RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 April pp. 16-17
  • Mvura Inowanisa Upenyu Husingaperi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mvura Inowanisa Upenyu Husingaperi
  • Mukai!—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Nomukadzi Patsime
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mvura Inotubuka Kuti Ipe Upenyu Husingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mukadzi Aiva Patsime
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kudzidzisa Mukadzi wokuSamariya
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 April pp. 16-17

Mvura Inowanisa Upenyu Husingaperi

Jesu akanga achipfuura nomuSamariya, iri kuchamhembe kweJerusarema. Akanga aneta uye ava nenyota. Paakanga akagara pedyo netsime, akakumbira mumwe mukadzi wokuSamariya kuti amucherere mvura yokunwa. Akashamisika chaizvo kukumbirwa mvura yokunwa nomuJudha sezvo muzana remakore rokutanga vaJudha nevaSamariya vakanga vasinganyatsowirirani.

Mukadzi uyu akanga avhiringidzika akabvunza Jesu kuti: “Sei iwe uchindikumbira mvura yokunwa, pasinei nokuti uri muJudha, ini ndiri mukadzi muSamariya?”

Jesu akapindura kuti: “Kudai wanga waziva chipo chaMwari chepachena uye kuti ndiani ari kuti kwauri, ‘Ndipewo mvura yokunwa,’ ungadai wamukumbira, uye iye angadai akupa mvura mhenyu.”

Jesu akaenderera mberi nokumutsanangurira zvaaireva achiti: “Munhu wose anonwa mvura iyi achavazve nenyota. Munhu wose anonwa mvura yandichamupa haazombovizve nenyota, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.”—Johani 4:1-15.

Jesu aireva mvura ipi?

BHAIBHERI rinoti Musiki, Jehovha Mwari ndiye “tsime remvura mhenyu.” (Jeremiya 2:13) Upenyu chipo chinobva kuna Mwari, uye kuti tivepo zvinoenderana nokuti tiri kushandisa here mvura yaanopa, ingava chaiyo kana kuti yezvokunamata.

Iye zvino ndipo patava kutonyanya kuda kutungamirirwa mune zvokunamata kupfuura kare. Chokwadi nyika ine dambudziko rokushaya mvura mune zvokunamata. Vanhu vane nyota yemhinduro dzemibvunzo yakadai seiyi: Vakafa vari kupi? Pane tariro yokuzoonana navo zvakare here? Nei Mwari achibvumira kutambura? Remangwana richasunungura vanhu pahondo, pakuparwa kwemhosva, panzara, uye pazvirwere here? Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi dzinogona kuwanika mu“mvura” dzinopedza nyota dziri muShoko raMwari, Bhaibheri.

Jesu paakataura nomukadzi wokuSamariya patsime, sezvambotaurwa, aireva mvura yechokwadi inopa upenyu yatinogona kuwana ichiyerera muShoko raMwari. Zvapupu zvaJehovha zvinokukumbira kuti uzive chokwadi chiri muBhaibheri. Mashoko okukumbira aya ari mubhuku rokupedzisira reBhaibheri anoti: “Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”—Zvakazarurwa 22:17.

Kana uchida kudzidza zvakawanda kuti Umambo hwaMwari huchabatsira sei vanhu, ona Zvapupu zvaJehovha zviri paImba yoUmambo iri pedyo nekwaunogara kana kuti nyora tsamba kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino. Ungashandisawo kero iyi iri paIndaneti www.watchtower.org.

[Bhokisi riri papeji 16]

CHITENDERO CHAKAPEDZA NYOTA YEVANHU HERE?

Kungoenda kuchechi kana kungotaura kuti unonamata hakuiti kuti munhu awane mashoko anozorodza echokwadi. Chokwadi ndechokuti vanhu vakawanda vari muzvitendero zvemazuva ano ndivo vari kuwedzera zvinetso zvevanhu pane kuzvigadzirisa. Chimbofunga nezvomuenzaniso mumwe chete uyu: Munguva yehondo, vechechi yeRoma vakauraya vamwe vavo, vechechi dzakabva muchechi yeRoma vakaurayawo vamwe vavo—mativi ose achikumbira Mwari kuti akunde!

Kuwedzera kumashoko aya pane zvinhu zvakaipa zvakawanda zvinoitwa nevari mumachechi zvinosanganisira vafundisi vanoba mari kana kuti vanoshinha nevana. Chokwadi, mvura iri kupiwa nezvitendero zvakawanda ine tsvina. (Zvakazarurwa 17:4-6; 18:1-5) Izvi zvinotsanangurwa muBhaibheri pana Tito 1:16: “Vanotaura pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo.” Muzviitiko zvakawanda, chitendero chine zvishoma zvachakaita kupedza nyota yevanhu munguva ino yokushayikwa kwemvura ine chokuita nokunamata.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 17]

Muzvitsauko 19, bhuku rine mapeji 224 rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rinotsanangura mhinduro dzeBhaibheri kumibvunzo yakadai seiyi:

“Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?”

“Vakafa Vari Kupi?”

“Tiri Kurarama Mu‘mazuva Okupedzisira’ Here?”

“Nei Mwari Achibvumira Kutambura?”

[Mufananidzo uri papeji 17]

Unogona kuwana ‘mvura yechokwadi’ paImba yoUmambo iri kwaunogara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe