Kurara—Hakunyanyi Kukosha Here Kana Kuti Kunokosha?
KUNE VAMWE VANHU, kurara kupedza nguva. Vachitoda purogiramu yezuva nezuva yakawandirwa yebhizimisi uye yokufara nevamwe vavo, vanotozoenda kunorara vanyatsoneta. Kusiyana neizvi, vamwe, vanopedza usiku humwe nohumwe vachisanduruka-sanduruka pamubhedha pamusana pokushaya hope kutozosvika maawa emambakwedza, vangada kuita zvose zvavanogona kuti varare zvakanaka.
Nei vamwe vachiwana zvakaoma kuti varare, asi vamwe vachitamburira kuti vasarare? Tinofanira kuona kurara sokusingakoshi here kana kuti sokunokosha? Kuti tipindure mibvunzo iyi, tinofanira kunzwisisa zvinenge zvichiitika patinenge takarara.
Zvinhu Zvisinganzwisisiki Zvinokonzera Kukotsira
Chinonyatsoita kuti munhu atadze kuziva okotsira hachisati chava kunzwisisika. Zvisinei, vatsvakurudzi vakati kukotsira muitiro wakaoma kunzwisisa unodzorwa nouropi uye kuti kunoteerera wachi yomuzvarirwo yemaawa 24.
Patinenge tichikura, tinochinja miitiro yedu yokurara. Kacheche kanorara kakawanda kwenguva pfupi, yose ingasvika maawa 18 pazuva. Maererano nevanoziva nezvokurara, kunyange zvazvo vamwe vanhu vakuru vachiita sevanoda kurara maawa matatu chete pazuva, vamwe vanoda gumi.
Tsvakurudzo dzichangobva kuitwa dzakaratidza kuti kusiyana kwakaita wachi dzedu dzomuzvarirwo kunoratidzawo chikonzero nei zvichinetsa vamwe vayaruki kumuka mangwanani. Wachi yedu yomuzvarirwo inoita seinoenda mberi mukuyaruka, zvichiita kuti vaduku vade kunonoka kurara vononoka kumuka. Kunonoka kurara uku kunowanzoitika uye kunenge kunozopera pakati pezera rokuyaruka kana kuti rava kupera.
Wachi yedu yomuzvarirwo inodzorwa nemakemikari, akawanda acho ava kutozivikanwa. Imwe yacho inonzi melatonin, kemikari inonzi inoita kuti tikotsire. Melatonin inogadzirwa muuropi, uye mamwe masayendisiti anofunga kuti ndiyo inononotsa kugayiwa kwezvokudya kunoitika munhu asati akotsira. Melatonin painobudiswa, tembiricha yomuviri uye kuyerera kweropa richienda kuuropi zvinodzikira, uye tsandanyama dzedu dzinopera simba dzoregedzera. Chii chinozoitika munhu paanokotsira?
‘Chinhu Chikuru Chomuzvarirwo Chinovaka’
Pashure pemaawa anenge maviri takotsira, maziso edu anotanga kumhanya-mhanya nokukurumidza. Kuongorora uku kwakaita kuti masayendisiti aise kurara muzvikamu zviviri: Kurara kunonzi REM (rapid eye movement, [kukurumidza kufamba kwemaziso]) uye kurara kunonzi non-REM (panenge pasingafambi maziso). Kurara kunonzi non-REM kunogona kuiswa muzvikamu zvina zvokurara hope dziya dzokufa. Munhu akarara zvakanaka usiku, kurara kunonzi REM kunoitika kakawanda, kuchichinjana nokurara kunonzi non-REM.
Kurota kwakawanda kunoitika mukurara ikoku kunonzi REM. Tsandanyama ndipo padzinoregedzerawo zvikuru, zvichiita kuti munhu anga akarara amuke achinzwa ava nesimba mumuviri. Uyezve, vamwe vaongorori vanoti padanho iri rokurara ndipo panonyatsopinzwa mundangariro zvinhu zvinenge zvichangobva kuitika zvinozoyeukwa nomunhu kwenguva refu.
Munhu paanenge anyatsokotsira (muzvikamu 3 ne4 zvokurara kunonzi non-REM), kufamba kweropa redu nokurova kwomwoyo zvinodzikira, zvichizorodza gadziriro yokutenderera kweropa mumuviri zvobatsira kudzivirira chirwere chomwoyo. Uyezve, kugadzirwa kwekemikari inonzi inokonzera kukura kunowedzera mukurara kwenon-REM, vamwe vechiduku vachibudisa kemikari inokonzera kukura iyi yakawanda neka50 usiku kupfuura mukati mezuva.
Kurara kunoita sokunokonzera havi yedu yokuda kudya. Masayendisiti akawana kuti chaizvoizvo kurara, sokutaura kwakaita Shakespeare, “ndiko kunonyanya kukonzera kudya muupenyu.” Uropi hwedu hunoona kushayiwa hope sokunokonzerwa nokushayiwa zvokudya. Patinorara, muviri wedu unobudisa leptin, kemikari inowanzoita kuti muviri wedu uzive kuti taguta. Patinopedza nguva yakareba tisina kurara kupfuura zvatinofanira kuita, muviri wedu unobudisa leptin shoma, uye tinonzwa tichida makabhohaidhiretsi akawanda. Saka kusarara kungaita kuti munhu adye makabhohaidhiretsi akawanda, izvo zvinozoitawo kuti afute.—Ona bhokisi rinoti “Kumborara Masikati,” papeji 13.
Kunokosha Kuti Pave Noutano Hwakanaka
Asi handizvo zvoga. Kurara kunoita kuti zvive nyore kuti muviri wedu urwise zvinhu zvinonzi mafree radicals—mamorekuru [molecules] anonzi anokonzera kukwegura kwemasero uye kunyange kukonzera kenza. Muongororo ichangobva kuitwa neYunivhesiti yeChicago, majaya 11 akagwinya akabvumirwa kurara maawa mana chete pazuva kwemazuva matanhatu. Pakazopera nguva iyi, masero awo omuviri akanga ava kushanda seevanhu vane makore 60, uye uwandu hwekemikari yavo inodzora shuga muropa yakanga yafanana neyomunhu ane chirwere cheshuga! Kusarara kunotokanganisa kugadzirwa kwemasero machena ari muropa uye kemikari inonzi cortisol, zvichiita kuti munhu arware nyore uye abatwe nezvirwere mugadziriro yomuviri inofambisa ropa.
Pasina mubvunzo, kurara kunokosha kuti muviri nepfungwa zvive noutano hwakanaka. Semaonero omumwe muongorori anonzi William Dement, akatanga muzinda wokutanga unoongorora nezvokurara, paYunivhesiti yeStanford, U.S.A., “kurara kunoita sechinhu chinokosha kwazvo chinoratidza kuti uchararama nguva yakareba sei.” Deborah Suchecki, muongorori ari pamuzinda unoongorora zvokurara muSão Paulo, Brazil, anoti: “Dai vanhu vaiziva zvinoitika mumuviri usingawaniswi kurara kwakakwana, vaizofunga kaviri pamashoko okuti kurara kupedza nguva uye kuti ndokwevane usimbe.”—Ona bhokisi riri pamusoro.
Asi kurara kwose kunopa simba idzva here? Nei vamwe vanhu vachirara usiku hwose asi vongonzwa vasina kuzorora? Nyaya inotevera ichakubatsira kuona zvimwe zvirwere zvikuru zvinokonzerwa nokusarara uye ichatsanangura kuti ungarara sei zvakanaka.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 13]
ZVINOKONZERWA NOKUSARARA
ZVINOVAPO KWENGUVA PFUPI
◼ Kungonzwa hope
◼ Kungochinja-chinja unhu nenguva isipi
◼ Kukurumidza kukanganwa
◼ Kutadza kuronga uye kuita zvinhu
◼ Pfungwa dzinombeya-mbeya
ZVINOVAPO KWENGUVA REFU
◼ Kufutisa
◼ Kukurumidza kuchembera
◼ Kuneta
◼ Pane mukana mukuru wokuti ungangobatwa nezvirwere zveshuga, zvemwoyo, uye zvomudumbu
◼ Kugara uchikanganwa
[Bhokisi riri papeji 13]
KUMBORARA MASIKATI
Wakambonzwa uchida kurara pashure pokunge wadya masikati here? Izvi hazviratidzi hazvo kuti une dambudziko rokusarara. Hapana chakashata nokunzwa hope mumaawa okutanga emasikati pamusana pokudzikira kwetembiricha yomuviri kunongoitika. Uyezve, masayendisiti munguva ichangopfuura akawana imwe puroteni inonzi hypocretin, kana kuti orexin, inogadzirwa muuropi, uye inotibatsira kuramba takamuka. Hypocretin nezvokudya zvakabatana papi?
Patinodya, muviri unobudisa leptin kuti tizive kuti taguta. Asi leptin inoderedza kugadzirwa kwehypocretin. Nemamwe mashoko, muuropi mukava neleptin yakawanda, hypocretin inova shoma tobva tanyanya kunzwa hope. Zvichida ndizvo zvinoita kuti mune dzimwe nyika vanhu vamboita siesta—kumbozorora pabasa kunobvumira vanhu kumborara pashure pokunge vadya masikati.
[Girafu riri papeji 12]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
ZVIKAMU ZVOKURARA
Girafu rakareruka
Zvikamu Zvokurara
Mukai
REM
Non-REM
Kurara hope 1
dzisina kunyanya 2
3
Kurara hope 4
dziya dzokufa 1 2 3 4 5 6 7 8
Maawa okurara