Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Vabereki Vangu Vasingandivimbi?
“Ndinoshuva kuti dai vabereki vangu vachimbondirega ndichimbotambarara zvangu sorunyemba. Hazvirevi kuti ndinoda kumbofamba nenyika. Somuenzaniso, ndinoda kungoshanyira tete vangu, amai vangu vasinganetseki kuti ndiri kufunga zvokubva pamba.”—Sarah, 18.a
“Ndinogara ndichibvunza vabereki vangu kuti nei vasingandivimbi pandinenge ndichida kumbonotandara neshamwari dzangu. Vanowanzondiudza kuti: ‘Tinokuvimba, asi hativimbi neshamwari dzako.’ Zvinondikododzvora pavanotaura izvozvo!”—Christine, 18.
CHIVIMBO chakangofanana nemari. Zvakaoma kuiwana asi kurasikirwa nayo kuri nyore, uye pasinei nokuti unopiwa yakawanda zvakadini, haimbofi yakaita seinokwana. Iliana ane makore 16 anoti, “Pose pandinoda kuvhakacha, vabereki vangu vanondinaya nemibvunzo vachindibvunza kwandinenge ndichienda, vanhu vandichaenda navo, zvandichange ndichiita, uye kuti ndichadzoka nguvai. Ndinoziva kuti vabereki vangu, asi zvinondisvota chaizvo pavanondibvunza saizvozvo!”
Dzimwe nguva unombofunga kuti vabereki vako vavimbe newe zvikuru here? Kana zvakadaro, ungaita sei nezvazvo? Kutanga, ngationei kuti nei kuvimbana iri nyaya inonetsa pakati pevabereki vakawanda nevechiduku.
Marwadzo Anoramba Achiwedzera
Bhaibheri rinobvuma kuti “murume achasiya baba vake naamai vake.” (Genesisi 2:24) Zvechokwadi, izvozvo zvinogonawo kutaurwa nezvomukadzi. Ungave uri mukomana kana kuti uri musikana, chinhu chinokosha pakuyaruka ndechokugadzirira kuti uzova munhu mukuru—nguva yauchange wagadzirira kubva pamba uye zvichida kuva nemhuri yako.
Zvisinei, kuchinja kunoita munhu wechiduku achiva munhu mukuru kwakasiyana nedhoo rokupinda nepariri kana wasvika rimwe zera. Kwakada kuita semasitepisi aunokwira danho nedanho, munguva yako yokuyaruka. Chokwadi, iwe nevabereki vako mungave muchifunga zvakasiyana kuti wakwira kusvika papi danho iroro. “Ndine makore 20 uye ichiri nyaya iri kunetsa,” anodaro Maria, anofunga kuti vabereki vake havavimbi neshamwari dzake dzaanosarudza. “Vabereki vangu vanofunga kuti handikwanisi kubva panenge pachiitwa zvakaipa. Ndakaedza kuvaudza kuti ndakatombobva paiitwa zvakaipa, asi havazvinzwisisi!”
Sezvinoratidzwa nemashoko aMaria, nyaya yokuvimbana inogona kuita kuti pave nemakakatanwa pakati pevechiduku nevabereki. Ndizvo zviri kuitika mumhuri menyu here? Kana zvakadaro, ungaita sei kuti vabereki vako vagone kuvimba newe? Uye kana vasingachavimbi newe pamusana pokuti unoita zvinhu nokusachenjera, chii chaungaita kuti uzvigadzirise?
Ratidza Kuti Wakavimbika
Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.” (2 VaKorinde 13:5) Chokwadi, akanga asiri kutaura hake nezvevari kuyaruka. Kunyange zvakadaro, izvi zvinoshanda kwavari. Kazhinji vanhu vanovimba newe zvichienderana nokuti wakavimbika zvakadini. Haufaniri hako kunge wakakwana. Hapana munhu asingatadzi. (Muparidzi 7:20) Asi ukatariswa pane zvose, unhu hwako hunoita kuti vabereki vako vasakuvimba here?
Somuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Zvibvunze kuti, ‘Ndinoratidza kuti ndakavimbika zvakadini pakuudza vabereki vangu kwandinenge ndaenda uye zvandinenge ndichiita?’ Chimboona zvakataurwa nevamwe vechiduku vashomanana vaifanira kunyatsozviongorora panyaya iyi.
Lori: “Ndaitumira tsamba nekombiyuta mumwe mukomana wandaida. Vabereki vangu vakazviziva vachibva vandiudza kuti ndisiyane nazvo. Ndakavavimbisa kuti ndaizorega, asi handina. Ndakaramba ndichizviita kwegore rose. Ndairamba ndichimutumira tsamba, vabereki vangu vozviona, ndokumbira ruregerero uye ndovimbisa kuti handichazviiti, asi ndozvidzokorora zvekare. Vabereki vangu vakazopedzisira vasingachavimbi neni zvachose!”
Unofunga kuti nei vabereki vaLori vakarega kumuvimba, uye Lori aigona sei kuita zvinhu nokuvimbika pashure pokunge vabereki vake vambotaura naye nezvechinetso chacho? Nyora mhinduro yako pamitsetse inotevera.
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
Beverly: “Panyaya yevakomana, vabereki vangu vakanga vasingambondivimbi, asi iye zvino ndinogona kuzvinzwisisa. Ndakadanana nevakawanda vaiva vakuru kwandiri nemakore maviri ndisina chinangwa chokuroorwa navo. Ndaipedzawo nguva yakawanda ndichitaura navo pafoni, uye pakutandara nevamwe ndivo chete vandaingotaura navo. Vabereki vangu vakanditorera foni yangu kwemwedzi, vaisandibvumidza kuenda kwaienda vakomana ava.”
Unofunga kuti nei vabereki vaBeverly vakarega kuvimba naye kwenguva yakati, uye angadai akaita sei kuti agadzirise chinetso chacho?
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
Annette: “Pandaiva kuchikoro, ini neshamwari yangu taitakura doro rataibva naro kupati tichienda naro kumba kunyange zvazvo taiziva kuti vabereki vedu vakanga vasingazvidi, uye pava paye taizongorinwira kunakidzwa. Amai veshamwari yangu vakazoona bhodhoro redoro reshamwari yangu. Zvakazovawo pachena kuti ini ndaiva naro. Zvakanga zvakatonyanya kuipa ndezvokuti chiso chaamai vangu chairatidza kuti vakanga vaodzwa mwoyo chaizvo!”
Kudai Annette aiva mwana waamai vako muduku kwauri, waizomupa zano ripi kuitira kuti amai vako vazogona kuvimba naye?
Kuita Kuti Uvimbwezve
Kufanana nevechiduku vambotaurwa pamusoro apa, zvakadini kana zvawakaita zvakaita kuti vabereki vako varege kukuvimba? Kunyange kana zviri izvo zvakaitika, iva nechokwadi chokuti vanogonazve kukuvimba. Sei?
Vabereki vako vangangokuvimba chaizvo paunoramba uchiratidza unhu kwahwo. Somuenzaniso: Fungidzira murume ane chikwereti kubhengi. Kana akaramba achibhadhara, bhengi racho richamuvimba uye ringatomukweretesa imwe mari munguva yemberi. Izvi ndizvo zvinoitikawo pamusha. Kana ukaratidza kuti wakavimbika, kunyange muzvinhu zviduku, vabereki vako vangangokuvimba zvikuru munguva yemberi.
Annette akazonzwisisa izvozvo. Anoti, “Paunenge uchiri muduku, unenge usinganyatsonzwisisi kuti kuva munhu anovimbwa kunokosha. Iye zvino ndava kunzwa kuda kuita zvinhu somunhu mukuru, uye ndinonzwa ndichifanira kuita zvinhu nenzira ichaita kuti vabereki vangu vandivimbe.” Ungadzidzei pane izvi? Pane kunyunyutira vabereki vako kuti havakuvimbi, ramba uchiratidza unhu hunoita kuti vakuvimbe.
Somuenzaniso, unovimbwa here muzvinhu zviri pasi apa? Maka bhokisi rinotevera zvinhu zvipi nezvipi zvaunofanira kushandira pazviri.
❑ Kusvika pamba nenguva yakatarwa
❑ Kubata nguva
❑ Kupedza mabasa epamba andinenge ndapiwa
❑ Kuchengetedza imba yangu yakachena
❑ Kushandisa foni
❑ Kuita zvose zvandakavimbisa
❑ Kushandisa mari nouchenjeri
❑ Kumuka nenguva ndisina kumutswa
❑ Kutaura chokwadi
❑ Kubvuma zvandinokanganisa uye kukumbira ruregerero
❑ Zvimwewo ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․
Wadii kutsunga kuti uratidze kuti wakavimbika muzvinhu zvawamaka? Tevedzera zano riri muBhaibheri rinoti: ‘Bvisa unhu hwekare hunotsinhirana nowaimbova mufambiro wako.’ (VaEfeso 4:22) “Hungu wenyu ngaave Hungu.” (Jakobho 5:12) “Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.” (VaEfeso 4:25) “Teererai vabereki venyu pazvinhu zvose.” (VaKorose 3:20) Nokufamba kwenguva, kufambira mberi kwako kuchaonekwa nevamwe, kusanganisira vabereki vako.—1 Timoti 4:15.
Asi zvakadini kana uchifunga kuti pasinei nezvaunoedza kuita, vabereki vako havasi kukuvimba sezvavanofanira kuita? Wadii kutaura navo nezvazvo? Pane kuvanyunyutira kuti vanofanira kukuvimba zvikuru, vabvunze uchivaremekedza kuti unofanira kuitei kuti vakuvimbe. Vatsanangurire zvakajeka zvinangwa zvako panyaya iyi.
Usatarisira kuti vabereki vako vachakurumidza kuchinja pane zvavanokurambidza. Hapana mubvunzo kuti vanoda kuva nechokwadi chokuti uchachengeta zvaunovimbisa. Shandisa mukana uyu kuti uratidze kuti wakavimbika. Nokufamba kwenguva, vabereki vako vachakuvimba zvikuru. Ndizvo zvakaitika kuna Beverly, ambotaurwa pamusoro apa. “Zvakaoma kuti uvimbwe pane kuti usavimbwe,” anodaro, uye anowedzera kuti, “Iye zvino ndava kuvimbwa, uye ndiri kufara!”
Dzimwe nyaya dzinobva pachikamu chinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti www.watchtower.org/ype
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
◼ Nei vabereki vako vangazeza kukuvimba kunyange kana uchiedza nepaunogona napo kuti uratidze kuti wakavimbika?
◼ Nei kukurukura nevabereki vako kuchikosha kana vachizokuvimba?
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
Ramba uchiratidza unhu hunoita kuti uvimbwe
[Diagram/Mufananidzo uri papeji 29]
Kuchinja kunoita munhu wechiduku achiva munhu mukuru anovimbwa kwakafanana nemasitepisi aunokwira danho nedanho, munguva yokuyaruka
[Diagram]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
UDUKU
KUYARUKA
KUVA MUNHU MUKURU