RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January pp. 21-25
  • Kana Munhu Afa Atotsakatika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Munhu Afa Atotsakatika Here?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Usati Wavapo
  • Kuberekwa Uine Chido Chokurarama
  • Vanhu Vane Mano Okuita Zvakawanda
  • Tariro Yatinopiwa neMusiki
  • Hapana Chokutya
  • “Rufu Rwamedzwa Nokusingaperi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Vakafa Vari Kupi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chii Chinoitika Kuvadiwa Vedu Vakafa?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kunyatsoongorora Dzimwe Nhema Dzinotaurwa Pamusoro Porufu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January pp. 21-25

Kana Munhu Afa Atotsakatika Here?

ZVIMWE hapana nyaya yave ichinetsa uye yatenderedza vanhu musoro senyaya yokuti chii chinoitika kana munhu afa. Kwezviuru zvemakore, vanhu vakachenjera vanobva mumarudzi akasiyana-siyana vave vachizeya nyaya iyi. Asi uzivi hwevanhu uye kutsvakurudza kwesayenzi zvakangoita kuti pave nengano nedzidziso dzakasiyana-siyana.

Zvakadii nezvinodzidziswa neBhaibheri? Vamwe vangaramba vachiti zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzokufa uye zvinoitika pashure pacho zvinovhiringidzawo. Zvisinei, tisina kwatakarerekera, tinofanira kuziva kuti dzidziso dzinovhiringidza idzodzo dzinokonzerwa nemachechi akawanda anosanganisa dzidziso dzeBhaibheri nenhema nengano. Kana ukasiyana nengano netsika dzemadzitateguru woongorora zvinotaurwa chaizvo neBhaibheri, uchawana dzidziso ine musoro uye inopa tariro.

Usati Wavapo

Somuenzaniso, funga ndima mbiri dzakanyorwa naSoromoni dziri munyaya yapfuura. Magwaro iwayo anotaura kuti vanhu havana zvavanoziva kana vafa uye ndizvo zvimwe chetezvo nemhuka. Saka maererano neBhaibheri, kana munhu afa haakwanisi kuita chimwe chinhu, kuziva, kana kufunga.—Muparidzi 9:5, 6, 10.

Izvi zvakaoma kudavira here? Chimbofunga izvi: Munhu anenge akaita sei asati avapo? Wakanga uri kupi masero madiki diki evabereki vako asati asangana kuti uzovapo? Kana munhu ane chinhu chinosara chiri chipenyu paanofa, chinenge chiri kupi pamuviri pasati pabata? Chokwadi ndechokuti hapana zvaungaziva nokuti wakanga usati wavapo. Amai vako vasati vava nepamuviri pakazoberekwa iwe, wakanga usipo. Ndizvo chete zvazviri.

Saka zvine musoro kugumisa kuti kana tafa, tinenge tisisazive sokusaziva kwataiita tisati tavapo. Zvakangoita sezvakataurwa naMwari kuna Adhamu paakatadza kuti: “Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Mupfungwa iyi, vanhu havana kusiyana nemhuka. Vakafa vakangoita sezvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Munhu haana paanopfuura mhuka.”—Muparidzi 3:19, 20.

Izvi zvinoreva here kuti vanhu vanongorarama makore mashomanana vobva vatsakatika zvachose? Kana kuti pane tariro here yevanhu vakafa? Chimbofunga zvinotevera.

Kuberekwa Uine Chido Chokurarama

Kutaura zvazviri munhu wose haafariri kutaura nezvokufa. Vanhu vakawanda vanonzvenga kutaura nezvokufa kwavo kana kufunga nezvakwo. Ukuwo, vanzwa nenyaya dzinobuda paTV nemafirimu dzinoratidza vanhu vachifa nemufiro wose waungafungidzira nemamwe mafiro chaiwo anotaurwa nokuratidzwa nezvinobudisa nhau.

Zviri kuguma zvaita kuti kufa kwevanhu vausingazivi kuite sokusina basa. Zvisinei, kana tafirwa newatinoda kana kuti tava kufa, hatizvioni sezvisina basa. Izvi zvinodaro nokuti vanhu vakaberekwa vaine chido chokurarama. Tinonyatsoziva nguva uye tinoda kurarama nokusingaperi. Mambo Soromoni akanyora kuti Mwari “akaisa kusaguma mumwoyo yevanhu.” (Muparidzi 3:11, The Amplified Bible) Kana zvinhu zvakanaka tinoda kuramba tichirarama kusvikira hameno. Tinoda upenyu husina pahunogumira. Hapana chinoratidza kuti mhuka dzine chido ichocho. Dzinorarama dzisingafungi ramangwana.

Vanhu Vane Mano Okuita Zvakawanda

Vanhu havangodi kurarama nokusingaperi asi vanokwanisawo kuramba vachishanda uye vachiita zvinobatsira nokusingaperi. Zvinoita sokuti munhu anogona kuramba achingodzidza. Zvakanzi hapana chakaoma kunzwisisa uye chinokwanisa kuchinja chichiita zvinenge zvichidiwa sezvinoita uropi hwomunhu. Takasiyana nemhuka nokuti tinofunga uye tinokwanisa kupenengura nokunzwisisa zvinhu, zvimwe zvacho zvisingabatiki kana kuoneka. Panyaya yokunzwisisa zvingaitwa nouropi hwomunhu, vezvesayenzi havana kure kwavati vasvika.

Mano edu tinoramba tiinawo sezvatinochembera. Vanamazvikokota veuropi vachangobva kuwana kuti zvizhinji zvahunoita hazvikanganiswi nokuchembera. Vatsvakurudzi vanoshanda paFranklin Institute’s Center for Innovation in Science Learning vanotsanangura kuti: “Uropi hwomunhu hunokwanisa kuramba huchichinja nokuzvigadziridza hwoga. Kunyange kana wachembera, hunogona kugadzira tutsinga tunofambisa mashoko. Kurasika pfungwa kwakanyanya kunokonzerwa nokurwara, asi kazhinji hanganwa dzevanhu vakura dzinokonzerwa nokusashanda kana kugara vasingaiti zvinhu zvinoita kuti pfungwa dzishande.”

Nokumwe kutaura, kana tikaramba tichiita kuti uropi hwedu hushande uye husingarwari, hwaizoramba huchishanda nokusingaperi. Mumwe mazvikokota wezvinoumba muviri womunhu James Watson, akashanda nevamwe pakutsvakurudza DNA akati: “‘Kusvikira iye zvino takawana kuti uropi ndicho chinhu chakaoma kunzwisisa kupfuura zvose zvakasikwa.” Rimwe bhuku rakanyorwa neimwe nyanzvi youropi Gerald Edelman rinotsanangura kuti kachikamu keuropi kakakura sekamusoro kemachisi “kane mabhiriyoni etutsinga tunobatana twakawanda zvisina ani akamboona—tungasvika 10 anoteverwa nemamiriyoni emazero.”

Zvine musoro here kuti vanhu vane mano okuita zvakawanda kudaro vangorarama makore mashomashoma chete? Izvi zvinoita sezvisina musoro nokuti zvangofanana nokushandisa chitima chine matiroko akawanda kutakura tsanga imwe yejecha padaro renhanho imwe chete! Saka, nei vanhu vaine mano akawanda kudaro okufunga nokudzidza? Zvinoreva here kuti kusiyana nemhuka vanhu vakasikwa kuti vararame nokusingaperi kwete kuti vafe?

Tariro Yatinopiwa neMusiki

Zvatakaberekwa tiine chido chokurarama uye nemano akawanda okudzidza, tinogumisa zvine musoro kuti: Vanhu vakasikwa kuti vararame makore anopfuura nokure 70 kana 80. Izvi zvinoita kuti tigumisezve kuti: Kunofanira kuva neMugadziri, Musiki, Mwari. Mitemo isingachinji yezvinhu zvomudenga nokusiyana-siyana kwezvinhu zviri panyika inotsigira zvakazara kuti kune Musiki.

Kana Mwari akatisika tichikwanisa kurarama nokusingaperi, nei tichifa? Uye chii chinoitika kana tafa? Mwari ane chinangwa chokuzomutsa vakafa here? Zvine musoro kugumisa kuti Mwari akachenjera uye ane simba aizotipa mhinduro dzemibvunzo iyi, uye akadaro. Funga zvinotevera izvi:

◼ Mwari akanga asina kuronga kuti vanhu vafe. Rufu parunotanga kutaurwa muBhaibheri zvinoratidza kuti Mwari akanga asina kuronga kuti vanhu vafe. Nhoroondo yeBhaibheri iri muna Genesisi inotsanangura kuti Mwari akapa Adhamu naEvha mutemo wakapfava wokuratidza kuti vaimuda uye kuti vaive vakavimbika. Mutemo wacho waivarambidza kudya mumwe muti. Mwari akavaudza kuti: “Zuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:17) Adhamu naEvha vaizofa chete kana varega kuteerera mutemo iwoyo. Nhoroondo yeBhaibheri inotaura kuti havana kuvimbika kuna Mwari, saka vakafa. Izvi zvakaita kuti vanhu vafe uye vave vasina kukwana.

◼ Bhaibheri rinofananidza kufa nokurara. Rinotaura nezvo“kurara murufu.” (Pisarema 13:3) Asati amutsa shamwari yake Razaro, Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” Uye Jesu akaita izvozvo chaizvo! Bhaibheri rinoti paakadaidzira, ‘Razaro akanga akafa akabuda muguva’—ari gwindiri zvakare!—Johani 11:11, 38-44.

Nei Jesu akafananidza kufa nokurara? Nokuti munhu akarara haana zvaanoita. Munhu ari kutsi kwehope haazivi zvinenge zvichiitika kana kuti kufamba kunenge kuchiita nguva. Haarwadziwi uye haatamburi. Saizvozvowo kana munhu afa, haana zvaanoita kana zvaanenge achiziva. Kufanana kwacho hakugumiri ipapo. Kana munhu akarara anotarisira kuzomuka. Uye izvozvo ndizvo chaizvo zvinonzi neBhaibheri zvichaitika kune vakafa.

Musiki pachake anovimbisa kuti: “Ndichavadzikinura pasimba reSheori [guva]; ndichavanunura parufu. Haiwa iwe Rufu, kuruma kwako kuripi? Haiwa iwe Sheori, kuparadza kwako kuripi?” (Hosiya 13:14) Humwe uprofita huri muBhaibheri hunotaura kuti Mwari “achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” (Isaya 25:8) Kuita kuti vanhu vakafa vararamezve ndiko kunonzi kumuka kwevakafa.

◼ Vanenge vamutswa vachagara kupi? Sezvambotaurwa, vanhu vakasikwa vaine chido chokuramba vachirarama. Waizoda kurarama nokusingaperi kupi? Waizoda kuramba uchirarama semweya unowanika pose pose, sezvinodzidziswa nemamwe machechi here? Waizoda here kuramba uchirarama wava mumwe munhu, usingayeuki zvawaiva usati wafa? Zvinokufadza here kuti uzoraramazve semhuka kana muti? Ukanzi usarudze, zvechokwadi waizoda here kurarama kunzvimbo yausina kujairana nayo uye isina mafaro epanyika pano?

Kana zvinhu zvakamira zvakanaka, hawaizoda here kurarama nokusingaperi pasi pano? Tariro iri muBhaibheri inotaura izvozvo chaizvo, kureva kuti, kurarama nokusingaperi pasi pano chaipo. Mwari akasika nyika aine chinangwa ichocho, chokuti igarwe neavo vachamuda uye vachamunamata nokusingaperi vachifara. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29; Isaya 45:18; 65:21-24.

◼ Vakafa vachamutswa rini? Kufa zvakunofananidzwa nokurara zvinoratidza kuti kumutswa kwevakafa kazhinji kacho hakuitiki munhu achangofa. Nguva “yokurara” inotanga apo munhu anofa kusvika paachamutswa. MuBhaibheri, mumwe murume ainzi Jobho akambobvunza mubvunzo uyu: “Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here?” Akabva apindura kuti: ‘Ndichamirira ndiri muguva kusvikira kusunungurwa kwangu kwauya. Mwari achandishevedza, uye ini ndichapindura.’ (Jobho 14:14, 15) Chokwadi panenge pasingadanwi anonzwa apo vakafa vachaonana zvakare nehama dzavo!

Hapana Chokutya

Kutaura zvazviri, tariro iri muBhaibheri haiite kuti vanhu varege kutya rufu zvachose. Takaberekwa takadaro kuti tinonetseka patinoona kurwadziwa uye kushungurudzika kunoitika munhu asati afa. Saka zvinonzwisisika kuti ungatya kufirwa. Uye kana uchityira kuti hama dzako dzingasara dzichishungurudzika wafa, izvozvowo zviri muropa.

Zvisinei, Bhaibheri parinotaura chokwadi nezvevakafa, rinenge richitibatsira kuti tisatye kufa. Hatifaniri kutya zvinotaurwa nevanhu kuti kana tafa tinonopiswa nemadhimoni muhero. Hatifaniri kutya nzvimbo yerima inonzi nevanhu ndeyevashakabvu uye mweya yavo inenge ichingodzungaira ikoko nokusingaperi. Uye haufaniri kutya kuti ramangwana harina tariro uchifunga kuti kana wafa watsakatika. Nei? Nokuti Mwari haakanganwi uye anovimbisa kuti achamutsa vakafa vose vari mundangariro dzake kuti vararame panyika pano. Bhaibheri rinotivimbisa nemashoko anoti: “Mwari wechokwadi ndiMwari wemabasa okuponesa; Jehovha, Changamire Ishe ndiye ane nzira dzokubuda nadzo murufu.”—Pisarema 68:20.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

“Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”—Genesisi 3:19

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

“[Mwari] akaisa kusaguma mumwoyo yevanhu.”—Muparidzi 3:11, The Amplified Bible

[Mufananidzo uri papeji 24]

MHINDURO DZEZVINOITIKA PATINOFA

Zvechokwadi pane mibvunzo pamusoro pokufa nokumutswa kwevakafa isina kupindurwa munyaya dzino. Vazhinji vakapindurwa zvinogutsa nokunyatsodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Tinokukurudzira kuti uitewo kudaro. Inotevera mibvunzo mishomanana yauchapindurwa:

◼ Mashoko ari muBhaibheri okuti “hero” uye “gungwa romoto” anorevei?

◼ Kana pasina hero inopisa, vanhu vakaipa vacharangwa sei?

◼ Maererano neBhaibheri, simba roupenyu rinobuda mumuviri munhu paanofa. Simba iroro chii?

◼ Nei zvichinzi pane vakawanda vanotaura nevakafa?

◼ MuBhaibheri shoko rokuti “mweya” rinorevei?

◼ Kumuka kwevakafa muparadhiso pasi pano kuchaitika rini?

◼ Vose vanofa vachamutswa here pasinei nezvavaiita vachiri vapenyu?

Tapota ona mashoko ari kuseri kwepeji yemagazini ino kuti uwane mhinduro dzakajeka, dzinobva muBhaibheri dzemibvunzo yose iyi.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jesu akati ‘aizomutsa Razaro muhope’

[Mufananidzo uri papeji 25]

Fungidzira kufara kuchaitika pachamutswa hama dzedu dzakafa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe