Zvitendero Zvakaungana muAssisi Zvichitsvaka Rugare
“Kurwisana ngakurege kuvapozve! Hondo ngairege kuvapozve! Ugandanga ngahurege kuvapozve! Muzita raMwari, chitendero chose ngachiunze ruramisiro norugare panyika, kukanganwira uye upenyu, rudo!”—Pope John Paul II.
MUASSISI, ITALY, musi waJanuary 24, 2002—Vamiririri vezvitendero zvakarongwa zvepasi pose vakaungana kuti vanamatire rugare, rugare runokanganiswa nougandanga, kuvenga vamwe vanhu, nokusaruramisira. Musangano wacho wakaziviswa napapa inenge mwedzi miviri pashure pokudhirika kweTwin Towers muNew York City. Vatungamiriri vezvitendero vakawanda vakabvuma nomwoyo wose kukokwa kwavakaitwa neVatican.
Pazviitiko zviviri zvakatangira izvi—chimwe muna 1986 uye chimwe muna 1993—papa akanga akumbira kuti pave nezuva romunyengetero mutaundi rakarero rokuItaly.a Vatori venhau vanopfuura chiuru kubva pasi pose vakauya kuzoona zvaiitwa pamusangano wa2002. Zvitendero zvakawanda zvaimiririrwa muminyengetero yorugare—vechiKristudhomu (vaKaturike, vaLutheran, vaAnglican, vaOrthodox, vaMethodist, vaBaptist, vaPentecostal, vaMennonite, vaQuaker, nevamwewo), vechiIslam, chiHindu, chiConfucian, chiSikh, chiJain, chiTenrikyo, chiBuddha, chiJudha, zvitendero zvemadzitateguru zvomuAfrica, chiShinto uye chiZoroaster. Vamwe vezvimwe zvitendero, kusanganisira mumiririri weWorld Council of Churches, vakanga varipowo.
Mhiko Dzokuda Rugare
Zuva racho rakatanga nenguva dza8:40 mangwanani, apo “chitima chorugare” chakasimuka pakachiteshi kaduku komuVatican. Chiine matiroko manomwe akanyatsogadzirwa kuti ave noutefe-tefe, chitima chacho chaiperekedzwa nezvikopokopo zviviri zvokuchengetedza. Rwendo rwacho rwemaawa maviri rwakaunza papa nevamwe vatungamiriri vezvitendero kuAssisi. Pakanga pakachengetwa kwazvo—mapurisa anoda kusvika chiuru akanga akamira akangwaririra.
Vatungamiriri vezvitendero vacho vakaungana munhandare yekare yakafukidzwa netende hombe. Mukati, chikuva chihombe chitsvuku chakaita saV chakanga chakagarwa nevamiririri vezvitendero, chigaro chapapa chiri pakati. Nechokurutivi kwechikuva chacho kwakanga kuine muti womuorivhi—chiratidzo chorugare. Kumberi kwechikuva chacho kwakanga kune vaenzi vakasarudzwa nounyanzvi vanopfuura 2 000 vaiteerera. Zvigaro zvokumberi zvakanga zvakagarwa nevamwe vevakuru vepamusoro-soro vomuItaly. Makwaya makuru aiimba nziyo dzorugare kana mukurukuri mumwe nomumwe apedza. Mune mamwe mativi eguta, zviuru zvevanhu, kunyanya vechiduku, vairatidza zviratidzo zvokuramba hondo mumitauro yakawanda uye vaiimba nziyo dzorugare. Vakawanda vakanga vakatakura mapazi emiorivhi.
Agara pachigaro chake pachikuva, papa akachingamidza nhengo dzaimirira zvitendero zvakasiyana-siyana. Uye, vapedza kuimba nziyo yechiLatin yakavakirwa pana Isaya 2:4—panoprofita nezvenguva apo ‘rudzi rusingazosimudziri rumwe rudzi munondo’—vamiririri 12, mumwe nomumwe ane mbatya dzechitendero dzakasiyana nedzomumwe, vakaita mhiko huru vachida rugare. Mienzaniso yedzimwe dzacho ndiyo inotevera.
“Munguva ino ichagara ichirangarirwa, vanhu vanoda kuona zviito zvorugare uye kunzwa mashoko etariro.”—Cardinal François Xavier Nguyên Van Thuân.
Mwari “haasi Mwari wehondo nokukakavadzana asi ndiMwari worugare.”—Ecumenical Patriarch Bartholomeus I.
“Kusiyana kwezvitendero hakufaniri kuita kuti [vanhu] varege kukoshesa, kana kunyange kuvenga, vaya vakasiyana navo.”—Dr. Setri Nyomi, World Alliance of Reformed Churches.
“Ruramisiro norudo rwoushamwari ndidzo svingo mbiri dzinokosha dzorugare rwechokwadi pakati pevanhu.”—Chief Amadou Gasseto, mumiririri wezvitendero zvemadzitateguru zvomuAfrica.
“Rugare chete ndirwo rutsvene, hondo haina kumbobvira yaita tsvene!”—Andrea Riccardi, Chechi yeKaturike.
Vamwe vakanga varipo vakabvuma kuti zvitendero ndizvo zvine mhosva huru yokuvenganisa vanhu uye kutanga hondo. Mumiririri weLutheran World Federation akati nyika “yakazununguswa nokutyisa kworuvengo runokonzerwa nevanonyanyisa muzvitendero.” Mumiriri wechiJudha akati: “Zvitendero zvakashanda pakunyandura hondo dzakawanda dzinotyisa uye dzakadeura ropa rakawanda.” Mumiririri wechiHindu akati: “Nhau inoramba ichiratidza nguva nenguva apo vanhu vanozviti vatungamiriri vezvitendero vakashandisa chitendero kuti vadzore vanhu uye vavakamuranise.”
Vapedza kushora zvakasimba ugandanga nehondo, vamiririri vacho vakaenda kundogara pasi, mumwe nomumwe kuchigaro chake chaakapiwa, kuti vanamatire rugare kuna vanamwari vavo.
Minyengetero Yorugare
Vamiririri vezvitendero zvechiKristudhomu vakanyengetera pamwe muChechi yeKaturike yeSt. Francis, pedyo nechivako chakaita seguva chinopa chechi yacho zita iroro. Munamato wacho wakatanga “nomunyengetero wokukumbira kuUtatu” wakaitwa napapa nevamwe vamiririri vatatu. Minyengetero yacho yaikamurwa nenziyo nemikumbiro yokukudza rugare pamwe nokuverengwa kweBhaibheri panyaya yakareyo. Mumwe munyengetero wakakumbira kuvapo “kwokutenda kusina kuparadzana.” Pakupedza mutambo wacho, vakanga varipo vakaimba munamato waBaba Vedu muchiLatin, unotorwa muna Mateu chitsauko 6, ndima 9-kusvika ku13.
Panguva imwe chete, vamiririri vezvimwe zvitendero vakanga vachinyengetera kune dzimwe nzvimbo. Muimba yakatarisa kuMecca, vaMuslim, vakapfugama pamakapeti, vakakumbira kuna Allah. VaZoroaster, vakanyengetera pedyo nevaJain nevaConfucian, vakabatidza moto unoyera. Vamiririri vezvitendero zvemadzitateguru zvomuAfrica vakanyengetera kumidzimu yemadzitateguru avo. VaHindu vakakumbira rugare kuna vanamwari vavo. Vose vakakumbira kuna vanamwari vavo maererano netsika dzavo.
Mhiko Imwe Yokuda Rugare
Vamiririri vacho vakaunganazve pasi petende huru kuti vapedzise mutambo wavo. Marambi aibvira—aimirira tariro yorugare—akatambidzwa kuvamiririri vacho nemamongi. Zvinhu zvose zvakanga zvichiyevedza. Nhengo dzakasiyana-siyana dzakaverenga mhiko imwe yokuda rugare, mumwe nomumwe achiita mhiko yakasiyana.
“Kuti pave norugare zvinoda kuti ude muvakidzani wako.”—Ecumenical Patriarch Bartholomeus I.
“Kurwisana nougandanga hazviwirirani nezvinorehwa nechitendero chaizvo.”—Dr. Konrad Raiser, mumiririri weWorld Council of Churches.
“Tinozvipira kudzidzisa vanhu kuti varemekedzane uye kukudzana.”—Bhai Sahibji Mohinder Singh, mumiririri wechitendero chechiSikh.
“Rugare rusina ruramisiro harusi rugare rwechokwadi.”—Bishopi Vasilios weOrthodox.
Pakupedzisira, papa akaverenga mashoko anowanikwa kwokutanga kwenyaya ino. Musangano uyu wezvitendero zvakasiyana-siyana wakapera nokumbundirana kwevamiririri vacho muchiratidzo chorugare. Mashoko anotapira, akanyatsogadzirirwa aitaurwa pachiitiko ichi chemaoresa. Zvisinei, vamwe vakaita sei nezvechiitiko ichi chinoshamisira?
‘Kana Zvataurwa Zvichizoitwa’
Mapepanhau neterevhizheni zvakarumbidza zvakaitwa napapa. Vamwe vakadana papa kuti “mutauriri wechiKristudhomu chose.” Pepanhau romuVatican reL’Osservatore Romano rakatsanangura zuva repaAssisi se“danho guru rokuvaka nzanga yevanhu vane rugare.” Musoro mukuru wepepanhau reCorriere dell’Umbria wakanga uri wokuti “Assisi Inopa Chiedza Kukuuya Kworugare.”
Havasi vaiona vose vaifara kudai. Vamwe vakanga vasina chokwadi nazvo nokuti pasinei nemamwe mazuva okunamatira rugare akanga aitwa muna 1986 na1993, hondo dzakarwiwa kusvikira nhasi muzita rechitendero dziri kuramba dzichinetsa vanhu. Ruvengo rwechitendero rwakakonzera kudeurwa kweropa rakawanda muUganda, yaimbova Yugoslavia, Indonesia, Pakistan, kuMiddle East, uye Northen Ireland.
Pepanhau rokuItaly reLa Repubblica rakati vamwe vaongorori havana kuda kuva nehanya nomusangano wacho vachiti “kungoda kuonekwa chete.” Imwe nhengo yeDare reParamende rokuEurope yakati kuti pave norugare, vezvitendero vanofanira “kuita zvavanoparidza”—kureva kuita zvinorehwa nemashoko okuti “ida muvengi wako, umutendeutsire rimwe dama.” Mumaonero ake, izvi “hazvina ari kuzviita.”
Mutungamiriri wechiJudha muItaly akati “zvaizova zvakanaka kuona zvinoitika zvino, ndiko kuti, kana zviito chaizvo nokuchinja chaiko zvichizoitwa sezvakataurwa.” Mumiririri wevaBhuddha vomuItaly akataurawo nenzira iyoyo, achiti munhu anofanira “kuva nechokwadi chokuti kukumbira kuti pave norugare hakufaniri kungoramba kuri zvinangwa zvakanaka.” Mumwe mutori wenhau, achinyora mumagazini yokuItaly yeL’Espresso, akataura kuti musangano wakaitwa muAssisi wakashanda chimwe chinangwa chakasiyana kuzvitendero zvechiKristudhomu zvaimiririrwa ipapo. Akauti “mubatanidzwa wokuedza kuti pasava nokufarirwa kwechitendero, kusava netsika, uye kusatenda,” pamwe nokuedza kupedza “kuitika kukuru kwokuitwa vanhu venyika” kunotambudza Europe pasinei ne“nhoroondo yayo yechiKristu.”
Vamwe vakanga vari pane vakashora zvikuru chiitiko chacho vakanga vari vanofarira chiKaturike chekare, vanotya kushayiswa basa kwedzidziso dzechechi yavo. Mubvunzurudzo yepaterevhizheni, Vittorio Messori, munyori wechiKaturike anozivikanwa zvikuru, akataura kuti paive nengozi yokuti musangano womuAssisi waizodzikatidza musiyano uripo pazvitendero. Chokwadi, vakuru vakuru vezvitendero vakanga vatora matanho okuti zvisaonekwa sokuti pakanga pari kusanganiswa zvitendero. Papa pachake akataura mashoko okupedza kupomerwa kwakadaro. Kunyange zvakadaro, kune vakawanda mamiriro echiitiko chacho pachawo aiita seari kuratidza kuti zvitendero zvakasiyana-siyana zviri kungomiririra nzira dzakasiyana dzokusvika kune rimwe simba rakakwirira.
Chitendero Norugare
Kunyange zvakadaro, chii zvino icho zvitendero zvakarongeka zvingaita kuunza rugare? Vamwe vanhu vanoona mubvunzo wacho wakaoma, nokuti zvitendero zvinoita sezvinonyanya kukonzera hondo pane kuidzivisa. Vanyori venhau dzakaitika vakanyora nezvenzira idzo masimba enyika akashandisa zvitendero kutanga hondo. Zvisinei, mubvunzo unomuka ndouyu: Nei zvitendero zvakabvuma kushandiswa?
Zvitendero zvechiKristudhomu zvinotovawo nomurayiro mutsvene wazvinogona kushandisa ungandai wakazvibatsira kudzivisa mhosva inobatanidzwa nokuita hondo. Jesu akataura kuti vateveri vake havaizova “rutivi rwenyika.” (Johani 15:19; 17:16) Kudai zvitendero zvechiKristudhomu zvakararama maererano nemashoko iwayo, zvingadai zvisina kubatana nemasangano ezvematongerwe enyika, zvichibvumira uye kuropafadza mauto nehondo.
Chokwadi, kuti vararame maererano nemashoko akanaka akataurwa muAssisi, vatungamiriri vezvitendero vanofanira kumira kure nemasimba ezvematongerwe enyika. Uyezve, vanenge vachitofanira kudzidzisa vateveri vavo nzira dzorugare. Zvisinei, vanyori venhau dzakaitika vanoti vanhu vari kuita zvechisimba pasi pano vanosanganisira vakawanda vanodavira muna Mwari—kana kuti vanozviti vanodaro. Mamwe mashoko akanyorwa mupepanhau nguva pfupi yadarika akati: “Pasina nguva refu pashure paSeptember 11, mumwe munhu akanyora mashoko aya akadzama anotyisa pamudhuri muWashington, D.C. kuti: ‘Mwari Anodiwa, tinunurei kubva kuvanhu vanotenda mamuri.’”
Zvaiitwa zvose nemhemberero muAssisi zvakasiya mibvunzo yakaoma isina kupindurwa. Asi zvichida hapana mubvunzo unokosha zvikuru—kana kuti unonetsa zvikuru—kune vanhu vakawanda vezvitendero kupfuura uyu: Kusvika pari zvino, nei Mwari aramba zviri pachena kupindura minyengetero yorugare yakapiwa nezvitendero zvomunyika?
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti udzidze zvakawanda nezvezuva romunyengetero worugare ra1986, tapota ona Mukai! yechiRungu yaJune 8, 1987.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vamiririri vane marambi ari kubvira—achimiririra tariro yorugare
[Kwazvakatorwa]
AP Photo/Pier Paolo Cito
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 21]
AP Photo/Pier Paolo Cito