RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 October pp. 26-28
  • Kukosha Chaiko Kunoita Ropa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukosha Chaiko Kunoita Ropa
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maonero Anoita Musiki Wedu Ropa
  • Tungamirirwa naMwari Mupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Maonero Anoita Mwari Ropa
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 October pp. 26-28

Kukosha Chaiko Kunoita Ropa

“Vanhu vose vari panyika vane chinhu chimwe chete chakafanana chinotsigira upenyu: ropa. Ndiro simba roupenyu riri muvanhu vose, pasinei noruvara rwavo, rudzi kana kuti chitendero chavo.” ​—⁠Purezidhendi weGeneral Assembly yeUnited Nations.

HAPANA mubvunzo kuti mashoko ataurwa aya ane chokwadi. Ropa rinokosha muupenyu hwevanhu vose. Chinhu chinokosha. Zvisinei, unobvuma here kuti hazvina ngozi uye kuti zvine uchenjeri kuti vanhu vapanane chinhu ichi chinoyerera mukurapwa?

Sezvataona, munyika yose ropa harichengetwi zvakafanana, uye kurapwa neropa kune ngozi kupfuura zvinofunga vakawanda. Uyezve, varapi vanosiyana mumashandisiro avanoita ropa pakurapa pamusana pedzidzo, unyanzvi hwavo, uye maonero avo. Kunyange zvakadaro, nhamba yavanachiremba vava kuchenjerera panyaya yokuwedzera ropa iri kuramba ichiwedzera. Vanachiremba vakati wandei uye vari kuwedzera vari kufarira kusashandisa ropa.

Saka ngatichikurukurai mubvunzo wambobvunzwa munyaya yokutanga pane dzino dzakatevedzana. Chii chinomboita kuti ropa rikoshe chaizvo kudai? Kana kushandiswa kweropa kwava kusiya vanhu vasina chokwadi, ropa rine rimwe basa here?

Maonero Anoita Musiki Wedu Ropa

Kare, Mwari akadzika mutemo waikosha mumazuva aNoa, tateguru wevanhu vose. Kunyange zvazvo akabvumira vanhu kuti vadye nyama yemhuka, akavarambidza kudya ropa. (Genesisi 9:⁠4) Akavaudzawo chikonzero nei akanga adaro achifananidza ropa nemweya kana kuti noupenyu hwechisikwa. Akazoti: “Mweya [kana kuti upenyu] uri muropa.” Mukuona kwoMusiki, ropa chinhu chitsvene. Rinomirira chipo chinokosha choupenyu chine mweya wose mupenyu. Mwari akadzokorora kakawanda murayiro uyu.​—⁠Revhitiko 3:​17; 17:​10, 11, 14; Dheuteronomio 12:​16, 23.

Nguva pfupi pashure pokunge chiKristu chatanga makore 2 000 akapfuura, vatendi vakapiwa mutemo naMwari ‘wokurega ropa.’ Mutemo wacho waivakirwa kwete pakutyira zvoutano, asi pakuti ropa idzvene. (Mabasa 15:​19, 20, 29) Vamwe vanoti mutemo wakapiwa naMwari uyu unoshanda pakudya ropa chete, asi shoko rokuti ‘regai’ riri kuratidza zvazvinoreva. Kana chiremba akatiudza kuti tirege doro, chokwadi hatingambofungi kuti tinotenderwa kuriisa mumuviri wedu nomutsinga.

Bhaibheri rinotsanangurazve kuti nei ropa riri dzvene kwazvo kudaro. Ropa raJesu Kristu rakadeurwa, rinomiririra upenyu hwake hwaakapa nokuda kwevanhu, ndiro chinhu chinokosha kwazvo patariro yomuKristu. Rinoreva kukanganwirwa kwezvivi uye tariro youpenyu husingaperi. Kana muKristu akarega ropa, kutaura zvazviri anenge achiratidza kutenda kwake kwokuti ropa rakadeurwa raJesu Kristu ndiro bedzi rinogona kumudzikinura nokuponesa upenyu hwake.​—⁠VaEfeso 1:⁠7.

Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsozivikanwa kuti zvinonyatsoteerera mirayiro iyi yeBhaibheri. Zvinoramba zvose zvinosanganisira kuwedzerwa ropa rose zvaro kana kuti zvinhu zvikuru zvinoumba ropa​—⁠zvakadai semasero matsvuku, plasma, masero machena, uye maplatelet. Kana zviri zvikamu zviduku zvakasiyana-siyana zvinobva muropa​—⁠nezvinhu zvinogadzirwa nezvikamu izvi⁠—​Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. Saka Chapupu chimwe nechimwe chinozvisarudzira choga pane izvi. Maonero anoita Zvapupu mutemu uyu anoreva here kuti zvinoramba kurapwa kana kuti zvinorerutsa utano noupenyu hwazvo? Kwete!​—⁠Ona bhokisi rinoti “Zvapupu zvaJehovha Noutano.”

Mumakore achangopfuura vanachiremba vakawanda vakaona kuti Zvapupu zvakabatsirika mune zvoutano nokuchengeta mutemo uyu weBhaibheri. Somuenzaniso, mumwe chiremba womuzongoza munguva ichangopfuura iyi akataura achitsigira kusarudza kurapwa nedzimwe nzira dzinotsiva ropa. Akati: “Ndiko chinhu chisina ngozi chokuita, kwete nokuda kweZvapupu zvaJehovha bedzi, asi nokuda kwevanhu vose.”

Kusarudza kwakakomba mune zvoutano kunogona kukonzera kuzvidya mwoyo kwazvo uye kazhinji kacho kwakaoma kuita. Nezvokurapa kwajairwa kwokuwedzera ropa, ona mashoko omumwe chiremba wemapapu, uye ari mukuru mukuru wezvokurapa anonzi Dr. Dave Williams: “Zvinokosha kuti tiremekedze zvido zvevanhu, . . . uye tinofanira kungwarira chaizvo zvinhu zvatinoisa mumuviri yedu.” Mashoko aya ndeechokwadi​—⁠kunyanya mazuva ano.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 27]

Chii Chiri Muropa Chinotakura Okisijeni?

Musero dzvuku roga roga reropa mune mamorekuru anosvika mamiriyoni 300 ehemoglobin. Hemoglobin inoumba chikamu chimwe chete muzvitatu chesero dzvuku rinenge ranyatsokura. Morekuru roga roga rine puroteni inonzi globin uye ruvara runonzi heme​—⁠ine atomu yesimbi. Sero dzvuku parinopfuura nomumapapu, mamorekuru eokisijeni anopinda musero racho ozvibatanidza nemamorekuru ehemoglobin. Masekonzi mashomanana gare gare, okisijeni yacho inopinzwa mumuviri, ichiita kuti masero acho arambe ari mapenyu.

Vamwe vagadziri vava kugadzira hemoglobin, vachiitora mumasero matsvuku evanhu kana kuti emombe. Hemoglobin yacho inozosefwa kubviswa tsvina, yoiswa mishonga kuti ichene, yobva yasanganiswa nemvura yochengetwa. Zvinozobuda apa​—⁠zvisati hazvo zvava kubvumirwa kushandiswa munyika dzakawanda⁠—​ndizvo zvinotakura okisijeni muropa [hemoglobin-based oxygen carriers, kana kuti HBOC]. Sezvo ruvara rweheme ruchikonzera kuti ropa rive noruvara rutsvuku, HBOC inotaridzika chaizvo semasero matsvuku eropa, muri imo chaimo mainobva.

