RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 April pp. 13-16
  • Ndirini Pandinofanira Kutanga Kudanana Nomumwe Munhu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndirini Pandinofanira Kutanga Kudanana Nomumwe Munhu?
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kudanana” Kuita Sei?
  • Zvinangwa Zvako Ndezvei?
  • Une Makore Mangani?
  • Wagadzirira Kuroora Here?
  • Ndagadzirira Kufambidzana Nomumwe Munhu Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndagadzirira Kuronga Misi Yokuvhakacha Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kufambidzana Nomumwe Munhu Muchivande—Kwakaipei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Zvapupu zvaJehovha Zvine Mitemo Here Panyaya Dzekupfimbana?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 April pp. 13-16

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndirini Pandinofanira Kutanga Kudanana Nomumwe Munhu?

“Unonzwa sokuti hauna kukwana kana usingadanani nomumwe munhu kuchikoro!” —Brittany.

“Ndinonzwa sokuti ndasaririra. Kunewo vakomana vakanaka vakawanda.”—Whitney.

KANA wamaka pakanzi “ndinonzwa kagodo” kana pakanzi “ndinonzwa shanje” pawapindura mumwe wemibvunzo iri pamusoro apa, hausi woga unonzwa saizvozvo. Munyika dzine tsika yokuti vanhu vadanane, vaduku vakawanda vangapindura saizvozvo. “Dzimwe nguva unonzwa sokuti wasaririra nokuti vezera rako vose vane vakomana asi iwe hauna,” anodaro Yvette ane makore 14.

Pfungwa yokuda kuva nomumwe munhu waunoti ndowepamwoyo—uye kuda kuva nomunhu anofunga kuti ndiwe chete—inogona kusimba zvikuru. “Chido chokuva nomusikana chinoramba chichikura zuva nezuva, uye zvakaoma kuchikurira!” anodaro mumwe mukomana achiri kuyaruka. Vamwe vanototanga kudanana vari vaduku chaizvo. Somuenzaniso, ongororo yakaitwa nemagazini yeTime yakaratidza kuti 25 muzana yevane makore 13 vakanga vatanga “kupfimbana kana kuti kudanana.” Unofunga kuti nguva yakanga yakwana here yokuti vadaro? Yakwana here nguva yokuti utange kudanana nomunwe munhu? Kuti tipindure mibvunzo iyi tinoda kutanga kukurukura mubvunzo uyu.

“Kudanana” Kuita Sei?

◼ Une waunogara uchifambidzana naye.

Muri kudanana here? □ Hungu □ Kwete

◼ Pane shamwari yaunotumirana nayo mashoko paserura, kana yaunofonerana nayo kakawanda pazuva.

Muri kudanana here? □ Hungu □ Kwete

◼ Hamudi kuti ushamwari hwenyu huzivikanwe. Vabereki venyu havazvizivi. Hausati wavaudza nokuti unoziva kuti vacharamba.

Muri kudanana here? □ Hungu □ Kwete

◼ Pose pamunenge mune shamwari dzenyu, munopedzisira mava penyu moga.

Muri kudanana here? □ Hungu □ Kwete

Zvimwe hauna kuva nechinetso nokupindura mubvunzo wokutanga, asi pamwe ungava wambomira zvishoma pakupindura mimwe. Chii chaizvo chinonzi kudanana? Munyaya ino tichakurondedzera sokuita zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoratidza kuti unoda mumwe munhu uye kuti munhu iyeye anokudawo. Zvichida pangave paboka kana kuti muri moga, pafoni kana kuti uine munhu wacho, zvimwe pane vanhu kana kuti kwete, kana iwe neshamwari yako muchinzwa kuti munokwezvana, muri kudanana.

Asi yakwana here nguva yokuti utange kudanana nomumwe munhu? Kufunga nezvemibvunzo mitatu kuchakubatsira kuziva izvozvo.

Zvinangwa Zvako Ndezvei?

Mumarudzi akawanda kudanana kunogamuchirwa senzira yokuti vanhu vaviri vazivane zviri nani. Asi kudanana kunofanira kuva nechinangwa chakanaka—chokubatsira mukomana nomusikana kuona kana zvakakodzera kuti varoorane. Nei?

Bhaibheri rinoshandisa mashoko okuti “kana iye ayaruka” kutsanangura kana adarika nguva iya iyo munhu anonzwa achinyanya kuda zvepabonde kana kuda mumwe munhu. (1 VaKorinde 7:36) Kunyanya kushamwaridzana nomusikana kana mukomana mumwe chete paunenge uchiri ‘kuyaruka’ zvinogona kukuchidzira chido ichocho uye zvinoita kuti udzidze nenzira yakaoma uchenjeri hwavaGaratiya 6:7 inoti: “Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”

Ichokwadi, vamwe vezera rako vangave vari kudanana vasina chinangwa chokuroorana. Vangaona shamwari yavo somunhu wokushamisira naye pane vamwe kana kuti anoita kuti vave nomukurumbira uye varemekedzwe. Kutamba norudo nenzira iyoyo utsinye, uye hazvishamisi kuti rudo rwakadaro nderwenguva pfupi. “Vaduku vakawanda vanodanana vanorega kufambidzana pashure pesvondo rimwe kana kuti maviri,” anodaro wechiduku anonzi Heather. “Vanoona kudanana sechinhu chinongopfuura—mupfungwa chaiyo kunovagadzirira kuzorambana kwete kuroorana.”

Zviri nyore kuti mumwe arwadziwe kana muchingodanana zvokutamba—zvokungonakidzwa kana kuti zvokuti zvingonzi ndine mukomana kana kuti musikana. Funga nezvaEric, pazera remakore 18 ainakidzwa nezvaaifunga kuti kungoshamwaridzana chete kwaaiita nomusikana wechiduku. Akazoziva kuti kumusikana wacho ushamwari hwavo hwaireva kudanana. “Iii! Ndakashamisika kuti iye aitoda zvokudanana,” anodaro Eric. “Ndaifunga kuti taingova shamwariwo zvadzo!”

Chokwadi, hazvina kuipa kuwadzana nevakomana kana vasikana paboka riri kutarisirwa zvakanaka. Zvisinei, kana totaura nezvokudanana, zvakanaka kumirira kusvikira wayaruka uye wanyatsogadzirira kuroora kana kuroorwa. Wechiduku anonzi Chelsea akazoziva izvi. “Ndaimbofunga kuti kudanana kunofanira kungova kutamba,” anobvuma kudaro, “asi hakusi kutamba kana mumwe achifunga zvakasimba nezvokuroorana uye mumwe asingafungi nezvazvo.”

Une Makore Mangani?

◼ Unofunga kuti izera ripi rakakodzera rokuti wechiduku atange kudanana nomumwe munhu? ______

◼ Zvino bvunza mubereki wako kana kuti vose mubvunzo mumwe chete, uye wonyora mhinduro yavo. ______

Zvingangodaro kuti makore awanyora okutanga ari pasi peechipiri. Kana kuti pamwe hazvina kudaro! Ungava uri mumwe wevechiduku vakawanda vakachenjera vari kumbomira kudanana nomumwe munhu kusvikira vakura zvokunyatsoziva zvavanoda. Ndizvo zvakasarudzwa nomuKristu wechiduku anonzi Sondra, kunyange zvazvo ava pazera rokuti angaroorwa. Sondra anoti: “Kana muchidanana unoda kuti mumwe wako akuzive. Asi kana usingazvizivi iwe pachako, ungada kuti mumwe akuzive sei?”

Danielle ane makore 17, anofungawo izvozvo. Anoti, “Ndinofunga kuti makore maviri adarika, zvandaizotarisira kune wandaizoda kuroorana naye zvakasiyana chaizvo nezvandingatarisira iye zvino. Kutaura zvazviri, kunyange panguva ino handifungi kuti ndati ndava kukwanisa kunyatsosarudza. Kana ndava kunzwa kuti ndava nechokwadi nezvandiri kwemakore anoverengeka, ndipo pandichazofunga nezvokudanana nomumwe munhu.”

Wagadzirira Kuroora Here?

Sezvo kudanana riri danho rokutanga kuti vanhu vazoroorana, ungaita zvakanaka kuzvibvunza kana uchikwanisa kuzoita zvinotarisirwa murume kana mudzimai—baba kana kuti amai. Unoziva sei kuti wagadzirira izvozvo? Funga zvinotevera.

◼ Ukama Unoona sei vabereki nevanun’una vako? Unombotadza kuzvidzora pakutaura navo here, zvichida uchimbova nehasha kana kuti uchimbotsvinya kuti vaone zvaunofunga? Vachati chii nezvako pane izvi? Zvaunoita kune vomumhuri yako ndizvo zvauchaitawo kune waucharoorana naye.—VaEfeso 4:31, 32.

◼ Mari Unotarisira sei mari? Unogara uine zvikwereti here? Unogona kuchengetedza basa here? Kana zvisina kudaro, nei? Imhaka yebasa racho here? Mushandirwi here? Kana kuti imhaka yotumwe tutsika twaunoita here? Kana usingakwanisi kuchengetedza mari uri woga, uchachengetedza sei yemhuri yako?—1 Timoti 5:8.

◼ Zvokunamata Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, une unhu hupi hwechiKristu? Unonzwa uchida here kuverenga Shoko raMwari, kuva muushumiri, uye kutsinhira pamisangano yechiKristu? Kana usingakwanisi kuramba wakasimba pakunamata, ungazokurudzira sei mumwe wako kuti azviite?—2 VaKorinde 13:5.

Izvi zvinongova zvinhu zvishomanana pane zvaunofanira kufunga nezvazvo kana uchifunga zvokudanana uye kuroorana. Panguva ino, unogona kushamwaridzana nevakomana kana vasikana muboka rakakodzera. Gare gare, kana ukasarudza kudanana nomumwe munhu, unenge wava kuziva kuti uri munhu akaita sei uye kuti unodei pamunhu wauchava naye kwoupenyu hwako hwose.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Zvinotaurwa Nevamwe Vezera Rako

“Dzimwe nguva ndinonzwa godo nevaviri vanodanana—kunyange vakaroorana. Asi kudanana hakusi kwokutamba. Kana zvirizvo uri kutamba nemanzwiro omumwe munhu. Ndinofunga kuti kudanana kutsvaka kana munhu iyeye ari munhu waunoda kuroora chaiye.”—Blaine, ane makore 17.

“Handifungi kuti unofanira kudanana nevakomana zvo‘kungotamba’ uchimirira munhu waunoda chaiye. Izvozvo zvingangorwadzisa mumwe wako.” —Chelsea, ane makore 17.

“Ndinofunga kuti unofanira kuva munhu akura zvokuti uroore kana kuroorwa usati watanga kudanana nomumwe munhu. Zvikasadaro zvingafanana nokuenda kunobvunzurudzwa nezvebasa asi iwe uchiri kuchikoro uye usina chinangwa chokubvuma basa racho.”

—Sondra, ane makore 21.

[Mufananidzo uri papeji 15]

ZVOKUFUNGA

[Mufananidzo uri papeji 15]

◼ Ungashamwaridzana nevasikana kana vakomana mumamiriro api ezvinhu akakodzera?

◼ Unhu hupi hwaunoda kushandira kuitira kuti ugadzirire kuroora kana kuroorwa?

Mamwe mashoko anogona kuwanika papeji 13-26 yebhuku iri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Dzimwe nyaya dzine musoro unoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” dzinowanika paIndaneti www.watchtower.org/ype

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuva pamwe chete nevakomana kana vasikana muboka rakakodzera kunogona kuva kwakanaka uye kunobatsira

[Mufananidzo uri papeji 15]

Chakavanzika

CHOMUFARWA

WEMHURI

[Mufananidzo uri papeji 15]

>

[Mufananidzo uri papeji 13]

◼ Unoona mukomana nomusikana vakabatana maoko vachifamba zvishoma nezvishoma vari mukoridho rechikoro vachibva kukirasi imwe vachienda kune imwe. Unonzwa sei?

□ Handina basa nazvo

□ Ndinonzwa kagodo

□ Ndinonzwa shanje

◼ Uri kufirimu neshamwari paunoona kuti munhu wose ane mukomana kana musikana—kunze kwako! Unonzwa sei?

□ Handina basa nazvo

□ Ndinonzwa kagodo

□ Ndinonzwa shanje

◼ Shamwari yako yatanga kuratidza kufarira mumwe musikana kana mukomana uye zvino vava kudanana. Unonzwa sei?

□ Handina basa nazvo

□ Ndinonzwa kagodo

□ Ndinonzwa shanje

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kunyevera Vabereki

Vana venyu vachazongopedzisirawo vava kudanana nomumwe munhu. “Hapana chandinofanira kuita!” anodaro Philip. “Vasikana vanondida, saka ndinombomira ndichifunga kuti, ‘Ndoitei zvino?’ Zvakaoma kuti kwete nokuti vamwe vacho itsvarakadenga chaidzo!”

Chinhu chakanaka chaungaita somubereki ndechokutaura nomwana wako nezvokudanana. Wadii washandisa nyaya ino sepokutangira? Tsvaka kuti mwanakomana kana mwanasikana wako anonzwa sei nezvezvinetso zvaari kusangana nazvo kuchikoro kunyange muungano yechiKristu. Dzimwe nguva kukurukurirana kwakadaro kunogona kuitika mumamiriro ezvinhu asina kurongwa akadai ‘sepamunenge mugere mumba menyu uye pamunenge muchifamba mumugwagwa.’ (Dheuteronomio 6:6, 7) Pasinei nemamiriro ezvinhu, yeuka ‘kukurumidza kunzwa, wononoka kutaura.’—Jakobho 1:19.

Kana mwanakomana kana mwanasikana wako akaratidza kuti anoda mumwe munhu, usavhunduka. “Baba vangu pavakaziva kuti ndine mukomana, vakagumbuka!” anodaro mumwe musikana ari kuyaruka. “Vakaedza kundityisidzira nemibvunzo yokuti ndakanga ndagadzirira kuroorwa here—zvokuti kana uri muduku inogona kukuita kuti unzwe sokuti unoda kurebesa kufambidzana kwacho kuitira kuti uratidze vabereki vako kuti zvavari kutaura hazvisizvo!”

Kana ari kuyaruka akaziva kuti kudanana hakukurukurwi, chimwe chinhu chakaipa chingaitika: Anogona kudanana nomunhu musingazvizivi. “Kana vabereki vakashatirwa,” anodaro mumwe musikana, “zvinoita kuti vana vatowedzera kuda kuvanza kudanana kwavo. Havamboregi. Vanobva vazviita zvisingaoneki.”

Unowana migumisiro yakanaka nokungokurukura pachena. Mumwe mudzimai wechiduku ane makore 20 anoti: “Vabereki vangu vave vachindibudira pachena nezvokudanana. Zvinokosha kuti vazive wandiri kufarira, uye ndinofunga kuti zvakanaka! Baba vangu vanotaura nomunhu wacho. Kana paine zvavasiri kufara nazvo, vabereki vangu vanondiudza. Kazhinji ndinosarudza kuti handimudi tisati tatombotanga kudanana.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe