Chigodo Chomunyu
NOMUNYORI WEMUKAI! MUZAMBIA
Chii chinouya mupfungwa dzako paunofunga nezvomunyu? Zvichida zidombo romunyu, munyu usina kutsetseka, kana kuti wakatsetseka. Asi wakambonzwa here nezvomunyu weCibwa, wokuruwa rweMpika muPurovhinzi yeZambia yokuChamhembe? Chinoita kuti munyu weCibwa uve wakasiyana nemimwe ndechokuti unobva muuswa!
Vanhu vanogara pedyo nenzvimbo ine machakwi yeCibwa vanoshandisa nzira yakasiyana nedzimwe yokuwana nayo munyu vachishandisa uswa hurefu hunomera pedyo norwizi rwunonzi Lwitikila. Vanocheka uswa kubva muna August kusvika muna October, mwaka wemvura usati watanga. Mvura painotanga kunaya, uswa hauzobudisi munyu.
Pashure pokunge uswa hwachekwa uye hwaomeswa, hunopiswa kuitira kuti zvinotsva zvibve. Kunyange zvakadaro, munyu hautsvi. Unoramba uri mumadota. Madota anoiswa musurudzo uye mvura inochururudzwa zvinyoro-nyoro nomumadota. Mvura inonyungudutsa munyu youbudisa nepatumaburi turi pasi pedende. Mvura ine munyu inobudiswa inochengeterwa danho rinotevera—kuita kuti mvura yacho ipwe.
Mvura inofashaidzwa kuti ipere, iri ibasa rinogona kutora maawa anosvika matanhatu. Kuti izvi zviitwe, mvura iya yasurudzwa inotanga yadirwa muhari yofashaidzwa pachoto. Imwezve mvura yasurudzwa inowedzerwa, iya iri kufashaira painenge ichipera. Izvi zvinoita kuti pave nomunyu wakaita bota-bota unopedzisira wazadza hari. Hari iyoyo inobva yashanda seforoma. Painoburwa pachoto yobva yapwanywa, panosara chigodo chomunyu.
Vanhu veko vave vachigadzira munyu weCibwa kwemakore nemakore. Hapana anoziva kuti ndiani akazvitanga. Zvisinei, zvinoshamisa kuti nzira inoshandiswa munzvimbo iyi isina kukurumbira yoruwa rweZambia—yakangoda kufanana neinoshandiswa mukugadzira munyu wanhasi.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Surudzo richisurudza mvura
[Mufananidzo uri papeji 26]
Chigodo chomunyu
[Mufananidzo uri papeji 26]
Hari