RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April pp. 24-25
  • Kuwana Kwaungaita Rudo Rwechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Kwaungaita Rudo Rwechokwadi
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidza Kuva Norudo Kubva Kune Munhu Ane Mashoko Akavimbika Kupfuura Vose
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Rudo (Agape)—Charwusiri Uye Charwuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Rudo Runokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 April pp. 24-25

Kuwana Kwaungaita Rudo Rwechokwadi

Ungaitei kuti uwane rudo uye kuti udiwe zvikuru, kwete bedzi pakudanana kwomurume nomukadzi? Unofanira kuva akapfuma here? Unofanira kunatsiridza chitarisiko chako here?

VARUME nevakadzi, vose vanonyengerwa nemashoko okushambadza uye vanokanganiswa nezvinobudisa nhau, kakawanda vanowanzovavarira kuita izvozvo kuti vadiwe. Zvechokwadi, zvingori matiri uye zvakakodzera kuti titarisire chitarisiko chedu, asi runako—urwo runongogara kwenguva pfupi—harusi irwo runoita kuti vanhu vabatane zvinogara narini. Kana upfumi hauzvikwanisi. Chinobatsira kuita izvi kuratidza vamwe rudo rusina udyire. “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo,” akadzidzisa kudaro Jesu. (Ruka 6:38) Kungotaura nenzira iri nyore, kana uchida kudiwa, idawo vamwe.

Tingazviita sei? Paainyora achitungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, muapostora Pauro akapindura mubvunzo iwoyo. Akaratidza kuti rudo rune simba, kuti haruonekwi nokungofunga asi zvikurukuru nezvarunoitira vamwe uye nezvarusingaiti. Cherechedza mashoko aPauro: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose.”—1 VaKorinde 13:4-7.

Unonzwa sei kana mumwe munhu akakuratidza mutsa kana kuti akakuda sezvauri pasinei nezvimwe zvinhu zviduku zvisingafadzi zvaungamuudza kana kumuitira? Haunzwi here uchida kushamwaridzana nomunhu ane hanya newe nomwoyo wose, asingakurumidzi kutsamwa, uye anokanganwira uye anotaura chokwadi kunyange kukanganwira nokuvimbika pazvinenge zvisiri nyore kuzviita?

Saka itira vamwe izvozvo. Jesu akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Hazvisi nyore kuratidza rudo nguva dzose, asi kururatidza kunobatsira. Zvazvakanakira ndezvokuti uchadiwa nevomumhuri yako, shamwari, wawakaroo- rana naye, kana kuti wauno- tarisira kuroorana naye. Uyewo, uchafara kana ukaitira vamwe zvakanaka, ukazvipa kwavari. Chokwadi, “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Dzidza Kuva Norudo Kubva Kune Munhu Ane Mashoko Akavimbika Kupfuura Vose

Jehovha ndiMwari ane rudo, munhu ane mashoko akavimbika kupfuura vose panyaya iyi. (1 Johani 4:8) Rudo rwake runoita kuti adzidzise unhu uhwu kuvanhu vose vanoda kudzidza. Chimbofunga nezvemimwe mienzaniso mishomanana yechokwadi chiri muBhaibheri chinotibatsira kuti tide vamwe uye tidiwe.

‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura.’ (Jakobho 1:19) Imwe ongororo yakaitwa pavanhu vakaroorana vanopfuura 20 000 yakaratidza kuti vaifara zvikuru ndevaya vaiva vakaroorana nevateereri vakanaka. Kukurukurirana kwakanaka kunokosha muukama hwose. Mumwe purofesa wemagariro evanhu akanyora kuti: “Kana uchida kunzwa kunge uri woga muukama, iva pamwe chete nomunhu asingatombozivi kuti uri kunetseka nei. Kana kuti zvakatonyanya kuipa iva pamwe chete nomunhu anoziva zviri kukunetsa asi asinganzwisisi kuti nei zviri kukunetsa zvacho zviri dambudziko guru kwauri.” Anotizve kunyange zvazvo vanhu vaviri vakasiyana munzira dzakasiyana-siyana, “kana mumwe wako achinyatsonzwisisa maonero uye kushungurudzwa kwaunoitwa nezvinhu zvinenge zvichikunetsa muupenyu, kusiyana kwacho kunenge kusingakoshi.”

“Makamanikidzika murudo rwenyu rukuru. . . . Wedzerai.” (2 VaKorinde 6:12, 13) Tinobatsirwa kana tikawedzera kuda vamwe. Rimwe bhuku rokuHarvard Medical School rinoti: “Ongororo dzakawanda dzakaratidza kuti vanhu vanotsigirwa nevamwe—vaya vane ukama hunogutsa nemhuri, neshamwari, uye hwomunzanga yavo—vanofara zvikuru, vane zvinetso zvishoma zvoutano, uye vanorarama nguva refu.”

“Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaHebheru 10:24, 25) Zvatinoita zvinokonzerwawo nevatinoshamwaridzana navo. Kana ukapedza nguva nevaya vanoratidza rudo rwechokwadi rwechiKristu, uchazvionera woga unhu uhwu uye uchadzidza kuhuratidza muupenyu hwako. Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuratidzana rudo, zvichiziva kuti irwo chiratidzo chevadzidzi vaJesu vechokwadi. (Johani 13:35) Inzwa wakasununguka chaizvo kupinda misangano yazvo yechiKristu.

Kana uchinzwa sokuti haudiwi, usaora mwoyo kana kuzvipa mhosva. Gara uchiziva kuti Jehovha anoona mamiriro ako ezvinhu. Unoyeuka Reya here ambotaurwa munyaya yokutanga? Jehovha akaona mamiriro ake ezvinhu uye akava amai vevanakomana vatanhatu nemwanasikana mumwe chete—chaiva chikomborero munguva yaikosheswa vana zvikuru! Uyezve, vanakomana vose vaReya vakava madzitateguru emadzinza evaIsraeri. (Genesisi 29:30-35; 30:16-21) Kuva nehanya kworudo kwaMwari kunofanira kuva kwakanyaradza Reya zvikuru!

Munyika itsva inopikirwa muMagwaro, hapana achazonzwa asingadiwi. Asi, rudo rwechokwadi ruchava munzanga yose yevanhu. (Isaya 11:9; 1 Johani 4:7-12) Saka ngatiratidzei iye zvino kuti tinoda kuvamo, nokushandira kuva norudo runodzidziswa muBhaibheri uye rwakaratidzwa noMunyori waro. Chokwadi, mufaro chaiwo unobva kwete bedzi pakudiwa asi pakuratidza vamwe rudo rusina udyire.—Mateu 5:46-48; 1 Petro 1:22.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]

“Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kana uchida kudiwa, idawo vamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe