Mwana Wako Paanenge Aine Fivha
“Handisi kunzwa zvakanaka!” Mwana wako paanotanga kuchemachema nokurwadziwa achidai, ungakurumidza kuongorora tembiricha yake. Kana aine fivha, zvinonzwisisika kana ukatanga kunetseka.
Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa neThe Johns Hopkins Children’s Center muBaltimore, Maryland, U.S.A., 91 muzana yevabereki vaidavira kuti “kunyange fivha isina kukomba inogona kukuvadza, uropi kana kuitisa pfari.” Kuongorora ikoko kunoratidza kuti “89 muzana yevabereki vaipa mwana wavo mishonga yokuderedza fivha tembiricha yomwana wavo isati yasvika (Madhigirii 38,9 ).”
Unofanira kunetseka zvakadini kana mwana wako akaita fivha? Uye ndedzipi nzira dzakanakisisa dzokumurapa nadzo?
Basa Rinokosha Refivha
Chii chinokonzera fivha? Kunyange zvazvo avhareji yetembiricha yomuviri yenguva dzose iri 37°C (inoyerwa nomukanwa), tembiricha yomunhu inochinja-chinja muswere wezuva zvimwe nedhigirii rimwe kana kupfuura.a Naizvozvo tembiricha yako ingava yakaderera mangwanani asi yozokwira masikati. Hypothalamus, iri nechepasi pouropi, ndiyo inodzora tembiricha yomuviri, sezviya zvinongoita thermostat. Fivha inoitika muviri paunonzwa kuti kwapinda mabhakitiriya kana kuti mavhairasi, woisa muropa tumvura tunonzi pyrogens. Izvi zvinokonzera kuti hypothalamus “ichinje” ichikwira kuenda kutembiricha yepamusoro.
Kunyange zvazvo fivha ichigona kukonzera kusanzwa zvakanaka kana kuti kupera mvura mumuviri, hazvirevi hazvo kuti chinhu chakaipa. Kutaura zvazviri, fivha inenge inoita basa rinokosha mukubatsira muviri kudzinga mabhakitiriya nemavhairasi, maererano neMayo Foundation for Medical Education and Research. “Mavhairasi anokonzera chikosoro nedzimwe hosha dzokufema anofarira kutonhora. Nokuita kuti muviri wako uve nefivha zvishoma, muviri wako ungave uchitobatsira kubvisa vhairasi.” Nokudaro, bhuku iri rinoenderera mberi richitaura kuti “kuderedza fivha isina kukomba hakudikanwi uye kungatokanganisa gadziriro yokuzviporesa yakasikwa yakadaro yemwana wako.” Sezvineiwo, chimwe chipatara muMexico chinotorapa zvimwe zvirwere nokukwidza tembiricha yomuviri, kurapa kunonzi hyperthermia.
Dr. Al Sacchetti weAmerican College of Emergency anoti: “Fivha pachayo haiwanzovi chinetso. Zvisinei chiratidzo chokuti pangangova nechirwere. Naizvozvo, mwana paanenge aine fivha, pfungwa dzinofanira kuiswa pamwana, nechirwere chingava chamutapukira, asi kwete pakukwira kwetembiricha.” The American Academy of Pediatrics inoti: “Fivha iri pasi pemadhigirii 38,3 kazhinji haidi zvayo kurapwa kutoti mwana wako asiri kunzwa zvakanaka kana kuti akambova nepfari nefivha. Kunyange tembiricha yakakwirira pachayo haina ngozi uye haina zvainoreva kutoti kana mwana wako akamborwara nepfari kana kuti nechimwe chirwere chisingaperi. Zvinonyanya kukosha kutarisa kuti mwana wako ari kuita sei. Kana achidya nokurara zvakanaka, uye achimbotamba dzimwe nguva, pamwe anenge asingadi kurapwa.”
Nzira Yokurapa Nayo Fivha Isina Kukomba
Izvi hazvirevi kuti hapana zvaungaita kubatsira mwana wako. Dzimwe nyanzvi dzokurapa dzinorumbidza zvinotevera nokuda kwokurapa fivha isina kukomba: Ita kuti mukamuri rake mugare muchitonhorera zvakanaka. Pfekedza mwana zvisingapisi. (Kupiswa kwakanyanya kunogona kuwedzera fivha yacho.) Kurudzira mwana kunwa zvinwiwa zvokuwedzera, zvakadai semvura, zvinwiwa zvemichero zvakaiswa mvura, uye muto, nokuti fivha inogona kuita kuti arasikirwe nemvura mumuviri.b (Zvokunwa zvine caffeine, zvakadai sekokokora kana kuti tii tsvuku, zvinokonzera kurasa mvura uye zvingawedzera kurasikirwa nemvura mumuviri.) Vacheche vanofanira kuramba vachiyamwiswa. Usavapa zvokudya zvakaoma kugaya mudumbu, nokuti fivha inoderedza kushanda kwedumbu.
Mwana paanova nefivha inopfuura 38,9°C, mushonga unoderedza fivha unotengwa pasina tsamba yachiremba, wakadai seacetaminophen kana ibuprofen, unowanzopiwa. Zvisinei, zvinokosha kuti mashandisirwo akanyorwa atevedzerwe. (Vana vari pasi pemakore maviri havafaniri kurapwa pasina kurayiridza kwachiremba.) Mishonga yefivha hairwisi mavhairasi. Naizvozvo, haikurumidzi kuporesa mwana pachikosoro kana humwe hurwere hwakadaro, asi ingaderedza kusanzwa zvakanaka. Dzimwe nyanzvi dzinokurudzira kuti aspirin haifaniri kupiwa vana vane makore ari pasi pe16 kuderedza fivha, nokuti inonzi inokonzera Reye’s syndrome—urwere hunogona kuisa upenyu mungozi.c
Fivha inogonawo kuderedzwa nokugeza mwana asina kunyura mumvura. Gadzika mwana mubhavhu mune mvura yakakwira masendimita mashomanana inodziya zvishomanana, womupukuta. (Usashandisa alcohol yokukwiza, nokuti inogona kuva chepfu.)
Bhokisi riri munyaya ino rine mashoko anobatsira zvikuru pamusoro pokuti ndirini apo munhu angasarudza kuenda kuna chiremba. Kurapwa kunokosha kunyanya kumunhu anogara munzvimbo umo hosha dzakakomba dzakadai sedengue fever, vhairasi yeEbola, fivha yemanyoka, kana kuti yellow fever dzakazara.
Saka, zvakanakisisa zvaungaita ndezvokuita kuti mwana wako anzwe zvakanaka. Yeuka kuti kashoma kuti fivha inyanyise kusvika pakukonzera kukuvara kwetsinga kana kuti rufu. Kunyange pfari inokonzerwa nefivha, ingave ichityisa, kazhinji haikuvadzi zvakanyanya.
Chokwadi, kudzivirira ndiwo mushonga wakanakisisa, uye imwe yenzira dzinoshanda zvikuru yokudzivirira mwana wako pakutapukirwa ndeyokumudzidzisa utsanana. Vana vanofanira kudzidziswa kugeza maoko avo nguva dzose—zvikurukuru vasati vadya, vapedza kushandisa chimbudzi, pashure pokupedza nguva vari munzvimbo yakatsvikinyidzana vanhu, kana kuti vabva kunotamba vachibata-bata mhuka. Kana mwana wako aine fivha isina kukomba pasinei nokuedza kwako, usanyanya kunetseka. Sezvatadzidza, pane zvakawanda zvaunogona kuita kubatsira mwana wako kuti apore.
[Mashoko Omuzasi]
a Tembiricha ingasiyana-siyana zvichienderana nokuti inenge yayerwa pai uye rudzi rwechiyereso chacho chinenge chashandiswa.
b Ona magazini yeMukai!, yaApril 8, 1995, peji 11, nokuda kwokugadzira mvura yokuwedzera mumuviri inogona kushandiswa kana munhu aine fivha ozoita manyoka kana kurutsa.
c Reye’s syndrome chirwere chetsinga chakakomba chinogona kuitika kuvana kana vatapukirwa nevhairasi.
[Bhokisi riri papeji 29]
Enda Kwachiremba Kana Mwana Aine Fivha . . .
◼ Aine mwedzi mitatu kana kuti ari muduku uye aine tembiricha muchiuno ye38°C kana kupfuura
◼ Ari pakati pemwedzi mitatu nemitanhatu uye aine tembiricha ye38,3°C kana kupfuura
◼ Apfuura mwedzi mitanhatu uye aine tembiricha ye40°C kana kupfuura
◼ Achiramba zvokunwa uye achiratidza kupera mvura mumuviri
◼ Aine pfari kana kuti achiratidza kupera simba zvakanyanya
◼ Achingoramba aine fivha pashure pemaawa 72
◼ Achingoramba achichema asinganyararidziki kana kuti achiratidza kuvhiringidzika kana kuti kukanganisika pfungwa
◼ Aine mapundu, achinetseka kufema, aine manyoka, kana kuti achiramba achirutsa
◼ Kana akaoma mutsipa kana kuti achitemwa nomusoro zvakakomba kamwe kamwe
[Kwazvakatorwa]
Kwakabva mashoko: The American Academy of Pediatrics