Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingakurira Sei Tsika Iyi?
“Ndakatanga kuita bonhora pandaive nemakore masere. Ndakazodzidza maonero anoita Mwari nyaya yacho. Ndaitambudzika zvikuru pose pandairiitazve. ‘Mwari angada sei munhu akaita seni?’ Ndaizvibvunza. Ndaiva nechokwadi chokuti handizopindi munyika itsva yaMwari.”—Luiz.a
ZVICHIDA iwe, saLuiz, wave uri muranda wetsika yokuita bonhora. Unoziva kuti Jehovha aizofara kana ukakunda kunzwa uchida kuriita ndokuzvidzora, chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratiya 5:22, 23; 2 Petro 1:5, 6) Asi pane dzimwe nguva unozviita. Pose paunenge waitazve bonhora, unopedzisira wazviona somunhu asingabatsiri, kuti haugoni kurarama sezvinorayirwa nemitemo yaMwari yakarurama.
Pedro muduku aiona sokuti ndizvo zvaaiva chaizvo. Anoti: “Pandairiitazve, ndainetseka zvikuru. Ndaifunga kuti ndaisambogona kugadzirisa zvandainge ndaita. Zvakanga zvakaoma kuti ndinyengetere. Ndaitanga ndichiti: ‘Jehovha, handizivi kuti muchanzwa munyengetero uyu here, asi . . . ’” Rimwe jaya rinonzi André rakanga riine pfungwa dzakaita saidzodzi. Rinoti: “Ndainzwa sokuti ndakanga ndiri munyengeri chaiye.” Zvakanga zvakaoma kuti ndimuke mangwanani kuti ndiite mabasa ezuva nezuva. Zvakanga zvakandiomera kugara pamisangano yechiKristu kana kuti ndiitewo ushumiri.”
Kana uchinzwa sezvaiita Luiz, Pedro, kana kuti André, shinga. Hausi woga, uye mamiriro ako ezvinhu anogona kugadzirika! Vechiduku vakawanda—uye vakuru—vakashupika nebonhora uye vakakwanisa kuzorirega. Newewo unogona kurirega.b
Kutarisana Nokunzwa Uine Mhosva
Sezvambotaurwa, vose vane tsika yokuita bonhora vanowanzotambura nokunzwa vaine mhosva. Hapana mubvunzo kuti “kusuruvariswa sezvinodiwa naMwari” kungakukurudzira kuti ukurire tsika yacho. (2 VaKorinde 7:11) Asi kunzwa uine mhosva kwakanyanyisa kungakutadzisa kubudirira. Kungaita kuti unzwe wakaora mwoyo kwazvo zvokuti unongonzwa sokuti wakundikana.—Zvirevo 24:10.
Saka edza kuona zvinhu sezvazviri. Bonhora kusachena. Ringakuita ‘muranda wokuchiva nemafaro akasiyana-siyana,’ uye rinokudziridza unhu hungakanganisa mafungiro ako. (Tito 3:3) Asiwo, kuita bonhora uri woga hahusi unzenza hwakakomba soufeve. (VaEfeso 4:19) Saka kana uine dambudziko rebonhora, haufaniri hako kubva wafunga kuti wakaita chivi chisingakanganwirwi. Chinokosha kurwisa kunzwa uchida kuriita uye usarega kurwisa!
Pane dzimwe nguva zviri nyore kuora mwoyo kana ukariitazve. Kana zvikadaro, fungisisa mashoko aZvirevo 24:16, anoti: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka; asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.” Kumbodzokera shure hakurevi kuti uri munhu akaipa. Saka usaneta. Pane kudaro, ongorora kuti chii chakaita kuti uriitezve uye edza kusazvidzokorora.
Pane kungoramba uchizvituka pamusana pechinetso chako, wana nguva yokufungisisa nezvorudo rwaMwari uye ngoni dzake. Munyori wePisarema Dhavhidhi, uyo aimbotadzawo, akati: “Sezvinoita baba vanonzwira ngoni vanakomana vavo, Jehovha akanzwira ngoni vaya vanomutya. Nokuti iye anonyatsoziva masikirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:13, 14) Chokwadi, Jehovha anofunga nezvokusakwana kwedu uye ‘akagadzirira kutikanganwira’ patinokanganisa. (Pisarema 86:5) Uyewo, anoda kuti tiedze kuita zviri nani.
Ndeapi matanho anokosha aungatora kuti ukurire tsika yako uye kuti usariitazve?
Kukosha Kwokuwana Waunoudzawo
Pasinei zvapo nokushambadzirwa kunoitwa zvepabonde munyika dzakawanda, vanhu vakawanda vachiri kuona zvakaoma kutaura nezvepabonde nenzira yakanaka inokudzwa. Kana uri iwe, zvichida kunyara kungaita kuti zvikuomere kuti utange nyaya yacho kunyange nomunhu waunovimba naye. Mumwe muKristu akatambura nebonhora kwemakore anoverengeka akati: “Ndinodemba kuti dai ndakava noushingi hwokutaura nomumwe munhu nezvazvo pandakanga ndichiri muduku! Kunzwa ndiine mhosva kwakanditambudza kwemakore akawanda, uye kwakakanganisa zvikuru ukama hwangu nevamwe uye, zvikurukuru naJehovha.”
Unofanira kutaura naani? Munhu akanaka chaizvo waunofanira kutaura naye angave akakura mune zvokunamata, zvikurukuru mubereki. Ungatanga nokutaura kuti: “Ndingambotaurawo nemi here nezvedambudziko riri kundinetsa zvikuru?”
Mário akasarudza kutaura nababa vake, avo vakamunzwira tsitsi zvikuru uye vakanzwisisa. Vakatotaurira Mário kuti ivo pachavo vakambotambudzikawo netsika yacho pavakanga vachiri muduku. “Kuvimbika kwababa vangu uye kutaura kwavo nomwoyo wose kwakandikurudzira zvikuru,” anodaro Mário. “Ndakati kana vakanga vakunda, neniwo ndinogonawo kukunda. Zvakaitwa nababa vangu zvakandibaya mwoyo zvokuti misodzi yakatanga kuyerera.”
André akashinga kutaura nomumwe mukuru wechiKristu, uye anofara kuti akataura naye.c “Mukuru wacho zvaaiteerera ndichitaura, maziso ake akazara nemisodzi,” anodaro André. “Pandakapedza, akaita kuti ndive nechivimbo chokuti Jehovha aindida. Akandiudza kuti vakawanda vane dambudziko iri. Akavimbisa kuti aizopota achitarisa kana ndakanga ndiri kubudirira uye kuti aizondivigira mamwe mashoko anobatsira anobva mumabhuku eBhaibheri. Ndataura naye, ndakabva ndatsunga kuramba ndichirwisa tsika yacho—kunyange zvazvo ndaizomboriitazve.”
SaMário naAndré, unogona kuwana rubatsiro paunenge uchiedza kukurira chinetso chebonhora. Tevedzera mazano ari mubhokisi rinoti, “Tanga Iwe Kurwisa!” Hungu, iva nechokwadi chokuti unogona kukunda muhondo yacho!
Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” dzingawanika paIndaneti www.watchtower.org/ype
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.
b Kunyange zvazvo vanhu vari kutaurwa munyaya ino vari varume, vakadzi vakawanda vanotamburawo nebonhora. Saka zano racho rinoshanda kuvarume nevakadzi. Onawo kuti, nyaya ino inotaura nezvomunhu anoita bonhora oga. Kuita bonhora kunze kwomuchato kune mumwe munhu wausina kuroorana naye kunobatanidzwa nezvinonzi neBhaibheri ufeve, chivi chakakomba zvikuru mumeso aMwari.—Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Zvakaipei Kurara Mose Musati Maroorana?” muMukai! yaAugust 8, 2004, mapeji 12-14.
c Kana ari mukadzi wechiduku angataura naamai vake kana kuti neimwe hanzvadzi yakakura mune zvokunamata iri muungano.
FUNGA NEZVEIZVI
◼ Nei zvichikosha kuyeuka kuti Jehovha ‘akagadzirira kukanganwira’?—Pisarema 86:5.
◼ Matanho api auchatora kuti ukurire tsika yokuita bonhora?
◼ Nei usingafaniri kunyara kukumbira kuti ubatsirwe?
◼ Chii chaunganyatsoita kuti pfungwa dzako dzirambe dziri pazvinhu zvakachena?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 19]
Kuriitazve Hakurevi Kuti Wakundikana!
Zviri nyore zvikuru kufunga kuti: ‘Ndakundikana, saka zviri nani ndingosiyana nazvo.’ Rwisa mafungiro akadaro. Kumboriitazve kamwe chete kana kuti kanoverengeka ngakurege kukuita kuti ufunge kuti wakundikana.
Funga nezvomuenzaniso uyu: Kudai wakanga uchikwira pamatanho wobva watsvedza zvokuti unodzokera kumashure nedanho rimwe kana maviri nokuti watadza kutsika, ungati here, ‘Ndichatofanira kudzokera nditange kukwirazve’? Chokwadika kwete! Saka nei uchifanira kuita izvi pakurwisa tsika dzakaipa?
Kazhinji unonzwa uine mhosva kana wamboriitazve. Pfungwa idzi dzingasimba zvokuti unopedzisira wafunga kuti haubatsiri, kuti hauna kusimba kuti ukurire tsika iyi uye kuti hauna kukodzerwa nechero chii zvacho chakanaka. Usaramba uchifunga nezvokunzwa uine mhosva kwakanyanyisa zvakadaro. Zvinokupedza simba raunoda kuti utangezve kurwisa. Uye yeuka izvi: Munhu mukuru pane vamwe vose vakambofamba pasi pano, Jesu Kristu, akauya kuti azodzikinura vanhu vanotadza, kwete vakakwana. Saka hapana kana nomumwe wedu achaita zvinhu nenzira yakanyatsokwana iye zvino.—Zvakabva muMukai! yeChirungu yaApril 8, 1991, peji 15.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]
Tanga Iwe Kurwisa!
◼ Manikidza pfungwa dzako kuti dzive pane zvimwe zvinhu.—VaFiripi 4:8.
◼ Usatarisa zvinhu zvinoita kuti ude zvinhu zvisina kunaka.—Pisarema 119:37.
◼ Nyengeterera kuti uve ne“simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinde 4:7.
◼ Batikana nemabasa echiKristu.—1 VaKorinde 15:58.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]
Mamwe Mashoko
Kana uchida mamwe mashoko ane chokuita nokukurira tsika yokuita bonhora, ona zvitsauko 25 ne26 zvebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku . . . Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.