Rugare Rwenyika Yose Hakusi Kungorota!
KUDAI Alfred Nobel aizotarisa zvakaitika muzana remakore rapfuura, aizoona sokuti rugare rwenyika yose rwaizogona kuvapo here? Pasina kupokana, aizofara kuziva kuti vanhu vakawanda vakaedza zvepachokwadi kupedza hondo. Kunyange zvakadaro, aizonangana nechokwadi chinorwadza. Purofesa Hugh Thomas anonyatsozvitaura zvose achiti: “Zana remakore rechi20—kunyange riri rimwe rakafambira mberi mune zvemagariro evanhu uye iro hurumende dzakaratidza kuva nehanya noupenyu hwevarombo—ndiro rakanga richidzorwa nechigwagwagwa, motokari yehondo, ndege yeB-52, bhomba renyukireya, uye pakupedzisira chombo chinokandwa. Rave rine hondo dzakadeura ropa uye dzaiparadza kupfuura dzeimwe nguva ipi neipi.” Thomas anowedzera kuti “naizvozvo, inhau yokufungidzira kuti nguva yacho yakanga iri yokufambira mberi here kana kuti kwete.”
Kutarisira rugare rwenyika kunooneka sekwawedzera here nokuti tapinda muzana remakore rechi21? Kana! Ichitaura nezvokurwiswa nemagandanga kwomusi waSeptember 11, 2001, muNew York City neWashington, D.C., magazini yeNewsweek inoti: “Munyika umo ndege dze767 dzinogona kuitwa zvombo, hapana chinoita sechisingagoneki, sechinosetsa—kana kuti, kupfuura zvose, kunyange kudzivisika.”
Vamwe vanoti, kuti rugare rwenyika yose ruvepo, zvinhu zviviri zvinofanira kuitika: Chokutanga, shanduko huru inofanira kuitika mumaonero nemaitiro evanhu; uye chechipiri, marudzi ose anofanira kubatana ari pasi pehurumende imwe. Bhaibheri rinotaura nezvenguva apo rugare ruchavapo—asi kwete nokuedza kwevanhu. Pisarema 46:9 richitaura nezvoMusiki, Jehovha Mwari, rinoti: “[Iye] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” Mwari achaita sei izvi? Achishandisa Umambo hwake, uhwo vanhu vakawanda vakatendeka vakanyengeterera kakawanda. Umambo ihwohwo hachisi chinhu chinonetsa kutsanangura chiri mumwoyo, asi ihurumende chaiyo iyo Mwari achaunza nayo rugare kubva kune rimwe divi repasi kuenda kune rimwe. Muprofita akafuridzirwa Isaya akafanotaura kuti vanotongwa nehurumende yacho “havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Nepurogiramu yokudzidzisa yenyika yose, vanhu vachadzidza kugara murugare nokudaro “vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti.”
Kunyange zvino Zvapupu zvaJehovha zviri kuita zvinhu izvozvi. Zvinoramba kubata zvombo kuti zvirwise vamwe vanhu, kunyange zvazvo zvichibva kumadzinza akasiyana-siyana akawanda uye zviri kurarama munyika dzinodarika 200. Kusava nekwazvakarerekera pakati penyika yasakadzwa nehondo kunoratidza kuti rugare hakusi kurota kwokungofungidzira asi chinhu chaicho chinogona kuitika.
Unoda kudzidza zvakawanda pamusoro petariro iyi inobva muBhaibheri yorugare chairwo here? Tapota nyorera vabudisi vemagazini ino, uchishandisa kero iri pedyo newe pane dziri papeji 5 yemagazini ino, kana kuti ona Zvapupu zvaJehovha kwaunogara.