Varombo Vane Tariro Yei?
HAPANA chakaipa kuti vanhu vashande nesimba kuti vawane chouviri, chero bedzi vanoshanda zvakadaro vachizowana mubayiro wakakodzera. Ona zvakataurwa nomumwe munyori weBhaibheri, kuti: “Ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani . . . kupfuura kuti munhu afare . . . uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.”—Muparidzi 3:12, 13.
Sezvataona, mamiriro akaita zvoupfumi munyika anoda kuti vanhu vafondoke nebasa asi kazhinji kacho vasingabhadharwi zvakakodzera. Vakawanda vanoramba vari varombo, vachitamburira kuti vararame zuva nezuva. Kashoma kuti ‘vafare’ uye ‘vafadzwe nezvinhu zvakanaka’ pamusana poupenyu hwavanorarama. Nyika yapfuma zvikuru, asi zvichida hafu yevanhu haidyi pfuma yacho.
Mwari Anofarira Varombo
Musiki wevanhu, Jehovha Mwari, haafadzwi nemamiriro ezvinhu aripo. Jehovha anonzwira tsitsi varombo. MuBhaibheri tinoverenga kuti: “[Mwari] haazombokanganwi kuchema kwevanotambudzika.” (Pisarema 9:12) Jehovha ndiMwari ane hanya nevarombo.
NezvaJehovha, Bhaibheri rinoti: “Munhu anotambudzika, nherera, anozviisa kwamuri. Imi makava mubatsiri wake.” (Pisarema 10:14) Ona zvinotaurwa nendima iyi yeBhaibheri nezvevanotambudzika somunhu mumwe nomumwe.a Chokwadi, Mwari anotarisa munhu mumwe nomumwe uye anofunga nezvezvavanoda somunhu mumwe nomumwe. Munhu wose anokosha kwaari uye akakodzera kufungwa nezvake. Jehovha anokoka vanhu vose varombo nevapfumi kuti vadzidze kwaari uye kuti vashamwaridzane naye.
Vanhu vanodzidza kunzwirana tsitsi kuna Mwari. Zvapupu zvaJehovha vanhu vanozviona semhuri huru yakabatana mukunamata. Vanokoshesana pachavo—rudo rwavo rwechokwadi rwechiKristu rwakatekeshera. Ishe Jesu Kristu akamboudza vateveri vake kuti: “Imi mose muri hama.” (Mateu 23:8) Saka, vose vanobatana nevamwe mukunamata kwechokwadi vanova vamwe vehama dziri munyika yose dzisingasaruri pamusana poupfumi. Vanotarisirana uye vanokurudzirana munguva yokutambudzika.
Bhaibheri rine mashoko anoratidza kuti tingaderedza sei urombo. Magwaro anoratidza kuti Mwari anoshora kusvibisa muviri—kwakadai sokusvuta fodya—uye kudhakwa nedoro. (Zvirevo 20:1; 2 VaKorinde 7:1) Munhu anorarama achitevedzera zvinotaurwa neMagwaro anochengetedza mari yaizopambadzwa muzvinhu zvinokuvadza. Haazorwari nezvirwere zvinokonzerwa nokusvuta nokudhakwa uye mari yake haizopereri mukurapwa. Bhaibheri rinodzidzisawo vanhu kuti vasanyanya kuda zvinhu uye kuti varege kukara. (Mako 4:19; VaEfeso 5:3) Munhu paanoremekedza Shoko raMwari munyaya idzi, mari yake haizopereri mukubheja.
Bhaibheri rine mashoko anobatsira muupenyu hwezuva nezuva, kunyange muurombo hwakanyanyisa. Ona chakaitika chinotevera:
Mune imwe nyika ine urovha hwakanyanya, mumwe mukadzi anoshanda pane imwe fekitari akaisa basa rake parumananzombe paakakumbira nguva yokuti aende kumisangano yechiKristu. Zvaiva nyore kuti maneja wake amudzinge basa. Asi iye nevamwe vashandi vakapera mate mukanwa maneja wacho paakamubvumira. Uyezve, maneja wacho akamuudza kuti aida kuti arambe achishanda mufekitari yake uye akamurumbidza achiti aiva “mushandi akanaka.” Nei?
Mushandi iyeye, ari mumwe weZvapupu zvaJehovha anorarama achishandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. Achida ‘kuva akatendeseka muzvinhu zvose,’ akanga asinganyepi uye asingabi zvichibva zvaita kuti ave nomukurumbira wokutendeseka. (VaHebheru 13:18) Achiteerera mashoko akafuridzirwa ari pana VaKorose 3:22, 23, aiita basa rake “nomwoyo wose.” Izvi zvinoreva kuti aiteerera munhu waaishandira uye aiva nechokwadi chokuti ashanda nomwoyo wose pabasa rake zuva nezuva.
Chokwadi, tiri kurarama munguva ine vanhu vanotarisira zvoupfumi vazere noudyire uye vanonyanya kuda kuwana purofiti. Vamwe vanoremekedza zvikuru Bhaibheri vangava vachiri kukwangwaya kuti vawane zvokudya uye pokugara. Asi vanhu ava vane hana yakanaka pamberi poMusiki wavo uye vanotarisira nguva yemberi iri nani vaine chivimbo, nokuti Jehovha “Mwari anopa tariro.”—VaRoma 15:13.
Chichapedza Urombo Zvachose
Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anovenga vaya vanokonzera kudzvinyirirwa kwevarombo. Shoko raMwari rakafuridzirwa rinoti: “Vane nhamo vaya vari kudzika mirau inokuvadza nevaya, vanogara vachinyora, vakanyora zvinonetsa chose, kuti vasundire kure vakaderera vachibva panyaya inofanira kutongwa, kuti vabvutire . . . , vanotambudzika kururamisira, kuti chirikadzi dzive zvakapambwa zvavo, uye kuti vapambe kunyange nherera!” (Isaya 10:1, 2) Pasinei nokuti vanoregeredza varombo noune kana kuti vanoita vasingazivi, vanotarisira zvoupfumi munzanga mazuva ano vanobatanidzwawo pavadzvinyiriri vachaparadzwa naMwari Wemasimbaose.
Muprofita Isaya anobvunza vadzvinyiriri ivava mubvunzo unotokonya pfungwa wokuti: “Muchaitei pazuva rokufungwa kwenyu uye pakuparadzwa, pakunenge kuchibva kure?” (Isaya 10:3) Jehovha achavatsvaira nokuparadza udzvinyiriri hwavanokonzera.
Chinangwa chaMwari hachisi chokungoparadza vadzvinyiriri chete. Achaita kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vararame vasina anovadzvinyirira. Achishandisa hurumende iri nani, achaita kuti vanhu vose vararame upenyu hunogutsa, vachifara uye vasingatamburi. Kuti ubudirire panguva iyoyo, haufaniri hako kugara nhaka mazakwatira emari, kushamwaridzana neshoroma, kana kuva nyanzvi yezvemabhizimisi. Tingava sei nechokwadi chokuti zvinhu zvichachinja?
Jesu Kristu, akagadzwa naJehovha kuti atonge vanhu, akataura nezveremangwana iroro rakanaka kwazvo achiti “kusikwazve.” (Mateu 19:28) Shoko iri rine pfungwa yokuita kuti chinhu chivezve chitsva, kuti vanhu vachava nemavambo matsva oupenyu. Nokushandisa shoko rokuti “kusikwazve,” Jesu akasimbisa kuti Jehovha achapa vanhu vakarurama mukana wokuti vararame sezvinodiwa noMusiki wedu ane rudo. Chimwe chinhu pane zvakawanda zvaachaitira vanhu panguva iyoyo ndechokubvisa zvachose zvinetso zvemari zviri kuonesa ndondo vanhu vakawanda.
Bhaibheri rinotaura mashoko ouprofita nezvokutonga kwaJesu Kristu richiti: “Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba, ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.”—Pisarema 72:12-14.
Nguva yemberi yakanaka yakakumirira. Asi kuti uite zvinodiwa naMwari zvinozoita kuti urarame munyika itsva iyoyo, zvinokosha kuti utange wadzidza wobva waita zvinodiwa naMwari wechokwadi. Sarudza zvinhu nouchenjeri uchishandisa zivo yeShoko raMwari. Rarama uchitarisira remangwana rakanaka chaizvo rakachengeterwa vanhu vose naMwari. Hauzombozvidembi. Shoko raMwari rinopikira kuti: “Murombo haazokanganwiki nguva dzose, uyewo tariro yevanyoro haizomboparari.”—Pisarema 9:18.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe ndima mbiri dzeBhaibheri dzinoratidza kuti Mwari ane hanya nevanhu vanotambura ndiPisarema 35:10 naPisarema 113:7.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Nguva yemberi yakanaka yakakumirira
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]
Ndinofanira Kutamira Kune Mafuro Manyoro Here?
Shoko raMwari hariudzi vanhu kuti vanofanira kurarama vari kupi kana kuti vanofanira kushanda vari kupi. Zvisinei, Bhaibheri rinogona kubatsira munhu kuti aone kana zvakakodzera kuti atamire kune imwe nyika nokuda kwezvikonzero zvemari. Ona mibvunzo inotevera uye Magwaro anobatsira panyaya iyi.
1. Ndiri kuda kutama pamusana porunyerekupe rwandinonzwa here? Zvirevo 14:15 inoti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.” Pashure pokunge atamira kunyika yakapfuma, mumwe murume wokuEastern Europe akati: “Ndakanzwa kuti kuno mari marara inoita zvokuorerwa. Asi ndichiri kungoitsvaka.”
2. Ndine maonero akanaka here ezvinhu zvinodiwa nemhuri yangu? Ndiri kutadza kusiyanisa zvinhu chaizvo zvandinofanira kuva nazvo nezvisinganyanyi kukosha here? Misoro yemhuri inotofanira kuriritira madzimai ayo nevana vayo. (1 Timoti 5:8) Asi vanababa vakapiwa basa naMwari rokudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka uye kuti vanamate. (Dheuteronomio 6:6, 7; VaEfeso 6:4) Baba vangakwanisa kuriritira mhuri yavo kana vakatamira kune imwe nzvimbo. Asi havazogoni kudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka, zvokunamata, kana vasingagari navo kwevhiki dzakawanda, mwedzi kana makore akawanda.
3. Ndinoziva here kuti kuparadzana nomudzimai wangu kwenguva yakareba kungatiisa pangozi yokuita upombwe? Shoko raMwari rinonyevera vakaroorana kuti vagutsane mune zvepabonde.—1 VaKorinde 7:5.
4. Ndinoziva here kuti kupinda munyika zvisiri pamutemo kuzvisikira moto muziso kana zviremera zvikazviziva? VaKristu vechokwadi vanosungirwa kuteerera mitemo yenyika.—VaRoma 13:1-7.
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Zvinodzidziswa neBhaibheri zvinoshanda zvisinei nokuti tiri vapfumi here kana kuti varombo
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]
Pamusoro: © Trygve Bolstad/Panos Pictures