Nei Zvinonyadzisira Zvakapararira Kwazvo?
MIFANANIDZO yevanhu vasina kupfeka ine chinangwa chokuita kuti munhu anzwe achida kurara nomumwe munhu yakatanga zviuru zvemakore adarika. Asi nguva yose yapfuura iyi, zvinonyadzisira zvaiva zvakaoma kugadzira saka zvaingowanika kune vakapfuma nevatongi. Kudhinda zvakawanda nokutangwa kwemifananidzo uye mifananidzo inofamba kwakachinja zvose izvozvo. Zvinonyadzisira zvakakwanisa kutengeka uye zvakavapo kuvanhu vainge vasina kunyanya kupfuma.
Kugadzirwa kwomuchini unorekodha makaseti evhidhiyo kwakaita kuti zviwedzere. Kusiyana nemifananidzo yekare uye michini yemafirimu ebhaisikopo, makaseti evhidhiyo aiva nyore kuchengeta, kukopa, uye kuparadzira. Aikwanisawo kuonerwa mumba pasina voruzhinji. Nguva ichangodarika, kuwanda kwezvinhu zvemagetsi uye Indaneti kwaita kuti kuwanikwa kwezvinonyadzisira kutova nyore kwazvo. Mutengi anotya kuti muvakidzani wake achamuona ari muchitoro chinotengesa mavhidhiyo ezvinonyadzisira iye zvino anogona “kugara kumba oaodha nokudzvanya bhatani paterevhizheni yake, kana kusarudza mapurogiramu iwaya paTV yake,” anodaro muongorori wemashoko anobudiswa Dennis McAlpine. Kuwana nyore mapurogiramu akadai, maererano naMcAlpine, chimwe chinhu chaita kuti “zvinonyadzisira zvinyanye kugamuchirika.”
Zvinonyadzisira Zviri Kugamuchirwa Kwazvo Nenzanga
Vakawanda vave nepfungwa mbiri pamusoro pezvinonyadzisira nokuti iye zvino zvava kugamuchirwa kwazvo nenzanga. “Zvatova nesimba zvikuru patsika dzedu kupfuura zvinowanika pamitambo ine mimhanzi, kutamba mimhanzi, mafirimu, zvemimhanzi uye zvigadzirwa zvounyanzvi zvose zvabatanidzwa,” anodaro mumwe munyori anonzi Germaine Greer. Maonero amazuva ano ezvinonyadzisira angaratidzwa nokutevedzera zvipfeko zvemahure, zvenyanzvi dzakawanda dzemitambo, mavhidhiyo emimhanzi azere nemifananidzo yevanhu vanoita zvounzenza, uye mashandisiro anoita vanoshambadzira “mifananidzo inonyadzisira.” McAlpine anogumisa kuti: “Nzanga iri kugamuchira zvairi kupiwa. . . . Izvozvo zviri kubatsira kuti pave nepfungwa yokuti zvose izvi zvakanaka.” Somugumisiro, “vanhu vanoita sevasingavhundutswi nazvo,” anodemba kudaro mumwe munyori anonzi Andrea Dworkin. “Havaiti sevanonetsekana nazvo.”
Zvinokonzera Kuona Zvinonyadzisira
Achidzokorora mashoko omunyori anonzi Dworkin, Roger Young aichimbova mushandi weFBI akataura kuti vanhu vakawanda “havaoni migumisiro isina kunaka yokuona zvinonyadzisira uye zvinetso zvakunokonzera.” Vamwe vanonyengerwa nevaya vanotsigira zvinonyadzisira, vanoti hapana uchapupu hwokuti mifananidzo inonyadzisira inokanganisa vanhu. “Pamusoro pazvo, zvinonyadzisira ndezvokungofungidzira,” anonyora kudaro F. M. Christensen, “chokwadi icho vashori vazvo vanenge vanokanganwa.” Asi kana kufungidzira kusina simba, makambani anoshambadzira anovimba nei? Makambani aizopedzerei mamiriyoni emadhora achigadzira mashoko okushambadza, mavhidhiyo, uye mashoko akadhindwa okushambadzira kana zvisina simba rakakura pavanhu?
Chokwadi ndechokuti kungofanana nokushambadzira kwose kunobudirira, chinangwa chikuru chezvinonyadzisira ndechokumutsa manzwiro okuda kurara nomumwe munhu ayo munhu anenge asinganzwi. “Zvinonyadzisira zvinongoitirwa purofiti, ndiyo chete nyaya yacho,” vanonyora kudaro vamwe vatsvakurudzi vemashoko vanoti Steven Hill naNina Silver. “Uye munyika ino yezvokutengeserana kusingachadzoreki, chero chinhu chinogona kushandiswa uye kutengeswa, zvikurukuru miviri yevakadzi uye kurara pamwe kunoita vanhu.” Greer anoenzanisa zvinonyadzisira nezvokudya zvinobikwa nokukurumidza zvinojairirwa zvikuru, zvisingavaki muviri uye zvinorungwa nezvokukaringa. “Kutengeswa nokukurumidza kwemifananidzo yevanhu vanorara vose,” anodaro, “hakusi kurara pamwe kwevanhu chaikoiko . . . Kushambadzira zvokudya kunoita kuti zvokudya zvenhando zvitengwe uye kushambadzira vanhu vachirara pamwe kunoita kuti vanhu vatenge kurara pamwe kwevanhu kwokunyepedzera.”
Vamwe vanachiremba vanoti kuona zvinonyadzisira kunogona kupinda muropa zvokuti kwakaoma kukunda kudarika kupindwa muropa nezvinodhaka. Kurapa vakapindwa muropa nezvinodhaka kunowanzotanga nokubudisa zvinodhaka mumuviri womunhu wacho. Asi kupindwa muropa nokuona zvinonyadzisira, Dr. Mary Anne Layden weYunivhesiti yokuPennsylvania anotsanangura kuti, “kunoumba mifananidzo yechigarire mupfungwa dzomunhu anozviona uye inogara muuropi zvachose.” Ndosaka vanhu vachigona kuyeuka zvakajeka mifananidzo yezvinonyadzisira yemakore akapfuura. Anogumisa achiti: “Ndicho chinhu chokutanga chinopinda muropa chisina tariro yokuchibudisa.” Asi izvozvo zvinoreva here kuti hazvibviri kusununguka pamusungo wezvinonyadzisira? Uye zvinhui zvinokuvadza zvinovapo nokuona zvinonyadzisira?
[Bhokisi riri papeji 21]
Mashoko Ezvinonyadzisira zvepaIndaneti
◼ Inenge 75 muzana yezvinonyadzisira zvinobuda paIndaneti inobva muUnited States. Inoda kusvika ku15 muzana inobva muEurope.
◼ Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanenge mamiriyoni 70 pavhiki vanovhura nzvimbo dzinobudisa zvinonyadzisira paIndaneti. Vanenge mamiriyoni 20 vanoita izvi vari muCanada neUnited States.
◼ Imwe ongororo yakaratidza kuti mumwedzi mumwe chete pane ichangodarika, Germany yakava nevanhu vakawanda kwazvo vaiona zvinonyadzisira zvepaIndaneti muEurope, ichiteverwa neGreat Britain, France, Italy, uye Spain.
◼ MuGermany, vanoona zvinonyadzisira zvepaIndaneti vanopedza avhareji yemaminitsi 70 mwedzi woga woga vari panzvimbo dzokuona zvinonyadzisira.
◼ Pavanhu vokuEurope vanoona zvinonyadzisira paIndaneti, vaya vane makore anodarika 50 vanopedza nguva yakawanda vari panzvimbo dzeIndaneti dzinonzi dzinofanira kuonekwa nevakuru chete.
◼ Maererano nerimwe bhuku, 70 muzana yevanoona zvinonyadzisira paIndaneti vakawanda vacho vanozviita masikati.
◼ Vamwe vanofungidzira kuti nzvimbo dzeIndaneti dzinokwana 100 000 dzinosanganisira zvinhu zvinoratidza zvinonyadzisira zvine chokuita nevana.
◼ Inenge 80 muzana yokutengesa zvinonyadzisira zvine chokuita nevana inobva kuJapan.
[Mifananidzo iri papeji 20]
Zvinonyadzisira zvava kuwanika nyore nyore