Kuonanazve Kunoshamisa Pashure Pemakore 30
MUNA 1967 majaya maviri akaita mahwekwe. Akanzi agare ose paMichigan Technical University muUnited States. Dennis Sheets, aibva kuLima, Ohio, akanga ari mukomana wemakore 18 akanga auya kuzodzidza nezvemiti, uye iri raiva gore rake rokutanga. Mark Ruge ane makore makumi maviri aibva kuBuffalo, New York. Akanga auya kuzodzidza nezvokudhirowa mapurani, uye iri rakanga rava gore rake rechitatu.
Panguva iyoyo, ushamwari hwavo hwakaita sokuti hwaiva hwenguva pfupi. Vose vari vaviri vakasiya kudzidza payunivhesiti; uyu akaenda nokwake mumwe nokwake. Kwakapera makore anodarika makumi matatu. Zvadaro, rimwe zuva muDominican Republic, varume vaviri ava vakasangana zvekare. Zvakangoitikawo kuti vakaerekana vasangana. Asi pane chimwe chinhu chakakonzerawo izvi. Chaiva chii? Kuti tiwane mhinduro yacho, ngationei kuti varume vaviri ava vakazorarama sei upenyu hwavo.
Dennis Anoenda Kuhondo
Dennis akadzokera kumba pashure pegore rimwe chete ari pakoreji. Zvadaro, muna December 1967 akapinzwa basa muMauto eUnited States uye muna June 1968 akatumirwa kuVietnam. Ikoko akaona kuipa kwakaita hondo. Pakapera basa rake muhondo muna 1969, akadzokera kuUnited States, pakupedzisira achiwana basa pakambani hombe muOhio. Zvisinei, akanga asiri kugutsikana.
“Chinhu chandaida kuita kana ndakura kwaiva kuenda kuAlaska ndokuvaka musha ndova nepurazi,” anotsanangura kudaro Dennis. Naizvozvo muna 1971 iye neimwe shamwari yake yaaiva nayo kuchikoro vakaenda kunoita zvavaishuva izvi. Zvisinei, pane kuva nemba yake oga, akawana mabasa anoverengeka enhando. Kwekanguva akagara mutende uye aishanda achidzora moto. Akarega ndebvu dzake nebvudzi zvichikura uye akatanga kusvuta mbanje.
Muna 1972, akabva muAnchorage kuti aende kunogara muMardi Gras kuNew Orleans, Louisiana. Pashure pacho, akavaka kadumba musango reArkansas. Ikoko akadzidza kugadzira mapango okuvaka dzimba uye kugadzira uriri hwesamende kuti hutsvedzerere. Muna June 1973, Dennis akafamba nyika yose achikumbira chokufambisa mahara achida kutsvaka zvinoreva upenyu.
Mark Anopinda Mubato Raipikisa Hondo
Mark akaramba ari payunivhesiti kwedzimwe temu dzinoverengeka pashure pokunge Dennis abva asi akasarudza kuti akanga asingadi kuva mumwe wevaitsigira hondo. Nokudaro akadzokera kuBuffalo, kwaakashanda kwekanguva ari foromani pane imwe kambani inogadzira simbi. Achiri kusagutsikana nehondo, akasiya basa rake, akatenga mudhudhudhu, akadambura nepakati penyika yacho kuenda kuSan Francisco, California. Kunyange zvazvo vasina kuzviziva panguva iyoyo, Dennis naMark vakanga vari muSan Francisco kwekanguva panguva imwe chete.
Kufanana naDennis, Mark akarega ndebvu nebvudzi rake zvichikura uye akatanga kusvuta mbanje. Asi Mark akanga akabatikana chaizvo nebato rakanga richipikisa hondo, achibatanidzwa mukuratidzira uye kufora. Akanga achitsvakwa neFBI achinzi akanga aramba kuenda kuhondo, nokudaro kwenguva yakati kuti akanga ari kushandisa mamwe mazita kuti asabatwa. Akararama upenyu hwemahippie muSan Francisco. Ikoko, muna 1970, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakauya pamukova wake.
Mark anotsanangura kuti: “Vanofanira kunge vakafunga kuti ndakaratidza kufarira, naizvozvo vakadzoka. Ndakanga ndisipo, asi vakasiya Bhaibheri regirini nemabhuku matatu.” Zvisinei, Mark akanga akabatikana nezvematongerwe enyika uye kutsvaka mafaro zvokuti akanga asina nguva yokuaverenga. Uyewo, akanga achitsvakwa nemeso matsvuku neFBI. Naizvozvo achishandisa rimwe zita rokunyepera, akaenda kuWashington, D.C. Musikana wake, Kathi Yaniskivis, waakanga asangana naye kuyunivhesiti, akabatana naye ikoko.
Pakupedzisira, muna 1971 FBI yakazowanikidza Mark. Mapurisa maviri eFBI akaenda naye nendege kubva kuWashington, D.C., kusvika kuNew York akava nechokwadi chokuti apfuurira kuToronto, Canada. Zviri pachena kuti FBI haina kufunga kuti aikwanisa kuvhiringidza zvinhu munyika, kungoti chete akanga asisadiwi munyika. Gore rakatevera racho iye naKathi vakaroorana, uye vakaenda kuGabriola Island, British Columbia, Canada. Vakanga vachida kubva munharaunda iyi, asi vakafunga kuti kune zvimwe zviriko muupenyu.
Vanova Zvapupu
Dennis, kana uchiri kuyeuka, akanga ari kupota nenyika achikumbira chokufambisa mahara achitsvaka chinangwa muupenyu. Rwendo rwake rwakamusvitsa kuMontana, kwaakawana basa pedyo neChinook achibatsira mumwe murimi panguva yokukohwa. Mudzimai womurume uyu nomwanasikana wake vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Dennis akapiwa magazini yeMukai! kuti averenge. Pasina nguva refu, akabvuma kuti Zvapupu zvakanga zviine chitendero chechokwadi.
Achienda neBhaibheri, Dennis akabva papurazi iri akaenda kuKalispell, Montana. Ikoko akapinda musangano wake wokutanga weZvapupu zvaJehovha. Akakumbira kudzidziswa Bhaibheri pamusangano iwoyo. Nguva pfupi pashure pacho, akagera bvudzi nendebvu dzake. Muna January 1974 akaenda mubasa rokuparidza kokutanga, uye akabhabhatidzwa munonwira zvipfuyo muPolson, Montana, musi waMarch 3, 1974.
Panguva iyi Mark naKathi, avo vakanga vari kugara paGabriola Island, vakasarudza kuti sezvo vakanga vaine nguva yacho, vaizoedza kuongorora zviri muBhaibheri. Vakatanga kuverenga King James Version asi chiRungu chekare chirimo chakavaomera kunzwisisa. Ipapo Mark akayeuka kuti akanga achine Bhaibheri nemabhuku ayo Zvapupu zvakanga zvamupa makore akanga adarika. Vakaverenga Bhaibheri pamwe chete nemabhuku akadai saZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi naIs the Bible Really the Word of God? Mark naKathi vakafara zvikuru nezvavakadzidza.
Mark anotsanangura kuti: “Chakanyanya kundifadza ndechokuti bhuku raZvokwadi raitaura nezverimwe boka revaKristu vaisazoenda kuhondo chero zvodini. Ndakaona kuti vanhu ava ndivo vakanga vari kunamata chiKristu chechokwadi.” Nguva pfupi pashure pacho, Mark naKathi vakadzokera kuHoughton, Michigan, kunoshanyira mhuri yaKathi—kunyange zvazvo pakanga paine mukana wokusungwa. Ikoko, vachiri kuita kunge mahippie, vakapinda musangano weZvapupu. Vakabvuma kudzidza Bhaibheri uye vakadzidza mumwedzi wavakanga vari muMichigan.
Vadzokera kuGabriola Island, vakasangana nechimwe Chapupu mumugwagwa muNanaimo, British Columbia, vakatsanangura kuti vakanga vachida kudzidza Bhaibheri. Zuva iroro chairo motokari yakazara neZvapupu yakauya, uye vakatanga kudzidza Bhaibheri. Mwedzi mitatu pashure pacho, Mark naKathi vakatanga basa rokuparidza. Mwedzi mitatu pashure pacho, musi waMarch 10, 1974, vakabhabhatidzwa. Yakanga iri vhiki imwe chete pashure pokunge Dennis abhabhatidzwa!
Dennis Anopinda Mubasa Renguva Yakazara
Dennis akava piyona, kana kuti mushumiri wenguva yakazara, muna September 1974. Anoti: “Ndakanga ndichifara kupayona, asi ndakanga ndichida kuwedzera ushumiri hwangu; nokudaro muna July 1975, ndakanyorera kuti ndishande pamuzinda wepasi pose weZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Muna December ndakadaidzwa.”
Basa rokutanga rakapiwa Dennis rakanga riri rokubatsira kuchinja yaimbova Towers Hotel kuti igarwe nevashandi vepamuzinda. Akashanda kwemakore ipapo, achitarisira vashandi vaiisa matairo. Ipapo, ava kuda kuroora, akaenda kuCalifornia. Muna 1984, achishanda somukuru muungano yeCathedral City, akaroora piyona ainzi Kathy Enz.
Dennis naKathy vakanga vakatsunga kuti upenyu hwavo hurambe huri nyore kuitira kuti vakwanise kuramba vachiita zvinodiwa noUmambo. Naizvozvo kakawanda Dennis akaramba mabasa aikwanisa kumupa mari zhinji kumakambani makuru okuvaka kumaodzanyemba kweCalifornia. Muna 1988 iye naKathy vakanyorera kuti vaite basa reZvapupu zvaJehovha rokuvaka munyika dzakawanda. Muna December wegore iroro, vakanzi vaende kunoshanda pakuvaka bazi muBuenos Aires, kuArgentina.
Muna 1989, Dennis naKathy vakadaidzwa kuti vazoshanda mubasa rokuvaka reZvapupu zvaJehovha zvachose. Vachiita basa iri rinokosha renguva yakazara, kaviri vakashanda muSuriname uye muColombia. Vakashandawo pakuvaka bazi muEcuador nomuMexico, uyewo mamwe mabasa okuvaka maduku muDominican Republic.
Mark Anopinda Mubasa Renguva Yakazara
Muna 1976, Mark, pamwe chete nezvimwe zviuru zvevarume vaduku vomuAmerica vakanga vatizira kuCanada vachitiza kumanikidzwa kupinda muchiuto, akaregererwa nehurumende yeUnited States. Iye nomudzimai wake, Kathi, vakanga vachidawo kuita kuti upenyu hwavo huve nyore kuti vave nenguva yakawanda muushumiri. Naizvozvo Mark akashanda kwemaawa mashoma pazuva achiita basa rokuongorora panenge pachivakwa, uye iye naKathi vakakwanisa kubhadhara zvikwereti zvavakanga vanazvo vasati vabhabhatidzwa.
Muna 1978, Zvapupu zvomuCanada pazvakanga zviri kuronga kuvaka bazi idzva pedyo neToronto, Ontario, Mark naKathi vakanga vachikwanisa kubatsira. Sezvo Mark akanga aine ruzivo pakuongorora panenge pachivakwa, vakadaidzwa kuti vauye kuzovakawo. Vakashanda pabasa iri muGeorgetown kusvika rapera muna June 1981. Pashure pacho, vakadzokera kuBritish Columbia uye kwemakore mana akatevera vakabatsira kuvaka Imba Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha ikoko. Payakapera, vakadaidzwa kuti vadzoke kuzoshanda pakuwedzera bazi romuCanada.
Muna 1986, pashure pemwedzi mishoma vari muGeorgetown, Mark naKathi vakadaidzwa kuzova nhengo dzemhuri yebazi romuCanada. Vave vari nhengo dzemhuri iyi kubvira ipapo uye vakavawo nemikana yakawanda yokuita basa rokuvaka mune dzimwe nyika dzakawanda. Nemhaka yoruzivo rwaMark mukuongorora panenge pachivakwa, akatanga kushandiswa kuongorora nzvimbo dzinenge dzichida kuvakwa zvivako zvemapazi uye Dzimba Dzemagungano dzeZvapupu zvaJehovha muSouth neCentral America uye zvitsuwa zviri muCaribbean.
Kwemakore ose aya, iye naKathi vakashanda muVenezuela, Nicaragua, Haiti, Guyana, Barbados, Bahamas, Dominica, uye muUnited States (Florida), uye Dominican Republic. Urwu rudzi rwebasa renguva yakazara rwakaita kuti Mark naDennis vagume vasangana zvekare.
Kuonanazve muDominican Republic
Vasingazvizivi, Mark naDennis vakanga vari kushanda pakuvaka zvivako zvakafanana muDominican Republic. Rimwe zuva vakaita mahwekwe pazvivako zvebazi reZvapupu zvaJehovha muSanto Domingo. Sezvaunogona kufungidzira, vakafara chaizvo kuzivana zvekare. Vose vakanga vava nemakore 33 pamusoro peavakanga vainawo pavakapedzisira kuonana, saka vakanga vaine nyaya dzakawanda dzokuudzana. Vachishamisika nezvakanga zvaitika kwavari, vakataurirana zvawaverenga pamusoro apa. Asi chinonyanya kuvashamisa—uye chinoshamisa vose vavakaudza zvakaitika izvi—kufanana kwakaita zvinhu zvakaitika muupenyu hwavo.
Vose vakararama upenyu hwemahippie uye vakaenda kunzvimbo dziri kure kuti vatize nyika inoda zvokutengeserana nenhamo dzayo. Dennis akaroora musikana anonzi Kathy, Mark akaroora musikana anonzi Kathi. Varume vaviri ava vakabvuma kudzidza Bhaibheri pavakapinda musangano wavo wokutanga weZvapupu zvaJehovha. Vose vakabhabhatidzwa muna March 1974. Vose vakava nhengo dzemhuri yebazi reZvapupu zvaJehovha—Dennis muUnited States uye Mark muCanada. Vose vakaedza kuchengeta upenyu hwavo huri nyore kuti vakwanise kuita zvine chokuita nokunamata. (Mateu 6:22) Vose vakaita basa rokuvaka kune dzimwe nyika uye vakapiwa mabasa munyika dzinoverengeka. Kusvika panguva yavakaonana muDominican Republic, hapana mumwe wavo akanga ambosangana neshamwari yekare yakanga yava Chapupu.
Mark naDennis vanoti zvakaitika izvi mashura here? Kwete. Vanoziva kuti, sezvinotaurwa neBhaibheri, “vanowirwa vose nenguva nezvinoitika”—dzimwe nguva nenzira inonakidza zvikuru. (Muparidzi 9:11) Zvisinei, vanozivawo kuti chimwe chinhu chakaita kuti vaonane zvekare: kuda kwavakaita kuwana zvinoreva upenyu uye kuda kwavo Jehovha Mwari.
Nyaya yaDennis naMark inoratidzawo kuti kune zvimwe zvinhu zvinokosha zvinowanikwa nevanhu vane mwoyo yakatendeseka vanoda kudzidza Bhaibheri. Dennis anoti: “Zvakaitika kwandiri naMark zvinoratidza kuti Jehovha anoziva zvinoitika muupenyu hwevanhu, uye apo mwoyo yavo inenge ichida kuita zvakanaka, anovakweva.”—2 Makoronike 16:9; Johani 6:44; Mabasa 13:48.
Mark anowedzera kuti: “Zvakaitika kwatiri zvatidzidzisawo kuziva kuti kana munhu akachinja kuti aite zvinodiwa naJehovha, otsaurira upenyu hwake kwaari, oda kushandiswa, Jehovha anokwanisa kushandisa mano ake uye unyanzvi kuita kuti kunamata kwakachena kuenderere mberi, zvichibatsira vanhu vake.”—VaEfeso 4:8.
Zvakaitika kwavari zvinoratidza kuti Jehovha Mwari anokomborera basa romwoyo wose revanhu vake. Zvechokwadi Dennis naMark vanoziva kuti vakakomborerwa. Dennis anoti: “Iropafadzo kutsigira zvinodiwa noUmambo mubasa renguva yakazara. Zvakaita kuti tikwanise kukurudzirana patakanga tichishanda nehama nehanzvadzi dzinobva pasi pose.”
Mark anowedzera kuti: “Zvechokwadi Jehovha anokomborera vaya vanoisa Umambo hwake pakutanga. Ini ndinoti chikomborero chaicho kukwanisa kushanda senhengo yemhuri yebazi reCanada uye kubatanidzwa mukuvaka kune dzimwe nyika.”
Kuonanazve uku kunoshamisa, handizvo here? Chokwadi, nokuti sezvinotaurwa naMark: “Chinonyanya kuita kuti kuonana zvekare kwatakaita kufadze zvikuru ndechokuti tose tava kuziva, kuda uye kushumira Mwari anoshamisa zvikuru, Jehovha.”
[Mufananidzo uri papeji 28]
Dennis, muna 1966
[Mufananidzo uri papeji 28]
Mark, muna 1964
[Mufananidzo uri papeji 30]
Dennis ari muSouth Dakota, muna 1974
[Mufananidzo uri papeji 30]
Mark ari muOntario, muna 1971
[Mufananidzo uri papeji 31]
Dennis naMark, pamwe chete nemadzimai avo, nguva pfupi pashure pokuerekana vasangana zvekare muna 2001