RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 2/8 pp. 5-8
  • Nei Riri Dambudziko Riri Kuramba Richikura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Riri Dambudziko Riri Kuramba Richikura?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Urombo Noupfambi Hwevana
  • Upfambi Hwevana Huchaguma Here?
  • “Umhuka Chaihwo”
    Mukai!—2003
  • “Ndichapedza Upfambi Hwako”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • Kubata Vakadzi Norusaruro
    Mukai!—1998
  • Kubatwa Zvisina Kufanira Muvatano Kwavana—Chinetso Chemunyika Yose
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 2/8 pp. 5-8

Nei Riri Dambudziko Riri Kuramba Richikura?

WAIZIVA here kuti kupinza vanhu munyika zvisiri pamutemo ndiro basa routsotsi rechitatu guru munyika, richikundwa chete nokutengesa zvinodhaka uye kutengesa zvombo? Maererano neUnited Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization, pane kukura kunowedzera kwemarudzi ose echipfambi.

Mune imwe nyika iri kuLatin-America, Congressional Committee of Inquiry yakashuma kuti kune vana vasikana vari pfambi vanosvika 500 000, kunyange zvazvo chipfambi chisiri pamutemo.

Mune imwe nyika, kune vana vari pfambi vanosvika 300 000 vari mumigwagwa, kunyanya kunzvimbo dzinotengeswa zvinodhaka.

Kunyika dzokuAsia vanenge vasikana vaduku miriyoni vanonzi vanoshandiswa sepfambi kufanana nevaranda. Dzimwe nyika dzinotova nomukurumbira wokuva mizinda youpfambi hwevana uye chihure.

Nemhaka yokupararira kukuru kwezvirwere zvinotapuriranwa pabonde, zvakadai seAIDS, vanhu vari kuda kubhadhara vana vanonzi imhandara mari yakawanda pova nomukana muduku wokuwana chirwere. “Kutya AIDS kwakaita kuti varume vanyanye kutsvaka vasikana nevakomana vaduku, zvinoita kuti dambudziko racho riipisise,” anotsanangura kudaro Luíza Nagib Eluf weBrazil’s Ministry of Justice. Akati: “Kubhinya vanasikana nevachiri kuyaruka ndiro dambudziko guru renzanga kuvakadzi varombo muBrazil.”

Urombo Noupfambi Hwevana

Upfambi hwevana hunopararira muvanhu vanotambura nevarombo. Maererano nomumwe mukuru wehurumende, kushandisa vana zvisina kunaka uye chipfambi munyika yake “kwakabatana zviri pachena nokuparara kwemhuri uye migumisiro yokutambura nenzara.” Vamwe vabereki vanoti urombo hwakaita kuti vatengese vana vavo kuva pfambi. Vana vanongombeya nemigwagwa vanoguma vava kuita chipfambi nokuti ndiyo chete nzira yavanoona yokurarama nayo.

Pepanhau reO Estado de S. Paulo rinotsanangura kuti musikana anogona kuguma ava pfambi kana akabatana nechikwata chomumugwagwa. Kuti awane chimwe chinhu chokudya, angaba uye apo neapo angatengesa muviri wake. Zvadaro, anova pfambi yemakoko.

Dzimwe nguva vachiri kuyaruka vanotumirwa kune dzimwe nyika kuti vanova pfambi. “Mari inotumirwa nepfambi dziri kune dzimwe nyika kumhuri dzavo kazhinji inenge yakawanda kana tichitarisa urombo huri kunyika dzokuAsia neAfrica,” inoshuma kudaro UNESCO Sources. “Kunyika idzi chipfambi chinokurudzirwawo, nokuti vashanyi vokune dzimwe nyika dzakabudirira vanouya nemaune kuzotsvaka ‘zvokudya’ zvinogoverwa nevanhu vaduku nevana.”

Ichitsanangura matambudziko anosangana nevana vanoita chipfambi mumugwagwa mune rimwe guta muLatin-America, magazini yeTime inoshuma kuti: “Dzimwe pfambi dzacho iduku chaizvo, dzine makore 12. Kazhinji dzichibva mumisha inenge yaparara, masikati dzinorara chero padzinenge dzawana, dzoenda kumadhindindi, kwadzinonosangana nevarume, usiku.”

Asisazivi zvaari nemhaka yezvinodhaka, mwana anoita chipfambi angaguma ava kuitiswa zvinhu zvaangadai asina kubvuma kuita. Somuenzaniso, maererano nemagazini yeVeja, mapurisa akawana mavhidhiyo 92 umo mumwe chiremba akarekodha kutambudzwa kwoumhuka kwevakadzi vanodarika 50, vamwe vacho vezera riri pasi pomutemo.

Pasinei nechokwadi chinorwadza ichi, imwe pfambi yechiduku yakati: “Kana ndikatsvaka basa, handizokwanisi kudya ndichiguta nokuti handina kosi. Mhuri yangu inoziva zvandiri kuita, uye handidi kurega upenyu uhu. Muviri ndowangu, uye ndinoita zvandinoda nawo.”

Asi, vasikana ava havana kumbenge vachida kuzova pfambi. Maererano nomumwe anobatsira vanhu munzanga, pfambi dzechiduku dzakawanda “dzinoda kuroorwa” uye dzinoshuva kuzowana “Murume Akanaka Chaizvo.” Nepo kuine mamiriro ezvinhu akaoma zvikuru anoguma nokuva kwavo noupenyu hwechipfambi, mumwe muongorori akati: “Chinonyanya kurwadza ndechokuti vazhinji vavo vakabatwa chibharo mumba mavo chaimo.”

Upfambi Hwevana Huchaguma Here?

Zvisinei, kune tariro kuvana ava vari kutambura. Pfambi dzemazera ose dzakachinja upenyu hwadzo. (Ona bhokisi rakanzi “Vanhu Vanogona Kuchinja,” riri papeji 7.) Shoko raMwari, Bhaibheri, rabatsira mamiriyoni evanhu pasi pose kuva vavakidzani vakanaka uye nhengo dzemhuri dzakavimbika. Nezvevanhu vakanga vambori zvifeve, mhombwe, mbavha, vanhu vane makaro, zvidhakwa, tinoverenga kuti: “Ndozvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makagezwa mukachena, asi makatsveneswa, asi makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu nomudzimu waMwari wedu.”—1 VaKorinde 6:9-11.

Nhasi, kufanana nenguva inotaurwa muBhaibheri, kune vanhu vari kuchinja upenyu hwavo kuti huve nani. Kunyange zvakadaro, kune zvakawanda zvinodiwa kubvisa denda rokubhinya vanhu. Dzimwe hurumende nemamwe masangano ari kurwisa chipfambi chinoitwa nevashanyi vokune dzimwe nyika uye upfambi hwevana. Asi, chaizvoizvo, pane zvishoma izvo vanhu vangaita kubvisa kutambura nourombo. Vanodzika mitemo havakwanisi kubvisa pfungwa kana mafungiro anokonzera unzenza.

Zvisinei, panzvimbo pokuedza kwevanhu, kune chimwe chinhu chichapedza zvinetso zvose izvi—Umambo hwaMwari. Nyaya inotevera ichatsanangura.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Kazhinji urombo hunoita kuti vana vave pfambi

[Bhokisi riri papeji 6]

Mubhadharo Mukuru

Paakanga aine makore matanhatu chete, Daisy akabhinywa neimwe hanzvadzi yake. Somugumisiro, akagara nehanzvadzi yake huru kusvika ava nemakore 14 paakazotanga kushanda mune rimwe bhawa. Pashure pemazuva mashoma, Daisy akarwara. Paakapora, varidzi vebhawa vakamuudza kuti ane chikwereti navo, vachimumanikidza kuva pfambi. Rinenge gore rimwe gare gare, akanga achiri nechikwereti, uye zvaiita sokuti akanga asingazofi akakwanisa kusununguka. Zvisinei, mumwe murume akabhadhara chikwereti chake chakanga chasara, achienda naye kune rimwe guta, kwaakamubata somuranda. Akasiya murume wacho, uye pave paya akagara nomumwe murume kwemakore matatu, vachibva vazoroorana. Nemhaka yezvinetso zvemhuri zvikuru, akaedza kuzviuraya katatu.

Pakupedzisira, iye nomurume wake vakatanga kudzidza Bhaibheri. Asi Daisy ainzwa kuti akanga asina kukodzera kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Paakaratidzwa muBhaibheri kuti Jehovha Mwari anogamuchira vanhu vanenge vachinja, akatsaurira upenyu hwake kwaari. Daisy akaedza chaizvo kuita zvakarurama, asi aisagutsikana kuti zvakanga zvakakwana, naizvozvo aimboora mwoyo. Zvisinei, zvinofadza kuti akakwanisa kubvuma kubatsirwa kuti akunde kunzwa asina kuchena kwaikonzerwa nokubatwa chibharo uye upenyu hwake ari pfambi kwava kuva nepfungwa dzakanaka.

[Bhokisi riri papeji 7]

Vanhu Vanogona Kuchinja

Apo Jesu akanga ari pasi pano, akanzwira tsitsi vanhu vaitambura, vaiita zvivi. Aiziva kuti pfambi, pasinei nezera radzo, dzaikwanisa kuchinja mararamiro adzo. Jesu akatoti kuvatungamiriri vechitendero: “Zvechokwadi ndinoti kwamuri vateresi nemahure vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari.” (Mateu 21:31) Pasinei nokuti vaishorwa nemhaka youpenyu hwavairarama, vanhu vane mwoyo yakarurama vakadaro vakakanganwirwa nemhaka yokutenda kwavo Mwanakomana waMwari. Vaiti vezvivi vaipfidza vakanga vachida kusiya upenyu hwavairarama hwechipfambi kuti vagamuchire zvikomborero zvoUmambo hwaMwari. Zvadaro, vakararama maererano nemitemo yaMwari yakarurama. Nhasiwo, vanhu vose vari kugamuchira chokwadi cheShoko raMwari ndokuchinja mararamiro avo.

Funga zvakaitika kuna Maria, Carina, naEstela, vataurwa munyaya yokutanga. Kuwedzera pakuramba kumanikidzwa naamai vake kuti arambe ari pfambi, Maria aifanira kurwisa zvakasimba kuti arege kushandisa zvinodhaka. Anotsanangura kuti: “Ndaishandisa zvinodhaka kuti ndisanzwa ndisina basa nokuda kwokurarama ndiri pfambi.” Maria anotaura kuti akagamuchirwa sei neungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha: “Ndakafadzwa zvikuru norudo rwakaratidzwa nenhengo dzeungano. Vose—vana nevakuru—vakandibata noruremekedzo. Ndakaona kuti varume vakaroora vakanga vakavimbika kumadzimai avo. Ndinofara zvikuru kuti ndava shamwari yavo.”

Paakanga ava nemakore 17, Carina akashanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Akatanga kudzidza Bhaibheri, kunyange zvazvo kwechinguva akaramba achiita basa rake rechipfambi. Zvishoma nezvishoma, akatanga kunzwisisa uye kukoshesa chokwadi cheBhaibheri. Naizvozvo akasarudza kuenda kune rimwe guta rokure, uye ikoko akava mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Estela, uyo akaita chipfambi uye kudhakwa achiri muduku akafarira Bhaibheri. Zvisinei, akafunga kuti Mwari haamukanganwiri chero zvodini. Asi nokufamba kwenguva akaziva kuti Jehovha Mwari anokanganwira vanhu vanenge vapfidza. Iye zvino ava nhengo yeungano yechiKristu, akaroorwa, uye ane vana vatatu, Estela anoti: “Ndiri kufara zvikuru uye ndinoonga Jehovha nokuti akanditora mumadhaka uye akandigamuchira musangano rake rakachena.”

Zvakaitika izvi zvinotsigira mashoko eBhaibheri okuti Mwari anoda kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.”—1 Timoti 2:4.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vana vanoita chipfambi vanowanzoshandisa zvinodhaka

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

© Jan Banning/Panos Pictures, 1997

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe