva nemararamiro ane utano kubvira pazera duku kunowanzobatsira, kwete vanhu vane chirwere cheBP chete asiwo nhengo dzose dzemhuri. Marian, ataurwa kwokutanga kwenyaya ino, aifanira kuchinja mararamiro ake. Pari zvino ari kushandisa mishonga uye ari kurarama sezvinongoita vamwe pasinei noutano hwake hunomunetsa. Zvakadini newe? Pauri kumirira nguva iyo vanhu vose vachava noupenyu hune utano hwakanaka uye yokuti “hakuna ugeremo, uchati: ‘Ndinorwara,’” ramba uchiongorora BP yako!—Isaya 33:24.

[Mashoko Omuzasi]

a Mukai! haitsigiri kurapa kupi nokupi, nokuti inoziva kuti izvi zvinosarudzwa nomunhu oga oga.

b Ona chiremba wako kuti akuudze munyu nepotassium zvaungada zuva nezuva kana uchirwara neBP kana kuti mwoyo, chitaka, kana kuti hosha yeitsvo uye kana uri kurapwa.

c Mamiririta 30 edoro akaenzana nemamiririta 60 ezvinwiwa zvakadai sewhiskey, vodka, nezvimwewo, mamiririta 240 ewaini, kana kuti nemamiririta 720 ehwahwa hwechirungu.

d Kurukura nachiremba wako kana uchida purogiramu yokurovedza muviri.

[Bhokisi riri papeji 14]

KURWISA CHIRWERE CHEBP

1. Matanho Angabatsira Kuderedza Chirwere cheBP

• Deredza uremu hwomuviri

• Usadya munyu wakawanda

• Idya zvokudya zvakawanda potassium

• Usanyanya kunwa zvinwiwa zvinodhaka

• Rovedza muviri nguva dzose

2. Mamwe Matanho Angabatsira Kuderedza BP

• Zvokudya zvine calcium nemagnesium

• Miriwo mitema

• Mishonga inorwisa kuzvidya mwoyo

3. Mamwezve Matanho

• Rega kusvuta

• Deredza uwandu hwemafuta emuropa

• Deredza chirwere cheshuga

• Rega zvinodhaka zvinowedzera BP

[Kwazvakatorwa]

Zvakabva kuThird Brazilian Consensus on Arterial Hypertension—Revista Brasileira de Clínica & Terapêutica.

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kurovedza muviri nguva dzose uye kudya kunovaka muviri kunobatsira kudzivisa chirwere cheBP nokuchideredza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe