RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 7/8 p. 3
  • Mufaro Nezvinetso Zvokuyaruka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufaro Nezvinetso Zvokuyaruka
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzisai Vari Kuyaruka Zvichazovabatsira Kana Vakura
    Mukai!—2011
  • Kubatsira Vari Kuyaruka Kuti Vave Vanhu Vakuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kana Mwana Wako Ari Kuyaruka Asisina Chokwadi Nezvaunotenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 7/8 p. 3

Mufaro Nezvinetso Zvokuyaruka

KUYARUKA kunogona kuva nguva inonakidza kwazvo muupenyu. Chokwadi, kune vakawanda, inguva inonakidza. Uye vanhu vakuru vakawanda vanofara pavanoyeuka makore oupwere hwavo.

Asiwo, tinofanira kuziva kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Izvi zvakawedzera zvinetso zvepwere, zvinetso zvakasiyana nezvakaonekwa nezvizvarwa zvakapfuura. Pamwe ndokusaka Sabrina Solin Weill, mupepeti mukuru weimwe magazini yepwere, achiti nguva yokuyaruka inogona kuva yakaoma kwazvo. Zvakafanana nokufamba patambo iri pakakwirira asi pasina chinokugama. Chokwadi, iyi nguva isina kugadzikana muupenyu inogona kunge yakazara nokunzwa kusagadzikana, kufunganya, uye kuvhiringika. Weill anonyora kuti “padzinenge dzava kuda kubva muupwere kuenda pakuva vanhu vakuru, pwere dzinofanira kutarisana nezvinetso zvose zvokuva pwere nezvokuva munhu mukuru.”

Kana uri kuyaruka, ungabata sei nezvinetso zvaunotarisana nazvo? Kana uri mubereki womwana ari kuyaruka, chii chingakubatsira kuyeuka kuti makore aya anonetsa akanga akaita sei, wobva wanzwisisa zviri nani zviri kuitika muupenyu hwomwana wako? Munyaya dzino dzakatevedzana, tinokumbira pwere nevanhu vakuru kuti vanyatsoongorora nyaya yokuyaruka. Izvozvo zvichabatsira pwere kwete kuti dzingotsungirira chete asiwo kuti dzibudirire.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe