Zvakadii nemhiko dzokusaita zvepabonde?
MUMAKORE achangopfuura, mhiko dzokusaita zvepabonde kana kuti dzokuchengetedza umhandara kana ujaya, dzakadai sokuti “Handiiti zvepabonde kusvikira ndaroora [kana kuti ndaroorwa],” dzave dzichiitwa nevaduku vakawanda. Mhiko idzi dzinoratidza vavariro dzakanaka uye dzinowirirana nemirayiro yeBhaibheri. (1 VaKorinde 6:18; VaEfeso 5:5) Zvisinei, hazvina chokwadi kana vachichengeta mhiko dzavo. Maererano neimwe ongororo inenge 60 muzana yevaduku vane makore 13 kusvika ku19 vakaputsa mhiko dzavo gore risati ratombopera.
Uyezve, zviri kutyirwawo ndezvokuti vaduku havazivi chavanoti “kusaita zvepabonde” uye kuchengetedza “umhandara kana ujaya.” Mubhuku ravo rinonzi Boy Crazy!, Charlene C. Giannetti naMargaret Sagarese vakanyora kuti: “Nyanzvi dzakati kuwedzera kwokuita zvepabonde nomumukanwa, kunyange nokunobuda netsvina, ‘kutaura zvazviri’ kuri kuitwa nevana vanenge vachida kuchengetedza umhandara kana ujaya vachifunga kuti vanenge vasina kurara nomunhu. Vanoti kana musina kurara mose nenzira chaiyo yazvinofanira kuitwa nayo munenge musina kuita zvepabonde.”
Zviri pachena kuti ndizvo zvinofunga vakawanda. Apedza kubvunzurudza vaduku vane makore 13 kusvika ku19 vanopfuura 1 000, mumwe munyori akati: “Kunenge kuti muduku mumwe chete kana kuti vaviri pazana ndiye aiona kuita zvepabonde nomumukanwa sokuti kutoita zvepabonde.” Akatizve: “Unofanira kuziva kuti zvichida ndizvo zvinofunga mwana wako.”
Vaya vanochengetedza mitemo yeBhaibheri vanoziva kuti kuita zvepabonde nomumukanwa uye nokunobudisa tsvina—sezvazviri kungotaura zvoga—kutoita zvepabonde. Bhaibheri rinorayira kuti ‘tirege ufeve’ (‘kurega zvachose unzenza,’ Today’s English Version) kusanganisira marudzi ose okuita zvepabonde.—1 VaTesaronika 4:3.