RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 January pp. 5-9
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Anotonga Nyika?
  • Nyaya Yakamutswa muEdheni
  • Nei Mwari Asina Kupindira?
  • “Baba Vangu Vave Vachishanda”
  • Sarudza Kutongwa naMwari!
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nei Zvakaipa Zvichiripo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 January pp. 5-9

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

DZIMWE nguva munhu anenge achibvunza mubvunzo wokuti “Nei?” anenge achida kunyaradzwa uyewo mhinduro, kana mubvunzo wacho wakonzerwa nokurasikirwa kwakakomba, anenge achida kunyatsonyaradzwa. Bhaibheri rinopa nyaradzo yakadaro here? Funga nezvenzira nhatu dzinokosha dzechokwadi cheBhaibheri dzakabatana nenyaya iyi.

Chokutanga, hazvina kuipa kubvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura. Vamwe vanhu vanofunga kuti kubvunza mubvunzo wakadaro kunoreva kusava nokutenda muna Mwari kana kusamuremekedza. Kusiyana neizvi, kana ukabvunza mubvunzo uyu nomwoyo wakatendeseka, hausi woga. Muprofita akatendeka Habhakuki akabvunza Mwari kuti: “Ko munondionesereiko dambudziko rakadai? Ko seiko muchirega zvinhu zvakaipa kudaro zvichifambira mberi? Kuparadzwa nokupambwa zvandipoteredza, uye kurwisana nokupopoterana zvava kwose kwose.” (Habhakuki 1:3, Bhaibheri Rinoera) Jehovha haana kutsiura Habhakuki. Asi akaita kuti mibvunzo yomurume uyu akatendeka inyorwe kuti isu tose tiiverenge.—VaRoma 15:4.

Chechipiri, zvinokosha kunzwisisa kuti Mwari ane hanya nokutambura kwako. Hakusi kuti haanei nezviri kuitika kana kuti asinganzwisisiki; iye “anoda kururamisira,” uye anovenga uipi uye kutambura kwahunokonzera. (Pisarema 37:28; Zvirevo 6:16-19) Mumazuva aNoa, Mwari “akarwadziwa mumwoyo make” nechikonzero chechisimba chakanga chapararira panyika. (Genesisi 6:5, 6) Mwari haana kuchinja; anonzwa zvimwe chetezvo nezvinhu zviri kuitika nhasi.—Maraki 3:6.

Chechitatu, Mwari haasi honzeri youipi. Bhaibheri rinotaura izvi zvakajeka. Vaya vanoti zvinhu zvakadai sokuponda uye ugandanga ndezvaMwari vari kutaura nhema pamusoro pake. Ona zvinotaurwa naJobho 34:10 kuti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!” Uyewo, Jakobho 1:13 inoti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” Saka kana wakatambura zvinhu zvakaipa, iva nechokwadi chokuti Mwari haasi honzeri.

Ndiani Anotonga Nyika?

Zvataurwa izvi zvinotisiya tiine mubvunzo wokuti, Kana Mwari aine rudo, akarurama, uye aine simba, nei takapoteredzwa nouipi? Pane pfungwa yakajairika inofanira kugadziriswa kutanga. Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari Wemasimbaose ndiye mutongi wenyika ino, ari kudzora zvinhu zvose. Purezidhendi werimwe sangano revafundisi vezvitendero akati, “Hapana atomu kana morekuru zviri panyika zvaasingagoni kudzora.” Bhaibheri rinombodzidzisa izvozvo here?

Handizvo. Vanhu vakawanda vanoshamisika kudzidza zvinotaurwa chaizvo neBhaibheri kuti ndiani ari kutonga nyika. Somuenzaniso, 1 Johani 5:19 inoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” Ndiani akaipa uyu? Jesu Kristu akamudana kuti Satani Dhiyabhorosi, uyo waakati “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Saka izvozvo hazvina musoro here? Satani ane utsinye, anonyengera, uye anovenga—izvi ndizvo zviito zvinokonzera kutambura kwakanyanya kunoitwa nevanhu nhasi. Saka nei Mwari achibvumira Satani kutonga?

Nyaya Yakamutswa muEdheni

Mubereki ane rudo uye anokwanisa anonzwa sei kana akapomerwa mhosva pachena yokuti anonyepera vana vake, anovashandisira simba rake zvisina kukodzera, uye anovanyima zvinhu zvakanaka? Aizoramba here kupomerwa kwenhema kwakadaro nokurova mupomeri? Kwete handizvo! Chokwadi, kana akadaro, zvingaita sokuti zvaari kupomerwa ndezvechokwadi.

Muenzaniso uyu unobatsira kutsanangura nzira yaJehovha Mwari yokutarisira nayo zvaakapomerwa, vanhu vachangosikwa muEdheni. Mwari akazivisa kuvaviri ava vokutanga, Adhamu naEvha urongwa hwakanaka hwevana vake vepasi. Vaizozadza nyika, vova nesimba, uye voita kuti pasi rive paradhiso. (Genesisi 1:28) Uyezve, mazana ezviuru evanakomana vomudzimu vaMwari vaifarira kwazvo chirongwa ichi chinofadza.—Jobho 38:4, 7; Dhanieri 7:10.

Zvaari Mwari ane rupo, Jehovha akapa Adhamu naEvha musha wakanaka mumunda waiva nemichero yose inonaka. Muti mumwe chete ndiwo wavakarambidzwa—“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Nokusadya muti uyu, Adhamu naEvha vaizoratidza kuvimba zvizere naBaba vavo, vachiziva kuti vaiva nekodzero yokusarudzira vana vavo zvakanaka nezvakaipa.—Genesisi 2:16, 17.

Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti mumwe wevanakomana vaMwari vomudzimu, achida kunamatwa iye, akaudza Evha kuti kana akadya muchero wakarambidzwa, haangafi. (Genesisi 2:17; 3:1-5) Saka iyi ngirozi yakaipa, Satani, yakapikisa nemaune Mwari, chaizvoizvo ichimuti murevi wenhema! Satani akapomerawo Mwari kuti akanga anyima Adhamu naEvha ruzivo runokosha. Satani akati vanhu vanofanira kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Zvichitaurwa zviri nyore, Satani akati Mwari Mutongi uye ndiBaba vasina kukodzera, izvi zvichiratidza kuti aiti, Satani anogona kuva mutongi akanaka.

Nemashoko iwayo ounyengeri uye nhema dzakaipisisa, ngirozi iyi yakazviita Satani Dhiyabhorosi. Mazita aya anoreva kuti “Mudzivisi” uye “Mucheri.” Adhamu naEvha vakaitei? Vakatsigira Satani, vachiramba Mwari.—Genesisi 3:6.

Jehovha aigona kuparadza vapanduki ivavo pakarepo. Asi sezvataurwa mumuenzaniso wedu, nyaya dzakadaro hadziperi nokutsiva nechisimba. Zvekare funga kuti Satani paakadenha Mwari, mamiriyoni engirozi aiva akateerera. Kutaura zvazviri, ngirozi dzakawanda, asi dzatisingazivi kuwanda kwadzo dzakazobatana naSatani pakupanduka, dzichizviita madhimoni.—Mako 1:34; 2 Petro 2:4; Judha 6.

Nei Mwari Asina Kupindira?

Nokunyengedza Adhamu naEvha kuti vasarudze kuzvimiririra kubva kuMusiki wavo, chaizvoizvo Satani akatanga mhuri yakanga isina kunyatsozvimiririra asi yaaidzora. Ichiziva kana kuti isingazivi, mhuri iyi yakafurirwa na“baba” vayo Dhiyabhorosi, uye yaizozvisarudzira zvainoda uye mitemo yetsika. (Johani 8:44) Asi upenyu ihwohwo waizovapa rusununguko rwechokwadi nomufaro usingaperi here? Jehovha ainyatsoziva kuti zvaisazodaro. Zvisinei, akabvumira vapanduki kutora nzira yavo yokuzvimiririra, nokuti izvi ndizvo zvaizoita kuti nyaya yakamutswa muEdheni igadziriswe zvachose.

Kwemakore anopfuura 6 000 zvino, vanhu vakazviitira mamiriro ezvinhu ari munyika yose, vachiedza hurumende dzakasiyana-siyana uye mitemo yetsika. Unofara nemigumisiro yacho here? Mhuri yevanhu iri kufara zvechokwadi here, ine rugare uye yakabatana here? Zviri pachena kuti mhinduro ndikwete! Pane izvozvo kune hondo, nzara, njodzi dzinongoitika dzoga, hosha, uye rufu zvatambudza vanhu, zvichiparira ‘kusabatsira,’ “kurwadziwa,” uye “kugomera,” sezvinotaurwa neBhaibheri.—VaRoma 8:19-22; Muparidzi 8:9.

Zvisinei, vamwe vangabvunza kuti, ‘Nei Mwari asingadziviriri njodzi?’ Chokwadi, zvaisazova kururamisira, uye zvaizovhiringidza nyaya yacho zvichiita sokunge kuti kupandukira Mwari hakuna migumisiro yakaipa. Saka Jehovha ange asingatsigiri zviri kuitika munyika achidzivirira kuparwa kwemhosva, zvakananga kana kuti zvisina kunanga, pamusana pokusamuteerera.a Jehovha haangambotsigiri nhema dzinokuvadza dzokuti mamiriro ezvinhu enyika yaSatani anogona kubudirira, uye kuti nyika yacho yakawana kiyi inogona kuunza mufaro! Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kubva angorega zvinhu zvakadaro. Kutaura zvazviri, ave achiita chimwe chinhu, sezvatichaona zvino.

“Baba Vangu Vave Vachishanda”

Mashoko aya aJesu anoratidza kuti Mwari haana kungogara, achitarisa zvinhu zvichiitika. (Johani 5:17) Asi kubvira pakupanduka kwakaitika muEdheni, ave achishanda chaizvo. Somuenzaniso, akafuridzira vanyori veBhaibheri kuti vanyore chipikirwa chake kuti munguva yemberi “mbeu” yaizopwanya Satani uye vose vanoramba vakabatana naye. (Genesisi 3:15) Uyezve, achishandisa Mwana uyu, Mwari aizoumba hurumende, Umambo hwokumatenga, hwaizokomborera vanhu vanoteerera uye hwogumisa zvose zvinokonzera kutambura, kunyange rufu chairwo.—Genesisi 22:18; Pisarema 46:9; 72:16; Isaya 25:8; 33:24; Dhanieri 7:13, 14.

Danho rokutanga raakaita kuti azadzike zvipikirwa zvinoshamisa izvozvo, Jehovha akatuma pasi pano Iye aizova Mutongi woUmambo ihwohwo. Iyeye aiva Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari. (VaGaratiya 3:16) Maererano nechinangwa chaMwari nokuda kwake, Jesu akadzidzisa nezvoUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Chokwadi, Kristu akaratidza zvaachaita saMambo woUmambo uhwu. Akadyisa zviuru zvevanhu vaiva nenzara, akaporesa vanorwara, akamutsa vakafa, uye akatoratidza simba rake pazvinhu zvinongoitika zvoga nokunyaradza dutu guru. (Mateu 14:14-21; Mako 4:37-39; Johani 11:43, 44) NezvaJesu Bhaibheri rinoti: “Zvisinei nokuti zvipikirwa zvaMwari zvizhinji sei, izvo zvakava Hungu pachishandiswa iye.”—2 VaKorinde 1:20.

Vaya vanoteerera Jesu vobuda “munyika”—mamiriro ezvinhu epanguva ino akaparadzana naMwari uye anodzorwa naSatani—vanogamuchirwa mumhuri yaJehovha. (Johani 15:19) Iyi mhuri yomunyika yose yevaKristu vechokwadi inotungamirirwa norudo, yakazvipira kuti ive norugare, uye inozivikanwa nechido chokubvisa kufungirana uye kusarurana pakati payo.—Maraki 3:17, 18; Johani 13:34, 35.

Pane kutsigira mamiriro ezvinhu enyika ino, vaKristu vechokwadi vanotsigira uye vanozivisa Umambo hwaMwari vachiteerera murayiro waJesu unowanikwa pana Mateu 24:14. Funga nezveizvi: Ndivanaani vanoparidza “mashoko akanaka oumambo” munyika yose? Ndivanaani vakabatana semhuri imwe chete yomunyika yose, vasingaiti zvechiuto uye vasingapindiri mumakakatanwa anoparadzanisa nyika nemadzinza? Uye ndivanaani vanoita kuti Shoko raMwari ritungamirire zviito zvavo, pasinei nokuti tsika dzakanaka dzacho dzinodiwa here kana kuti kwete? (1 Johani 5:3) Vanhu vakawanda vakaona unhu uhwu muZvapupu zvaJehovha. Tapota ongorora uchapupu uhwu woga.

Sarudza Kutongwa naMwari!

Vanhu vakaparadzaniswa naMwari uye vakatsauswa naSatani, vakazviitira mamiriro ezvinhu enyika ine kutambura kunoramba kuchiwedzera uye isina tariro. Kunyange nyika pachayo iri kuparadzwa! Ukuwo, Jehovha ane hurumende yaakagadza kudenga yakachinja upenyu hwemamiriyoni evanhu kuva huri nani uye yakapa mumwe nomumwe tariro yechokwadi. (1 Timoti 4:10) Uchasarudza ipi?

Zvino inguva yokusarudza, nokuti Mwari haasi kuzobvumira Satani nenyika yake yakaipa kuti ipfuurire zvachose. Chinangwa chaMwari chokutanga chokuti pasi rino rive paradhiso hachina kumbochinja. Kuti aite izvi, Umambo hwake nevatsigiri vahwo vacharamba vachisimba, nepo nyika inotongwa naSatani icharamba ichiwedzera “marwadzo enhamo” kusvikira Mwari aiparadza. (Mateu 24:3, 7, 8) Saka kana wakambochema zvechokwadi kuna Mwari kuti “Nei?”, muteerere uine chivimbo nemashoko eBhaibheri enyaradzo netariro. Kunyange zvino, misodzi yako yokusuruvara inogona kuva misodzi yomufaro.—Mateu 5:4; Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mashoko Omuzasi]

a Kunyange zvazvo Mwari akapindira munhau dzevanhu pane dzimwe nguva, zvaakaita hazvisi zvokutsigira mamiriro ezvinhu epanguva ino. Asi zvine chokuita nokushanda kwechinangwa chake.—Ruka 17:26-30; VaRoma 9:17-24.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Uri kugutsikana nemigumisiro yokutonga kunoitwa nevanhu here?

[Kwazvakatorwa]

Baby: © J. B. Russell/Panos Pictures; crying woman: © Paul Lowe/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Jesu achadzorera Paradhiso—uye kunyange kumutsira vakafa kuupenyu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe