Nei Achikosha Kwazvo
KWEMAKORE 2 000 iye zvino, vanhu vave vachinyanya kutaura nezvokuberekwa kwaJesu. Maererano naRuka chiremba womuzana ramakore rokutanga, mhandara yechiduku Mariya yakaudzwa nengirozi kuti: “Tarira! uchabata pamuviri, wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu.” Ngirozi yakanga yatumwa yakatii nezvaJesu? Yakati, “Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro.” “Iye [Jesu] achava mambo,” uye “hapazovi nomugumo woumambo hwake.”—Ruka 1:31-33.
Chokwadi, izvi ndizvo zvinoda vanhu—mutongi wenyika akarurama kuti atarisire zvinoitika panyika nenzira yorudo! Zvechokwadi, Jesu asati aberekwa, Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi . . . Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”—Isaya 9:6, 7, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Hurumende yakarurama norugare—kutarisira kwakanakisisa zvakadini! Asi ona kuti hurumende iyi yakafanotaurwa kuti iri pamapfudzi omuchinda—“Muchinda worugare”—zvichireva kuti Mambo wezvinhu zvose, Mwari Wemasimbaose, akapa utongi ihwohwo kuMwanakomana Wake. Saka Jesu akadzokorora kudana hurumende iyi yaachava Mutongi wayo kuti “umambo hwaMwari.”—Ruka 9:27, 60, 62.
Pamavambo oushumiri hwake Jesu akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Jesu akatodzidzisa vateveri vake kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye. (Mateu 6:9, 10) Pepanhau rinonzi Christianity and Crisis rinoti, “Umambo hwakanga huri musoro mukuru wokudzidzisa kwa[Jesu],” rinotizve: “Hakuna imwe nyaya yakanga iri mupfungwa dzake kana yaikosha seiyi. Hunotaurwa kanopfuura zana munhoroondo dzeEvhangeri.”
Mibvunzo Yokufunga Nezvayo
Unofunga sei nezvaJesu nhasi? Zvikurukuru munguva ino yegore, anoratidzwa semwana ari muchidyiro. Ndezvechokwadi kuti kwenguva pfupi aiva mwana asina zvaaigona kuita. (Ruka 2:15-20) Asi ndiko kuyeukwa kwaanofanira kuitwa here? Pafunge, Nei Jesu akaberekwa somunhu? Aimbova ani chaizvo?
“Jesu aiva Mwanakomana waMwari, Mesiya akapikirwa muBhaibheri rechiHebheru here?” yakabvunza kudaro Encarta Yearbook ya1996. “Kana kuti aiva munhuwo zvake, zvichida munhu anoshamisa asi kunyange zvakadaro achingova munhu?” Mibvunzo yakadaro inoda kufunga zvakadzama. Nei? Nokuti upenyu hwedu uye mufaro zvinobva pakuti tinoona sei Jesu uye tinoitei zvine chokuita naye. Bhaibheri rinoti, “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu.”—Johani 3:36.
Haasi Munhuwo Zvake
Ratsanangura mabasa aJesu ari mutemberi muJerusarema paakanga ane makore 12, Bhaibheri rinoti akadzokera kumba naMariya nomurume wake Josefa uye “[Jesu] akaramba achizviisa pasi pavo.” (Ruka 2:51, 52) Asi Jesu akura, zvakava pachena kuti aiva asiri munhuwo zvake.
Jesu paakanyaradza gungwa raiva nemafungu aivira, shamwari yake yaitya yakati: “Iyeyu anombova ani?” (Mako 4:41) Pakupedzisira, Jesu akaunzwa kuna Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato achipomerwa zvenhema. Achiziva kuti Jesu ainge asina mhosva uye achiona kuzvidzora kwake pasinei nokuitirwa utsinye, uye kubatwa zvisina kunaka, Pirato akashamisika chaizvo, achibva apa Jesu kune vanhu, achiti: “Tarirai! Munhu wacho!” Asi vaJudha vakapindura kuti: “Tine mutemo, uye maererano nomutemo anofanira kufa, nokuti akazviita mwanakomana waMwari.”—Johani 19:4-7.
Paakanzwa kuti Jesu ainzi “Mwanakomana waMwari,” Pirato akatya. Akanga amboudzwa nezvechiroto chomudzimai wake pamusoro paJesu, uyo akati “munhu iyeye akarurama.” (Mateu 27:19) Saka Pirato akashamisika chaizvo kuti Jesu aimbova ani chaiye! Kunyange aiziva kuti Jesu aibva kuGarireya, Pirato akabvunza kuti: “Unobva kupi?” Jesu paakaramba kupindura, kurukurirano yakabva yapera.—Johani 19:9, 10.
Zviri pachena kuti Jesu aiva munhu, asi aiva akasiyana nevamwe vanhu vose mukuti pakutanga aiva munhu womudzimu, aizivikanwa mumatenga seShoko. Zvadaro upenyu hwake hwakatamisirwa kumimba yaMariya naMwari zvinoshamisa. “Shoko rakava nyama,” akapupurira kudaro muapostora Johani, “rikagara pakati pedu.”—Johani 1:1, 2, 14, 18; Zvakazarurwa 3:14.
Nei Paidiwa Munhu Anobva Kuna Mwari
Munhu wokutanga Adhamu, asati abereka vana, akaita chivi. Ngirozi yakapanduka, yakazonzi Dhiyabhorosi uye Satani, yakabudirira kuita kuti asateerere Mwari. Saka Adhamu akarasikirwa noukama hwake somwanakomana waMwari, sezvakanga zvataurwa naMwari kuti zvaizodaro kana akasateerera. Saka Adhamu akatambura migumisiro yacho. Akava asina kukwana, akakwegura uye pakupedzisira akafa.—Genesisi 2:15-17; 3:17-19; Zvakazarurwa 12:9.
Bhaibheri richitsanangura nezvomugumisiro wokusateerera kwaAdhamu kwatiri tose sevazukuru vake, rinoti: “Saka chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Zvinosuruvarisa kuti tose zvedu takagara nhaka yechivi kubva kuna baba vedu Adhamu, nemigumisiro yacho inoti kukwegura uye rufu.—Jobho 14:4; VaRoma 3:23.
Kusunungurwa kubva kumigumisiro yakadaro kwaigona kuzovapo chete nokuva nababa vakakwana, avo vakanga vasina kugara nhaka chivi uye migumisiro yacho inorwadza. Chimbofunga nezvenzira iyo baba ava vatsva vakafanana naAdhamu akakwana vakagoverwa nayo.
Ainyatsodiwa Chaiye Ndiye Akagoverwa
“Muchinda worugare” akapikirwa, sezvaungayeuka anonziwo “Baba vokusingaperi.” Kuberekwa kwake somunhu kwakafanotaurwa seizvi: “Mhandara ichava nemimba ichabereka mwanakomana.” (Isaya 7:14; Mateu 1:20-23, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Jesu akanga asina baba vari munhu, ndizvowo zvakanga zvakaita Adhamu, munhu wokutanga. Achitaura dzinza raJesu achidzokera shure kusvika pakatangira vanhu, munyori weBhaibheri Ruka anoratidza kuti Adhamu akavapo ari “mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Asi sokudzidza kwataita, Adhamu akarasa ukama ihwohwo hwokuva mwanakomana waMwari—iye nevana vake vose. Saka zvinoita sokuti tose zvedu tinoda baba mutsva akakwana—akafanana naAdhamu paakasikwa.
Mwari akatuma Mwanakomana wake kubva kumatenga kuti azova Adhamu mutsva kutsiva wokutanga. Bhaibheri rinoti: “‘Munhu wokutanga Adhamu akava mweya mupenyu.’ Adhamu wokupedzisira akava mudzimu unopa upenyu. Munhu wokutanga akabva panyika uye akaitwa neguruva; munhu wechipiri akabva kudenga.” (1 VaKorinde 15:45, 47) Jesu, “Adhamu wokupedzisira,” akafanana na“Adhamu wokutanga” mukuti akanga ari munhu akakwana, aikwanisa kubereka vana vakakwana, vaigona kurarama nokusingaperi vakakwana pasi pano.—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Jesu haana kumbova nevana, akaramba akatendeka kuna Mwari kusvikira parufu rwake, pasinei nokurwiswa kwose naSatani. Upenyu hwakakwana hwokutendeka hwaJesu hwaakapa, hunonzi rudzikinuro. “Tinosunungurwa [kubva kuchivi norufu zvatakagara nhaka kubva kuna Adhamu] norudzikinuro neropa rake [Jesu],” Bhaibheri rinotsanangura kudaro. Rinotiwo: “Nokuti vazhinji zvavakaitwa vatadzi nokuda kwokusateerera kwomunhu mumwe chete [Adhamu], saizvozvowo nokuda kwokuteerera kwomunhu mumwe chete [Jesu] vazhinji vachaitwa vakarurama.”—VaEfeso 1:7; VaRoma 5:18, 19; Mateu 20:28.
Kana tikatenda muna Jesu, anova zvose zviri zviviri “Baba vokusingaperi” uye “Muponesi” wedu. Achava muchinda anotonga nenzira inoshamisa, sezvaanoshanda soMutongi woUmambo hwaBaba vake. Zvino ngationgororei kuti zvichava zvakaita sei kurarama muutongi ihwohwo toongorora kuti ndirini patingatarisire zvikomborero zvakakura kudaro.—Ruka 2:8-11.
[Mifananidzo iri papeji 13]
Unofunga nezvaJesu sei nhasi?
[Mufananidzo uri papeji 14]
Chikonzero nei Jesu achinzi “Adhamu wokupedzisira”?