Tupuka Turi Nyanzvi Dzokurasa Marara
ANONGOVA makore 150 adarika, apo vanhu vakatanga kugadzira nzira dzounyanzvi dzokurasa tsvina nemarara. Zvisinei, pakanga pachitova nenyanzvi yokurasa marara—svosve duku rinogara munyika dzinopisa dzeAmerica.
Masvosve anosvika miriyoni anoita basa rokutema mashizha anogara mumusha wawo mukuru wepasi pevhu. Nhengo dzakasiyana-siyana dzemasvosve dzinoshanda dzine mabasa adzo akasiyana-siyana. Mamwe masvosve anounganidza urubvurubvu hwemashizha, anobva atsengwa nemamwe masvosve kusara ava bota. Masvosve anorima anoshandisa bota iri kurima howa mumikoto inenge iri mumusha macho. Anosakurawo chinhu chose chingaparadzira utachiona, zvakadai sehowa hunokuvadza, masvosve akafa kana ari kufa, uye zvinhu zviri kuora. Asi masvosve acho anorasa sei marara awo?
Masayendisiti okuBritain epaYunivhesiti yeSheffield akawana mhinduro yacho, rinoshuma kudaro pepanhau reThe Independent. Pedyo nokugadheni kwacho kune mikoto inochengeterwa marara. Masvosve anoshanda kumarara anopedza upenyu hwawo ikoko, achisandura-sandura marara acho kuti anyatsoora, zvinova zvinouraya utachiona hunokonzera zvirwere. Masvosve anorima haambopindi kunorasirwa marara. Anounza marara mumumwe mwena, uye masvosve anoshanda kumarara anoatora. Uku kugona kurasa marara kwounyanzvi kunodzivisa mukana upi zvawo wokusvibiswa uye zvinochengetedza utano hwemasvosve acho.
Jehovha Mwari haana kungosika tupuka bedzi tune unyanzvi hwokuzvarwa nahwo asiwo mumakore 3 500 adarika akapa vaIsraeri mitemo inoshanda yokudzivirira utano. Kushandisa mitemo iyi kwaizodzivisa kusvibiswa kwezvokudya uye matsime emvura, kumisa kupararira kwezvirwere zvinotapuriranwa, uye kuva nechokwadi chokuraswa zvakanaka kwetsvina. Kutambura kwakanyanya norufu zvaizodziviswa nokutevera mitemo yakadaro!—Revhitiko 11:32-38; Numeri 19:11, 12; Dheuteronomio 23:9-14.