RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 October p. 9
  • Dzidzisai Nezvamunoita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisai Nezvamunoita
  • Mukai!—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Madzidzisiro Api Anonyatsoita?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vana Vedu—Nhaka Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 October p. 9

Danho 7

Dzidzisai Nezvamunoita

Nei izvi zvichikosha? Zviito zvinodzidzisa. Mashoko ndeekungoudza munhu chete. Somuenzaniso, vabereki vangaudza vana vavo kuti varemekedze vakuru uye vataure chokwadi. Zvisinei, kana vabereki vachipopoterana uye vachituka vana kana kureva nhema kuti vazvidzivirire, vanenge vachivadzidzisa kuti ndizvo zvinofanira kuitwa nevanhu vakuru. Mumwe munyori anonzi Dr. Sal Severe anotaura kuti kutevedzera vabereki “ndiyo imwe yenzira dzinoshanda zvikuru dzokudzidza kunoita vana.”

Nei izvi zvakaoma? Vabereki havana kukwana. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Panyaya yokutaura zvakanaka, mudzidzi Jakobho akanyora achiti: “Pavanhu hapana kana mumwe chete anogona kupingudza rurimi.” (Jakobho 3:8) Uyewo, hazvishamisi kuona vana vachida kuona kuti vabereki vanoshivirira kusvika papi. Larry, vamwe baba vane vana vaviri, anogara akadzikama uye achizvidzora anoti: “Ndakashamiswa kuona kuti zvaiva nyore zvikuru kuti vana vangu vanditsamwise.”

Zvii zvichakubatsirai? Edzai kuva vanhu vanoita zvakanaka kwete kuva vanhu vakakwana. Pamunokanganisa itai kuti vana vawane chidzidzo chinobatsira. Chris, baba vevana vaviri anoti, “Kana ndikashatirwa nemhaka yevana vangu kana kuti ndaita chimwe chinhu chinovavhiringidza, ndinobvuma kuti ndakanganisa uye ndinokumbira ruregerero. Izvi zvakadzidzisa vana vangu kuona kuti vabereki vanokanganisawo uye kuti tose tinofanira kushandira unhu hwakanaka.” Kostas, ambotaurwa anoti: “Nemhaka yokuti ndinokumbira ruregerero kana ndashatirwa, ndakaona kuti vanasikana vangu vakadzidzawo kukumbira ruregerero kana vakanganisa.”

Jehovha Mwari anoti: “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) Kana munhu ane chinzvimbo akataura chino oita icho, izvi zvinoshungurudza vana chaizvo sezvazvingaita kuvanhu vakuru kana kutopfuura. Saka, wadii kuzvibvunza mubvunzo uyu manheru oga oga: Kana ndikaswera ndisina chandambotaura, vana vangu vaizodzidzei pane zvandaita? Ndizvo here zvandinoedza kuvadzidzisa nemashoko angu?

[Mufananidzo uri papeji 9]

“Iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?”—VaRoma 2:21

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kana mubereki achikumbira ruregerero, mwana anodzidzawo kuita saizvozvo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe