RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 11/8 pp. 26-27
  • Mwari Achafuratira Utera Hwedu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Achafuratira Utera Hwedu Here?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi naDhavhidhi
  • Hondo Yokurega Kuita Zvivi
  • Mwari Anotitarisira Kuti Tirwise Utera Hwedu
  • Kuva Nesimba Pasinei Nokusakwana Kwedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kuziva Utera, Uipi, Uye Rupfidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Unogona Kuramba Wakachena Mutsika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Pandinenge Ndisina Simba, Ndipo Pandiine Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 11/8 pp. 26-27

Zvinotaura Bhaibheri

Mwari Achafuratira Utera Hwedu Here?

‘Handisi munhu akaipa! Ndakaedza chaizvo kurega kuita zvakaipa, kungoti chete ndinoshayiwa simba!’

IWE kana kuti mumwe munhu waunoziva akambotaura mashoko akadai here? Vazhinji vanoguma vati hazvigoni kuti munhu akunde utera huri munyama yake. Vamwe vanhu vanorarama nedoro, fodya kana kuti zvinodhaka. Vazhinji vane makaro zvikuru. Uye kune vamwe vaya vakaita unzenza, vachiti vakapindwa muropa zvisingatauriki nokurara nevamwe.

Sezvinoratidzwa pana Mateu 26:41, Jesu akaratidza nomutsa kunzwisisa utera hwevanhu.a Chokwadi, mashoko ose ari muBhaibheri anoratidza zvakajeka kuti Jehovha Mwari naJesu vane tsitsi zvikuru. (Pisarema 103:8, 9) Asi tinofanira kutarisira kuti Mwari afuratire zvikanganiso zvedu zvose here?

Mosesi naDhavhidhi

Yeuka zvakaitika kuna Mosesi. Aizivikanwa kuti “akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika,” uye aiedza kuramba achiita zvakanaka izvozvo. (Numeri 12:3) Sezvo vaIsraeri vakanga vachifamba nomurenje, kazhinji vakanga vari vanhu vasinganzwisisi uye vairatidza kushora Mwari nevamiririri vake. Zvose izvi zvichiitika, Mosesi akazvininipisa achitsvaka nhungamiro yaMwari.—Numeri 16:12-14, 28-30.

Zvisinei, rwendo rurefu runonetesa urwu parwakanga rwava kunopera, akatadza kuzvidzora pamberi pevanhu vose akarega kuteerera mirayiridzo yaMwari. Mwari akamukanganwira, asi Akafuratira chiitiko chacho here? Kwete. Akaudza Mosesi kuti: “Zvamusina kutenda kwandiri . . . , hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.” Mosesi akanga asiri kuzopinda muNyika Yakapikirwa. Pashure pemakore 40 okutamburira kuti awane ropafadzo iyoyo yakaisvonaka, chikanganiso chikuru chakaita kuti atadze kuwana izvozvo.—Numeri 20:7-12.

Mambo Dhavhidhi ndomumwe munhu aitya Mwari akanga aine utera. Pane imwe nguva akakundwa nomuedzo akarara nomudzimai womumwe murume. Akabva aedza kuvanza zvaakanga aita achiita kuti murume wacho aurayiwe. (2 Samueri 11:2-27) Pashure pacho, akazvidemba zvikuru nemhaka yezvikanganiso zvake, uye Mwari akamukanganwira. Asi Dhavhidhi akanga aparadza imwe mhuri, uye Jehovha haana kumudzivirira pamigumisiro inokuvadza yakatevera. Mwanakomana mucheche waDhavhidhi akarwarisa, uye Jehovha haana kupindira, pasinei neminyengetero yaDhavhidhi maererano nomwana wake. Mukomana wacho akafa, zvadaro dzimwe nhamo zhinji dzakawira mhuri yaDhavhidhi. (2 Samueri 12:13-18; 18:33) Dhavhidhi akatambura zvikuru nokuda kwokukundwa kwake nomuedzo wokuita unzenza.

Mienzaniso iyi inoratidza kuti Mwari anoti vanhu vanofanira kuzvidavirira pane zvavanenge vaita. Vaya vanoda kumushumira vanofanira kusimbisa nzvimbo dzisina kusimba pakunamata kwavo vova vaKristu vari nani. Muzana remakore rokutanga, vazhinji vakaita izvozvo.

Hondo Yokurega Kuita Zvivi

Zvakarurama kuti muapostora Pauro anzi muenzaniso wakanaka wokurarama kwechiKristu. Asi waiziva here kuti aigara achirwisana noutera hwake? VaRoma 7:18-25 inoratidza zvakajeka hondo iyi, kana kuti maererano nendima 23, ku“rwisana” uku. Pauro akaramba achirwa, nokuti aiziva kuti chivi hachikandi mapfumo pasi.—1 VaKorinde 9:26, 27.

Dzimwe nhengo dzeungano yechiKristu muKorinde yekare dzakanga dzichimboita zvakaipa dzisati dzava vatendi. Bhaibheri rinoti vakanga vambori ‘zvifeve, mhombwe, varume vanorara nevarume, mbavha, vanhu vanokara, zvidhakwa.’ Asi rinotiwo ‘vakagezwa vakachena.’ (1 VaKorinde 6:9-11) Sei? Vakasimbiswa kuti varege kuita zvakaipa nezivo yakarurama, ushamwari hwechiKristu, uye mudzimu waMwari. Pakupedzisira, vakanzi naMwari vakarurama muzita raKristu. Hungu, Mwari akavakanganwira, nokudaro achivapa hana yakachena.—Mabasa 2:38; 3:19.

Pauro nevaKristu vomuKorinde havana kuti kuda kutadza kwavakanga vanako kwakanga kusina basa. Pane kudaro, vakakurwisa, uye vachibatsirwa naMwari vakakwanisa kukunda. Vanamati ivavo vomuzana remakore rokutanga vakava netsika dzakanaka, pasinei nenyika yavakanga vari kurarama mairi uye kuda kutadza kwakanga kuri munyama yavo. Ko isu?

Mwari Anotitarisira Kuti Tirwise Utera Hwedu

Kurwisa utera kungasaguma nokuhubvisa zvachose. Nepo tisingafaniri kukandiswa mapfumo pasi nokusakwana kwedu, hatikwanisi kukuparadza. Kunoita kuti utera hwatinenge tinahwo huve hwakasimba zvikuru. Asi, hatifaniri kubvuma kukundwa noutera hwedu. (Pisarema 119:11) Nei izvi zvichikosha chaizvo?

Nokuti Mwari haabvumiri kuti kusakwana kuve ndiko chikonzero chatinopa nguva dzose patinoita zvakaipa. (Judha 4) Jehovha anoda kuti vanhu varuramise nzira dzavo, kuti vave netsika dzakanaka. Bhaibheri rinoti: “Semai zvakaipa.” (VaRoma 12:9) Nei Mwari achida zvikuru kuti tidaro?

Chimwe chikonzero ndechokuti kukundwa nomuedzo kunotikuvadza. “Zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa,” rinodaro Bhaibheri pana VaGaratiya 6:7. Vaya vanobvuma kupindwa muropa, vane makaro, kana kuti vane unzenza kazhinji vanokohwa zvakaipa muupenyu hwavo. Asi pane chimwe chikonzero chinokosha.

Chivi chinogumbura Mwari. Chinoita kuti pave ‘nokuparadzana’ pakati pedu naJehovha. (Isaya 59:2) Sezvo asingafariri vaya vane tsika yokuita zvakaipa, anokurudzira vanhu vakadaro kuti: “Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvemabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa.”—Isaya 1:16.

Musiki wedu ane rudo uye ane tsitsi. “Hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Kuramba tichikundwa nemiedzo kunotitadzisa kufarirwa naMwari. Sezvo Mwari asingafuratiri utera hwedu, isuwo hatifaniri kuhufuratira.

[Mashoko Omuzasi]

a Jesu akati: “Mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe