Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Ndichifanira Kuteerera Zvinotaurwa neBhaibheri?
URI kudya zvokudya zvemasikati kuchikoro nevasikana vaviri. Mumwe wavo ari kuyeva mukomana mutsva.
Musikana wokutanga anoti kwauri, “Unozviziva here kuti anokufarira chaizvo? Ndinoona nematarisiro aanokuita. Maziso ake haabvi pauri!”
Musikana wechipiri anokuzendamira achizevezera obva ati, “Unozivei? Haana musikana!”
Musikana wokutanga anobva ati, “Kungoti chete ini mukomana ndinotova naye. Dai zvisiri izvo angadai atova wangu!”
Musikana wokutanga anozotaura zvausingambodi kunzwa.
“Sei usina mukomana?”
Wanga uchiziva kuti achabvunza izvozvo. Chokwadi ndechokuti unodawo kuva nomukomana. Asi wakaudzwa kuti zviri nani kuti usava nomukomana kusvikira wakura zvokuda kuroorwa. Kudai isiri . . .
“Ichechi yako here?” musikana wechipiri anodaro.
‘Anga aona here zvandiri kufunga?’ unozvibvunza nechomumwoyo.
Musikana wokutanga anokushora achiti, “Ndimika munoti sika sika neBhaibheri. Unodii kufarawo dzimwe nguva?”
Wakambozviitirwawo here, zvokusekwa nokuti unoedza kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri? Chii chawakaita?
◼ Wakatsigira nechivimbo tsika dzaunotenda.
◼ Wakanyadziswa, asi wakatsanangura nepawaigona napo zvaunotenda.
◼ Wakafunga kuti shamwari dzako dzokuchikoro dzakarurama, uye kuti wairuzirira mafaro!
Wakambozvibvunza here kuti, ‘Zvinobatsira here kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri?’ Mumwe wechiduku anonzi Tariro akambofunga kudaro.a Anoti, “Vezera rangu vaikwanisa kuita zvavaida. Zvaiita sokuti hapana aizovabvunza. Zvinotaurwa neBhaibheri zvaiita sezvaidzvinyirira. Ndaichiva upenyu hwemadiro hweshamwari dzangu dzokuchikoro.”
Zvakaipa Here Kumbozvibvunza?
Pane imwe nguva munyori weBhaibheri anonzi Asafi akambozvibvunza kana zvaibatsira kurarama nenzira inofadza Mwari. Akataura kuti, “Nokuti ndakaitira shanje vanozvirumbidza, pandaiona rugare rwevanhu vakaipa.” Akatiwo, “Chokwadi ndakachenesa mwoyo wangu pasina uye ndakageza maoko angu mukusava nemhosva pasina.”—Pisarema 73:3, 13.
Zviri pachena kuti Jehovha Mwari anonzwisisa kuti dzimwe nguva vanhu vanombozvibvunza kana zvakanaka kuteerera mitemo yake. Akatoita kuti zvaifungwa naAsafi zvinyorwe muBhaibheri. Pakupedzisira, Asafi akaona kuti kuteerera mitemo yaMwari ndihwo upenyu hwakanaka. (Pisarema 73:28) Chii chakaita kuti agumise kudaro? Chokwadi, Asafi akanga akangwara. Zvaakasarudza zvakanga zvisingabvi pakuti ndiye aive asangana netsekwende, asi kuti zvaibva pakuona zvaive zvakanganiswa nevamwe. (Pisarema 73:16-19) Unogona kuzviitawo here?
Kumhunga Hakuna Ipwa
Kusiyana naAsafi, Mambo Dhavhidhi akazvionera oga kuti kurega kuteerera mitemo yaMwari kune ngozi. Dhavhidhi akaita upombwe nomudzimai womumwe wevaranda vake uye akaedza kuvhara nyaya yacho. Zvakaguma nokurwadzisa vamwe kusanganisira Mwari uye iye akazvidya mwoyo zvikuru. (2 Samueri 11:1–12:23) Dhavhidhi apfidza, Jehovha akamufemera kuti ataure manzwiro ake murwiyo uye akaita kuti mashoko iwayo achengetwe muBhaibheri kuti tibatsirwe. (Pisarema 51:1-19; VaRoma 15:4) Saka kuchenjera uye ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri kuti tidzidze pane zvinokanganiswa nevamwe.
Kukubatsira kuti utevedzere zvakaitwa naAsafi uye kuti udzivise kukanganisa sekwaDhavhidhi, chimbofunga zvakataurwa nevamwe vechiduku vanobva munyika dzakasiyana-siyana vakamborega kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri. Kutaura zvazviri, vakamboita zvepabonde vasati varoora kana kuroorwa. Vakapfidza uye vava neukama hwakanaka naMwari sezvakaita Dhavhidhi. (Isaya 1:18; 55:7) Chimbonzwa zvavakataura.
Mukai!: Zvawaifunga uye zvawakaita zvakakonzerwa nei?
Tariro: “Kuchikoro ndaiona munhu wose aine waaidanana naye uye vairatidza kufara. Pandaive navo ndichivaona vachikisana uye vachimbundirana, ndainzwa godo uye ndaisurukirwa. Kazhinji ndaiswera ndichirota nezvemumwe mukomana wandaida. Izvi zvakaita kuti ndidokwairire kuva naye uye kuti ndiite chero chinhu kuti tidanane.”
Simba: “Ndaiverenga mabhuku nokuona mafirimu epaTV anorumbidza zvepabonde. Kutaura zvepabonde neshamwari dzangu kwakawedzera kuti ndide kuziva kuti zvinomboita sei. Zvino ndava ndega nemusikana, ndaifunga kuti taigona kungobatana chete tomirira ipapo tisina kurara tose.”
Andrew: “Ndaiva netsika yokuona zvinonyadzisira paIndaneti. Ndakatanga kushapira doro. Ndaienda kumapati aiva nevechiduku vakanga vasingatevedzeri tsika dzinodzidziswa neBhaibheri.”
Tracy: “Pandaiva nemakore 16, chaikosha zvikuru kwandiri kwaiva kugara ndiine mukomana wangu. Ndaizviziva kuti zvakaipa kuita zvepabonde musati maroorana asi ndaisazvivenga. Ndakanga ndisina kuronga kurara nomunhu asati andiroora asi havi yandainzwa yakakurira zvandaida. Hana yangu yakanga yambofa, isingachandipi mhosva.”
Mukai!: Mararamiro iwayo aikufadza here?
Tariro: “Pakutanga ndakanzwa kupombonoka uye ndakafara kuti ndakwanawo muchikwata. Asi izvi hazvina kwazvakasvika. Ndakatanga kunzwa ndisisina kuchena, ndapera basa uye ndisisiri inini. Ndakazvidemba kuti ndakanga ndabviswa umhandara, chinhu chandaisazowanazve. Kubvira ipapo, ndaigara ndichizvibvunza kuti, ‘Ndaimbozviona saani chaizvo?’ Ndaingoramba ndichizvibvunza kuti ‘Nei, nei ndakarega kuteerera mirayiro yaJehovha yorudo?’”
Simba: “Ndakatanga kunzwa kuti zvinhu zvaive zvisina kumira zvakanaka. Maitiro angu aikanganisa vamwe uye ndakaedza kusava nebasa nazvo asi zvakaramba. Zvakandirwadza kuziva kuti ndaikuvadza vamwe pandaiedza kuzvifadza. Zvaindishayisa hope. Pakupedzisira, kunakidzwa nounzenza kwakapera uye ndakanga ndava kungorwadziwa uye ndichinyara.”
Andrew: “Zvakaramba zvichiva nyore kuti ndiite zvakaipa. Asi ukuwo hana yangu yaindinetsa uye ndakanga ndisingafari.”
Tracy: “Hazvina kutora nguva kuti ndione kuti ndakanga ndatamba nematope pasina mvura. Unzenza hwakakanganisa uduku hwangu. Ndaifunga kuti ini nomukomana wangu taizofara chaizvo. Izvozvo hazvina kuitika. Takapedzisira tava kurwadzisana, kuita shayisano, uye kutemesana musoro. Mazuva ose ndaichema ndiri mumagumbeze, ndichingokungura kuti dai ndakaita zvinodiwa naJehovha.”
Mukai!: Mazano api aungapa vechiduku vanofunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri kuomeserana?
Tariro: “Haumbova noupenyu huri nani kana ukasiya zvinotaurwa neBhaibheri. Funga kuti Jehovha achanzwa sei kana ukateerera mazano ake. Fungisisa zvinoguma zvaitika kana ukarega kuteerera mazano ake. Yeuka kuti zvaunoita hazvingoipiri iwe chete. Zvinokanganisawo vamwe. Uye kana ukarega kuteerera mazano aJehovha, uchazvikuvadza.”
Simba: “Ichokwadi kuti nechokunze kurarama kunenge kuchiita shamwari dzako kunokwezva. Asi nyatsoongorora zvinhu usati wazviita. Pazvinhu zvinokosha zvaunopiwa naJehovha pane chiremera chako uye umhandara hwako. Kurasa zvipo izvi nokuti watadza kuzvibata kuzvidzikisira zvikuru. Udza vabereki vako uye vamwe vanhu vakura matambudziko ako. Kana wakanganisa kurumidza kutaura uye wogadzirisa nyaya yacho. Kana ukaita zvinhu sezvinodiwa naJehovha, uchararama usina zvinonetsa muhana.”
Andrew: “Kana usina zvakawanda zvaunoziva, unofunga kuti vezera rako vari kunakirwa noupenyu. Uchatevedzerawo zvavanoita. Saka uchenjere pakusarudza shamwari dzako. Vimba naJehovha uye hauzomboti dai ndakaziva.”
Tracy: “Usamboti, ‘Hazviitiki kwandiri.’ Amai vangu vakandiudza pachena kuti zvandaiita zvaizondipinza muna taisireva. Zvakandigumbura chaizvo! Ndaifunga kuti ndaiziva kuvapfuura. Hapana zvandaiziva. Teerera zvinodiwa naJehovha uye shamwaridzana nevanhu vanodaro. Ukadaro uchafara.”
Mitemo yeBhaibheri—Inodzvinyirira here kana kuti Inodzivirira?
Kana vezera rako vakakuseka nokuti unoedza kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, zvibvunze mibvunzo iyi: ‘Nei vachiramba kurarama maererano nebumbiro retsika dzeBhaibheri? Vakaverenga here Bhaibheri vakaona kuti kuteerera mitemo yaMwari kunobatsira? Vakafungisisa here zvinoguma zvaitika nokusateerera mitemo iyi? Kana kuti vanongoita gundamusaira?’
Ungadaro uchiziva vanhu ‘vanotevera vanhu vazhinji.’ (Eksodho 23:2) Haudi kuita zviri nani kupfuura izvozvo here? Ungazviita sei? Nokuteerera zano reBhaibheri rokuti “muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Jehovha ndi“Mwari anofara,” uye anoda kuti iwe ufarewo. (1 Timoti 1:11; Muparidzi 11:9) Mitemo yaakanyora muBhaibheri iripo kuti ikubatsire. Kutaura chokwadi ungaiona seinodzvinyirira ichikutadzisa kusununguka. Zvisinei, kutaura zvazviri bumbiro retsika dzeBhaibheri rakangofanana nebhande raunosunga mumota kuti usakuvare panoitika tsaona.
Chokwadi unogona kuvimba neBhaibheri. Kana ukasarudza kuita zvarinotaura, uchafadza Jehovha uye uchabatsirwawo.—Isaya 48:17.
Nyaya dzakawanda dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” dzinogona kuwanika paIndaneti pakero iyi: www.watchtower.org/ype
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
◼ Chii chingaita kuti zvikuomere kuita zvinotaurwa neBhaibheri?
◼ Nei uchifanira kuzvionera woga kuti kuteerera Mwari ndiwo mararamiro akanakisisa?
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.