RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January p. 29
  • “Ratidzai Kuti Munoonga”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ratidzai Kuti Munoonga”
  • Mukai!—2008
  • Mashoko Akafanana
  • “Ivai Nokuonga”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • “Tendai Zvese Zvamunoitirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Ratidzai Kuti Munoonga”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • “Zviratidzei Kuti Munoonga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January p. 29

“Ratidzai Kuti Munoonga”

◼ Kakawanda Bhaibheri rinokurudzira vanonamata Mwari kuti vaonge. Pisarema 92:1 rinoti: “Zvakanaka kuonga Jehovha.” Saizvozvowo muapostora Pauro anokurudzira kuti: “Ratidzai kuti munoonga.”—VaKorose 3:15.

Zvakanaka kuva munhu anoonga. Purofesa Robert Emmons wepaUniversity of California muguta reDavis anoti: “Zviri kutsvakurudzwa panyaya yokuonga zviri kuratidza kuti kutaura mashoko okuonga kunobatsira munhu paanenge aine dambudziko, kunyanya rokushungurudzika, kuti anzwe kuti munhuwo pane vamwe.”

Magazini inonzi Time inotaurawo zvimwe zvinobatsira: “Vanhu vanoti vanoonga zvavanenge vaitirwa . . . vanonyanya kufambirwa noupenyu vachingotarisira zvakanaka, vanoshungurudzika zvishoma, uye havanyanyi kuora mwoyo kusiyana nevamwe vose vasingaongi.”

Zvisinei, zvakagara zvataurwa neBhaibheri hazvifadzi zvokuti “mumazuva okupedzisira” vanhu vaizova “vanozvida” uye “vasingaongi.” (2 Timoti 3:1-5) VaKristu vechokwadi vangaitei kuti vasave nemafungiro aya? Muridzi weBhaibheri anoti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Kana tikateerera mitemo yaMwari, hatizooni pfumvu iri kusangana nevaya vanongoda zvavo chete. Kunze kwaizvozvo, tinovimba kuti Jehovha anoona zvatinoedza kuita uye achatipa mubayiro unoenderana nazvo. (VaHebheru 6:10) Izvozvo zvinoita kuti ti“onge Jehovha.”—Pisarema 107:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe