RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 October pp. 6-9
  • Kuvakwa Kungaitwa Muchato Unofadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvakwa Kungaitwa Muchato Unofadza
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyatsotevedzera Purani Yacho
  • Vakira Panheyo Yakasimba
  • Vakai Nezvinhu Zvisingatsvi
  • Panomuka Zvinetso
  • Munogona Kuvaka Muchato Unofadza!
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Kuvaka Imba Yako Kuti Ibudirire
    Mukai!—2008
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 October pp. 6-9

Kuvakwa Kungaitwa Muchato Unofadza

“Murume . . .  achanama- tira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”​—⁠GENESISI 2:⁠24.

MUSIKI wedu, Jehovha Mwari, akatanga muchato, somubatanidzwa wechigarire womurume nomukadzi. Genesisi 2:​18, 22-​24, inoti: “Jehovha Mwari akati: ‘Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.’ Jehovha Mwari akatanga kuumba mukadzi nembabvu yaakanga atora pamunhu, akamupa kumunhu. Munhu akabva ati: ‘Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu. Uyu achanzi Mukadzi, nokuti uyu akatorwa pamurume.’ Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”

Zvechokwadi, kuvaka muchato unofadza, unogara kwenguva yakareba hakusi nyore, asi chokwadi zvinoita. Vakaroorana vakawanda vave vachifara kwemakore 50, 60, kana kutopfuura. Vanozviita sei? Vanoramba vachishandira kuti muchato wavo ubudirire uye vasina udyire ‘kuti vafarirwe,’ nomumwe wavo. (1 VaKorinde 7:​33, 34) Izvozvo ibasa. Kana uchida kushandisa nguva uye simba rako, newewo ungavaka muchato unofadza, uchagara kwenguva yakareba.

Nyatsotevedzera Purani Yacho

Muvaki akavimbika haazombotangi kuvaka asina kutarisa purani. Saizvozvowo, hatingabudiriri kuvaka muchato unofadza tisina kunyatsotevedzera purani yaMwari nokuda kwomuchato unofadza. Inowanikwa mumapeji eShoko raMwari. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira . . . pakururamisa zvinhu,” akanyora kudaro muapostora Pauro.”​—⁠2 Timoti 3:⁠16.

Varume nemadzimai vanogona kudzidza zvakawanda zvikuru nezvomuchato nokufunga kuti Jesu akabata sei nevadzidzi vake. Sei? MuBhaibheri ukama hwaJesu nevaya vaachatonga navo mudenga hunofananidzwa nehwomurume nomudzimai wake. (2 VaKorinde 11:⁠2) Jesu akaramba akavimbika kushamwari dzake, kunyange munguva dzainetsa zvikuru. “Akavada kusvikira kumugumo.” (Johani 13:⁠1) Somutungamiriri ane tsitsi, Jesu aigara achifunga kuti vateveri vake vakanga vasina kukwana uye kuti vaitadza. Haana kumborayira zvaaiziva kuti vakanga vasingakwanisi kuita kana kupa.​—⁠Johani 16:⁠12.

Kunyange paaigumburwa neshamwari dzake dzapedyo, Jesu airamba ari munyoro. Aisadzituka, asi aiedza kudziruramisa nokuzvininipisa uye nomutsa sezvinodiwa naMwari. (Mateu 11:​28-​30; Mako 14:​34-​38; Johani 13:​5-​17) Saka, kana ukanyatsoongorora nzira iyo Jesu akabata nayo nevateveri vake zvinyoronyoro uye nzira yavakaratidzawo nayo kuti vaimuda, uchadzidza zvidzidzo zvinobatsira kuvaka muchato unofadza.​—⁠1 Petro 2:⁠21.

Vakira Panheyo Yakasimba

Zviri pachena kuti miedzo yakaita sedutu icharwisa nheyo yomuchato wenyu. Izvozvi zvichaedza kusimba kwakaita ukama hwenyu. Zvisinei, nheyo yakasimba chaizvo yamungavakira pairi muchato unofadza ndeyokuzvipira kwakavimbika kunobva parudo. Jesu akaratidza kuti kuzvipira kunokosha paakati: “Izvo Mwari zvaasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” (Mateu 19:⁠6, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Mashoko okuti “munhu ngaarege” anosanganisira murume nomudzimai wake, vakapika kuti vachava vakatendeka kune mumwe nomumwe.

Vamwe vangaona kuzvipira sokunorema, sokunge kuti zvinotarisirwa zvakawandisa. Nhasi, zvinhu zvakatinakira zvinowanzofarirwa kupfuura kuzvibayira kunodiwa pakuzvipira kune mumwe munhu.

Chii chingasimbisa kuzvipira kwevakaroorana? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo.” (VaEfeso 5:​28, 29) Saka, neimwe nzira, “kubatanidzwa pamwe chete” zvinoreva kuti unonzwa uine hanya kuti mumwe wako agare zvakanaka sezvaungada kuita iwe. Vanhu vakaroorana vanofanira kuchinja mafungiro okuti “changu” voti “zvedu,” okuti “ini” voti “isu.”

Kubudirira pakurwisana nemadutu anoparirwa nokuchinja kwemamiriro okunze kunoita kuti uchenjere. Uchenjeri hwakadaro hunozopedzisira hwava mufaro. “Munhu anowana uchenjeri ndiye anofara,” inodaro Zvirevo 3:⁠13.

Vakai Nezvinhu Zvisingatsvi

Kuti imba igare kwenguva yakareba uye kuti ive yakachengeteka, inofanira kuvakwa zvakanaka. Naizvozvo, ivai vakatsunga kuti muvake muchato wenyu muine pfungwa yenguva yemberi isingaperi. Shandisai zvokuvakisa zvakasimba, zvisingazoparari panouya miedzo yokuvimbika yakaita somoto. Sokukoshesa kwamunoita ndarama, koshesai unhu hwakadai souchenjeri hunobva kuna Mwari, kupa, kunzwisisa, kutya Mwari, ushamwari, rudo runoratidza kuonga mitemo yaMwari, uye kutenda kwechokwadi.

Mufaro uye kugutsikana mumuchato hazvivakirwi pazvinhu zvenyama kana kuti kufambira mberi kubasa rokunyika. Zvinovakirwa mumwoyo, mupfungwa, uye zvinosimbiswa nechokwadi chinobva muShoko raMwari. Kutaura kwokuti: “Mumwe nomumwe ngaarambe achichenjerera mavakiro aari kuita,” kungashandiswawo mumuchato.​—⁠1 VaKorinde 3:⁠10.

Panomuka Zvinetso

Kuti chivako chisaputsika pamuedzo unozouya nokufamba kwenguva, purogiramu yokuramba uchigadziridza inodiwa. Murume nomudzimai pavanogara vachitsigirana muzvinangwa zvavo uye pavanokudzana nokuremekedzana, zvinoita kuti muchato wavo usimbe. Kuzvifunga bedzi hakuzovipo, uye kutsamwa kunenge kuchidzoreka.

Kutsamwa kwakadzama kusingaperi, uye kufufutirwa kunogona kuuraya rudo uye kuva pedyo nepedyo mumuchato. Muapostora Pauro akatsiura varume achiti: “Imi varume, rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” (VaKorose 3:​19) Izvozvo zvinoshandawo kumadzimai. Vakaroorana pavanoedza kuva nengoni, kuva nomutsa, uye kunzwisisa, vanenge vachitowedzera mufaro uye kugutsikana kwavo. Kusakurumidza kutsamwa uye kusakakavadzana kunoita kuti pasava nokurwisana panomuka zvinetso. “Itiranai mutsa,” akakurudzira kudaro Pauro “muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose.”​—⁠VaEfeso 4:⁠32.

Zvakadini kana kunzwa usingabatsiri, kugumbuka, kana kuti kusakosheswa zvichikushatirisa? Taurira mumwe wako zvinhu zviri kukunetsa nenzira yakadzikama. Zvisinei, zvingava zvakanaka zvikuru kuti rudo rufukidze nyaya duku.​—⁠1 Petro 4:⁠8.

Mumwe murume akasangana nemiedzo inoverengeka mumuchato wake wemakore 35, anoti chero ukatsamwira mumwe wako zvakaita sei, “hamumbofaniri kurega kutaura mose.” Anowedzera nouchenjeri kuti: “Musamborega kudanana.”

Munogona Kuvaka Muchato Unofadza!

Zvechokwadi, kuvaka muchato unofadza hakusi nyore. Zvisinei, vanhu vakaroorana pavanotsunga kushanda nesimba kuti Mwari ave mumubatanidzwa wavo, zvichaguma nomufaro nokuchengeteka. Saka, nyatsotarisisai zvinhu zvine chokuita nokunamata mumhuri yenyu; kuzvipira kumuchato wenyu ngakuve kusingazununguswi. Uye yeukai kuti maererano nemashoko aJesu, murume nomukadzi havasi ivo vanorumbidzwa. Asi Akavamba muchato, Jehovha Mwari, ndiye anorumbidzwa. “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”​—⁠Mateu 19:⁠6.

ZVIMWE ZVOKUVERENGA

Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, rinopa mazano anobatsira okuvaka muchato unofadza nounobudirira. Mazana ezviuru zvevakaroorana munyika yose akawana kuti zano riri muBhaibheri rakavabatsira kuti vanatsiridze ukama hwavo.​—⁠Ona peji 32 yemagazini ino.

[Bhokisi riri papeji 9]

Chii Chingakubatsirai Kuvaka Muchato Unofadza?

◼ Dzidzai Shoko raMwari nguva dzose muri mose, uye nyengetererai kubatsirwa uye kutungamirirwa pamunenge muchigadzirisa zvinetso.​—⁠Zvirevo 3:​5, 6; VaFiripi 4:​6, 7; 2 Timoti 3:​16, 17.

◼ Rara nowawakaroorana naye bedzi.​—⁠Zvirevo 5:​15-​21; VaHebheru 13:⁠4.

◼ Kurukuriranai zvinetso uye zvinhu zvamusingawirirani makasununguka, nokutendeseka, uye muchiratidza kuti munodanana.​—⁠Zvirevo 15:​22; 20:⁠5; 25:⁠11.

◼ Taura nomumwe wako nomutsa, uchiratidza kuti une hanya; usaputika nehasha, kunetsa, uye mashoko okutsoropodza akakasharara.​—⁠Zvirevo. 15:​1; 20:​3; 21:​9; 31:​26, 28; VaEfeso 4:​31, 32.

◼ Shandisai zano rinobva muBhaibheri nokuzvininipisa kunyange zvazvo uchifunga kuti mumwe wako haasi kuita zvose zvaanofanira kunge achiita.​—⁠VaRoma 14:​12; 1 Petro 3:​1, 2.

◼ Shandai nesimba kuti muve nounhu hune chokuita nokunamata hunotaurwa muBhaibheri.​—⁠VaGaratiya 5:​22, 23; VaKorose 3:​12-​14; 1 Petro 3:​3-⁠6.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Tevedzera purani yaMwari yomuchato, iri muBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rudo rusina udyire uye kuvimbika ngazvive nheyo yenyu yakasimba

[Mifananidzo iri papeji 8]

Ivai nounhu hune chokuita nokunamata hunogona kutsungirira miedzo yakaita somoto

[Mifananidzo iri papeji 8]

Muchato unoda kuramba uchigadziridzwa kuti ufadze

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe