RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 April pp. 13-15
  • Dambudziko Remvura—Chii Chiri Kuitwa Kurigadzirisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dambudziko Remvura—Chii Chiri Kuitwa Kurigadzirisa?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Achanyatsogadzirisa Dambudziko Racho
  • Nyika iri Kupererwa Nemvura Here?
    Mukai!—2001
  • Uko Nhamo Yacho Yakakura Zvikuru
    Mukai!—1997
  • Kutsvaka Mvura Inopa Upenyu
    Mukai!—2001
  • Mvura Yose Yakaenda Kupi?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 April pp. 13-15

Dambudziko Remvura​—Chii Chiri Kuitwa Kurigadzirisa?

Dambudziko remvura riri munyika yose. Rinoita kuti utano hwemabhiriyoni evanhu vanogara panyika huve mungozi. Zvii zvati zvaitwa kuitira kuti vanhu vawanezve mvura yakanaka uye vaishandise zvakanaka?

SOUTH AFRICA: Musoro wenyaya iri mune imwe magazini inonzi Science unoti, “Varombo vokuDurban Vaimboshaya Mvura Vava Kuzoiwana.” Nyaya yacho inotaura kuti varombo vanogara ikoko vave vasina mvura yakakwana kwemakumi emakore nepamusana pomutemo worusarura usisashande wakadzikwa nehurumende dzakapfuura. Nyaya yacho inoti, muna 1994, “dzimba 250 000 dzomuDurban dzakanga dzisingawani mvura yakachena uye pokurasira tsvina pakanaka.”

Kuti chinetso chacho chigadziriswe, muna 1996 mumwe injiniya akatanga chirongwa chaiwanisa imba yoga yoga marita 200 okushandisa pazuva. Izvi zvakaguma nei? Magazini inonzi Science inoti, “Pavanhu mamiriyoni 3,5 vokuDurban, vanhu 120 000 chete ndivo vasina mvura yakachena.” Iye zvino, vanhu vave kuwana mvura pedyo pedyo nemisha yavo—uku kubudirira zvikuru kupfuura zvazvaive zvakaita kare, vanhu pavaifanira kutakura mvura vofamba inopfuura kiromita imwe chete.

Magazini iya inonzi Science inotsanangura kuti, kuti dambudziko repokurasira tsvina pakanaka rigadziriswe, zvimbudzi zvekare zvaingova negomba zvava kutsiviwa “nezvimwe zvinopatsanura weti netsvina kuitira kuti tsvina iome yoora nokukurumidza.” Pakazosvika gore ra2008 zvimbudzi zvakadaro zvinosvika 60 000 zvakanga zvavakwa, kunyange zvazvo zvaifungidzirwa kuti paizoda makore maviri kuti misha yose ive nezvimbudzi zvakadai.

Brazil: Muguta reSalvador, vana vanosvika mazana vairwara nezvirwere zvemanyoka pamusana pokushayikwa kwezvimbudzi uye pombi dzinofambisa tsvina.a Kuti chinetso chacho chigadziriswe, guta racho rakaisira dzimba dzinodarika 300 000 pombi dzakareba makiromita 2 000 dzinofambisa tsvina. Zvakaguma nei? Muguta racho vanhu vairwara nezvirwere zvemanyoka vakadzikira ne22 muzana uye ne43 muzana munzvimbo dzaiva dzakanyanya kupararira chirwere chacho.

India: Mune dzimwe nyika, vanhu vanombowana mvura yakanaka yakawanda mune mimwe mwaka, asi haiwanzochengetwi kuti izoshandiswa zvakanaka. Zvisinei, muna 1985 rimwe boka revakadzi vokuIndia vomuruwa rweDholera, ruri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweGujarat vakafunga nzira youchenjeri uye inoshanda yokuchengetedza mvura. Vakaronga kuti rimwe boka rivake dziva rokuchengetedza mvura, rakanga rakakura senhandare yebhora parakapera. Vakaisa mapurasitiki akakora mudziva racho kuitira kuti mvura isarasike. Zano ravo rakabudirira. Mwedzi yakawanda pashure pokunge mwaka wemvura yakawanda wapfuura, vakanga vachine mvura—pasinei nokuti vakanga “vabvumira vavakidzani vavo kuishandisawo.”

Chile: Nyika iyi yokuSouth America yakareba makiromita 4 265, inotevedza Pacific Coast nechokumadokero uye Andes Mountains nechokumabvazuva. Nyika iyi ndiyo ine kodzero dzose dzemvura uye inobvumira kuti madhamu nemigero zvivakwe. Zvakaguma nei? Iye zvino 99 muzana yevanhu vanogara muguta uye 94 muzana yevanogara mumaruwa vanowana mvura yakakwana.

Achanyatsogadzirisa Dambudziko Racho

Nyika imwe neimwe ine nzira yayo yokukurira dambudziko remvura. Mune dzimwe nyika dzine mhepo inovhuvhuta zvakanaka nguva dzose, vanoshandisa mahwindimiri kukweva mvura uyewo anoshanda kuita kuti pave nemagetsi. Munyika dzakapfuma, kubvisa munyu mumvura yomugungwa kunonzi kunobatsirawo. Munzvimbo dzakawanda madhamu makuru anochengeta mvura yomunzizi uye inonaya—iyi inzira inoshanda, kunyange zvazvo 10 muzana yemvura yemumadhamu ari munzvimbo dzinopisa ichiita mhute.

Vanobudisa magazini ino, Zvapupu zvaJehovha, vanodavira kuti Mwari chete ndiye anogona kunyatsogadzirisa dambudziko remvura kwete vanhu. Bhaibheri rinoti: “Nyika nezvizere mairi ndezvaJehovha [Mwari], nyika inobereka nevaya vanogara mairi. Nokuti iye akaisimbisa kwazvo pamusoro pemakungwa, uye anoramba akaisimbisa kwazvo pamusoro penzizi.”—Pisarema 24:1, 2.

Chokwadi, Mwari akapa vanhu basa rokutarisira pasi rino. (Genesisi 1:28) Zvisinei, kusatarisira zvakanaka zvinhu zvepasi kuri kuitwa nevanhu—nemigumisiro yakaipa yakavapo—zvinoratidzazve kuti “munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.”—Jeremiya 10:23.

Jehovha achaitei kuti pasi rivezve rakanaka sezvarakanga rakaita? Bhaibheri rinovimbisa kuti ane chinangwa ‘chokuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ (Zvakazarurwa 21:5) Chimbofungidzira nyika inenge isina urombo, kusanaya kwemvura, uye kushomeka kwemvura. Fungidzira nyika inenge isina mafashamo anokonzerwa nokunayisa kwemvura, ayo anouraya zviuru zvevanhu gore negore. Kana Umambo hwake hwava kutonga, Mwari achazadzisa zvinhu zvakawanda zvaakavimbisa! Jehovha pachake akati: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isaya 55:11.

Ungada kudzidza zvakawanda here nezvechinangwa chaMwari chokugadzirisa pasi redu, chinotsanangurwa muShoko rake, Bhaibheri? Nyaya inotevera ichatsanangura kuti ungazviita sei.

[Mashoko Omuzasi]

a Gore rimwe nerimwe munyika yose, vana vanosvika mamiriyoni 1,6 vanofa nezvirwere zvemanyoka. Nhamba iyoyo inopfuura nhamba yevanhu vanofa nezvirwere zvakaita seAIDS, tiibhii, uye marariya kana vasanganiswa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

“Panenge pasina mvura, hapana upenyu. . . . Mvura ndiyo musimboti woupenyu hwedu.”—Michael Parfit, munyori weNational Geographic

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Kuti pave netani imwe chete yechibage, panoda matani 1 000 emvura

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

“70 muzana yemvura iri munyika yose inoshandiswa kudiridza.”—Plan B 2.0, rakanyorwa naLester R. Brown

[Magirafu/Mifananidzo iri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Mvura yakachena yakawanda zvakadini?

Mvura yose

97,5% Mvura ine munyu

2,5% Mvura yakachena

Mvura yakachena

99% Mvura inenge yakaita chando kana kuti iri pasi

1% Mvura inowanikwa nevanhu vanenge mabhiriyoni manomwe nemamwe mabhiriyoni ezvimwe zvisikwa

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuisa mapombi anoita kuti vanhu vawane mvura yakachena, kuDurban, South Africa

[Kwazvakatorwa]

Courtesy eThekwini Water and Sanitation Programme

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vakadzi vari kushanda pabasa rokuchengetedza mvura kuRajasthan, India, 2007

[Kwazvakatorwa]

© Robert Wallis/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vanhu vari kugadzirisa kuti musha wavo uwane mvura yakanaka pedyo neCopán, kuHonduras

[Kwazvakatorwa]

© Sean Sprague/SpraguePhoto.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe