Ndakasarudza Basa Rakanaka
Yakataurwa naSonia Acuña Quevedo
Ndakaudzwa kuti ndaizokwidziridzwa pabasa kubhengi. Basa racho raizoita kuti ndiremekedzwe uye nditambire mari yakawanda. Zvisinei, ndipowo pandakanga ndichangobva kukumbirwa kuti ndinoshumira sapiyona wenguva yakazara kuungano yaiva kure. Ndichifunga nezvezvandakasarudza makore 32 apfuura, ndinoziva kuti ndakasarudza nokuchenjera.
AMAI vakarerwa vari muchechi yeRoma Katurike asi vakanga vasina chokwadi nedzidziso dzayo. Vaizvibvunza kuti, nei mifananidzo yakagadzirwa nevanhu ichifanira kunamatwa? Chokwadi chechitendero chaikosha kwavari, uye vakachinja vachinjazve machechi vachitsvaka mhinduro, asi zvakashaya basa.
Rimwe zuva vakanga vakagara zvavo panze peimba yedu muTuxtla, Mexico, vachifefeterwa nemhepo pakasvika mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vafadzwa nokupindurwa kwavaiitwa mibvunzo yavo neBhaibheri, vakabvuma kuti murume wacho adzoke zvakare. Paakadzoka, Amai vakanga vakamumirira vaine mufundisi wokuchechi yeAdventist, mupristi weKaturike, uye muparidzi wechechi yeNazareta. Vakabvunza nezveSabata, uye Chapupu chacho ndicho chakangopindura neMagwaro zvaigutsa. Kutaura zvazviri, ndicho chete chaiva neBhaibheri! Muna 1956, pashure pemwedzi mitanhatu vachidzidza Bhaibheri, vakabhabhatidzwa vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndaiva nemakore masere.
Zvainyanya Kutyirwa Nababa
Baba vakanga vasingashori kudzidza kwaiita Amai Bhaibheri. Asi pavakatanga kutidzidzisa isu vana vana—vakomana vaviri nevasikana vaviri—nokupinda misangano yechiKristu, Baba vakarasa mabhuku avo ose. Vaine chokwadi chokuti takanga tichitsauswa, vakaedza kushandisa Bhaibheri reKaturike kuti varatidze kuti Zvapupu zvakanga zvaisa nokunyengera zita raMwari rokuti Jehovha mushanduro yazvo. Amai pavakavaratidza zita iroro muBhaibheri ravo, vakashamisika chaizvo, uye maonero avaiita Zvapupu akatanga kuchinja.—Pisarema 83:18.
MuMexico, zuva rinosvitsa mwanasikana makore 15 okuzvarwa rinokosheswa chaizvo. Sezvo kupemberera zuva rokuzvarwa kusingabvumirwi nemagwaro, ndakanga ndisingachapembereri zuva rangu.a Asi Baba vakaramba vachingoda kundiitira chimwe chinhu chaikosha. Ndakafunga nezvazvo ndokuvaudza kuti, “Pane kuti mundipe chipo ndinoda kuti muendewo neni kugungano rinotevera reZvapupu zvaJehovha.” Vakabvuma, uye vakawedzera kufarira Bhaibheri.
Humwe usiku, pashure pedutu rine simba, Baba vakakuvadzwa zvakaipisisa pavakatsika tambo yemagetsi yakanga yawira pasi. Zvavaipora vari muchipatara, Zvapupu zvokwataigara zvaivatarisira kwemaawa ose 24—havana kuzombokanganwa rudo rwechiKristu urwu rwavakaratidzwa. Gare gare vakatanga kuita ushumiri hwepachena ndokutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Zvinosuruvarisa kuti musi waSeptember 30, 1975, kwasara mwedzi mumwe chete kuti vabhabhatidzwe, vakabva vafa. Tinoda kwazvo kuzovaona pachamutswa vanhu!—Mabasa 24:15.
Kutsigira Kwakanaka Kwemhuri
Mukoma wangu Carmen, akagara achikoshesa ushumiri hwenguva yakazara. Achangobhabhatidzwa muna 1967, akava piyona wenguva dzose, achipedza maawa anenge 100 muushumiri pamwedzi. Nokufamba kwenguva, akatamira kuguta reToluca, riri nechepakati peMexico. Ndakawana basa mubhengi ndokubhabhatidzwa musi waJuly 18, 1970.
Ushumiri hwenguva yakazara hwakaita kuti Carmen afare zvikuru, uye akandikurudzira kuti ndiitewo naye basa iri muToluca. Rimwe zuva ndaifunga nezvazvo pandaiteerera hurukuro yairatidza kuti vateveri vaJesu vaifanira kushandisa zvinhu zvavo zvinokosha mukunamata kuti vakudze Mwari. (Mateu 25:14-30) Ndakazvibvunza kuti, ‘Ndiri kushandisa here nesimba zvipo zvokunamata zvandakapiwa?’ Pfungwa dzakadaro dzakandikurudzira kuti ndide kuitira Jehovha zvakawanda.
Kusarudza Pakati Pevavariro Mbiri
Muna 1974, ndakanyora tsamba ndichikumbira kushumira ndiri piyona mune imwe ndima. Ndichangodaro, ndiri kubasa ndakabva ndatambira runhare rwaibva kune mumwe mukuru wechiKristu wokuToluca. “Tange takakumirira. Nei usati wauya?” akabvunza kudaro. Ndakashamiswa kuti ndakanga ndagadzwa kuti ndishumire ndiri piyona chaiye kuToluca, asi zviri pachena kuti tsamba yaifanira kundiudza nezvazvo yakanga yarasika! (Mapiyona chaiwo anobvuma kushanda nguva yakazara kwose kwaanenge akumbirwa kunoshanda nesangano raJehovha.)
Pakarepo ndakaudza vebhengi kuti ndakanga ndasarudza kusiya basa. “Chimbomira Sonia,” akadaro mukuru wangu webasa, achindiratidza kapepa. “Tichangobva kuudzwa kuti ndiwe mumwe wevakadzi vanomwe vasarudzwa kuti vave vatevedzeri vemamaneja. Kambani yedu haisati yambopa vakadzi chinzvimbo ichi. Haungadi chinzvimbo ichi here?” Sezvandambotaura, chinzvimbo ichi chaireva kuti ndaizotambira mari yakawanda uye ndaizoremekedzwa. Kunyange zvakadaro, ndakatenda mukuru wangu webasa ndokumuudza kuti ndakanga ndasarudza kushumira Mwari zvizere. “Kana zvakadaro, ita hako zvawasarudza,” akadaro. “Asi yeuka kuti kana uchizongoda kushanda mubhengi mukana wakangokuzarukira.” Mazuva maviri gare gare ndakanga ndava muToluca.
Kushanda Ndiri Piyona Chaiye muMexico
Pandakazotanga kushanda naye, Carmen akanga ashanda ari piyona chaiye muToluca kwemakore maviri. Takafara chaizvo kuva pamwe chete zvakare! Takangova pamwe chete zvenguva pfupi. Mwedzi mitatu gare gare, Amai vakapinda mutsaona, nokudaro vaida kugara vachitarisirwa vari kumba. Takurukura nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha, ini naCarmen takabvumirana kuti iye adzokere kumba kunotarisira Amai, zvaakaita kwemakore 17. Panguva iyoyo, Carmen aiva piyona wenguva dzose, achikoka vaaidzidza navo Bhaibheri kuti vadzidzire kumba, kuitira kuti abatsirewo Amai.
Muna 1976, ndakanzi ndinoshandira kuTecamachalco, guta raisiyanisa vanhu pakuti—varombo vaigara kune rimwe divi reguta racho, vapfumi vachigara kune rimwe divi. Ndakatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe mukadzi aiva akwegura akanga asina kumboroorwa uye aigara nehanzvadzi yake yakanga yakapfuma. Paakaiudza kuti aida kuva Chapupu, yakamutyisidzira kuti yaizomudzinga pamba. Kunyange zvakadaro, mukadzi uyu aizvininipisa haana kutya, uye abhabhatidzwa, hanzvadzi yake yakaita zvayakanga yataura. Kunyange zvazvo akanga ava nemakore 86 panguva iyoyo, akanyatsovimba naJehovha. Ungano yakamutarisira, akaramba akatendeka kusvikira parufu rwake.
Chikoro cheGiriyedhi, Nokuzoenda kuBolivia
Ndakafara kugara muTecamachalco kwemakore mashanu ainakidza. Ndakabva ndatambira tsamba yaindikumbira kuti ndipinde Chikoro cheGiriyedhi chaizoitirwa kuMexico. Sezvinoratidzwa nezita racho, chaiva chikoro cheGiriyedhi asi chakanga chisingaitirwi kuNew York. Amai naCarmen vakandikurudzira kuti ndiende, saka ndakaenda kuhofisi yebazi kuGuta reMexico kunopinda kosi yacho yemavhiki gumi, chinhu chandisingakanganwi muupenyu hwangu hwokunamata. Kirasi yedu yakapedza kudzidza musi waFebruary 1, 1981, uye ndakakumbirwa kunoshandira kuLa Paz, Bolivia, ndiina Enriqueta Ayala (ava kunzi Fernández).
Patakasvika muLa Paz, hama dzaifanira kutitambira dzakanga dzisati dzasvika. Takabvunzana kuti, “Tiri kutambisirei nguva?” Saka takatanga kupupurira vanhu vaiva panhandare yendege. Pashure pemaawa matatu ainakidza, takaonana nehama dzokubazi. Dzakumbira ruregerero, hama dzacho dzakati migwagwa yakanga yakavharwa pamusana pemhemberero yemafaro.
Kupupura Pamusoro Pemakomo Akareba Kwazvo
Nyika yeLa Paz iri pamusoro pegungwa nemamita anoda kusvika 3 625, saka mazuva akawanda taiparidza pamusoro pemakomo akareba kwazvo. Nokuti mhepo yacho yainge isina okisijeni yakawanda zvainge zvakaoma kufema, uye ndaikurumidza kuneta ndangoshanda zvishoma muushumiri. Kunyange zvazvo zvakanditorera gore kuti ndijaire kugara munyika iyi yakakwirira, zvikomborero zvaJehovha zvaiva zvakawanda kwazvo kupfuura kuneta kwandaiita. Somuenzaniso, mamwe mangwanani muna 1984, ndakakwira gomo ndichienda kwaiva nemba yaiva panhongonya chaipo pegomo. Ndaneta, ndakagogodza musuo wacho, uye mumwe mukadzi akabuda. Takakurukurirana zvakanaka, uye ndakamuudza kuti ndaizodzoka mumazuva mashomanana.
“Handina chokwadi nazvo,” akadaro. Zvisinei, ndakadzoka, uye mukadzi wacho akandikumbira kuti ndidzidzise mwanasikana wake Bhaibheri. Ndakamuudza kuti, “Ibasa revabereki. Zvisinei, ndichakubatsirai kana muchida.” Akabvumirana nazvo ndokubvumawo kudzidza Bhaibheri. Nokuti akanga asingagoni kuverenga, takatanga nekabhuku kanonzi Dzidzai Kurava Nokunyora, kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha nokuda kwevanhu vakadaro.
Nokufamba kwenguva mhuri yacho yakakura ikava nevana vasere. Pandaishanya, vamwe vana vemhuri iyi vaibatana maoko vondibata vachindibatsira kukwira mukwidza wacho. Pakupedzisira mhuri yacho yose yakashumira Jehovha—baba, amai, nevana vasere. Vatatu pavasikana vacho vava mapiyona, uye mumwe wevakomana vacho mukuru muungano. Pavakafa muna 2000, baba vacho vaiva mushumiri anoshumira muungano. Ndinonzwa manyukunyuku pandinofunga nezvemhuri iyi yakanaka nokutendeka kwayo! Ndinoonga Jehovha akandibvumira kuti ndiibatsire.
NaCarmen Zvakare
Amai vashaya muna 1997, Carmen akakumbirwazve kuti ave piyona chaiye. Muna 1998 akanzi auye kuzoshandira kuCochabamba, Bolivia, kwandaishandira. Chokwadi, pashure pemakore 18 takanga tava pamwe chete zvakare, uye Carmen akaitwa mumishinari. Takava nenguva yakanaka muCochabamba, kune mamiriro okunze akanaka chaizvo! Pari zvino, tiri kuSucre, Bolivia, guta rakanaka zvikuru rine vanhu 220 000 riri pachikomo chakakwirira. Zvarakambopiwa zita remadunhurirwa rokuti Little Vatican nokuti raiva nemachechi akawanda eKaturike, iye zvino guta racho rava neungano shanu dzeZvapupu zvaJehovha.
Ini naCarmen tave tichipayona kwemakore anopfuura 60 kana abatanidzwa, uye takawana ropafadzo isingaenzaniswi yokubatsira vanhu vanopfuura zana kuti vabhabhatidzwe. Chokwadi, hapana mubvunzo kuti kushumira Jehovha nomweya wose ndiko kunogutsa kwazvo muupenyu!—Mako 12:30.
[Mashoko Omuzasi]
a Mhemberero mbiri dzemazuva okuzvarwa dzinotaurwa muMagwaro dzakaitwa nevahedheni uye dzakaguma zvisina kunaka. (Genesisi 40:20-22; Mako 6:21-28) Zvisinei, Shoko raMwari rinokurudzira kupa kunobva pamwoyo, kwete kwokutevedzera zvinoitwa kwamunogara kana kuti kutevedzera vamwe vezera rako.—Zvirevo 11:25; Ruka 6:38; Mabasa 20:35; 2 VaKorinde 9:7.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Ndaikwira gomo kuti ndinodzidza nemhuri iyi
[Mufananidzo uri papeji 31]
Ndiri muushumiri nomukoma wangu, Carmen (kurudyi)