RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 4/8 pp. 10-11
  • Chinhu Chiri Nani Pane Kuchinja Zvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinhu Chiri Nani Pane Kuchinja Zvinhu
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchemera Kuti Zvinhu Zvichinjwe
    Mukai!—2004
  • Jesu Anoporesa Mapofu Uye Anobatsira Zakeyo
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anodzidzisa kuJeriko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Vanhu Vanochinja Zvinhu Vane Mhinduro Here?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 4/8 pp. 10-11

Chinhu Chiri Nani Pane Kuchinja Zvinhu

KANA muti uchibereka michero isingabatsiri, chinetso chacho hachizogadziriswi nokungobvisa mapazi mashomanana. Muti wacho unofanira kutemwa, midzi yawo yobviswa muvhu. Zvadaro mumwe muti unofanira kudyarwa, unobereka michero yakanaka.—Mateu 7:16-20.

Saizvozvowo, kunyange vashanduri vezvinhu vane vavariro dzakanaka zvikuru vanongorwisana nezviratidzo zvokuti zvinhu hazvina kunaka munzanga yevanhu—uori, kusaruramisira, kushayiwa, uye ugororo. Zvisinei, mudzi wezvinetso izvi, wakadzika zvikuru. Chinoda kuchinjwa igadziriro yezvinhu yose. Izvi ndizvo zvinopikirwa neBhaibheri.

Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga ichaita zvakawanda—zvakawanda zvikuru—kupfuura kungovandudza, kurongazve, kana kuti kuchinja nzanga yevanhu. Hurumende iyoyo ichatanga nzira itsva chaiyo yokutarisira nayo zvinhu zvevanhu, ichibatanidza vanhu vose mukutonga kwayo. Hurumende iyi ichatarisira zvinhu zvakadai sedzidzo, basa, dzimba, zvokudya, utano, uye zvakatipoteredza.

Pisarema 72:12-14 rinorondedzera nenzira youprofita izvo Mambo Mesiya achaitira vanhu: “Acharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo asina mubatsiri. Achanzwira nyasha murombo nomushayiwi, achaponesa mweya yevashayiwi. Achadzikinura mweya yavo pakutambudzika nepakumanikidzwa.”

Asi kana nzanga ichizova isina uori zvachose, kusaruramisira, uye kushayiwa, zvechokwadi haisi hurumende chete inofanira kuchinja asi vanhu vacho vachafanirawo kuchinja. Saka, Umambo hwacho, huchapa munhu mumwe nomumwe nhungamiro yake pachake kuti angararama sei upenyu hunofadza, hune chinangwa uye hune mubayiro. Bhaibheri rinopikira kuti Umambo hwaMwari huchabatsira vanhu vahunotonga pano pasi kuti vachinje. Sei?

Umambo hwacho huchadzidzisa vanhu vahunotonga nzira dzaJehovha Mwari, huchivabatsira kuva nokutenda uye rudo. (Isaya 11:9) Kuda Mwari kunoita kuti mwoyo uite chimwe chinhu. Somuenzaniso, muzana rokutanga remakore Jesu akasangana naZakeyo, muteresi mukuru, uyo aizadza homwe yake nemari yaaiwana nokukwidza mitero yaitarirwa vanhu. Asi, Jesu akabatsira Zakeyo kuti aone zvaaikanganisa uye kuti apfidze. Zakeyo akakurudzirwa nezivo yakarurama yenhungamiro dzaMwari uye nokuda Mwari. Akachinja zvinoshamisa.—Ruka 19:1-10.

Izvozvo hazvisi mushonga unoshanda zvikuru pakugadzirisa zvinetso zvevanhu here? Iyoyo ihurumende yakakwana, yakarurama yokutarisira vanhu ichakurudzira mumwe nomumwe kuchinja nzira dzake. Panguva iyoyo tichada kuti zvinhu zvizochinjwa here? Kwete, nokuti Mwari achaita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva. Zvinhu zvekare zvichange zvapfuura.—Zvakazarurwa 21:4, 5.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Umambo hwaMwari hausi kuzongochinja zvinhu chete asi huchanyatsochinja zvinhu zvakakwana

[Mufananidzo uri papeji 11]

Paakanga ari pasi pano Jesu akabatsira vanhu kuti vachinje

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe