RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 2/8 pp. 12-16
  • Kutenda Kunoedzwa muNazi Europe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Kunoedzwa muNazi Europe
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidza Chokwadi cheBhaibheri
  • Kukura Mumudzimu
  • 1938—Gore Raiva Rakaoma Zvikuru
  • Mukoma Wangu, Willi
  • Kutsigira Chokwadi Kwakaita Willi
  • Kuvimbika kwaVinko Kusvika Parufu
  • Rusununguko Pakupedzisira!
  • Mubatsiri Anondida
  • Kugutsikana Murudo rwaMwari
  • Hatina Kutsigira Hondo yaHitler
    Mukai!—1994
  • Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari
    Mukai!—1998
  • Bato reNazi Rakatadza Kundichinja
    Mukai!—2012
  • Ndingamuripa Neiko Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 2/8 pp. 12-16

Kutenda Kunoedzwa muNazi Europe

YAKATAURWA NAANTON LETONJA

Musi waMarch 12, 1938, varwi vaHitler vakayambuka muganhu wenyika yeAustria. Redhiyo dzaidanidzira nziyo dzemauto ari kufora uye masirogani ezvematongerwe enyika. Kuda kurwira nyika yechizvarwa kwakapararira munyika yokumusha kwangu, kuAustria.

HITLER ava kutonga, vanhu vakanga vachifara zvikuru muAustria. Vazhinji vaivimba kuti “Kutonga Kwemakore Ane Chiuru” kwake kwaizopedza urombo nokuwanisa mabasa. Kunyange vapristi vechiKaturike, vabatwa mumusungo wokurwira nyika yechizvarwa wakanga watandira nyika yose, vakachaya sarupu yaHitler.

Kunyange zvazvo ndakanga ndiri jaya remakore 19, handina kubatwa kumeso nezvaivimbiswa naHitler. Handina kubvuma kuti pane hurumende yevanhu inogona kupedza zvinetso zvevanhu.

Kudzidza Chokwadi cheBhaibheri

Ndakaberekwa musi waApril 19, 1919, muDobawitz, Austria, ndiri wechitatu uye rugotwe mumhuri medu. Baba vaishanda nesimba mumugodhi wemarasha. Muna 1923 vakaenda nemhuri yedu kuFrance, kwavakawana basa mutaundi remigodhi reLiévin. Nemhaka yezvavaidavira zvematongerwe enyika, vakanga vasingafariri zvechitendero, asi Amai vakanga vari muKaturike akazvipira. Amai vakatirera isu vana kuti tidavire muna Mwari, uye vainyengetera nesu manheru oga oga. Nokufamba kwenguva, kusavimba nezvitendero kwaBaba kwakakura zvokuti vakarambidza Amai kuenda kuchechi.

Ma1920 ava kunopera, takasangana naVinzenz Platajs, wataidaidza kuti Vinko, wechiduku aiva nevabereki vokuYugoslavia. Akanga achionana neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Munguva pfupi mumwe weVadzidzi veBhaibheri akatanga kushanyira mhuri yedu. Sezvo Baba vakanga varambidza Amai kuenda kuchechi, vakabvunza Vinko kana Mwari aigona kunamatirwa pamba. Akataura nezvaMabasa 17:24, iyo inoti Mwari “haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko,” uye akatsanangura kuti pamba ndipo nzvimbo yakanakisisa zvikuru yokumunamatira. Vakafara uye vakatanga kupinda misangano mudzimba dzeVadzidzi veBhaibheri.

Baba vakarayira kuti Amai varege marara iwayo, sokutaura kwavakaita. Kuti vatidzivise kusonganira neVadzidzi veBhaibheri, vakarayira kuti tose tipinde Misa musi weSvondo! Sezvo Amai vakarambisisa kuenda, Baba vakanga vatsunga kuti ndive mukomana anoshanda paatari kuchechi. Kunyange vairemekedza zvido zvaBaba panhau iyi, Amai vakaramba vachiisa chokwadi cheBhaibheri mumwoyo mangu nepfungwa uye kuenda neni kumisangano yeVadzidzi veBhaibheri.

Muna 1928, Vinko nehanzvadzi yangu Josephine, kana kuti Pepi, sokumudaidza kwataiita—vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Pave paya vakaroorana. Gore rakatevera mwanasikana wavo, Fini akaberekerwa muLiévin. Makore matatu akatevera vakadaidzwa kuzoita basa renguva yakazara muYugoslavia, uko basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rakaganhurirwa. Pasinei nematambudziko akawanda, mufaro wavo nokushingaira nokuda kwebasa raJehovha wakaramba usina kuderera. Muenzaniso wavo wakaisvonaka wakandipa chido chokuva mushumiri wenguva yakazara.

Kukura Mumudzimu

Zvinosuruvarisa kuti kusawirirana kwevabereki vedu kwakaguma nokurambana muna 1932. Ndakadzokera kuAustria naAmai, uku mukoma wangu Wilhelm (Willi), akasara ari muFrance. Pashure peizvi, handina kuzoramba ndichionana naBaba. Vakaramba vasingafariri kusvika zuva ravakafa.

Ini naAmai takagara muGamlitz, musha uri muAustria. Vaigara vachikurukura neni mabhuku eBhaibheri, sezvo pakanga pasina ungano dzakanga dziri pedyo. Zvinofadza kuti Eduard Wohinz aichovha bhasikoro achiuya kumba kwedu kubva kuGraz kaviri pamwedzi kuti atikurudzire mumudzimu, rwendo rwemakiromita 100 kuuya chete!

Pakatanga utongi hwaHitler hwehondo muna 1938, Hama Wohinz vakasungwa. Takarwadziwa zvikuru patakaziva kuti vakanga vaurayiwa muimba yegasi muLinz. Kutenda kwavo kunoshamisa kwakatibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha nokutendeka.

1938—Gore Raiva Rakaoma Zvikuru

Basa reZvapupu rakanga rarambidzwa muAustria muna 1935. Apo mauto aHitler akapinda muAustria muna 1938, basa redu rakanga rava nengozi zvikuru. Vavakidzani vedu vaiziva kuti ini naAmai taiva Zvapupu zvaJehovha, saka takasarudza kusanyanya kubuda pachena. Ndakatotanga kugara mune imwe imba yaichengeterwa zvinhu papurazi kuti zviomere vaNazi kundibata.

Mukutanga kwa1938, ndakanga ndapedza chikoro uye ndakatanga kushanda mune rimwe bhekari. Sezvo ndakaramba kuti “Hitler Ngaarumbidzwe” kana kuva nhengo yesangano reHitler Youth, ndakadzingwa basa. Asi ndakabva ndatsunga kudarika kare kuti ndaifanira kuratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari kuburikidza norubhabhatidzo rwomumvura.

Ini naAmai takabhabhatidzwa musi waApril 8, 1938. Humwe usiku, isu nevamwe vanomwe takaungana mune imwe imba yemapuranga musango. Pashure pehurukuro yorubhabhatidzo, mumaminitsi gumi, mumwe nomumwe aifamba nekamwe kanzira achienda kuimba yokuwachira. Ikoko takabhabhatidzwa mune rimwe bhavhu resamende.

Musi waApril 10, 1938, sarudzo dzokunyepera dzakaitwa maererano nenyaya yokuti Germany itore Austria. Mashoko okuti “Vhoterai Hitler!” akanga ari pamapepa akanamirwa munyika yose. Ini naAmai takanga tisingasungirwi kuvhota, sezvo takanga tisina nyika yatinoti ndeyedu pashure pokugara kwenguva refu muFrance—mamiriro ezvinhu akaponesa upenyu hwangu pave paya. Franz Ganster, anobva kuKlagenfurt kumaodzanyemba kweAustria, aigarotiunzira magazini eNharireyomurindi. Naizvozvo takakwanisa kuwana simba romudzimu kubva muShoko raMwari Hondo Yenyika II isati yatanga kupisa.

Mukoma Wangu, Willi

Willi, aiva mukuru kwandiri nemakore mana, akanga asina kunyorera ini naAmai tsamba kubva zvatakabva kuFrance makore mapfumbamwe akanga adarika. Kunyange zvazvo Amai vakanga vamudzidzisa chokwadi achiri kuyaruka, akafurirwa kufunga kuti chirongwa chaHitler chezvematongerwe enyika ndicho chaizounza remangwana rine chiedza. Muna May 1940 rimwe dare rokuFrance rakatongera Willi kugara mujeri kwemakore maviri nemhaka yemabasa ake echiNazi. Asi akakurumidza kubudiswa, apo mauto eGermany akapinda muFrance nechisimba. Panguva iyoyo akatitumira kadhi ari kuParis. Takafara kuziva kuti akanga ari mupenyu asi takavhunduka chaizvo kuziva zvaakanga ava!

Munguva yehondo Willi aikwanisa kutishanyira kakawanda nokuti aiwirirana neSS (Schutzstaffel, magadhi aHitler epamwoyo). Ainakidzwa zvikuru nokubudirira kwaHitler mune zvehondo. Pose pandaiedza kumuratidza zvinotaura Bhaibheri nezvetariro yedu aiti: “Marara! Tarisa zviri kuitwa naHitler. Nokukurumidza Germany ndiyo ichange yava ishe pasi pano!”

Pane imwe nguva Willi ari parivhi, muna February 1942, ndakamupa bhuku raEnemies, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Zvakandishamisa chaizvo kuti akariverenga akaripedza asina kumbomira. Zvakatanga kujeka kwaari kuti hurumende yaHitler yakanga iri kuzoparara. Akanga ave achitsigira hurumende ine utsinye uye akanga achida kugadzirisa chikanganiso chake pasina kunonoka.

Kutsigira Chokwadi Kwakaita Willi

Willi paakatishanyira mwedzi wakatevera wacho, akanga achinja. Akati: “Anton, ndakatora gwara risiri iro!”

“Willi,” ndakadaro, “izvi wati nonokei kuzviziva.”

“Kwete,” akapindura, “handina kunyanya kunonoka! Bhaibheri rinoti ‘unofanira kuita zvaunofanira kuita chero bedzi uchiri mupenyu,’ uye ndinotenda Mwari kuti ndichiri mupenyu!”—Muparidzi 9:10.

“Saka uri kufunga kuita sei chaizvo?” Ndakabvunza.

“Handina chinangwa chokuramba ndiri musoja,” akapindura. “Ndiri kunosiya basa revaNazi ndoona zvinoitika.”

Akabva aenda kuZagreb, Yugoslavia kunoshanyira hanzvadzi yedu, Pepi, zvekare. Apinda misangano isingabvumirwi yeZvapupu kwechinguva, akabhabhatidzwa muchivande. Pakupedzisira, mwanakomana mupambadzi akanga adzoka!—Ruka 15:11-24.

Kuti atize vaNazi muFrance, Willi akaedza kuyambuka muganhu wenyika kuti apinde muSwitzerland. Zvisinei, akabatwa nemapurisa echiuto eGermany. Akatongwa nedare rechiuto muBerlin, uye musi waJuly 27, 1942, akatongerwa rufu nemhaka yokupanduka. Ndakabvumirwa kumushanyira muBerlin-Tegel Military Prison. Ndakaendeswa kune imwe kamuri duku, uye nenguva pfupi Willi akapinda, akasungwa necheni dzakabatanidzwa nagadhi. Kumuona ari zvaaiva kwakaunza misodzi mumaziso angu. Hatina kubvumirwa kumbundirana uye taiva nemaminitsi 20 chete okuonekana.

Willi akaona misodzi yangu ndokuti: “Anton, uri kuchemei? Unofanira kufara! Ndinotenda Jehovha zvikuru nokundibatsira kuwana chokwadi zvekare! Dai ndaizofira Hitler, ndaisazova netariro. Asi kufira Jehovha zvinoreva kuti ndine chokwadi chokuzomutswa uye tichaonana zvekare!”

Mutsamba yake yokuonekana nesu, Willi akanyora kuti: “Mwari wedu anodiwa, wandinoshumira, anondipa zvinhu zvose zvandinoda uye zvechokwadi acharamba achinditsigira kusvika kumugumo, kuitira kuti ndikwanise kutsungirira ndokukunda. Ndinodzokorora, ivai nechokwadi chokuti handizvidembi uye kuti ndaramba ndakatsiga munaShe!”

Willi akaurayiwa muBrandenburg Penitentiary, pedyo neBerlin, zuva rakatevera racho, September 2, 1942. Akanga ava nemakore 27. Muenzaniso wake unoratidza chokwadi chemashoko ari pana VaFiripi 4:13 anoti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”

Kuvimbika kwaVinko Kusvika Parufu

Mauto eGermany akapinda nechisimba muYugoslavia muna 1941, zvichimanikidza Pepi nomurume wake, Vinko, nomwanasikana wavo aiva nemakore 12, Fini, kudzokera kumusha kuAustria. Pakazosvika nguva ino Zvapupu zvizhinji muAustria zvakanga zvaiswa mumajeri kana mumisasa yevasungwa. Vasina nyika yavo—nemamwe mashoko, vasiri zvizvarwa zvomuGermany—vakamanikidzwa kunoshanda mupurazi raiva kumaodzanyemba kweAustria, pedyo nokumba kwedu.

Gare gare, musi waAugust 26, 1943, Gestapo (mapurisa epachivande eNazi) yakasunga Vinko. Apo Fini akaedza kuninira ruoko baba vake, mukuru wemapurisa akamurova nesimba zvikuru zvokuti akanowira kune rimwe divi mumba macho. Kazhinji Vinko aibvunzurudzwa uye kurohwa zvakasimba neGestapo uye akaendeswa kuStadelheim Penitentiary muMunich.

Musi waOctober 6, 1943, mapurisa akandisunga kubasa kwangu, uye neniwo ndakaendeswa kuStadelheim Penitentiary, kwakanga kuna Vinko. Sezvo ndaikwanisa kutaura chiFrench zvakatsetseka, ndakashandiswa somuturikiri wevasungwa vehondo vokuFrance. Panguva yataifamba mukomboni yejeri, ndakava nomukana wokutaurirana naVinko.

Pakupedzisira Vinko akatongerwa rufu. Akapiwa mhosva yokupa Zvapupu mabhuku eBhaibheri uye kubatsira nemari vakadzi vaiva Zvapupu vakanga vaine varume vaiva mumisasa yevasungwa. Akachinjirwa kujeri rimwe chete raiva pedyo neBerlin uko Willi akanga aurayirwa. Ikoko akagurwa musoro musi waOctober 9, 1944.

Kuonana kokupedzisira uko Vinko akaita nemhuri yake kwakanga kuchirwadza mwoyo. Vakamuona akasungwa uye arohwa, uye akanga asingakwanisi kuvambundira nokuti akanga akasungwa necheni. Fini akanga ane makore 14 paakapedzisira kuona baba vake. Achiri kuyeuka mashoko avo okupedzisira: “Uchengete amai vako, Fini!”

Pashure porufu rwababa vake, Fini akatorwa nechisimba kubva pana amai vake akaiswa mumhuri yevaNazi yaiva nechinangwa chokumu“chinja.” Kazhinji airohwa zvakaomarara. Apo mauto eRussia akapinda muAustria, akapfura mhuri yokuGermany yakanga yamubata noutsinye zvikuru. Vaiti mhuri iyi yakanga iri vaNazi vemakoko.

Pashure pehondo hanzvadzi yangu yakaenderera mberi nebasa renguva yakazara. Yakashanda nomurume wayo wechipiri, Hans Förster, pabazi reZvapupu zvaJehovha muSwitzerland kusvikira parufu rwayo muna 1998. Fini atevera tsoka dzevabereki vake uye iye zvino ari kushumira Mwari wechokwadi, Jehovha, muSwitzerland.

Rusununguko Pakupedzisira!

Kumavambo kwa1945 jeri redu romuMunich rakanga riri rimwe rezvivako zvakabhombwa. Guta rakasara rava matongo. Ndakanga ndatopedza mwedzi 18 ndiri mujeri apo zuva rangu rokumira pamberi pomutongi rakasvika. Zuva racho akanga ari mavhiki maviri chete kusvika pakamiswa hondo zviri pamutemo musi waMay 8, 1945. Panguva yokutongwa ndakabvunzwa kuti: “Unoda kuita basa rechiuto here?”

“Musungwa haabvumirwi kupfeka yunifomu kana kuti ‘Hitler Ngaarumbidzwe,’” ndakapindura. Pandakabvunzwa kana ndaizoda kushanda muuto reGermany, ndakati: “Ndapota ndipei mapepa angu okupinda muchiuto, ndozokuudzai zvandinenge ndafunga!”

Mazuva mashoma gare gare, hondo yakapera, uye ndakaudzwa kuti ndakanga ndasununguka kuenda. Nguva pfupi pashure peizvi ndakaenda kuGraz, kwaiva neungano duku yeZvapupu 35. Pari zvino ungano sere dziri munharaunda yeGraz.

Mubatsiri Anondida

Nguva pfupi hondo yapera, ndakasangana naHelene Dunst, mudzidzisi muduku akanga ambova nhengo yebato reNazi. Akanga asisina shungu neNazi. Pandakatanga kutaura naye, akabvunza kuti: “Nei murimi chete munoziva kuti zita raMwari ndiJehovha vamwe vasingazivi?”

“Nokuti vanhu vazhinji havatsvaki muBhaibheri,” ndakapindura. Ndakabva ndamuratidza zita raMwari muBhaibheri.

“Kana Bhaibheri richiti zita raMwari ndiJehovha, saka tinofanira kuudza munhu wose chokwadi ichi!” akadaro nemanyemwe. Helene akatanga kuparidzira chokwadi cheBhaibheri uye gore rakatevera akaratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Takaroorana musi waJune 5, 1948.

Musi waApril 1, 1953, takava vashumiri veZvapupu zvaJehovha venguva yakazara. Pakupedzisira takazodaidzwa kunopinda kirasi yechi31 yeWatchtower Bible School of Gilead, yaiva pedyo neSouth Lansing, New York. Ikoko takanakidzwa zvechokwadi nokuva nevamwe vadzidzi vaibva kunyika 64.

Pashure pokupedza kudzidza takatumirwa kuAustria zvekare. Kwemakore mashoma, basa redu rakanga riri rokushanyira ungano tichidzisimbisa mumudzimu. Ipapo takadaidzwa kuzoshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muLuxembourg. Gare gare takakumbirwa kutamira kuhofisi yebazi muAustria, iri muVienna. Muna 1972, tichishanda ikoko, takatanga kudzidza mutauro weSerbo-Croatian kuti tikwanise kupupurira vanhu vazhinji vanobva kuYugoslavia vanoshanda muVienna. Pari zvino muno muVienna mune ungano sere dzemutauro weSerbo-Croatian, dzine vanhu vanobva kwose zvakwo muEurope!

Musi waAugust 27, 2001, Helene akarara murufu. Akanga aratidza kuti mubatsiri akavimbika uye anokosha neshamwari mumakore edu 53 okuroorana tichifara. Iye zvino ndava kunyanya kuda tariro yorumuko.

Kugutsikana Murudo rwaMwari

Pasinei nenhamo dzandakasangana nadzo, ndinoramba ndichigutsikana nebasa rangu pahofisi yebazi muAustria. Imwe ropafadzo yandakava nayo nguva pfupi yadarika kwakanga kuri kutaura zvakaitika kwandiri pamusangano we“Forgotten Victims of the Nazi Regime.” Kubvira muna 1997 chirongwa ichi chashanyira maguta 70 omuAustria nemataundi, zvichipa mukana kuvanhu vachiri vapenyu kuti vataure zvavakaona mumisasa yevasungwa nemajeri eNazi uye kutenda kwechokwadi kwakaratidzwa nevaKristu vechokwadi.

Ndinoti iropafadzo chaiyo kuti ndakakwanisa kuzivana nevakatendeka vakadaro pachangu. Vanoshanda souchapupu huri pachena hwaVaRoma 8:38, 39 inoti: “Rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvikwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mhuri yedu muna 1930 (kubva kuruboshwe kuenda kurudyi): ini, Pepi, Baba, Willi, Amai, naVinko

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mukoma wangu, Willi, nguva pfupi asati aurayiwa

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ini naVinko takaita nguva tiri muStadelheim Penitentiary, Munich

[Mifananidzo iri papeji 15]

Mwanasikana waVinko, Fini, akaiswa mumhuri yevaNazi yaiva noutsinye; achiri akatendeka nanhasi

[Mufananidzo uri papeji 16]

Helene akanga ari shamwari yakakosha mumakore edu 53 okuroorana

[Mufananidzo uri papeji 16]

Ndichitaura pamusangano we“Forgotten Victims of the Nazi Regime”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe