RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 6/8 pp. 8-11
  • Kuwiriranisa Sayenzi Nechitendero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwiriranisa Sayenzi Nechitendero
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Kusingaperi
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
    Mukai!—2002
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
    Mukai!—1993
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Sainzi?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 6/8 pp. 8-11

Kuwiriranisa Sayenzi Nechitendero

“Iye zvino sayenzi nechitendero hazvichaonekwi sezvisingapindirani.”—The Daily Telegraph, London, May 26, 1999.

SAYENZI nechitendero, kana zviri pachokwadi chaipo, zvinosanganisira kutsvaka chokwadi. Sayenzi inowana nyika ine kurongeka kunoshamisa, chisiko chose chine zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoratidza kusika kwoungwaru. Chitendero chechokwadi chinoita kuti zvinhu zvinowanwa izvi zvive nerevo nokudzidzisa kuti Musiki ndiye akagadzira zvinhu zvose zvinooneka munyika.

“Ndinoona kuti kufarira kwangu sayenzi kunowedzerwa zvikuru nechitendero,” anodaro Francis Collins, mudzidzi wezvinhu zvipenyu. Anopfuurira kuti: “Pandinowana chimwe chinhu pamusoro pemaumbirwo evanhu, ndinonzwa kutya nemhaka yokusaziva zvakanyatsoita upenyu, uye ndinozviudza kuti, ‘Heyi, Mwari chete ndiye aitozviziva.’ Kunzwa kunofadza uye kunonakidza, kunoita kuti ndinzwisise Mwari uye kunoita kuti sayenzi ive inondigutsa zvikuru.”

Chii chingabatsira munhu kuti awiriranise sayenzi nechitendero?

Kutsvaka Kusingaperi

Bvuma kuti hazviiti kuti tizive zvose: Hapana panooneka kuti ndipo pachaperera kutsvaka kwedu mhinduro muzvinhu zviripo zvisina magumo, chadenga uye nguva. Mudzidzi wezvinhu zvipenyu Lewis Thomas akati: “Izvi hazvizomboperi, nokuda kuziva kwatinoita, kuongorora, kutsvaka uye kuedza kunzwisisa zvinhu. Hatimbofi takazvipedza. Handimbofungi nezveimwe nguva apo munhu wose achatura mafemo ndokuti, ‘Iye zvino tave kuzviziva zvose.’ Hatimbofi takazviziva.”

Nenzira yakafanana, kana toreva nezvechokwadi chechitendero, kuda kuziva hakuperi. Mumwe wevanyori veBhaibheri Pauro akati: “Iye zvino tinongoona zvimumvuri zvakadzima-dzima mugirazi . . . Ruzivo rwangu iye zvino rushoma.”—1 VaKorinde 13:12, The New English Bible.

Zvisinei, ruzivo rushoma nezvemibvunzo yesayenzi nechitendero harutitadzisi kuwana mhinduro dzine musoro tichishandisa chokwadi chatinacho. Hatidi tsanangudzo yakadzama nezvekwakabva zuva kuitira kuti tive nechokwadi chaicho chokuti riri kubuda mangwana.

Zvinozivikanwa ngazviratidze zvoga: Pakutsvaka mhinduro, tinoda kutungamirirwa nechokwadi chisina mhosho. Kana tikasaomerera kuuchapupu hwakakwirira, tinogona kutsauswa zviri nyore mukutsvaka kwedu chokwadi chesayenzi nechitendero. Chaizvoizvo, hapana mumwe wedu angatanga kuongorora ruzivo rwose rwesayenzi nepfungwa dzayo, runozadza maraibhurari makuru nhasi. Kune rimwe divi, Bhaibheri rine dzidziso dziri nyore kuwana dzezvokunamata dzokuti tifunge nezvadzo. Bhaibheri rinotsigirwa nechokwadi chinozivikanwa kwazvo.a

Zvisinei, nezvoruzivowo zvarwo, kuedza nepaunogona napo kunodiwa pakutsauranisa chokwadi nokufungidzira, pakati pechokwadi nounyengeri—muzvose sayenzi nechitendero. Sokukurudzirwa kwakaitwa nomunyori weBhaibheri Pauro, tinoda kuramba “kupokanidzana kweinonzi ‘zivo’ zvenhema.” (1 Timoti 6:20) Kuti tiwiriranise sayenzi neBhaibheri, tinofanira kuita kuti chokwadi chitaure choga, tobva tarega kugumisa zvenhema kana kufungidzira, uye toongorora kuti chokwadi chimwe nechimwe chinotsigira uye kuwedzera sei pane chimwe.

Somuenzaniso, patinonzwisisa kuti Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “zuva” kumirira urefu hwakasiyana-siyana hwenguva, tinoona kuti nhoroondo yokusika yemazuva matanhatu iri muna Genesi haipesani nezvakaonekwa nesayenzi kuti nyika yedu ine makore anenge mabhiriyoni mana nehafu. Maererano neBhaibheri, nyika yakanga iripo kwenguva isina kududzwa mazuva okusika asati atanga. (Ona bhokisi rinoti “Mazuva Okusika—Akanga Akareba Maawa 24 Here?”) Kunyange kana sayenzi ikazviruramisa ndokutaura mamwe makore enyika yedu, mashoko akataurwa muBhaibheri achiri echokwadi. Pane kupesana neBhaibheri, mune izvi nezvimwe sayenzi inotipa mamwe mashoko akawandisa okuwedzera nezvenyika iripo, yazvino neyekare.

Kutenda, kwete kungobvuma: Bhaibheri rinotipa ruzivo rwaMwari nezvinangwa zvake zvisingagoni kuwanikwa kumwewo. Nei tichifanira kuvimba naro? Bhaibheri pacharo rinoti tiedze kururama kwaro. Funga nezvokururama kwaro mune zvenhau, kushanda kwaro, kutendeseka kwevanyori varo, uye kuvimbika kwaro. Nokuongorora kururama kweBhaibheri, kusanganisira mashoko ane chokuita nesayenzi uye, zvinotogutsa zvikuru, kuzadzika kusina mhosho kwemazana ouprofita kubvira kare kusvikira muzuva redu, munhu anogona kutenda zvakasimba kuti iShoko raMwari. Kutenda muna Mwari hakusi kungobvuma kuti ndizvo asi chivimbo chechokwadi muururami hwemashoko eMagwaro.

Remekedza sayenzi; bvuma kukosha kwechitendero: Zvapupu zvaJehovha zvinokoka vanhu vasina kwavakarerekera, vezvesayenzi nevechitendero, kuti vabatsirane pakutsvaka chokwadi chezvinhu zvacho zviri zviviri. Muungano dzazvo Zvapupu zvinokurudzira kuremekedza sayenzi uye zvayakawana zvechokwadi uyewo kutenda kwakasimba kuti chokwadi chechitendero chinogona kuwanikwa bedzi muBhaibheri, iro rinozvizivisa pacharo uye nouchapupu hwakawanda kuti iShoko raMwari. Muapostora Pauro akati: “Pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13.

Chokwadi, kufanana nezvakaitika kusayenzi, nhema dzinokuvadza nemimwe miitiro zvakapinda muchitendero. Saka kune chitendero chenhema nechitendero chechokwadi. Ndicho chikonzero nei vanhu vakawanda vakasiya zvitendero zvikuru kuti vave nhengo dzeungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha. Vakaodzwa mwoyo nokusada kwezvaimbova zvitendero zvavo kuramba dzidziso dzevanhu uye nhema vachifarira chokwadi chavakawana kana kuti chakaratidzwa kwavari.

Uyezve, vaKristu vechokwadi vanowana chinangwa chaicho uye chechokwadi choupenyu, chakavakirwa pazivo inokosha yoMusiki, sezvaanoratidzwa muBhaibheri, uye nezvezvinangwa zvake zvaakataura nokuda kwevanhu uye nyika yatinogara pairi. Zvapupu zvaJehovha zvave zvichigutswa nemhinduro dzine musoro dzinobva muBhaibheri kuti zvipindure mibvunzo yakadai sokuti, Nei tiri pano? Tiri kuenda kupi? Zvingafara kwazvo kukuudza mashoko aya.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 10]

Mazuva Okusika—Akanga Akareba Maawa 24 Here?

Vaya vanoda kutora zvinhu sezvazviri vanoti kudavira kusikwa kwete kushanduka-shanduka ndiko kwakaitika vanhu vasati vavepo. Vanoomerera pakuti zvinhu zvose zviripo zvakagadzirwa mumazuva matanhatu emaawa 24 chete pakati pemakore 6 000 ne10 000 akapfuura. Asi pavanodaro, vanosimudzira dzidziso isiri yomumagwaro yakaita kuti vakawanda vashore Bhaibheri.

Ko zuva rose rinotaurwa muBhaibheri rakareba maawa 24 chete here? Genesi 2:4 inotaura nezve‘zuva iro Jehovha Mwari akasika naro nyika nedenga.’ Zuva rimwe irori rinosanganisira mazuva ose okusika matanhatu eGenesi chitsauko 1 chaGenesi. Maererano neBhaibheri, zuva inhambo yenguva yakayerwa uye inogona kuva chiuru chemakore kana zviuru zvemakore zvakawanda. Mazuva okusika anotaurwa neBhaibheri anoita kuti zvigumiswe kuti zviuru zvemakore zvaibatanidzwa panguva imwe chete. Uyezve, pasi rakanga ratovepo mazuva okusika asati atanga. (Genesi 1:1) Naizvozvo, panyaya iyoyi, nhoroondo yeBhaibheri inowirirana nesayenzi yechokwadi.—2 Petro 3:8

Achitaura nezvezvinotaura vamwe kuti mazuva okusika akanga akangoreba maawa 24 chete, nyanzvi yemamorekuru Francis Collins anoti: “Kuti zvinhu zvakasikwa munguva pfupi kwakakanganisa zvikuru zvinhu zvinodavirwa nevanhu kupfuura zvimwe zvinhu zvipi nezvipi munhau.”

[Bhokisi riri papeji 11]

Sayenzi Yakatora Chinzvimbo Chokudzidzisa Tsika Dzakakwirira Here?

Zvinonzwisisika kuti chitendero chakarambwa nevanhu vakawanda vesayenzi pamusana pokuramba kwacho zvinhu zvinowanikwa nesayenzi, nhoroondo yacho inotyisa, uye unyengeri noutsinye hwacho. Purofesa wezvinhu zvipenyu zvidukuduku John Postgate anotaura kuti: “Zvitendero zvenyika. . . zvakaunza zvinhu zvinotyisa zvokuita vanhu zvibayiro, hondo dzezvitendero, kuponda vanhu vasina mhaka uye dare rechechi rinobvunzurudza. Nhasi iri divi rakashata rechitendero rave nengozi. Nokuti kusiyana nesayenzi, chitendero chine kwachakarerekera.”

Achienzanisa izvozvo nokunonzi kuva nomusoro, kusasarura, uye kuva nomwero kwesayenzi, Postgate anotaura kuti “sayenzi yakatora chinzvimbo chokudzidzisa tsika dzakakwirira.”

Ichokwadi here kuti sayenzi yakatora chinzvimbo chokudzidzisa tsika dzakakwirira? Mhinduro ndeyokuti kwete. Postgate pachake anobvuma kuti “nzanga dzezvesayenzi dzakavawo negodo, makaro, kusarurana uye shanje.” Anowedzera kuti “mamwe masayendisiti mashoma akazviratidza kuti anogona kuuraya achiti ari kutsvakurudza ruzivo, sezvakaitika muNazi Germany nemisasa yemajeri okuJapan.” Uye apo National Geographic yakatuma mumwe muongorori anotora nhau kuti aongorore kuti nei chimwe chainyepedzerwa kuti chakawanwa kare chakazova mubhuku rayo, mutori wenhau wacho akataura nezve“nhau yokuvanza zvinhu kusina musoro uye chivimbo chisina basa, nezvevanhu vanoitisana nharo vachida kuti zvavanofunga zvive pokutanga, vanhu vanozviita kunge vanokosha chaizvo, kuti dai zvadai, kutaura zvinhu zvoupwere, kukanganisa kwevanhu, kuoma musoro, kudzora, kuchera vamwe, kureva nhema, [uye] uori.”

Uyewo zvekare, sayenzi ndiyo yakapa vanhu zvombo zvinotyisa zvehondo, zvakadai soutachiona hunorwarisa hunogona kushandiswa sezvombo, gasi rinouraya, zvombo zvinokandwa, nemabhomba enyukireya.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Ant Nebula (Menzel 3), kubva kuHubble Space Telescope

[Kwazvakatorwa]

NASA, ESA and The Hubble Heritage Team (STScI/AURA)

[Mifananidzo iri papeji 9]

Sayenzi yakawana nyika yakazara zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoratidza unyanzvi hwokugadzira

[Mufananidzo uri papeji 10]

Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza sayenzi yechokwadi nokutenda zvinotaurwa neBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe