RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 October pp. 3-6
  • Muchato Ungakurira Zvinetso Zvinenge Dutu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muchato Ungakurira Zvinetso Zvinenge Dutu Here?
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muchato Uri Mungozi
  • Maonero Akasiyana
  • Kurambana Kuri Kuwedzera
  • Chikonzero Chisingaoneki
  • Kana Roorano Yava Kudokupunzika
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Nei Tichifanira Kuona Kuroorana Sechinhu Chinokudzwa?
    Mukai!—2004
  • Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Imba Inogona Kubudirira Munyika Yanhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 October pp. 3-6

Muchato Ungakurira Zvinetso Zvinenge Dutu Here?

“Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”​—⁠MATEU 19:⁠6.

MISHA yairatidzika seyaive nenheyo dzakasimba yakakukurwa, zvivako zvacho zvikaita ungwandangwanda. Madutu anotyisa zvikuru paakaitika munzvimbo huru nguva pfupi yapfuura pasi pose, kusimba kwezvivako zvakawanda kwakanyatsoedzwa.

Zvisinei, rumwewo rudzi rwedutu ruri kuparadza zvikuru nheyo uye urongwa hwekare kare hwomuchato. “Chero zvazvingava, muchato wakabviswa panzvimbo yawo inokosha muupenyu hwevanhu uye munzanga,” anodaro munyori wenhau dzakaitika dzemhuri Stephanie Coontz.

Uri kuona migumisiro yezvinhu zvakadaro here? Unofunga kuti muchato uri kurasikirwa nenzvimbo yawo inoremekedzwa inokosha munzanga here? Kana zvakadaro, nei izvi zviri kuitika? Uye itariro ipi iripo yokuti munhu achava nomuchato unofadza kana kuti achauchengetedza? Zvisinei, kutanga, kuisa muchato mungozi kuita sei?

Muchato Uri Mungozi

Ngozi dzomuchato hadzisi itsva; dzinodzokera shure pakutanga kwenhoroondo yevanhu. Unhu nemafungiro zvakatangira mumwoyo yevabereki vedu vokutanga zvakatungamirira kudambudziko romuchato ratiinaro nhasi. Adhamu naEvha vakaita chivi pavakabvuma kuita zvishuwo zvoudyire, saka ‘chivi chakapinda munyika.’ (VaRoma 5:​12) Nhoroondo yeBhaibheri inoti pavakangotadza ‘pfungwa dzomwoyo womunhu dzakava dzakaipa nguva dzose.’​—⁠Genesisi 6:⁠5.

Hapana zvakawanda zvakachinja kubva panguva iyoyo. Pakati pezvinhu zvinoita kuti muchato uparare pane kutsvaka kuzvigutsa noudyire kusingadzorwi. Muchato pachawo ungaratidzika sourongwa hwechinyakare, husingachashandi munyika yemazuva ano yakazara netsika itsva. Uye kupfaviswa kwemitemo ine chokuita nokudimburwa kwomuchato kwakabvisa kuzvidzwa kwaikonzerwa nokurambana.

Vanhu vasingashiviriri, vaya vanoda migumisiro yepakarepo uye vaya vanoda kuzvigutsa havambofungi nezvemigumisiro yokurambana. Vachikwezvwa nokuvimbisa kunonyengera kworusununguko uye kwokuzvimiririra, vanofunga kuti kurambana kuchavawanisa mufaro.

Vamwe pavanotarisana nezvinetso zvinoshungurudza mumuchato mavo, vanoenda kune vanorapa uye kuna vanachipangamazano vemhuri kana kuti kumabhuku akanyorwa nevanhu ivavo. Zvinosuruvarisa kuti, vamwe “vanachipangamazano” vemichato vemazuva ano vanoratidza kuti vane unyanzvi zvikuru hwokurambanisa vanhu pane kutsigira muchato. Bhuku rinonzi The Case for Marriage, rinoti: “Zvichida kokutanga munhoroondo yevanhu, zvinoshamisa kuti muchato uyo unofanira kunge uchiyemurwa nevanhu uri kuramba uri mungozi. Pane dzimwe nguva ngozi dzacho dziri pachena uye dzinokonzerwa nezvinofungwa ‘navanachipangamazano’ vanodavira kuti mhiko yokuvimbika youpenyu hwose haina musoro kana kuti inodzvinyirira.”

Maonero Akasiyana

Maonerwo anoitwa muchato uye chinangwa chawo zvachinjawo. Zvimwe wakatombocherechedza kuchinja kwezvinokosheswa nevakaroorana vaimbova vakavimbika asi zvino vava kungotarisira kuti vagutswe chete​—⁠kakawanda kacho mumwe wavo ndiye anofanira kuzviita. Kuchinjira kumaonero aya oudyire mumuchato “kwakatanga muma1960 ndokuwedzera nokukurumidza muma1970,” inodaro Journal of Marriage and Family. Zvikonzero zvagara zvichiita kuti vanhu vachate​—⁠zvakadai sokuda kudiwa, kushamwaridzana, kuvimbika, vana, uye kufadzana⁠—​hazvisisina simba.

Zvimwe zviitiko zvemazuva ano zvakawanda zvakawedzera kuchinja kuri kuitika mumuchato munyika dzakawanda. Chokutanga, mabasa okugovera zvokudya agara achiitwa nomurume uye mabasa okugadzira pamusha anoitwa nomukadzi achinja munyika dzakawanda. Nechikonzero chokuti vakadzi vava kuendawo kubasa, zvave zvichicherechedzwa kuti nhamba yakakura yevarume nevadzimai vose vanoenda kubasa iri kuwedzera. Chechipiri, kubereka vana kunze kwomuchato kuri kuwedzera kugamuchirwa, kuchiita kuti mhuri dzinenge dziine mubereki mumwe chete dziwande. Chechitatu, kugara pamwe chete kwevanhu vasina kuroorana zviri pamutemo kuri kuwedzera kuchitsiva muchato. (Ona bhokisi rakanzi “Kuroorana Kwakadaro Hakuna Kusimba Sezvakaita Muchato.”) Chechina, kuchata kwengochani uye masangano anotsigira kuti izvi zvive zvepamutemo akurumbira chaizvo. Mafungiro akadai amazuva ano achinja maonero aunoita muchato here?

Kurambana Kuri Kuwedzera

Ngatimbotarisai nyika dzinoverengeka tione kuti kukurumbira kwokurambana kwakawedzera sei dambudziko romuchato. MuUnited States, maererano nemashoko achangobva kubuda, “pakati pa1970 na1996, nhamba yevakanga vakaroorana vakarambana yakawedzera kakapetwa kana.” Anenge munhu mumwe chete pavakuru vashanu akabatanidzwawo mune iri dambudziko rokurambana. Michato yavanaani zvikurukuru iri kutadza kubudirira? Nhamba dzinoratidza kuti inenge 60 muzana yokurambana kwose, inoitika mumakore gumi okutanga.

Mune dzimwe nyikawo, nhamba yevari kurambana yakawedzera. Nhamba yose yevakarambana muEngland neWales yakasvika ku153 490 muna 2004. Vanhu vokuAustralia vanotarisira kuti 40 muzana yevanhu vanoroorana vagume varambana. Republic of Korea yakava nokurambana 21 800 mugore rimwe chete bedzi​—⁠kubva muna 2002 kusvika muna 2003⁠—​vanhu vakaroorana vanosvika 167 100 vakarambana. KuJapan, muchato mumwe chete pamina unopedzisira nokurambana, uye iye zvino Japan yava kuda kusvika pamwero wokurambana wakaita soweEurope. “Pasichigare, yaingova michato yakaipisisa bedzi yaizopedzisira nokurambana,” yakadaro imwe nyanzvi inodzidza nezvemhuri paJapan Red Cross University. “Iye zvino kurambana kwangova mamwewo mararamiro anosarudzwa nomunhu.”

Munyika dzakawanda masangano echitendero ave aripo kwenguva yakareba uye tsika dzevanhu zvakaita kuti michato itsige. Zvisinei, haachagoni kumisa kuwedzera kwedambudziko iri rokurambana. Somuenzaniso, funga nezveChechi yeRoma Katurike, iyo inoona muchato sechinhu chitsvene. Muna 1983 chechi yacho yakapfavisa mitemo yezvisungo zvemhuri ndokuita kuti zvive nyore kuti vaKaturike varambane. Saka kurambana kwave kuchiwedzera kubvira ipapo.

Sezviri pachena, zvinhu zvinobatanidza muchato zviri kuparara. Asi hazvisi zvikonzero zvose zviri pachena. Kutaura zvazviri, kunze kwokungoputsikawo zvakwo kwenzanga, pane chimwe chikonzero chikuru chiri kuita kuti michato itadze kubudirira​—⁠chisingaonekwi nevanhu vakawanda.

Chikonzero Chisingaoneki

Bhaibheri rinotitaurira kuti Satani Dhiyabhorosi, ndiye munhu ari kufurira nyika yose asingaoneki. Nei? Nokuti akakandirwa pasi kubva kudenga uye akatsamwa zvikuru. Zvechokwadi, akatsunga kukonzera “nhamo,” kana kuti matambudziko akawanda seaanokwanisa uye urongwa hwaMwari hwomuchato ndihwo chimwe chezvinhu zvaanoitira utsinye zvikuru.​—⁠Zvakazarurwa 12:​9, 12.

Achitaura nezvenguva yakadzingwa Satani kudenga, Jesu akati: “Rudo rwevazhinji ruchatonhora nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateu 24:​12) Muapostora Pauro akanyorawo kuti: “Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:​2-⁠4) Unhu ihwohwu hunosemesa hwagara huripo kwenguva yakareba, asi mazuva ano hwava kunyanya kuoneka, uye vanhu vakawanda vanozvibvuma.

Pamusana pedutu riri kuparadza michato, tingaita sei kuti tizvidzivirire uye kuti tive nomuchato unofadza zvechokwadi unogara kwenguva yakareba? Nyaya inotevera ichakurukura mubvunzo iwoyu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

“Kune vanhu vajaira kurasa zvinhu zvavasingachadi, vachaguma vava nemafungiro iwayo nezvemichato.​—⁠SANDRA DAVIS, NYANZVI YEZVEMITEMO YEMHURI

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]

“Kuroorana Kwakadaro Hakuna Kusimba Sezvakaita Muchato”

Vanhu vakawanda vanogara pamwe chete vasina kuchata. Zvisinei, mibatanidzwa yakadaro “haina kusimba sezvakaita vaya vakachata,” unodaro mumwe mushumo weU.S. Centers for Disease Control and Prevention. Vamwe vanhu ivavo vanogara pamwe chete kuti vaone kana vachizogarisana. Urongwa hwakadaro hunoita kuti vaya vasinganzwanani vaparadzane zvoita kuti vaya vanozoroorana vagare zvakanaka here? Maererano neJournal of Marriage and Family, uchapupu hwacho hunoratidza zvakatosiyana. “Pavanhu vakachata, kumbogara pamwe chete vasati vachata kunoita kuti vasanyatsogutsikana . . . vave nezvinetso zvakawanda uye . . . pave nengozi huru yokurambana,” inodaro Journal yacho.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

Kurarama Kwenguva Yakareba uye Muchato

Nhasi vanhu vanorarama kwenguva yakareba. Kunyange chinhu ichi chakanaka chawedzera dambudziko mumuchato. Nhasi, kurambana kuri kuita kuti michato yakawanda igume iyo ingadai yakagumiswa norufu munguva dzakapfuura. Funga nezvedambudziko risina kujairika riri kutambudza vakadzi vave nenguva yakareba vakaroorwa muJapan. Maererano neThe Washington Post, nyanzvi dzinopa dambudziko iri zita rokuti “Dambudziko revarume vakarega basa.” Achiyeuka kurega basa kwakaita murume wake, mumwe mudzimai akanga akaroorwa kwemakore 40 anoti akafunga izvi: “Ndava kuzomuramba iye zvino. Zvinhu zvainge zvisina kunaka pandaive naye abva kubasa. Asi ndakanga ndisingagoni kushivirira kuti ave pamba nguva dzose.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe