Chinhu Chinokosha Muupenyu—Mvura
KUMUKADZI weSamariya aichera mvura mutsime, Jesu akataura nezvechitubu chemvura inotubuka inopa upenyu husingaperi. (Johani 4:14) Kunyange zvazvo mvura yaakataura iri yokufananidzira, mupfungwa isiri yokufananidzira mvura inokosha kuupenyu, ichiva yechipiri chete pashure pemweya wokufema muupenyu. Munhu anogona kurarama mavhiki akawanda asina zvokudya asi mazuva mashanu chete kana asina mvura!
Anenge makota matatu ouremu hwomuviri wedu imvura. Somuenzaniso, uropi hune mvura inobvira pa75 kusvika ku85 muzana, uye tsandanyama dzine inosvika 70 muzana. Pakati pezvimwe zvinhu, mvura inotibatsira kugaya uye kufambisa zvokudya, nokuti inoendesa zvokudya kumasero. Inobvisa tsvina inokuvadza nezvimwe zvisina basa, inoita kuti zvive nyore kugonyesa mapfupa uye inopfavisa ura, uye inodzora kupisa kwomuviri. Asi waiziva here kuti kunwa mvura yakakwana chimwewo chinhu chinoderedza uremu?
Kunwa Mvura Kuitira Kuderedza Uremu
Kutanga mvura haina macalorie, haina mafuta uye cholesterol, uye ine munyu mushoma (sodium). Chechipiri, inoita kuti munhu asafarire kudya. Chechitatu, mvura inobatsira muviri kushandisa mafuta anenge akachengetedzwa. Sei? Zviripo ndezvokuti itsvo kana dzisina mvura yakakwana, hadzigoni kushanda zvakanaka. Chitaka ndipo pachinobatsirawo ipapo, asi kudaro kunochikanganisa kugaya mafuta zvakanaka. Saka mafuta anoramba arimo mumuviri, uye unowedzera uremu. Nokudaro, sokutaura kunoita Dr. Donald Robertson weSouthwest Bariatric Nutrition Center muScottsdale, Arizona, U.S.A., “kunwa mvura kwakanaka kunokosha kwazvo pakuderedza uremu. Kana vanhu vaya vari kuedza kuderedza uremu vasinganwi mvura yakakwana, muviri haugoni kunyatsogaya mafuta.”
Ichokwadi kuti, kuva nemvura yakawandisa mumuviri zvisiri zvomuzvarirwo kunowanzokonzera uremu. Nokudaro, vakawanda vane mvura yakawandisa mumuviri zvisiri zvomuzvarirwo vanofunga kuti kugadzirisa dambudziko racho kunwa mvura shoma. Zvisinei, zvakapesana ndizvo zvinenge zvichitoitika. Muviri paunorega kupiwa mvura yakakwana, unoedza kuchengetedza chero donhwe ripi neripi munzvimbo dzakadai setsoka, maoko, uye makumbo. Saka vanoziva nezvezvinovaka muviri vanokurudzira kuti tipe muviri wedu zvaunoda—mvura yakakwana. Uye yeuka kuti kudya kwaunoita munyu wakawanda, unobva wadawo mvura yakawanda kuti urege kuwandisa.
Ipa Muviri Wako Mvura
Zuva roga roga, paavhareji, marita maviri emvura anobuda nomuganda, nomumapapu, mudumbu, uye nomuitsvo. Tinorasikirwa nehafu yerita remvura zuva nezuva patinobudisa mweya wokufema. Kana mvura iyi ikasatsiviwa, tinobva tasara tisina mvura. Zvimwe zviratidzo zvokusava nemvura zvinoti kutemwa nomusoro, kurukutika, tsandanyama dzinorwadza, weti yakasviba, kunzwa kupisa, uye kuoma muromo nemaziso.
Saka tinofanira kunwa mvura yakawanda sei? Dr. Howard Flaks, nyanzvi inoziva nezvouremu, anoti: “Ine mwero pakuti munhu ave noutano hwakanaka magirazi masere kusvika kugumi pazuva. Unoda yakawanda kana uchirovedza muviri zvikuru kana kuti uchigara munzvimbo inopisa. Uye vanhu vanorema zvinodarika mwero vanofanira kunwa girazi rokuwedzera kana vadarikidza uremu hwavo chaihwo nemakirogiramu 10.” Zvisinei, vamwe iye zvino vanoti zvakakwana kunwa mvura kana une nyota, nepo paunenge wanzwa nenyota, ungatove usisina mvura kare.
Zvimwe zvinwiwa zvinogona kunwiwa kutsiva mvura here? Kunyange zvazvo zvinwiwa zvinogona kusanganiswa nemvura zvemichero nemiriwo zvakanaka, zvine mafuta. Uyewo, mvura ine shuga nomukaka inoita kuti muviri ude mvura kwazvo, sezvo mvura ichidiwa kuti izvigaye. Uye doro nezvinwiwa zvine caffeine zvakadai sekofi netii zvinoti budisei mvura kuburikidza neweti, zvichiita kuti zvikodzere kunwa mvura yakawanda kutsiva inenge yabudiswa. Hakumborina chinotsiva chinhu ichocho chinokosha, mvura. Saka wadii watanga kunwa girazi remvura iye zvino?
[Bhokisi/Mufananidzo ri papeji 13]
Mazano Okuti Unwe Mvura Yakawanda
● Takura bhodhoro remvura.
● Paunodya pose inwa girazi remvura.
● Inwa mvura usati warovedza muviri napashure pacho.
● Panzvimbo pokuzorora uchinwa kofi inwa mvura.
● Kuti unakirwe nemvura yomupombi, isa muto weremani kana kuti shandisa firita.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]
Mufananidzo: www.comstock.com