RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 October pp. 13-15
  • Kubva Pakusava Netariro Kuenda Kumufaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubva Pakusava Netariro Kuenda Kumufaro
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mukana Wokuchinja
  • Ndakaratidza Kuti Ndaitaura Chokwadi
  • Chinhu Chinokosha Muupenyu Hwangu
  • Kusava Kwangu Nesimba Kwakaita Kuti Simba raMwari Riwedzere Kuoneka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Uri ‘Kutsvaka Kuva Mutariri’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • “Ndaizvicherera Guva”
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Zvatinofanira Kuziva Pamusoro Pemagen’a
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 October pp. 13-15

Kubva Pakusava Netariro Kuenda Kumufaro

YAKATAURWA NAVICENTE GONZÁLEZ

Vavakidzani vangu pavakanzwa kuti ndakanga ndazvipfura nepfuti kana, asi ndisina kufa, vakatanga kundidana kuti “Superman”​—⁠munhu womune rimwe firimu ainge ane simba rinoshamisa. Asi ndakanga ndisiri munhu ane simba rinoshamisa. Regai nditsanangure kuti nei ndaida kuzviuraya.

NDAKABEREKWA muna 1951 muGuayaquil, kuEcuador. Vabereki vangu vakavaka musha wevana vavo vapfumbamwe panzvimbo iri pedyo negungwa inonzi “The Invasions.” Mhuri dzevarombo dzakanga “dzapinda” zvisiri pamutemo munzvimbo iyoyo zvinova ndizvo zvinoreva zita renzvimbo iyoyo, vachivaka dzimba dzine midhuri yemishenjere uye matenga emarata. Sezvo misha yacho yakanga yakavakirwa pamhenderekedzo ine matope nemachakwi, dzaifanira kuvakirwa pahwaro hwemapango. Taiva tisina magetsi, taibika nechitofu chemarasha, uye taifamba anenge makiromita maviri kuenda nokudzoka tichinochera mvura yokunwa.

Kuti vabatsire nemari yaizoshandiswa nemhuri, vakoma vangu vakatanga kushanda vachiri vaduku zvikuru. Pandakanga ndava nemakore 16, ndasiya chikoro, ndakawana basa pane imwe fekitari rokupota ndichitumwa. Ini neshamwari dzangu takatanga kunwa zvinodhaka uye kuzvibata nenzira younzenza. Hana yangu payaindinetsa, ndaienda kunoreurura. “Mwana, kureurura kwawaita kwakanaka,” mupristi aitaura kudaro obva anditi ndiende asina kundibatsira mune zvokunamata. Saka ndaingoramba ndichiita zvinhu izvozvo. Pakupedzisira zvakanga zvisisina musoro kuti ndirambe ndichiita zvivi ndichinoreurura, uye ndakarega kuenda kuchechi. Panguva imwe chete, ndakaziva nezvokusaruramisira kwaivapo. Vazhinji vaiva varombo vaitamburira kuti vawane chokurarama nacho, nepo vapfumi vaiva pakati pevashoma vairarama muumbozha. Upenyu hauna zvahwaireva. Ndakanzwa sokuti ndakanga ndisina nguva yemberi kana chinangwa muupenyu.

Rimwe zuva ndakaona kuti hanzvadzi dzangu ina dzakanga dziri kuverenga mabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Iniwo ndakatangawo kuaverenga. Rimwe bhuku rinonzi, Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi rakandibaya mwoyo. Rakandipa chiedza panyaya dzakawanda dzeBhaibheri, nenzira inonzwisisika. ‘Ichi ndicho chokwadi!’ Ndinoyeuka ndichidaro mumwoyo mangu. Asi sezvandakazoona mumakore 15 akatevera, kurarama maererano nechokwadi zvakanga zvakaoma.

Pazera remakore 22, ndakatanga kushanda mubhangi. Rimwe zuva mumwe wandaishanda naye akandiratidza kuti “aikwereta” sei mari mubhangi zvisingazivikanwi ozoripa zvake “chikwereti” chacho. Iniwo ndakatanga ‘kuzvikweretesawo,’ kusvikira ndatora yakawanda zvokuti ndaisagona kuviga mhosva yangu. Ndakapererwa nezano, sezvo ndakaziva kuti ndaisagona kubhadhara mari iyi. Saka ndakasarudza kutaura mhosva yangu, uye kuti ndizvirange, ndakafunga kuzviuraya.

Pashure pokunyora tsamba kubhangi, ndakatenga kapfuti kadiki, ndokuenda kure nevanhu pamhenderekedzo yegungwa, ndokuzvipfura kaviri mumusoro uye kaviri mudundundu. Kunyange zvavo ndakakuvara zvakanyanya, handina kufa. Mumwe murume aichovha bhasikoro akandiona uye nokukukurumidza akaronga kundiendesa kuchipatara. Ndapora, ndakatongwa nedare nemhosva yokuba uye ndakaendeswa kujeri. Pandakazosunungurwa, ndainzwa kunyara uye ndainge ndakaora mwoyo, sezvo ndakanga ndava kuzivikanwa sembavha. Nokuti ndakanga ndapona maronda mana emabara, vavakidzani vakatanga kundidana kuti “Superman.”

Mukana Wokuchinja

Panenge panguva iyi, Paul Sánchez, mumishinari weZvapupu zvaJehovha, akandishanyira. Chinhu chokutanga chandakaona kwaiva kunyemwerera kwake kukuru. Paul akanga ari munhu ane tariro, anofara zvakaita kuti ndide kudzidza Bhaibheri. ‘Pamwe angandibatsira kuwana mufaro uye chinangwa muupenyu,’ ndakafunga kudaro.

Nokubatsirwa naPaul, ndakadzidza kuti Mwari ane chinangwa nokuda kwevanhu uye kuti vaya vanomuda uye vanomuteera rimwe zuva vachararama muparadhiso pasi pano. (Pisarema 37:​29) Ndakadzidzawo kuti kusaruramisira uye urombo hakusi kuda kwaMwari asi zvakabva pakupandukira Mwari kwakaita vanhu. (Dheuteronomio 32:​4, 5) Ichi chokwadi chakaita sechiedza muupenyu hwangu. Zvisinei, kuchinja unhu hwangu kwakanga kwakaoma zvikuru kupfuura kudzidza Bhaibheri.

Ndakawana basa romuhofisi rokutarisira mari dzekambani. Zvakare ndakatanga kupinda mumuedzo ndokutanga kuba. Pandakanga ndisingachakwanisi kuvanza kuba kwandaiita, ndakatizira kune rimwe guta muEcuador kwerinenge gore. Ndakaedza kutiza munyika, asi handina kubudirira, saka ndakadzokera kumusha.

Paul akandiwana zvekare, uye takatangazve kudzidza. Panguva ino ndakasarudza kushandisa mazano eBhaibheri muupenyu hwangu uye kunamata Jehovha. Nechinangwa ichocho, ndakaudza Paul kusatendeseka kwandakanga ndamboita, iye akanga ane zano rakajeka. Akandiratidza mavhesi eBhaibheri akadai saVaEfeso 4:​28, inotaura kuti: “Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba.” Ndakatoona kuti ndaifanira kubvuma kuba kwandakaita uye kugamuchira migumisiro yacho.

Sezvandaifunga nezvemamiriro angu ezvinhu, ndakatanga kuita basa rokunyora mifananidzo. Rimwe zuva mumwe murume akauya mandaishandira uye akati aifarira mumwe wemifananidzo yaivamo. Zvisinei, aive ari mutikitivha uye akanga auya netsamba yokundisunga. Saka zvekare ndakaenda kudare redzimhosva uye kujeri. Paul akandishanyira, uye ndakamuvimbisa kuti, “Hauzombozvidembi nokundibatsira kwawakaita kuti ndinzwisise Bhaibheri.” Takaramba tichidzidza pandaive mujeri.

Ndakaratidza Kuti Ndaitaura Chokwadi

Pandakasunungurwa, ndakatsunga kunamata Jehovha nomwoyo wangu wose, uye ndakaratidza izvozvo mumakore maviri akatevera. Muna 1988, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Kuti ndidzorere nguva yandakanga ndatambisa, ndakatanga basa renguva yakazara sapiyona, ndichiedza zvikuru kukurukura nenhengo dzezvikwata zvevechiduku vakapanduka.

Chimwe chikwata chaiwanzonyora madziro eImba yoUmambo yedu. Nokuti ndaiziva vanhu vacho uye kwavaigara, ndakavashanyira, ndikatsanangura chinangwa cheImba yoUmambo, ndikakumbira kuti varemekedze chivako chedu ichi. Havana kuzombonyorazve pashure paizvi.

Gare gare, patainatsiridza Imba yoUmambo uye tichibvisa pendi yekare, chimwe Chapupu chiduku chinonzi Fernando chakaona pakanyorwa kunzi “Datya” (La Rana, muSpanish). “Ndiro raiva zita rangu!” akadaro. Paaiva mumwe wechikwata ichi, Fernando akanga anyora zita rake remadunhurirwa pachivako ichi. Iye zvino akanga ava kuribvisa!

Pandakatanga kuona Fernando ainge akadhakwa. Amai vake vakanga vambomuendesa kunzvimbo mbiri kuti abatsirwe, asi zvakashaya basa. Saka, amai vake vaneta naye, vakabva pamusha, uye vakamusiya ari oga pamusha. Fernando akatengesa zvose zvaitengeseka​—⁠kunyange magonhi, mahwindo, uye denga remba⁠—​kuti akwanise kutenga zvinodhaka. Rimwe zuva ndakakurukura naye mumugwagwa, ndikamupa chinwiwa, uye ndakakumbira kudzidza Bhaibheri naye. Akabvuma uye, zvakatondifadza, akagamuchira chokwadi. Akasiyana nechikwata chacho, akarega kushandisa zvinodhaka, akatanga kupinda misangano yechiKristu uye pasina nguva, akabhabhatidzwa.

Ini naFernando pataiparidzira pamwe chete paimba nemba, kakawanda vanhu vaitiziva votishevedza vachiti “Datya!” kana “Superman” vobvunza zvatainge tichiita. Vaishamiswa kuona vachishanyirwa neaichimbova nhengo yechikwata chematsotsi nomunhu aimbova mbavha, vaine maBhaibheri mumaoko avo.

Pane imwe nguva ndakanga ndiri kuparidzira mumwe murumwe uye Fernando akanga ari kutaura nomuvakidzani womurume uyu. Achinongedzera kuna Fernando, murume uyu akati kwandiri: “Uri kuona murume uyo here? Akambondinongedzera pfuti mumusoro mangu.” Ndakamuvimbisa kuti Fernando aive asiya tsika yake yekare uye iye zvino akanga ava kurarama achitevedzera mitemo yeBhaibheri. Kutaura zvazviri, Fernando paakapedza kutaura nomuvakidzani uya, ndakamushevedza ndokubva ndamusuma kwaari. “Wechiduku,” vakadaro samusha vaya, “Ndinoda kukurumbidza nokuchinja kwawaita muupenyu hwako.”

Handichayeuki kuti kangani ako vanhu vakataura mashoko akadaro kwandiri nokuna Fernando. Izvi zvakapa mukana wakanaka wokuparidza, zvichiita kuti titange kudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda. Chokwadi, ini naFernando takakomborerwa kuti tinozivikanwa seZvapupu zvaJehovha.

Chinhu Chinokosha Muupenyu Hwangu

Muna 2001, pandakasvitsa makore 50, ndakashamiswa uye ndakafara kukokwa kuti ndipinde Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chaizoitwa muPeru. Ichi chikoro chinopa Zvapupu zvinokodzera mirayiridzo yezvokunamata yakadzama kwemavhiki masere kuvabatsira muushumiri hwavo.

Zvose zvaiva muchikoro ichi zvainakidza, kunze kwechinhu chimwe chete​—⁠kutaura pamberi pevanhu vakawanda, kwaindityisa. Vadzidzi vechiduku vakawanda vaipa hurukuro dzakanaka uye vaive nechivimbo zvikuru. Asi pandakaenda kuti ndinopa hurukuro yangu yokutanga, kunzwa ndisingakoshi kwandaiva nakwo kubvira ndichiri mwana kwakadzoka. Mabvi angu akagwagwadza, maoko angu aiva akazara dikita akabvunda, uye inzwi rangu rakadedera. Zvisinei Jehovha, akandisimbisa nomudzimu mutsvene wake uye hama dzine rudo. Mumwe wevarayiridzi akaratidza kundifarira uye pashure pechikoro akandibatsira kugadzirira hurukuro dzangu. Pane zvose akandidzidzisa kuvimba naJehovha. Pakazopera kosi, kokutanga muupenyu hwangu, ndakanakidzwa nokutaura pamberi pevanhu vakawanda.

Muedzo mukuru wechivimbo changu wakauya pagungano reruwa reZvapupu zvaJehovha muGuayaquil. Ndakataura kuti ndakava sei Chapupu pamberi pevanhu 25 000. Zvisinei, sezvandaitaura kunzwa kwandaiita mukati nezveropafadzo yokukurudzira vanhu vakawanda kwazvo kwakandikurira, uye inzwi rangu rakatanga kudedera. Pashure, mumwe munhu aiva pagungano akauya akati, “Hama González, pamataura nezvoupenyu hwenyu, hapana kana mumwe chete zvake asina kubudisa misodzi.” Chinangwa changu chaiva chokuti nyaya yangu ikurudzire vose vave vachiedza kukurira unhu hwavo hwekare.

Iye zvino ndiri mukuru uye piyona wenguva dzose uye zvakandifadza kubatsira vanhu 16 kuti vawane zivo yechokwadi cheBhaibheri. Ndinofara kuti vabereki vangu uye hanzvadzi dzangu ina vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Amai vakafa vakatendeka kuna Mwari muna 2001. Ndinotenda Jehovha zvikuru nokundibvumira kwaakaita kuti ndimuzive, ndinoziva kuti nzira yakanakisisa yokuratidza kuonga ndeyokukoka vamwe kuti vaswedere pedyo naye zvakare.​—⁠Jakobho 4:⁠8.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Fernando, “Datya,” aichimbova nhengo yechikwata wandakabatsira

[Mufananidzo uri papeji 14]

Paul Sánchez, mumishinari akadzidza neni Bhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vicente González nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe