Zvinotaura Bhaibheri
Zvinonyadzisira—Zvinhu Zvinovaraidza Zvisingakuvadzi Here?
APO vanochera matongo muma1850 vakatanga kuchera matongo ekare okuPompeii, vakapedzwa simba nezvinhu zvavakafukunyura. Pamifananidzo yakanaka yavakawana pakanga painewo mifananidzo nezviumbwa zvakawanda zvevanhu vasina kupfeka. Vanyangadzwa nokunyadzisa kwazvo, vakuru vakuru vakaviga zvinhu izvi mumiziyamu dzakavandika. Vakashandisa shoko rechiRungu rokuti “pornography”—kubva kune echiGiriki okuti pornē uye graphos zvichireva kuti “kunyora nezvepfambi”—kuti vatsanangure zviumbwa zvinonyadzisira izvi. Mazuva ano shoko iri rava kutsanangurwa richinzi “mifananidzo kana mashoko ezvorudo mumabhuku, mumifananidzo, muzviumbwa, mumafirimu, nemuzvimwewo, zvinoitirwa kuti munhu anzwe achida kurara nomumwe munhu.”
Mazuva ano, zvinonyadzisira zvapararira uye zvinoita sokuti zvinogamuchirwa munzanga dzakawanda dzemazuva ano. Kare zvinonyadzisira zvaionekwa mumafirimu uye kunzvimbo dzine upfambi, asi iye zvino zvazara munzanga dzakawanda. KuUnited States chete zvinonyadzisira zvinowanisa mari inodarika madhora mabhiriyoni gumi gore rimwe nerimwe!
Vamwe vatsigiri vanoti zvinonyadzisira zvakanaka uye inzira yokuita kuti upenyu hwemhuri hunakidze. Mumwe munyori anoti: “Zvinoita kuti vanhu vafungidzire zvinhu muupenyu. Zvinodzidzisa nzira yokunakidzwa nayo pabonde.” Vamwe vanoti zvinokurudzira kubudirana pachena panyaya dzepabonde. “Zvinonyadzisira zvinobatsira vanhukadzi,” anodaro munyori anonzi Wendy McElroy.
Asi haasi munhu wose anobvumirana nazvo. Kakawanda zvinonyadzisira zvakabatana nezvimwe zvinhu zvakawanda zvinokuvadza uye mafungiro. Vamwe vanoti pane kubatana kuripo pakati pezvinonyadzisira nokubata chibharo uyewo kumwe kurwisa vanhukadzi nevana kunoitika. Imwe mhondi ine mukurumbira wakashata zvikuru inonzi yakabvuma kuti yakanga “iine havi yakasimba yokuda kuona zvinonyadzisira zvine chisimba.” Inoti: “Izvi haukurumidzi kuzviona kana kuziva kuti chinetso chikuru. . . . Asi kufarira uku . . . kunokuita kuti ude kuita zvepabonde nenzira yechisimba. Handikwanisi kunyatsotaura kuti izvi zvinoitika sei. Hazviitiki nokukurumidza.”
Tichifunga nezvenharo dzagara dziripo uye kuwanda kwezvinhu zvinonyadzisira mazuva ano, ungabvunza kuti, ‘Bhaibheri rine nhungamiro inoshanda panhau iyi here?’
Bhaibheri Rakajeka Panhau Dzepabonde
Nhau dzepabonde dzinotaurwa zvakajeka muBhaibheri pasina kunyara. (Dheuteronomio 24:5; 1 VaKorinde 7:3, 4) ‘Fara nomudzimai woujaya hwako,’ Soromoni akapa zano achidaro. “Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose.” (Zvirevo 5:18, 19) Mazano nenhungamiro yakajeka zvinopiwa maererano nenhau dzepabonde, kusanganisira kuti ndivanaani vanofanira kuzviita. Kurara nomumwe munhu wausina kuroorana naye hakubvumirwi. Mimwewo miitiro yokurara kwevanhu pamwe chete isina kuchena inorambidzwa.—Revhitiko 18:22, 23; 1 VaKorinde 6:9; VaGaratiya 5:19.
Kunyange mumiganhu iyi, kuzvidzora uye kuremekedza mumwe kunodiwa. “Roorano ngaikudzwe pakati pavose,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “mubhedha weroorano ngaurege kusvibiswa.” (VaHebheru 13:4) Zano iri rakasiyana zvachose nezvinodiwa nezvinonyadzisira.
Zvinonyadzisira Zvinokanganisa Bonde
Pane kuratidza kuti kurara kwevanhu pamwe chete kwakanaka uye kuratidzana rudo kwomurume nomudzimai vakaroorana, zvinonyadzisira zvinoshora uye zvinokanganisa bonde. Kurara kwevanhu vasina kuroorana uye nenzira dzinonyadzisa kunonzi kunonakidza uye kwakanaka. Kuda kuzvigutsa pasina kunyanya kufunga nezvomumwe munhu ndiko kunonyanya kutsigirwa.
Vakadzi, varume, nevana vanoratidzwa sezvinhu zvokushandisa kuti munhu agutsikane pabonde. “Runako runoonekwa nezvakaita muviri womunhu uye maumbirwo awo, zvichiita kuti vanhu vatarisire zvisiri izvo,” unodaro mumwe mushumo. “Vachiratidza vakadzi vasingadi kuzivikanwa mazita avo, vanoda kana kuti vakagadzirira kurara nevarume, kukumura mbatya uye kuratidza varume nhengo dzemiviri yavo kuti vawane mari uye kunakidzwa hazvikwanisi zvachose kuratidza kuti vanhu vakaenzana, vane chiremera uye vanofanira kubatwa sevanhu,” mumwe mushumo wakagumisa uchidaro.
Kusiyana neizvi, rudo “haruzvibati zvisina kufanira,” akanyora kudaro Pauro. “Haruzvitsvakiri zvarwo.” (1 VaKorinde 13:5) Bhaibheri rinokurudzira varume ‘kuda vakadzi vavo semiviri yavo’ uye ‘kuvakudza,’ kwete kuona vakadzi sezvishandiso zvokugutsa zvavanoda pabonde. (VaEfeso 5:28; 1 Petro 3:7) Mumwe munhu, angave murume kana mudzimai, anogara achiona mifananidzo yevanhu vasina kupfeka anganzi ari kuzvibata zvakafanira here? Uye munhu iyeye ari kuratidza rukudzo noruremekedzo here? Pane kukurudzira rudo, zvinonyadzisira zvinokurudzira udyire, chindingoveni.
Panewo chimwe chinhu. Pasina nguva huru, kufanana nezvimwe zvinhu zvisina kunaka zvinomutsa zvishuvo, zvinoita kuti munhu anzwe achida kurara nomumwe zvinova zvisinganakidzi uye zvinopinda muropa. “Nokufamba kwenguva,” mumwe munyori anodaro, “[vanoona kana kuverenga zvinonyadzisira] vanoda zvinhu zvakanyanya kuipa . . . Vanokwanisa kumanikidza vavakaroorana navo kuti varare nenzira inonyadzisa . . . , vachikanganisa kukwanisa [kwavo] kuratidza rudo.” Izvi zvinoita sezvinhu zvinovaraidza zvisingakuvadzi here? Asi pane chimwe chikonzero chinokosha chokudzivisa kuona uye kuverenga zvinonyadzisira.
Zvinotaura Bhaibheri Nezvoruchiva
Nepo vakawanda nhasi vachifunga kuti hapana chakaipa kana kuti ngozi iripo pakufungidzira nezvokurara kwevanhu, Bhaibheri haribvumirani nazvo. Rinotsanangura zvakajeka kuti pane kubatana chaiko pakati pezvatinopinza mupfungwa dzedu nezvatinoita. “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake,” anodaro mudzidzi wechiKristu Jakobho. “Ipapo kuchiva, pakunenge kwakura, kunobereka chivi, chiviwo, pachinenge chaitwa, chinoparira rufu.” (Jakobho 1:14, 15) Jesu akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateu 5:28.
Sezvakaratidzwa naJakobho uye Jesu, vanhu vanoita zvinobva muzvishuvo zvemwoyo. Zvishuvo zvemwoyo izvozvo, kana zvikaramba zviripo uye zvichikurudzirwa, nokufamba kwenguva zvinokwanisa kuva zvakasimba chaizvo. Chishuvo chakasimba chakaoma kurwisa uye chinogona kupedzisira chaita kuti munhu aite chimwe chinhu. Nokudaro, zvatinopinza mupfungwa dzedu zvinogona kuva nesimba rokutituma kuita zvimwe zvinhu pakupedzisira.
Kufungidzira uchirara nomumwe munhu kunogona kukanganisa kunamata kwako Mwari. Ndosaka Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu . . . kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora, kuri kunamata zvidhori.”—VaKorose 3:5.
Pano Pauro anobatanidza kushumba nokuchochora, kuri chishuvo chakasimba chokuda chimwe chinhu icho munhu asina.a Kuchochora rudzi rwokunamata zvidhori. Nemhaka yei? Nokuti uyo ari kuchochora anoda chinhu ichocho kukunda zvimwe zvose, kusanganisira Mwari. Zvinonyadzisira zvinosimudzira kuda chimwe chinhu icho munhu asina. “Unoda kurara nomumwe munhu. . . . Hapana chimwe chinouya mupfungwa dzako kusiya kwechauri kuda ichocho. . . . Tinonamata chinhu chatinochiva,” anodaro mumwe anonyora nezvechitendero.
Zvinonyadzisira Zvinosvibisa Pfungwa
“Zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo . . . , rambai muchifunga zvinhu izvi,” Bhaibheri rinokurudzira kudaro. (VaFiripi 4:8) Munhu anoramba achiona zvinhu zvinonyadzisira ari kuramba zano rakapiwa naPauro. Zvinonyadzisira hazvina mwero nokuti zvinoita kuti vanhu vakawanda vaone zvinhu zvinofanira kuitwa pakavanda. Zvinofanira kushorwa nokuti zvinoita kuti vanhu vashaye chimiro uye vaite semhuka. Hazvina rudo nokuti hazvina basa nokuva nounyoro uye kutarisira vamwe. Zvinotsigira ruchiva rwoudyire chete.
Nokuratidza unzenza uye vanhu vasina kupfeka pachena, zvinonyadzisira zvinokanganisa kuedza kwomuKristu ‘kuvenga zvakaipa.’ (Amosi 5:15) Zvinosimudzira kuita zvivi uye zvinopesana chaizvo nezvakakurudzirwa naPauro kuvaEfeso kuti “ufeve nokusachena kworudzi rwose kana kukara ngazvirege kumbodudzwa pakati penyu, sezvazvinokodzera vanhu vatsvene; kana mufambiro unonyadzisa . . . kana majee anonyadzisa, zvinhu zvisina kufanira.”—VaEfeso 5:3, 4.
Zvechokwadi, zvinonyadzisira zvinokuvadza. Zvinokanganisa vanhu uye pfungwa dzavo. Zvinoparadza ukama, zvinokanganisa kuratidza rudo kwomuzvarirwo apo vanhu vanorara vose kwava kugutsikana nokungoona vamwe vachirara vose. Zvinosvibisa pfungwa uye zvinokanganisa kunamata kwomunhu wacho. Zvinokurudzira udyire, kukara uye zvinodzidzisa vanhu kuona vamwe vanhu sezvishandiso zvokugutsa ruchiva. Zvinovhiringidza kuedza kuita zvakanaka uye kuva nehana yakachena. Zvinotokosha zvikuru, zvinokwanisa kudzivisa kunyange kuparadza ukama hwomumwe munhu naMwari. (VaEfeso 4:17-19) Zvechokwadi, zvinonyadzisira idenda rinofanira kudziviswa.—Zvirevo 4:14, 15.
[Mashoko Omuzasi]
a Pano Pauro akanga asiri kutaura nezvokuda kurara nomumwe munhu kwagara kuripo—kuda kurara nomunhu wawakaroorana naye.
[Mufananidzo uri papeji 14]
Zvinonyadzisira zvinokanganisa maonero anoita munhu vanhurume nevanhukadzi