RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 12/8 pp. 22-23
  • Unogona Kuwana Unyanzvi Hwokugadzira Muzvinhu Zvakasikwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuwana Unyanzvi Hwokugadzira Muzvinhu Zvakasikwa
  • Mukai!—2002
Mukai!—2002
g02 12/8 pp. 22-23

Unogona Kuwana Unyanzvi Hwokugadzira Muzvinhu Zvakasikwa

PATINENGE tichifamba-famba kumaruwa, vakawanda vedu tinoona kunaka kwezvinhu zvakasikwa. Mungava musumbu remaruva, shiri ine ruvara rwakanaka, muti unoyevedza, kana kuti nzvimbo inokwezva. Vanhu vakawanda vanopa mbiri yorunako irworwo kuMusiki kana kuti Mhizha Huru.

Ungafunga kuti masayendisiti bedzi ndiwo anogona kuona unyanzvi hwokugadzirwa kwezvinhu hwakaoma kunzwisisa muzvinhu zvakasikwa. Zvisinei, hazvidi kuti uve nemidziyo yesayenzi yepamusoro kuti uone zvinhu zvakasikwa nounyanzvi. Chaunongoda kugona kunyatsocherechedza, kugona kufungidzira, uye kufarira runako nokuratidzika kwezvinhu. Ungadawo kutarisisa zvinhu zvaunoziva zvaungadai waisaita basa nazvo.

Chimwe chezvinhu zviri nyore zvikuru chakagadzirwa idenderedzwa rinomonereka. Rinogona kuonekwa muzvinhu zvakagadzirwa nevanhu zvatinoziva zvakadai sokumonereka kwetambo kana chokuvhurisa mabhodhoro ane zvivharo zvomuti. Zvisinei, unogona kuwana mamwe madenderedzwa anomonereka mumatemhe ezvinhu zvomumvura kana pavana vomupaini. Uye kana ukanyatsotarisisa nechepakati peringazuva, unogona kuonazve denderedzwa rinomonereka. Mamwe madenderedzwa angasanyatsooneka anoshongedza pakati perose uyewo dandadzi redandemutande.

Nyatsotarisisa dandadzi redandemutande. Kutanga, dandemutande rinoisa tambo huru dzedandadzi raro, dzakafanana nemasipokisi evhiri. Rinobva ratanga nechepakati kubatanidza tambo idzi pamwe netambo dzinonama dzesirika. Richimonereka, dandemutande rinoruka mumadenderedzwa kusvikira dandadzi rapera. Tambo idzi dzinoramba dzichikura ndidzo dzinogadzira denderedzwa rinomonereka.

Chimwe chinoshamisa muzvinhu zvakasikwa mavara anenge ziso. Mavara anenge maziso anowanikwa panzvimbo dzausingazvifungiri—paminhenga yeshiri, pamapapiro eshavishavi, kana kunyange pamakwati ehove. Masayendisiti anoti mavara aya anogona kubatsira kutanga kudanana kwezvinhu izvi, kutyisidzira muvengi, kana kuita kuti chisaonekwa. Pikoko zvichida ndiyo inonyanya kuratidza mavara anenge maziso, uye kuratidza kwayo kudanana nehadzi chimwe chezvishamiso zvezvinhu zvakasikwa. Alexander Mukuru akanakidzwa zvikuru norunako rwepikoko zvokuti akaomerera pakuti shiri yacho ichengetedzwe munyika yaaitonga.

Denderedzwa nezvinhu zvakaurungana zvinhu zvatakajaira kugara tichiona. Dederedzwa rakati piriviri rezuva riri kunyura kana kuti mwedzi wakazara wakajeka kuti ngwe-e kazhinji zvinotiita kuti tizviyemure. Maruva akawanda orudzi rwedaisy akaita sezuva, ane pakati peyero uye maruva anobwinya emarudzi akawanda. “Ziso” rakatsvukuruka rokutumbuka kwakapararira uku rinopa muto wakawanda unokwezva mashavishavi kungofanana nokukwezva kunoita mahombekombe egungwa vashanyi.

Sezvo zvinhu zvakaurungana zvisingadyi nzvimbo, michero kazhinji ndeyemarudzi akaurungana nemavara akasiyana-siyana. Mavara awo anoyevedza anokwezva shiri, dzinoparadzira mhodzi pashure pokunge dzanakirwa nokudya.

Chokwadi, madenderedzwa anomonereka, mavara anenge maziso, madenderedzwa, nezvinhu zvakaurungana zvinhu zvatakajaira kugara tichiona; uye izvi mienzaniso mishoma bedzi yemapatani ezvinhu zvakasikwa. Kunyange hazvo zvimwe zvine zvinangwa chaizvo, zvimwe zvingashanda sokushongedza kana kuita kuti zvisaonekwa. Chero zvazviri, zvitsvake zvikunakidze.

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 23]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe