RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 October p. 3
  • Kungoerekana Wabudiswa Basa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kungoerekana Wabudiswa Basa!
  • Mukai!—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Kushanda kweShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Denda Rourovha
    Mukai!—1996
  • Ndinogona Sei Kuwana (Ndokuchengeta!) Basa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Urovha—Neiko?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 October p. 3

Kungoerekana Wabudiswa Basa!

“Pandakabudiswa basa, ndakanzwa sokunge ndakanga ndadirwa mugomo wemvura inotonhora nomumwe munhu. Ndakanzwa sokuti handisisiri munhu.”—Tony, Germany.

“Ndakanzwa sokunge ndakanga ndatakuriswa dombo rinorema pamusoro pangu. Somubereki asina murume, ndakanetseka kuti ndaizoriritira sei vana vangu vaviri nokubhadhara zvikwereti zvangu.”—Mary, India.

“Ndakaora mwoyo kwazvo pandakabudiswa basa, uye ndainetseka kuti ndaizowana rimwe basa here.”—Jaime, Mexico.

MUNYIKA yose, mamiriyoni evanhu ari kutsungirira dambudziko rakafanana neraTony, Mary, naJaime. Mukutanga kwezana rino remakore, zvakanzi 10 muzana yevashandi vari muEurope neCentral Asia—vanhu vanenge mamiriyoni 23—vaitsvaka mabasa. Mune dzimwe nyika dzisina kunyatsobudirira, anenge munhu mumwe pavanhu vana vanokwanisa kushanda, haana basa. MuUnited States, “mabasa anoda kusvika mamiriyoni 2,6 akatsakatika zvachose mumwedzi 28 yapfuura,” yakazivisa kudaro The New York Times muna July 2003.

Munyika dzakawanda kutsvaka mabasa kuri kukonzera zvinetso zvakakura. Somuenzaniso, gore rimwe nerimwe vana vakawanda vanenge vapedza kudzidza kuzvikoro zvesekondari nomumakoreji vanokwikwidzana kutsvaka mabasa. Uyezve, kuva nedhigirii kana kosi hakusi iko kunoita kuti munhu awane basa raanoda. Saka, zvakajairika mazuva ano kuti vanhu vachinje mabasa kakawanda muupenyu hwavo hwokushanda. Vamwe vanotofanira kuchinja rudzi rwebasa ravo zvachose.

Kana ukabudiswa basa, ungaitei kuti unatsiridze mikana yako yokuwana rimwe? Uye kana wangoriwana, ungaitei kuti urichengetedze?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe