Iwo Makore Okufara Zvikuru Here?
NGUVA dziri pana 6:30 mangwanani anotonhora zvikuru mumwaka wechando muSoweto, iri muSouth Africa. Evelyn anofanira kumuka.a Izvi zvinorwadza zvikuru, muimba yake musina zvinhu zvinoita kuti mudziye.
Anoisa makumbo ake ane chirwere chearthritis zvinyoronyoro pamucheto pomubhedha. Anobva agara, oramba akadaro. Zvishoma nezvishoma kurwadza kwemakumbo ake kunodzikira. Evelyn anobva azvishingisa osimuka. Anogomera nokurwadziwa. Akabata muchiuno, soku‘zvizvuzvurudza kunoita hwiza,’ Evelyn anodzadzarika zvishoma nezvishoma achienda kuimba yokugezera.—Muparidzi 12:5.b
‘Ii ndabudirira!’ Evelyn anozviudza kudaro. Haana kungorarama kuti aone rimwe zuva chete asi afambisawo muviri wake unorwadza.
Zvisinei, ane zvimwe zviri kumudya mwoyo. Evelyn anoti: “Ndiri kutyira kuti pfungwa dzangu ‘dzichatadza kushanda zvakanaka.’” Kakawanda anoshaya makiyi ake, asi pfungwa dzake dzichakapinza. “Ndinongoti dai ndikasarasikirwa nepfungwa dzangu,” anodaro Evelyn, “sezvinoita vamwe vakwegura.”
Pauduku hwake, Evelyn haana kumbofunga nezvokukwegura. Makore anoita seangoerekana apfuura, uye iye zvino muviri wake unoramba uchimuyeuchidza kuti ava nemakore 74.
Vamwe vari nani kupfuura Evelyn, vasingarwari uye vasinganetseki zvakanyanya vangaona upenyu hwavo hwokukwegura semakore okufara zvikuru. Kufanana natateguru Abrahamu, vangasvika ‘pakunyatsokura, kukwegura uye kugutsikana.’ (Genesisi 25:8) Vamwe vangava “nemazuva uye makore” asingafadzi uye vangangoti: “Handisi kunakidzwa noupenyu.” (Muparidzi 12:1, Today’s English Version) Mune kumwe kuongorora kwakaitwa, vanhu vakawanda kwazvo vaiona kurega basa kuchiodza mwoyo zvokuti magazini inonzi Newsweek yakati anonzi makore okufara zvikuru apiwe zita idzva rokuti “Nguva Yokushata Kwoupenyu.”
Unoona sei kukwegura? Ndeapi mamwe matambudziko anosangana nevanhu vakwegura? Kudzikira kwokushanda kwepfungwa hakudzivisiki here pakukwegura? Chii chingaitwa kuti munhu ave norugare rwepfungwa mumakore okukwegura?
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa munyaya dzino dzakatevedzana.
b Ndima iyi iri mubhuku reBhaibheri rekare raMuparidzi yagara ichizivikanwa serondedzero yokudetemba inoita kuti munhu anzwisise matambudziko okukwegura.