Kusiyana nemasero matsvuku eropa, anofanira kuiswa mufiriji ozoraswa pashure pemavhiki mashomanana, HBOC inogona kugara isiri mufiriji yozoshandiswa mwedzi yakawanda gare gare. Uye sezvo ganda rokunze kwesero nezvinhu zvaro zvinorwisa zvirwere zvinenge zvisisipo, hapana zvinozoitika zvinokonzerwa nokupiwa ropa risina kufanana neromunhu wacho. Zvisinei, ichienzaniswa nezvimwe zvikamu zviduku zveropa, HBOC inoita kuti vaKristu vane hana vanoda kuteerera mutemo waMwari weropa, vafungisise nezvenyaya yacho. Nei? Chero bedzi ichibva muropa, pane zvinhu zviviri zvingataurwa. Chokutanga, HBOC inoita basa guru rinoitwa nechinhu chikuru chinoumba ropa, masero matsvuku. Chechipiri, hemoglobin, munotorwa HBOC, ndiyo inoumba chikamu chikuru chacho. Saka nezveizvi nezvimwe zvigadzirwa zvakafanana, vaKristu vanotarisana nomuedzo mukuru wokusarudza. Vanofanira kunyatsofungisisa uye kunyengetera nezvezvinotaurwa neBhaibheri zvokuti ropa idzvene. Nechido chikuru chokuramba tiine ukama hwakanaka naJehovha, mumwe nomumwe anofanira kutungamirirwa nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri.​—⁠VaGaratiya 6:⁠5.

[Mufananidzo]

MOREKURU YEHEMOGLOBIN

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

Imwe Nzira Yakanaka

“Zvipatara zvakawanda zviri kukoka vanhu kuti: vazovhiyiwa ‘pasina ropa,’ ” yakadaro The Wall Street Journal. Magazini yacho inoti: “Marapiro aya akanga atangwa nechinangwa chokubatsira Zvapupu zvaJehovha asi zvino ava kutonzi ndiko kurapa kwakanaka zvokuti zvipatara zvakawanda zvava kutoatsigira zvichizivisa vanhuwo zvavo nezvokuvhiya pasina ropa.” Zvipatara zviri munyika yose zvava kuona zvakawanda zvazvakanakira, zvikurukuru pavarwere, pazvinoshandisa nzira dzokurapa pasina kuwedzera ropa. Iye zvino, zviuru zvavanachiremba zvava kurapa varwere zvisingavawedzeri ropa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

Zvapupu zvaJehovha Noutano

Zvapupu zvaJehovha, izvo zvine vamwe vanoshanda savanachiremba navanamukoti, zvinozivikanwa munyika yose kuti zvinoramba kuwedzerwa ropa rinosanganisira ropa rose kana kuti zvikamu zvikuru zvinoriumba. Kubatana kwazvakaita panyaya iyi kunobva padzidziso yakatangwa nevanhu here kana pakuti kutenda kwomunhu ndiko kunogona kumuporesa pazvirwere? Inhema chaidzo!

Nokuti zvinokoshesa upenyu sechipo chinobva kuna Mwari, Zvapupu zvinoedza kuita nepazvinogona napo kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri razvinodavira kuti ‘rakafuridzirwa naMwari.’ (2 Timoti 3:​16, 17; Zvakazarurwa 4:​11) Bhuku iroro rinokurudzira vanonamata Mwari kuti vasaite miitiro netsika zvinokuvadza utano hwavo kana upenyu, zvakadai sokudyisa, kusvuta kana kutsenga fodya, kudhakwa, uye kushandisa zvinodhaka nokuda kwokuzvivaraidza.​—⁠Zvirevo 23:​20; 2 VaKorinde 7:⁠1.

Nokuchengeta muviri wedu nepatinenge tiri zvakachena uye kurovedza muviri tichiitira utano hwedu, tinenge tichiita maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. (Mateu 7:​12; 1 Timoti 4:⁠8) Zvapupu zvaJehovha pazvinorwara, zvinoratidza kunzwisisa nokuenda kunorapwa uye kubvuma nzira dzakawanda dzokurapa dziripo. (VaFiripi 4:⁠5) Chokwadi, zvinoteerera murayiro weBhaibheri ‘wokurega ropa,’ zvichiomerera pakurapa kusiri kwokuwedzera ropa. (Mabasa 15:​29) Uye zvinoguma zvarapwa zvakanaka chaizvo nokusarudza izvi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe